NYAYA YEKUDZIDZA 10
RWIYO 31 Famba naMwari!
Tevedzera Mafungiro aJehovha naJesu
“Sezvo Kristu akatambura panyama, imiwo zvishongedzei nemafungiro akaita saiwayo.”—1 PET. 4:1.
ZVATICHADZIDZA
Tichaona kuti Petro akadzidza sei kuva nemafungiro aJesu uye kuti isuwo tingazviita sei.
1-2. Kuda Jehovha kunosanganisirei, uye Jesu akaratidza sei kuti aida Jehovha nepfungwa dzake dzese?
JESU akataura kuti murayiro unokosha kupfuura mimwe yese muMutemo waMozisi ndeupi, paakati: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nesimba rako rese nepfungwa dzako dzese.” (Ruka 10:27) Saka tinoda Jehovha nezvese zvatiinazvo uye nezvese zvatiri. Izvi zvinosanganisira zvido zvedu, manzwiro edu uye simba redu. Zvinosanganisirawo mafungiro edu. Kunyange zvazvo tisingambofi takakwanisa kunzwisisa mafungiro ese aJehovha, tinogona kuwedzera kuanzwisisa kana tikadzidza ‘nezvepfungwa dzaKristu’ nekuti zvaiitwa naJesu zvainyatsoratidza mafungiro aBaba vake.—1 VaK. 2:16.
2 Jesu aida Jehovha nepfungwa dzake dzese. Aiziva zvaidiwa naMwari uye aiita zvese zvaaigona kuti azviite kunyange zvazvo zvaizoreva kuti aizotambudzirwa kuita zvinhu zvakanaka. Nemhaka yekuti Jesu akanga akaisa pfungwa dzake pakuita kuda kwaBaba vake, haana kurega chero chii zvacho chichimutadzisa kuti aite izvozvo.
3. Muapostora Petro akadzidzei kubva kuna Jesu, uye akakurudzira vaKristu kuti vaitei? (1 Petro 4:1)
3 Petro nevamwe vaapostora vakava neropafadzo yekufamba naJesu uye kunyatsodzidza mafungiro ake. Petro paakanyora tsamba yake yekutanga yakafemerwa akakurudzira vaKristu kuti vazvishongedze nemafungiro aKristu. (Verenga 1 Petro 4:1.) Petro paakanyora kuti, “zvishongedzei,” akashandisa mashoko anotsanangura zvaiitwa nemasoja paaipakata zvombo achigadzirira kunorwa. Saka kana vaKristu vakava nemafungiro aJesu vanenge vaita sevakatakura chombo chine simba chinovabatsira pahondo yavo yekurwisa zvido zvakaipa uye nyika inotongwa naSatani.—2 VaK. 10:3-5; VaEf. 6:12.
4. Tichadzidzei munyaya ino?
4 Tichaongorora mafungiro aJesu toona kuti tingaatevedzera sei. Tichaona kuti tingaitei kuti (1) tive nemafungiro aJehovha, ayo achatibatsira kuti tibvumirane pane zvatinofunga, (2) tive vanhu vanozvininipisa, uye (3) tive nepfungwa dzakanaka idzo dzatinova nadzo kana tikaratidza kuti tinovimba naJehovha togara tichinyengetera kwaari.
IVA NEMAFUNGIRO AJEHOVHA
5. Petro akatadza sei kuratidza mafungiro aJehovha?
5 Chimbofunga pamwe Petro paakatadza kuratidza mafungiro aJehovha. Jesu akanga audza vaapostora vake kuti aizofanira kuenda kuJerusarema, oiswa mumaoko evatungamiriri vezvitendero, vomutambudza, uye ozourayiwa. (Mat. 16:21) Petro aiziva kuti Jesu ndiye aiva Mesiya akavimbiswa uye kuti ndiye aizonunura vanhu vaMwari, saka zvinofanira kunge zvakanga zvakamuomera kubvuma kuti Jehovha aizorega Jesu achiurayiwa. (Mat. 16:16) Petro akabva atora Jesu padivi ndokumuudza kuti: “Musabva mazvidaro Ishe; izvi hazvingamboitiki kwamuri.” (Mat. 16:22) Nemhaka yekuti Petro aisava nemafungiro aJehovha panyaya iyi, mafungiro ake akanga asiri kuenderana neaJesu.
6. Jesu akaratidza sei kuti aiva nemafungiro akafanana neaJehovha?
6 Mafungiro aJesu ainyatsoenderana nemafungiro aBaba vake vekudenga. Jesu akaudza Petro kuti: “Siyana neni Satani! Uri chinhu chinogumbura kwandiri, nekuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zvinofungwa nevanhu.” (Mat. 16:23) Petro anogona kunge aiva nevavariro dzakanaka, asi Jesu akaramba kuita zvaakaudzwa naPetro. Pane zvatinodzidza panyaya iyi. Kwaisava kuda kwaJehovha kuti Jesu ararame upenyu husina matambudziko; aitofanira kutambudzwa ofa. Saka panguva iyi Petro akadzidza chidzidzo chinokosha chekuti aifanira kuita kuti mafungiro ake aenderane neaMwari.
7. Petro akaratidza sei kuti aiva nechido chekugadzirisa mafungiro ake kuti aenderane neaJehovha? (Ona mufananidzo.)
7 Petro akazoratidza kuti aida kuti mafungiro ake aenderane neaJehovha. Pakasvika nguva yekuti vanhu vemamwe marudzi vasina kuchecheudzwa vabatane nevanhu vaMwari, Petro akapiwa basa rekunoparidzira Koniriyasi. Koniriyasi aiva pakati pevanhu vemamwe marudzi vekutanga vakava vaKristu. VaJudha vakanga vasingadyidzani nevanhu vemamwe marudzi saka hazvishamisi kuti Petro aitoda kubatsirwa kuti agadzirire kunoita basa iri raakanga apiwa. Petro paakangonzwisisa kuti kuda kwaMwari ndekupi panyaya iyi, akabva agadzirisa mafungiro ake. Saka ‘haana kumboramba’ kuenda kunoita basa raakanga apiwa. (Mab. 10:28, 29) Akaparidzira Koniriyasi neimba yake vachibva vabhabhatidzwa.—Mab. 10:21-23, 34, 35, 44-48.
Petro achipinda mumba maKoniriyasi (Ona ndima 7)
8. Tingaratidza sei kuti mafungiro edu anoenderana neaJehovha? (1 Petro 3:8 uye mashoko emuzasi)
8 Papera makore, Petro akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti ‘vabvumirane pane zvavanofunga.’ (Verenga 1 Petro 3:8 uye mashoko emuzasi.) Sevanhu vaJehovha, tinogona kubvumirana pane zvatinofunga kana tikava nemafungiro aJehovha atinodzidza muShoko rake. Semuenzaniso, Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vaise Umambo pekutanga muupenyu hwavo. (Mat. 6:33) Mumwe muparidzi wemuungano menyu, anogona kuratidza kuti ari kuda kuisa Umambo pekutanga kuburikidza nekutanga kupayona kana kuita rimwe basa remunguva yakazara. Pane kuti titaure zvinhu zvinomudzorera kumashure tomutadzisa kuzadzisa chinangwa chake, tinofanira kutaura zvakanaka nezvebasa racho tomutsigira.
IVA MUNHU ANOZVININIPISA
9-10. Jesu akaratidza sei kuzvininipisa kunoshamisa?
9 Usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akadzidzisa Petro nevamwe vaapostora chidzidzo chinokosha panyaya yekuzvininipisa. Jesu akanga atuma Petro naJohani kuti vaende kunogadzirira zvinhu zvaidiwa pavaizodya vari vese kekupedzisira asati aurayiwa. Gadziriro dzacho dzinofanira kunge dzaisanganisira kuva nechokwadi chekuti paiva nemudziyo wekugezera uye machira zvaizoshandiswa kuti vanhu vakwanise kugeza tsoka dzavo vasati vadya. Asi ndiani aizoita basa iri rakaderera?
10 Jesu haana kumbozeza kuita basa iri; akaratidza kuzvininipisa kunoshamisa. Vaapostora vake vakashamisika chaizvo pavakamuona achiita basa iri raiwanzoitwa nevaranda. Jesu akabvisa nguo dzake dzekunze, akatora jira akarimonera muchiuno make, akaisa mvura mumudziyo wekugezera, achibva atanga kugeza tsoka dzavo. (Joh. 13:4, 5) Zvinofanira kunge zvakatora nguva kuti ageze tsoka dzevaapostora vake vese vari 12, kusanganisira dzaJudhasi uyo aizomutengesa. Asi Jesu akazvininipisa akaita basa iri. Akabva avatsanangurira kuti: “Manzwisisa here zvandakuitirai? Munonditi, ‘Mudzidzisi’ uye ‘Ishe,’ uye ndizvozvo chaizvo, nekuti ndizvo zvandiri. Saka kana ini, Ishe uye Mudzidzisi, ndageza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kugezana tsoka.”—Joh. 13:12-14.
Kuzvininipisa kwechokwadi kunosanganisira zvatinofunga nezvevamwe vanhu uye nezvedu pachedu
11. Petro akaratidza sei kuti akadzidza kuva munhu anozvininipisa? (1 Petro 5:5) (Onawo mufananidzo.)
11 Petro akadzidza kuzvininipisa kubva kuna Jesu. Pashure pekunge Jesu adzokera kudenga, Petro akaita chishamiso chekuporesa mumwe murume akaberekwa akaremara. (Mab. 1:8, 9; 3:2, 6-8) Vanhu pavakaona chishamiso ichi, vakabva vaunganira Petro. (Mab. 3:11) Petro aizoita sei? Aizotanga kuzvikudza here sezvo akakurira munharaunda ine vanhu vaikoshesa mukurumbira uye chinzvimbo? Aiwa. Petro akazvininipisa akavaudza kuti vakudze Jehovha naJesu paakati: “Zita [raJesu] nekutenda kwedu mariri, ndizvo zvaita kuti murume uyu wamuri kuona uye wamunoziva asimbiswe.” (Mab. 3:12-16) Mashoko akazoshandiswa naPetro paakanyorera vaKristu tsamba achivaudza nezvenyaya yekuti vave vanhu vanozvininipisa anogona kutiyeuchidza nezvepaya Jesu paakatora jira, akarimonera muchiuno make, achibva ageza tsoka dzevaapostora.—Verenga 1 Petro 5:5.
Pashure pekunge Petro aita chishamiso, akaratidza kuzvininipisa paakaita kuti rukudzo ruende kuna Jehovha naJesu. Isuwo tinogona kuratidza kuti tinozvininipisa kana tikaita zvakanaka tisingatarisire kurumbidzwa nevanhu kana kupiwa chimwe chinhu (Ona ndima 11-12)
12. Tingaitei kuti tirambe tichizvininipisa sezvakaitwa naPetro?
12 Tinogona kutevedzera Petro toramba tichidzidza kuzvininipisa. Yeuka kuti kuzvininipisa kwechokwadi hakungooneki nezvatinotaura chete. Shoko rakashandiswa naPetro rinoshandurwa kuti kuzvininipisa rinoratidza kuti kuzvininipisa kunosanganisira zvatinofunga nezvevamwe uye nezvedu pachedu. Tinoitira vamwe zvinhu zvakanaka nekuti tinoda Jehovha uye tinoda vanhu, kwete nekuti tinoda kuyemurwa. Kana tichifara kushumira Jehovha nehama dzedu pasinei nekuti vanotiona here kana kuti kwete, tinenge tichiratidza kuti tinozvininipisa zvechokwadi.—Mat. 6:1-4.
IVA “NEPFUNGWA DZAKANAKA”
13. Tsanangura kuti kuva “nepfungwa dzakanaka” kunorevei.
13 Kuva “nepfungwa dzakanaka” kunorevei? (1 Pet. 4:7) MuKristu ane pfungwa dzakanaka anoita zvese zvaanogona kuti aite zvisarudzo zvakanaka zvinoratidza kuti ane mafungiro aJehovha. MuKristu akadaro anoziva kuti hapana chinhu chinokosha kupfuura ushamwari hwake naJehovha. Haazvioneri pamusoro uye anonzwisisa kuti haazivi zvese. Anoratidzawo kuti anovimba naJehovha Mwari kuburikidza nekunyengetera kwaari kakawanda.a
14. Petro akatadza sei kuvimba naJehovha pane imwe nguva?
14 Usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akayambira vadzidzi vake kuti: “Mese muchandisiya pamusana pezvichaitika kwandiri usiku huno.” Petro akabva apindura achizvivimba achiti: “Kunyange vamwe vese vakakusiyai pamusana pezvichaitika kwamuri, ini handifi ndakakusiyai!” Usiku ihwohwo Jesu akarayira vamwe vadzidzi vake kuti: “Rambai makarinda uye rambai muchinyengetera.” (Mat. 26:31, 33, 41) Kudai Petro akateerera zano iroro, angadai akawana ushingi hwekutaura kuti aiva mudzidzi waJesu. Asi Petro akaramba Tenzi wake, izvo zvakaita kuti azvidembe chaizvo.—Mat. 26:69-75.
15. Chii chakabatsira Jesu kuti arambe aine pfungwa dzakanaka usiku hwekupedzisira asati afa?
15 Jesu ainyatsovimba naJehovha. Kunyange zvazvo akanga asina chivi, akanyengetera kakawanda usiku hwekupedzisira asati afa. Izvozvo zvakamupa ushingi hwekuti aite zvaidiwa naJehovha. (Mat. 26:39, 42, 44; Joh. 18:4, 5) Petro haana kumbobvira akakanganwa kuti Jesu akanyengetera kakawanda usiku ihwohwo hwekupedzisira asati afa.
16. Petro akaratidza sei kuti akanga ava nepfungwa dzakanaka? (1 Petro 4:7)
16 Petro akazodzidza kuwedzera kuvimba naJehovha kuburikidza nekunyengetera. Jesu paakamutswa, akavimbisa Petro nevamwe vaapostora kuti vaizogamuchira mweya mutsvene kuti vakwanise kuita basa rekuparidza. Asi Jesu akavaudza kuti vaumirire vari muJerusarema. (Ruka 24:49; Mab. 1:4, 5) Petro aiitei paakanga akamirira? Petro nevamwe vaKristu “vairamba vachinyengetera.” (Mab. 1:13, 14) Pave paya, paakanyora tsamba yake yekutanga, Petro akakurudzira vaKristu kuti vave nepfungwa dzakanaka uye vavimbe naJehovha kuburikidza nekunyengetera. (Verenga 1 Petro 4:7.) Petro akadzidza kuvimba naJehovha uye akava mbiru muungano.—VaG. 2:9.
17. Chii chatinofanira kuramba tichiita pasinei neunyanzvi hwatingava nahwo? (Onawo mufananidzo.)
17 Kuti tive nepfungwa dzakanaka, tinofanira kugara tichinyengetera kuna Jehovha kakawanda. Tinoziva kuti tinofanira kuramba tichinyengetera kuna Jehovha pasinei neunyanzvi hwatingava nahwo. Saka paya patinenge tichida kuita zvisarudzo zvinokosha, ndipo patinofanira kunyanya kunyengetera kuti Jehovha atitungamirire tichivimba kuti anoziva zvakatinakira.
Petro akadzidza kuvimba naJehovha kuburikidza nekunyengetera. Isuwo tinogona kuva nepfungwa dzakanaka kana tikanyengetera kuti Jehovha atibatsire, kunyanya paya patinenge tichida kuita zvisarudzo zvinokosha (Ona ndima 17)b
18. Tingaitei kuti tigadzirise mafungiro edu kuti aenderane neaJehovha?
18 Tinotenda chaizvo kuti Jehovha akatisika tichikwanisa kumutevedzera. (Gen. 1:26) Ichokwadi kuti hatikwanisi kutevedzera Jehovha zvakakwana. (Isa. 55:9) Asi kungofanana naPetro, tinogona kugadzirisa mafungiro edu kuti aenderane neaJehovha. Dai tese tikaita izvozvo kuburikidza nekuramba tichiedza kuva nemafungiro aMwari, kuva vanhu vanozvininipisa uye kuva nepfungwa dzakanaka.
RWIYO 30 Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu
a Kuti uwane mamwe mashoko anotsanangura zvinorehwa nekuva nepfungwa dzakanaka, ona nyaya iri pajw.org kana kuti paJW Library® iri pachikamu chakanzi “Kutsanangurwa Kwemavhesi” ine musoro unoti “Kutsanangurwa kwa2 Timoti 1:7—‘Mwari Haana Kutipa Mweya Wokutya,’” pakanzi “Pfungwa Dzakanaka.”
b KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hanzvadzi iri kunyengetera nechemumwoyo payakamirira kushevedzwa mairi kuda kutsvaga basa.