NYAYA YEKUDZIDZA 50
RWIYO 48 Kufamba naJehovha Zuva Nezuva
Tevedzera Kuzvininipisa Kunoita Jehovha
“Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.”—VAEF. 5:1.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza zvinhu 4 zvatingaita kuti titevedzere kuzvininipisa kunoita Jehovha.
1. Nei kuzvininipisa kunoita Jehovha kuchishamisa?
PAUNOONA vatungamiriri vari munyika, ungati here vanozvininipisa? Aiwa. Asi Jehovha, Mwari Wemasimbaose anozvininipisa. (Pis. 113:5-8) Hapana munhu anozvininipisa saJehovha. Hapana kana paanotombozvikudza. Munyaya ino tichakurukura zvinhu 4 zvinoitwa naJehovha uye tichaona kuti chimwe nechimwe chezvinhu izvozvo chinoratidza sei kuti anozvininipisa chaizvo. Tichaongororawo kuti Jesu akatevedzera sei kuzvininipisa kunoita Baba vake. Kuongorora zvinhu izvi kuchatibatsira kuti tiswedere pedyo naJehovha uyewo tiwedzere kutevedzera kuzvininipisa kwaanoita.
JEHOVHA ANOTAURIKA NAYE
2. Pisarema 62:8 inotiudzei nezvaJehovha? (Onawo mufananidzo.)
2 Kazhinji vanhu vanozvikudza havatauriki navo. Kuzvikudza kwavanoita kunoita kuti vaite zvinhu zvinoita kuti vamwe vazeze kutaura navo kana kuti vatovanzvenga. Asi Jehovha akatosiyana zvachose nevanhu ivavo! Nemhaka yekuti Baba vedu vekudenga vanozvininipisa, vanoda kuti titaure navo tichivaudza zvese zvinenge zvichitinetsa. (Verenga Pisarema 62:8.) Baba vane rudo vanonyatsoteerera mwana wavo paanenge achitaura. Ndizvo zvinoitwawo naJehovha. Anoda kuti vanhu vanomunamata vanyengetere kwaari uye anoteerera minyengetero yavo. Akatoita kuti minyengetero yakawanda yevanhu vaimunamata inyorwe muBhaibheri. Izvozvo zvinonyatsoratidza kuti anoda kuti tinyengetere kwaari. (Josh. 10:12-14; 1 Sam. 1:10-18) Asi tingaitei kana dzimwe nguva tichinzwa sekuti hatikodzeri kunyengetera kuna Jehovha nekuti tine zvimwe zvinhu zvatakakanganisa?
Vamwe baba vari kutevedzera kuzvininipisa kunoita Jehovha. Vari kunyatsoteerera mwanakomana wavo achitaura kuti apwanya vhasi paanga achitamba (Ona ndima 2)
3. Chii chinoratidza kuti Jehovha anoda kuti ugare uchinyengetera kwaari?
3 Tinofanira kunyengetera kuna Jehovha kunyange zvazvo dzimwe nguva tinganzwa sekuti hatikodzeri kudiwa naye. Nei tichidaro? Mumufananidzo wemwanakomana akarasika, Jesu akafananidza Jehovha nababa vane tsitsi vaiva nemwanakomana akanga apfidza zvivi zvake. Mwanakomana uyu aiona sekuti akanga asingachakodzeri kugamuchirwa mumhuri yababa vake. Baba ava vakaita sei pavakaona mwanakomana wavo achidzoka kumba? Jesu akataura kuti pavakangomuona, ‘vakamhanya vakamumbundira, vakamutsvoda zvinyoronyoro.’ (Ruka 15:17-20) Jehovha akafanana nababa ivavo. Paanongonzwa minyengetero yevanhu vanenge vachinetseka nemhaka yezvivi zvavakaita, anonyatsovateerera nekuti anozvininipisa. (Mari. 3:19, 20) Jehovha anotinzwira tsitsi uye sezvakaitwa nababa vaya vakamhanyira mwanakomana wavo, anotinyaradza uye anoita kuti tizive kuti anotida. (Isa. 57:15) Anozviita sei? Anowanzoita izvi achishandisa vakuru, vanhu vemumhuri vanenge vari Zvapupu uye shamwari dzemuungano. (Jak. 5:14, 15) Jehovha anoita izvi nekuti anoda kuti tinzwe takasununguka kunyengetera kwaari kuitira kuti tive shamwari dzake.
4. Nei vanhu vakanga vasingazezi kutaura naJesu?
4 Jesu anotevedzera sei Baba vake? Kungofanana naBaba vake, Jesu anozvininipisa. Izvi ndizvo zvaiita kuti paaiva panyika vanhu vanzwe vakasununguka kuenda kwaari. Vakanga vasingatyi kumubvunza mibvunzo. (Mako 4:10, 11) Saka paaivabvunza kuti vaifungei nezveimwe nyaya, vainzwa vakasununguka kunyatsomuudza zvaiva pamwoyo pavo. (Mat. 16:13-16) Uye pavaikanganisa vakanga vasingatyi kuti Jesu aizovatsamwira asi vaiziva kuti aivanzwisisa, aivaitira mwoyo murefu uye aivabata zvakanaka. (Mat. 17:24-27) Jesu akanyatsotevedzera zvinoitwa naBaba vake uye izvi zvakabatsira vateveri vake kuti vanyatsoziva kuti Jehovha ndiMwari akaita sei. (Joh. 14:9) Vakadzidza kuti Jehovha akatosiyana zvachose nevatungamiriri vezvitendero vaivako panguva iyoyo avo vaizvikudza uye vaisabata vanhu zvakanaka. Vakaona kuti Jehovha anozvininipisa uye anotaurika naye.
5. Kuzvininipisa kunotibatsira sei kuti tive vanhu vanotaurika navo?
5 Tingatevedzera sei Jehovha? Kana tiri vanhu vanozvininipisa, zvichava nyore kuti vamwe vakwanise kutaura nesu. Kuzvininipisa kunoita kuti tisava neunhu hunoita kuti vamwe vasada kuva pedyo nesu, hwakadai seshanje, kuzvikudza uye kusaregerera. Asi kuzvininipisa kunoita kuti tive neunhu hunoita kuti vamwe vade kuva pedyo nesu hwakadai semwoyo murefu, kuregerera uye kubata vamwe zvakanaka. (VaK. 3:12-14) Vakuru ndivo vanotofanira kuva pamberi pakuita kuti hama nehanzvadzi dzinzwe dzakasununguka kutaura navo. Asi kuti hama nehanzvadzi dzinzwe dzakasununguka kutaura nevakuru, vakuru vanofanira kuita zvese zvavanogona kuti vave pamwe chete nehama nehanzvadzi dzavo. Saka pane kuti vafarire kupinda misangano vachishandisa indaneti, vanoedza kuenda kuImba yeUmambo kuti vanopinda misangano nevamwe nguva dzese. Uyewo pese pavanenge vachikwanisa, vanoparidza paimba neimba nehama nehanzvadzi dzavo. Kana vanhu vari muungano vakajairana nevakuru, zvichavaitira nyore kuti vakwanise kutaura navo pese pavanenge vachida kubatsirwa.
JEHOVHA ANONZWISISA
6-7. Ndepapi pamwe Jehovha paakateerera zvikumbiro zvevashumiri vake achibva achinja zvaakanga asarudza?
6 Kazhinji vanhu vanozvikudza vanofunga kuti vanoziva zvese uye havadi kuchinja zvavanenge vasarudza. Asi kunyange zvazvo Jehovha achiziva zvese, haaomereri pane zvaanenge asarudza nekuti anozvininipisa. Chimbofunga zvaakaita panyaya yaMiriyemu, hanzvadzi yaMozisi. Miriyemu naAroni vakanyunyutira Mozisi. Zvavakaita zvakanga zvakaipa nekuti Mozisi aiva mumiririri waJehovha. Saka pavainyunyuta, vaitoratidza kuti vakanga vasiri kuremekedza Jehovha. Izvi zvakaita kuti Jehovha atsamwe chaizvo uye aite kuti Miriyemu ave nemaperembudzi. Aroni akabva ateterera Mozisi kuti abatsire Miriyemu uye Mozisi akabva akumbira Jehovha kuti aporese hanzvadzi yake. Jehovha akabva aita sei? Haana kuzvikudza achiomerera pane zvaakanga asarudza. Nemhaka yekuti Jehovha anozvininipisa, akateerera chikumbiro chaMozisi achibva aporesa Miriyemu.—Num. 12:1-15.
7 Tinoonawo kuti Jehovha anozvininipisa patinofunga kuteerera kwaakaita chikumbiro chaMambo Hezekiya. Jehovha akatuma muprofita wake kuti anoudza mambo iyeye kuti aizofa. Hezekiya akabva achema achikumbira Jehovha kuti amuporese. Jehovha akateerera chikumbiro chake uye akatoita kuti ararame kwemamwe makore 15. (2 Madz. 20:1, 5, 6) Nemhaka yekuti Jehovha anozvininipisa, anonzwira vanhu tsitsi uye anoteerera zvikumbiro zvavo.
8. Taura mienzaniso inoratidza kuti Jesu anonzwisisa? (Mako 3:1-6)
8 Jesu anotevedzera sei Baba vake? Paaiva panyika Jesu aisarega kuitira vamwe zvakanaka pese pazvaiita. Semuenzaniso akarapa vanhu paSabata asi vatungamiriri vezvitendero vaifunga kuti zvinhu zvakadaro hazvifaniri kutomboitwa. Jesu aisangoomerera pakuti mutemo unoti kudii, asi ainzwira vanhu tsitsi uye aiva munhu anonzwisisa. (Verenga Mako 3:1-6.) Mazuva ano tinoona kuti Jesu ane tsitsi uye anonzwisisa kana tikatarisa kutungamirira kwaari kuita ungano. Kana mumwe munhu ari muungano akaita chivi chakakura, anomuratidza mwoyo murefu achimupa mukana wakakwana wekuti achinje mararamiro ake.—Zvak. 2:2-5.
9. Tingaratidza sei kuti tiri vanhu vanonzwisisa? (Onawo mifananidzo.)
9 Tingatevedzera sei Jehovha? Tinofanira kudzidza kutevedzera kunzwisisa kunoita Jehovha, tozviratidza nemafungiro edu uye nezvatinoita. (Jak. 3:17) Semuenzaniso, kunyange zvazvo vasingaregeredzi vana vavo, vabereki vanonzwisisa havatarisiri kuti vana vavo vaite zvinhu zvavasingakwanisi. Tinowana muenzaniso wakanaka pane zvakaitwa naJakobho. Akaratidza kuti ainzwisisa zvaigona kuitwa nevana vake uye zvavakanga vasingakwanise kuita. (Gen. 33:12-14) Vabereki vanozvininipisa uye vanonzwisisa havafaniriwo kuenzanisa vana. Vakuru vechiKristu vanofanirawo kuva vanhu vanonzwisisa. Imwe nzira yavanogona kuita nayo izvi ndeyekutsigira zvinenge zvasarudzwa nevakawanda mudare revakuru kana zvisingapesani nezvinodzidziswa neBhaibheri. (1 Tim. 3:2, 3) Uye tese zvedu tinogona kuedza kunzwisisa maonero evamwe kunyange zvazvo isu tingava nemaonero akasiyana neavo. (VaR. 14:1) Tese zvedu muungano tinofanira kushanda nesimba kuti ‘kunzwisisa kwedu kuzivikanwe nevanhu vese.’—VaF. 4:5.
Baba vanonzwisisa havatarisiri kuti vana vavo vaite zvinhu zvavasingakwanisi muushumiri (Ona ndima 9)
JEHOVHA ANE MWOYO MUREFU
10. Jehovha akaratidza sei mwoyo murefu?
10 Kazhinji, vanhu vanozvikudza havadi kumirira. Kuzvikudza kunoita kuti vasava nemwoyo murefu. Asi Jehovha akatosiyana zvachose nevanhu ivavo. Hapana anomupfuura pakuratidza mwoyo murefu! Chimbofunga zvaakaita panguva yaNoa. Jehovha akataura kuti aizomirira kwemakore 120 asati aparadza vakaipa. (Gen. 6:3) Izvi zvakapa Noa nguva yekuti arere vana vake uye avake areka achibatsirwa nemhuri yake. Papera nguva, ngirozi yaJehovha yakaratidza mwoyo murefu payakanyatsoteerera Abrahamu achibvunza nezvekuparadzwa kweSodhomu neGomora. Kudai ngirozi iyi yaizvikudza, yaigona kuti, ‘Unofunga kuti handizivi zvandiri kuita here?’ Asi nekuti ngirozi iyi yaitevedzera Jehovha, yakaratidza Abrahamu mwoyo murefu.—Gen. 18:20-33.
11. Maererano na2 Petro 3:9, nei Jehovha ari kuratidza mwoyo murefu?
11 Jehovha ari kuratidzawo mwoyo murefu mazuva ano. Ane nguva yaakasarudza kuti aunze mugumo uye ari kumirira kuti nguva iyoyo isvike. Nei ari kuratidza mwoyo murefu? “Nekuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike pakupfidza zvivi zvavo.” (Verenga 2 Petro 3:9.) Kuratidza kwaari kuita mwoyo murefu kune zvakuri kubatsira here? Ehe! Mamiriyoni evanhu akadzidza nezvake uye atova shamwari dzake. Uye tinotarisira kuti vamwewo vakawanda vachasvika pakuva shamwari dzake. Asi mwoyo murefu waJehovha une paunogumira. Jehovha anoda vanhu asi haangobvumirani nezvese zvese. Achaparadza vanhu vakaipa.—Hab. 2:3.
12. Jesu ari kutevedzera sei mwoyo murefu waJehovha?
12 Jesu anotevedzera sei Baba vake? Jesu ava nezviuru zvemakore achiratidza mwoyo murefu sezvinoita Jehovha. Nei tichidaro? Jesu ava nenguva yakareba achiona Satani achitaura nhema nezvaJehovha uyewo nezvevashumiri vaJehovha vakatendeka. (Gen. 3:4, 5; Job. 1:11; Zvak. 12:10) Jesu avawo nenguva yakareba achiona vanhu vachitambura zvisingaiti. Anofanira kunge achida chaizvo ‘kuputsa mabasa aDhiyabhorosi’! (1 Joh. 3:8) Asi chii chiri kumubatsira kuti ave nemwoyo murefu achimirira kuti Jehovha azomupa mvumo yekuparadza zvachose mabasa aDhiyabhorosi? Chimwe chiri kumubatsira ndechekuti anozvininipisa. Anoziva kuti Jehovha ndiye akatoita chisarudzo chekuti mugumo uchauya riini.—Mab. 1:7.
13. Jesu akaratidza sei vaapostora vake mwoyo murefu uye nei aidaro?
13 Paaiva panyika, Jesu airatidzawo vaapostora vake mwoyo murefu. Kunyange zvazvo vaapostora vake vaigara vachiitisana nharo panyaya yekuti ndiani aiva mukuru, haana kubva avaona sevanhu vasingabatsiriki. Asi akaramba achivaitira mwoyo murefu. (Ruka 9:46; 22:24-27) Aiziva kuti vaigona kuzochinja. Ko iwewe une chimwe chinhu chaunogara uchikanganisa here? Kana zvakadaro, yeuka kuti Mambo wedu anozvininipisa anokunzwisisa uye achakuitira mwoyo murefu.
14. Zvii zvatingaita kuti tive nemwoyo murefu?
14 Tingatevedzera sei Jehovha? Kuti tikwanise kuva nemafungiro aJehovha uyewo tinyatsotevedzera zvaanoita, tinofanira kuva ‘nepfungwa dzaKristu.’ (1 VaK. 2:16) Zvii zvichatibatsira kuti tive nemafungiro aJesu? Imwe nzira inokosha chaizvo ndeyekugara tichiverenga mabhuku anotaura nezveupenyu hwaJesu ari muBhaibheri. Tinofanirawo kubva tadzamisa pfungwa pane zvatinenge taverenga tichiona kuti zvinotidzidzisei nezvemafungiro anoita Jesu. Uyewo tinofanira kunyengetera kuna Jehovha tichikumbira kuti atibatsire kuti tive vanhu vanozvininipisa uye vanoratidza mwoyo murefu sezvaiita Jesu. Kana tikawedzera kuva nemafungiro aKristu, tichawedzerawo kutevedzera zvinoitwa naJehovha toratidza vamwe mwoyo murefu uyewo tonzwisisa kuti zvichatitorera nguva kuti tive nemafungiro aJehovha uye tiite zvinhu sezvaanoita.—Mat. 18:26-30, 35.
JEHOVHA ANOKOSHESA VAKADERERA
15. Taura mienzaniso inoratidza kuti Jehovha anokoshesa vanhu vakaderera? (1 Samueri 2:8)
15 Verenga 1 Samueri 2:8. Chimbozvifunga: Jehovha ndiChangamire wezvinhu zvese asi anokoshesa vanhu vakaderera! Pane vanhu vakawanda vakararama kare vaigona kutarisirwa pasi nevamwe, asi Jehovha aivaona. Vamwe vavo ungasakurumidza kufunga nezvavo, asi vakanyorwa muBhaibheri. Jehovha akafemera Mozisi kuti anyore nezvemureri waRibheka ainzi Dhibhora. Dhibhora aiva mukadzi akatendeka uye akashanda mumba maIsaka nemumba maJakobho kwemakore anenge 125! Hatina zvakawanda zvatinoziva nezvemukadzi uyu akanga akatendeka. Asi Jehovha akaita kuti Mozisi anyore chimwe chinhu nezvemukadzi uyu chinoratidza kuti Jakobho nemhuri yake vaimuda chaizvo. (Gen. 24:59; 35:8, mashoko emuzasi) Papera mazana emakore, Jehovha akasarudza mumwe mukomana aiva mufudzi ainzi Dhavhidhi kuti azova Mambo wevaIsraeri. (2 Sam. 22:1, 36) Jesu achangoberekwa, Mwari akatuma ngirozi kuti dziudze vafudzi kuti munhu aizova Mesiya akanga aberekwa muBhetrehema. Kunyange zvazvo vafudzi ava vakanga vakaderera, ndivo vakava neropafadzo yekutanga kuudzwa izvi. (Ruka 2:8-11) Uyewo, Josefa naMariya pavakaenda naJesu kutemberi, Jehovha akapa Simiyoni naAna, avo vakanga vakwegura, ropafadzo yekuona mwanakomana wake. (Ruka 2:25-30, 36-38) Chokwadi, Jehovha “anosimudza akaderera kubva muguruva”!
16. Jesu akatevedzera sei Baba vake pakukoshesa vamwe?
16 Jesu anotevedzera sei Baba vake? Kungofanana naBaba vake Jesu aikoshesa vanhu vakaderera. Aidzidzisa ‘vanhuwo zvavo vasina kudzidza’ chokwadi nezveUmambo hwaMwari. (Mab. 4:13; Mat. 11:25) Akarapawo vanorwara uye aiita izvi nenzira yekuti munhu wacho aisara achinyatsonzwa kuti anodiwa uye anokosha. (Ruka 5:13) Usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akaita basa raiwanzoitwa nemuranda paakageza tsoka dzevaapostora vake. (Joh. 13:5) Uye asati adzokera kudenga akapa vateveri vake vese, kusanganisira isusu, basa rinokosha chaizvo rekubatsira vamwe kuti vakwanisewo kuzowana upenyu husingaperi.—Mat. 28:19, 20.
17. Zvii zvatingaita kuti tiratidze kuti tinoda uye tinoremekedza vamwe? (Onawo mufananidzo.)
17 Tingatevedzera sei Jehovha? Tinoratidza kuti tinoda uye tinoremekedza vanhu patinoparidzira munhu wese mashoko akanaka pasinei neruvara rweganda rake, kwaanobva, kana kuti akadzidza zvakadini. Tinoratidzawo kuti tinoda uye tinoremekedza hama nehanzvadzi dzedu kunyange kana tiine mabasa atinoita muungano avasina kana kuti tichigona kuita zvimwe zvinhu kuvapfuura. (VaF. 2:3) Patinoita zvinhu izvi nezvimwewo zvinoratidza kuti tinozvininipisa uye tinoda hama dzedu tichidziremekedza, Jehovha anofara chaizvo.—Zef. 3:12; VaR. 12:10.
Tinotevedzera kuzvininipisa kunoita Jehovha patinoparidza mashoko akanaka kuvanhu vakasiyana-siyana (Ona ndima 17)a
18. Chii chinoita kuti ude kutevedzera kuzvininipisa kunoita Jehovha?
18 Kana tikaramba tichiedza kutevedzera kuzvininipisa kunoita Baba vedu vekudenga vane rudo tichawedzera kuva vanhu vanotaurika navo, vanonzwisisa uye vane mwoyo murefu. Uye kuita izvi kuchaitawo kuti tide uye tiremekedze vamwe sezvinoita Jehovha. Kana tikaita zvese zvatinogona kuti titevedzere Mwari wedu anozvininipisa, achawedzera kutikoshesa.—Isa. 43:4.
RWIYO 159 Kudzai Jehovha
a KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hanzvadzi dziri kutevedzera kuda kunoita Jehovha vanhu vese nekuparidzira vakadzi vari mujeri.