Vanhu havakwanisi kugumisa hondo
Hondo Uye Kurwisana Zvichapera Sei?
Bhaibheri rinoti Mwari ndiye ‘achagumisa hondo munyika yese,’ kwete vanhu.—Pisarema 46:9.
MWARI ACHAPARADZA HURUMENDE DZEVANHU
Mwari achaparadza hurumende dzevanhu achishandisa hondo inonzi neBhaibheri, Amagedhoni.a (Zvakazarurwa 16:16) Panguva iyoyo, “madzimambo enyika yese” achaunganidzirwa “kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” (Zvakazarurwa 16:14) Amagedhoni ihondo yaMwari ichapedza hondo dzese.
Mwari achabvisa hurumende dzevanhu, oita kuti panyika patongwe neUmambo hwake, kana kuti hurumende iyo ichatonga iri kudenga. Hurumende iyoyo haizomboparadzwi. (Dhanieri 2:44) Mwari akasarudza Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kuti ave Mambo weUmambo ihwohwo. (Isaya 9:6, 7; Mateu 28:18) Hurumende iyi ndihwo Umambob hwakataurwa naJesu kuti vateveri vake vanyengeterere. (Mateu 6:9, 10) Vanhu vese panyika vachange vachitongwa nehurumende imwe chete inenge ichitungamirirwa naJesu.
Jesu akasiyana nevatongi varipo iye zvino nekuti haazoshandisi simba rake kuti aite zvakamunakira. Jesu anobata vanhu vese zvakanaka uye haasaruri, saka hapana achange achityira kuti achabatwa zvisina kunaka nemhaka yerudzi rwake, nyika yaanobva, kana kuti kwaakakurira. (Isaya 11:3, 4) Pachange pasisina chikonzero chekuti vanhu varwire kodzero dzavo. Nemhaka yei? Nekuti Jesu achava nechokwadi chekuti munhu wese ari kubatwa zvakanaka. “Achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nemunhu akaderera uye munhu wese asina mubatsiri. . . . Achavanunura pakudzvinyirirwa nepakurwiswa.”—Pisarema 72:12-14.
Umambo hwaMwari huchabvisa zvombo zvese panyika. (Mika 4:3) Huchabvisawo vanhu vakaipa, avo vari kuramba kusiya zvekuuraya vamwe uye vari kuita kuti panyika pasava nerunyararo. (Pisarema 37:9, 10) Vanhu vese panyika, vakuru nevadiki, vachange vasisina chekutya.—Ezekieri 34:28.
Nyika paichange yava kutongwa nehurumende yaMwari, vanhu vachava neupenyu hwakanakisisa. Hurumende iyoyo ichabvisa matambudziko ari kukonzera kuti vanhu varwisane akadai seurombo, nzara, uye kushaya pekugara. Munhu wese achange ava kuwana zvekudya zvine utano, aine pekugara pakanaka.—Pisarema 72:16; Isaya 65:21-23.
Umambo hwaMwari huchabvisa zvinhu zvese zvinorwadza zviri kukonzerwa nehondo. Izvi zvinosanganisira kukuvadzwa kunenge kwaitwa vanhu muhondo uyewo kushushikana kunokonzerwa nezvinhu zvinotyisa zvinenge zvaitika muhondo. Kunyange vaya vakafa vachamutswa kuti vararame zvakare panyika. (Isaya 25:8; 26:19; 35:5, 6) Vanhu vachagamuchira hama dzavo dzinenge dzamutswa, uye vachange vasisayeuki zvinhu zvinoshungurudza zvakaitika muhondo nekuti ‘zvinenge zvatopfuura.’—Zvakazarurwa 21:4.
MWARI ACHABVISA CHIVI
Umambo hwaMwari huchaita kuti vanhu vese vanamate Mwari wechokwadi, Jehovhac, “Mwari werudo newerugare.” (2 VaKorinde 13:11) Vanhu vachadzidza kugarisana zvakanaka. (Isaya 2:3, 4; 11:9) Vaya vachange vachiita zvavanodzidziswa vachasunungurwa pachivi.—VaRoma 8:20, 21.
MWARI ACHABVISA SATANI NEMADHIMONI AKE
Umambo hwaMwari huchaparadza vacho vari kukonzera hondo, Satani nemadhimoni ake. (Zvakazarurwa 20:1-3, 10) Kana Satani nemadhimoni ake vabviswa, “rugare ruchawanda.”—Pisarema 72:7.
Unogona kuva nechokwadi chekuti vimbiso yaMwari yekugumisa hondo uye kurwisana ichazadziswa. Mwari anoda kugumisa hondo uye ane simba rekuzviita.
Mwari ane uchenjeri nesimba rinodiwa kuti agumise hondo uye kurwisana. (Jobho 9:4) Hapana chaanotadza kuita.—Jobho 42:2.
Mwari anorwadziwa paanoona vanhu vachitambura. (Isaya 63:9) Uye “anovenga munhu wese anoda zvemhirizhonga.”—Pisarema 11:5.
Mwari anoita zvaanenge ataura; haarevi nhema.—Isaya 55:10, 11; Tito 1:2.
Mwari achaita kuti vanhu vagare murunyararo nekusingaperi.
Mwari achagumisa hondo
a Verenga nyaya iri pawebsite inonzi jw.org yakanzi “Chii Chinonzi Hondo yeAmagedhoni?”
b Ona vhidhiyo yakanzi Chii Chinonzi Umambo hwaMwari? iri pawebsite inonzi jw.org.
c Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.