RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 March pp. 20-25
  • Ramba Uchifamba Nekutenda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Uchifamba Nekutenda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • PAKUSARUDZA BASA REKUITA
  • PAKUSARUDZA WEKUROORANA NAYE
  • PATINOPIWA MIRAYIRIDZO NESANGANO
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Zvaungaita Kana Usina Chokwadi Nezvimwe Zvinhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Ita Zvisarudzo Zvinofadza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 March pp. 20-25

NYAYA YEKUDZIDZA 12

RWIYO 119 Tinofanira Kuva Nekutenda

Ramba Uchifamba Nekutenda

“Tiri kufamba nekutenda, kwete nekuona.”—2 VAK. 5:7.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zvatingaita kuti tirambe tichifamba nekutenda patinenge tichida kuita zvisarudzo zvinokosha.

1. Nei muapostora Pauro aigutsikana neupenyu hwaakanga ararama?

PANE imwe nguva, muapostora Pauro aiziva kuti akanga ava pedyo kuurayiwa, asi aigutsikana neupenyu hwaakanga ararama. Paaitarisa shure, aigona kutaura kuti: “Ndamhanya kusvika kumagumo, ndachengeta kutenda.” (2 Tim. 4:​6-8) Pauro akanga aita zvisarudzo zvakanaka kubva paakava muKristu uye aiva nechokwadi chekuti Jehovha aifara naye. Isuwo tinoda kuita zvisarudzo zvakanaka zvinoita kuti Mwari afare nesu. Tingazviita sei?

2. Zvinorevei kufamba nekutenda?

2 Achitaura nezvake uye nezvevamwe vaKristu vakatendeka, Pauro akati: “Tiri kufamba nekutenda, kwete nekuona.” (2 VaK. 5:7) Pauro airevei? MuBhaibheri, dzimwe nguva shoko rekuti “kufamba” rinoreva mararamiro anosarudzwa nemunhu. Munhu anongofamba nekuona, anoita zvisarudzo zvichibva pane zvaanoona, zvaanonzwa, uye zvinodiwa nemwoyo wake chete. Ukuwo, munhu anofamba nekutenda, anoita zvisarudzo zvichibva pakuvimba kwaanoita naJehovha Mwari. Zvaanoita zvinoratidza kuti ane chokwadi chekuti Mwari achamupa mubayiro, uye kuti achabatsirwa kana akateerera mazano aJehovha ari muShoko rake.—Pis. 119:66; VaH. 11:6.

3. Tinobatsirwa sei kana tikafamba nekutenda? (2 VaKorinde 4:18)

3 Dzimwe nguva, tese zvedu tinoita zvisarudzo zvichibva pane zvinhu zvatinoona kana kunzwa. Asi kana zviri izvozvo chete zvatinoshandisa pakuita zvisarudzo zvinokosha, zvinogona kutipinza mumatambudziko. Nei tichidaro? Dzimwe nguva zvinhu zvatinoona nekunzwa zvinogona kutirasisa. Kunyange kana zvikasatirasisa, kana tichingofamba nekuona, tinogona kupedzisira taita zvinhu zvisingadiwi naMwari. (Mup. 11:9; Mat. 24:​37-39) Asi kana tikafamba nekutenda, tichaita zvisarudzo “zvinogamuchirika kunaShe.” (VaEf. 5:10) Kuteerera mazano aMwari kuchaita kuti tive nerugare uye kuchaitawo kuti tive nemufaro wechokwadi. (Pis. 16:​8, 9; Isa. 48:​17, 18) Uye kana tikaramba tichifamba nekutenda, tichava neupenyu husingaperi.—Verenga 2 VaKorinde 4:18.

4. Munhu angaziva sei kana ari kufamba nekutenda kana kuti nekuona?

4 Tingaziva sei kuti tiri kufamba nekutenda kana kuti nekuona? Tinogona kuzvibvunza kuti: Zvii zvandinotarisa pandinoita zvisarudzo zvangu? Ndinongovimba nezvinhu zvandinoona here? Kana kuti ndinovimba nemazano aJehovha? Ngatikurukurei kuti tingaramba sei tichifamba nekutenda pazvinhu zvitatu zvinokosha zvinoti: pakusarudza basa rekuita, pakusarudza wekuroorana naye, uye patinopiwa mirayiridzo nesangano. Pane chimwe nechimwe chezvinhu izvi, tichakurukura zvinhu zvatinofanira kufunga nezvazvo kuti tikwanise kuita zvisarudzo zvakanaka.

PAKUSARUDZA BASA REKUITA

5. Zvii zvatinofanira kufunga nezvazvo patinosarudza basa rekuita?

5 Tese zvedu tinoda kuti tikwanise kuzviriritira uye kuriritirawo mhuri dzedu. (Mup. 7:12; 1 Tim. 5:8) Mamwe mabasa anobhadhara zvakanaka. Anogona kuita kuti munhu awane mari inokwana pakurarama otosara aine imwe yekuzoshandisa mune ramangwana. Asi mamwe mabasa haanyatsobhadhari. Munhu anogona kunge achingowana mari inokwana kuti iye nemhuri yake vawane zvekurarama nazvo chete. Patinenge tichisarudza basa rekuita, zvine musoro kuti tifungewo kuti tichatambiriswa marii. Asi kana zviri izvozvo zvega zvatinotarisa patinenge tichisarudza basa, tinenge tichifamba nekuona.

6. Tingafamba sei nekutenda patinenge tichisarudza basa rekuita? (VaHebheru 13:5)

6 Kana tichifamba nekutenda, tichafungawo nezvekuti basa racho ringakanganisa sei ushamwari hwedu naJehovha. Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Pandinenge ndichiita basa racho ndichafanira kuita zvimwe zvinhu zvinovengwa naJehovha here?’ (Zvir. 6:​16-19) ‘Basa racho richanditadzisa kunamata Jehovha here kana kuti richaita kuti ndive kure nemhuri yangu kwenguva yakareba?’ (VaF. 1:10) Kana tikapindura kuti hongu pane mumwe wemibvunzo iyi, tinenge taratidza kuchenjera kana tikaramba kuita basa iroro, kunyange mabasa achinetsa kuwana. Nemhaka yekuti tinofamba nekutenda, tinoita zvisarudzo zvinoratidza kuti tine chivimbo chekuti Jehovha achatsvaga nzira dzekutipa zvatinoda pakurarama.—Mat. 6:33; verenga VaHebheru 13:5.

7-8. Imwe hama yekuSouth America yakaratidza sei kuti yaifamba nekutenda? (Onawo mufananidzo.)

7 Ona kuti imwe hama yekuSouth America, inonzi Javiera yakaratidza sei kuti yainzwisisa kukosha kwekufamba nekutenda. Yakati: “Ndakanga ndanyorera kuti ndipinde rimwe basa randaifarira chaizvo uye randaizotambiriswa mari yakapetwa nekaviri yandaiwana.” Asi Javier aidawo chaizvo kupayona. Javier anoenderera mberi achiti: “Ndakanzi ndinoonana namaneja mukuru wekambani yacho munyika yese kuti aone kana ndaikodzera kuwana basa racho. Ndisati ndaenda, ndakanyengetera kuti Jehovha andibatsire ndiine chivimbo chekuti aiziva zvakandinakira. Ndaidawo kukwidziridzwa pabasa uye kuwana mari yakawanda, asi kana basa iri raizonditadzisa kuitira Jehovha zvakawanda ndaisazomboribvuma.”

8 Javier anoti: “Pandaitaura namaneja wacho, akandiudza kuti kazhinji kacho ndaifanira kuzoshanda ovhataimu. Ndakamuudza zvakanakanaka kuti ndaisakwanisa kuita izvozvo. Ndaidawo kuita basa reushumiri.” Javier akaramba kuita basa racho. Papera mavhiki maviri, akatanga kupayona. Uye pava paya gore iroro, akawana basa rekuti akanga asingashandi mazuva ese. Anoti: “Jehovha akanzwa minyengetero yangu uye akandipa basa rinoenderana nepurogiramu yangu yekupayona. Ndinofara chaizvo kuti ndine basa rinondibvumira kuti ndishandise nguva yakawanda kushumira Jehovha nehama dzangu.”

Hama yakabata helmet uye yakapfeka hembe dzebasa yapinzwa muhofisi isina munhu nemukuru webasa. Mukuru webasa ari kuda kuikwidziridza.

Kana vekubasa vakati vanoda kukukwidziridza, zvauchasarudza zvinoratidza here kuti une chokwadi chekuti Jehovha anonyatsoziva zvakakunakira? (Ona ndima 7-8)


9. Wadzidzei kubva kune zvakaitika kuna Trésor?

9 Ko kana tikaona kuti basa ratiri kuita riri kutitadzisa kufamba nekutenda? Funga zvakaitika kuna Trésor, wekuCongo. Anoti: “Basa randakanga ndichangobva kuwana ndiro chairo randaishuvira. Ndaitambiriswa mari yakapetwa nekatatu yandaimbotambira, uye ndairemekedzwa chaizvo.” Asi Trésor aigara achirovha misangano nemhaka yekuti aishanda ovhataimu. Uyewo vaaishanda navo vaigara vachimumanikidza kuti asataura chokwadi nezvezvimwe zvinhu zvavaiita. Trésor aida kusiya basa iri, asi ainetseka kuti aizoshaya rimwe basa. Chii chakamubatsira? Anoti: “Habhakuki 3:​17-19 yakandibatsira kunzwisisa kuti kunyange ndikarasikirwa nebasa, Jehovha aizotsvaga nzira yekundichengeta. Saka ndakasiya basa racho.” Akatiwo: “Vashandirwi vakawanda vanofunga kuti kana vakatambirisa munhu mari yakawanda, munhu iyeye achaita chero zvavanenge vachida kuti arambe aine basa iroro kunyange zvichireva kuti achashaya nguva yekuva nemhuri yake kana nguva yekunamata. Ndinofara kuti ndakachengetedza ushamwari hwangu naJehovha uye ndakaramba ndakabatana nevamwe vemumhuri yedu. Papera gore, Jehovha akandibatsira kuti ndiwane basa rakanaka rinoita kuti ndikwanise kuraramisa mhuri yangu uyewo ndikwanise kuwana nguva yekumunamata. Patinoisa Jehovha pekutanga, tinogona kumboomerwa, asi Jehovha achatichengeta.” Kana tikavimba nemazano atinopiwa naJehovha uye nevimbiso dzake, ticharamba tichifamba nekutenda uye achatikomborera.

PAKUSARUDZA WEKUROORANA NAYE

10. Chii chinogona kuita kuti tifambe nekuona patinenge tichisarudza wekuroorana naye?

10 Wanano chipo chinobva kuna Jehovha, uye vanhu vakasikwa vaine chido chekupinda muwanano. Saka hanzvadzi painenge ichifunga nezvekuroorwa neimwe hama, inogona kufunga nezveunhu hwehama yacho, chitarisiko chayo, mukurumbira wayo uye mashandisiro ainoita mari. Hanzvadzi yacho inogonawo kufunga kuti hama yacho ine vanhu vemumhuri vairi kuchengeta here, uyewo kuti inonzwa sei kana iine hama yacho.b Kufunga zvese izvi kunokosha. Asi kana hanzvadzi iyoyo ikangofunga izvozvo chete, inogona kunge ichifamba nekuona.

11. Tingafamba sei nekutenda patinenge tichisarudza wekuroorana naye? (1 VaKorinde 7:39)

11 Jehovha anodada chaizvo nevashumiri vake vanoteerera zvaanotaura panyaya yekusarudza wekuroorana naye! Semuenzaniso, vanombomira kudanana nemumwe munhu kusvika vapfuura “makore ekuyaruka.” (1 VaK. 7:36) Vanotanga vafunga zvinotaurwa naJehovha kuti ndizvo zvichaita kuti munhu ave murume kana mudzimai akanaka voshandisa izvozvo pavanenge vachitsvaga munhu wekuroorana naye. (Zvir. 31:​10-13, 26-28; VaEf. 5:33; 1 Tim. 5:8) Uye havadanani nemunhu asiri mushumiri waJehovha akabhabhatidzwa, nekuti vanoteerera zvinotaurwa pana 1 VaKorinde 7:39 zvekuti varoorane “munaShe chete.” (Verenga.) Vanoramba vachifamba nekutenda, vaine chivimbo chizere chekuti Jehovha acharamba achivatsigira.—Pis. 55:22.

12. Wadzidzei kubva pane zvakaitika kuna Rosa?

12 Funga zvakaitika kuna Rosa, mumwe piyona wekuColombia. Basa rake raiita kuti aonane nemumwe murume asiri Chapupu uyo akatanga kumufarira. Rosa aimufarirawo. Anoti: “Hapana chandaishora pamurume uyu. Aizvipira kubatsira vanhu munharaunda yaaigara uye aiita semunhu akanaka. Ndaifarira mabatiro aaindiita. Aiva neunhu hwakanaka zvekuti ndiye murume wandaizoda kuroorwa naye, asi akanga asiri Chapupu.” Anoenderera mberi achiti: “Zvakanga zvakaoma kuti ndimuudze kuti zvaisaita kuti tidanane nekuti ndaimudawo. Panguva iyoyo ndainzwa kusurukirwa uye ndaida kuroorwa, asi ndakanga ndisati ndaona hama yandaigona kudanana nayo.” Rosa haana kuramba akaisa pfungwa pane zvaaiona chete. Akafungawo kuti chisarudzo chake chaizokanganisa sei ushamwari hwake naJehovha. Saka akaregedza zvachose kutaura nemurume uyu uye akava nezvakawanda zvekuita mubasa raJehovha. Pasina nguva, akakokwa kuti apinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo, uye iye zvino ava kushanda sapiyona chaiye. Rosa anoti: “Jehovha akandipa makomborero akawanda chaizvo ayo ari kuita kuti ndifare.” Kunyange zvazvo zvisiri nyore kuti tifambe nekutenda panyaya dzakadai, pese patinobvuma kutungamirirwa nemafungiro aJehovha tinowana makomborero.

PATINOPIWA MIRAYIRIDZO NESANGANO

13. Chii chinogona kuita kuti titange kufamba nekuona patinopiwa mirayiridzo nesangano?

13 Vakuru, mutariri wedunhu, hofisi yebazi, uye Dare Rinotungamirira, vanowanzotipa mirayiridzo inotibatsira kuti tikwanise kushumira Jehovha. Asi dzimwe nguva tinogona kusanzwisisa kuti nei tiri kupiwa mirayiridzo iyi. Tinogona kusava nechokwadi chekuti mirayiridzo yatiri kupiwa inotibatsira here. Tinogona kutotanga kuisa pfungwa pane zvinokanganiswa nehama dzinenge dzatipa mirayiridzo iyoyo.

14. Chii chichaita kuti tifambe nekutenda patinopiwa mirayiridzo nesangano? (VaHebheru 13:17)

14 Patinofamba nekutenda, tinoratidza kuti tinovimba kuti Jehovha ndiye ari kutungamirira sangano rake uye kuti anoziva mamiriro edu ezvinhu. Saka izvozvo zvinoita kuti tikurumidze kuteerera patinopiwa mirayiridzo, uye tizviite tichifara. (Verenga VaHebheru 13:17.) Tinoziva kuti patinoteerera tinoita kuti ungano yedu irambe yakabatana. (VaEf. 4:​2, 3) Uye kunyange zvazvo tichiziva kuti vaya vari kutitungamirira vanhu vanokanganisa, Jehovha achatikomborera kana tikateerera. (1 Sam. 15:22) Kana kuri kuti pane zvinoda kugadziriswa, tinoziva kuti Jehovha achazvigadzirisa panguva yakakodzera.—Mika 7:7.

15-16. Chii chakabatsira imwe hama kuti ifambe nekutenda kunyange zvazvo yakanga isina chokwadi nemumwe murayiridzo wavakanga vapiwa? (Onawo mufananidzo.)

15 Funga zvakaitika kuPeru zvinoratidza kubatsirwa kwatinoitwa nekufamba nekutenda. Kunyange zvazvo mutauro wechiSpanish uri iwo unonyanya kutaurwa munyika iyi, vanhu vakawanda vanotaurawo mimwe mitauro yemo. Quechua ndemumwe wemitauro iyi yavanotaura. Kwemakore akawanda, hama nehanzvadzi dzinotaura mutauro uyu dzaitsvaga vamwe vanotaurawo chiQuechua mundima yavaiparidza. Asi vakapiwa mirayiridzo yekuti vachinje nzira dzekutsvaga nadzo vanhu mundima kuti vatevedzere mitemo yakanga yaiswa nehurumende. (VaR. 13:1) Vamwe vakatanga kunetseka kuti izvi zvaisazokanganisa here basa ravo. Asi nemhaka yekuti hama dzakateerera mirayiridzo mitsva iyi, Jehovha akakomborera zvese zvavaiita kuti vawane vanhu vakawanda vaitaura mutauro wechiQuechua.

16 Kevin, ndemumwe mukuru wemuungano yemutauro wechiQuechua ainetsekawo nemurayiridzo wavakanga vapiwa. Anotsanangura kuti: “Ndainetseka kuti, ‘Tichawana sei vanhu vanotaura mutauro wechiQuechua?’” Saka Kevin akaita sei? Anoti: “Ndakayeuka mashoko aZvirevo 3:5. Uye ndakafunga nezvaMozisi. Jehovha akamuudza kuti atungamirire vaIsraeri kubuda muIjipiti uye kuti ashandise imwe nzira yaizoita kuti zvive nyore kuti vaIjipiti vabate vaIsraeri. Asi Mozisi akateerera uye Jehovha akamukomborera nenzira inoshamisa.” (Eks. 14:​1, 2, 9-11, 21, 22) Kevin akabvuma kuchinja maitiro aaiita ushumiri hwake. Izvozvo zvakabatsirei? Anoti: “Jehovha akatikomborera zvinoshamisa. Kare taifamba madaro akareba muushumiri asi dzimwe nguva taingowana munhu mumwe chete kana vaviri vanotaura mutauro wechiQuechua. Iye zvino tava kushanda ndima dzine vanhu vakawanda vanotaura mutauro uyu. Izvozvo zviri kuita kuti titaure nevanhu vakawanda, tive neshanyo dzekudzokera dzakawanda, uye tiitise zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda. Vanhu vanopindawo misangano yedu vawedzera.” Saka pese patinofamba nekutenda, tinokomborerwa naJehovha.

Mumwe murume anotaura chiQuechua ari kutaura neimwe hama nehanzvadzi vari muushumiri. Ari kuvaratidza panogara mumwe munhu.

Hama dzakaona kuti vanhu vakawanda vavaisangana navo vaikwanisa kuvaratidza kwavaigona kuwana vamwe vanhu vaitaura mutauro wacho munharaunda yavo (Ona ndima 15-16)


17. Wadzidzei munyaya ino?

17 Tadzidza zvatingaita kuti tirambe tichifamba nekutenda pazvinhu zvitatu zvinokosha. Asi tinofanirawo kuramba tichifamba nekutenda pazvese zvatinoita muupenyu. Semuenzaniso patinosarudza zvekuzvivaraidza nazvo uye patinoita zvisarudzo zvine chekuita nedzidzo kana kuti marerero atinoita vana. Pazvisarudzo zvese zvatinoita, hatifaniri kungotungamirirwa chete nezvatinoona asi tinofanira kufunga nezveushamwari hwedu naJehovha, mazano aanotipa uye vimbiso yake yekuti achatichengeta. Kana tikadaro, tichakwanisa ‘kufamba nezita raJehovha Mwari wedu nariini nariini.’—Mika 4:5.

TINGAFAMBA SEI NEKUTENDA . . .

  • patinenge tichisarudza basa rekuita?

  • patinenge tichisarudza wekuroorana naye?

  • patinopiwa mirayiridzo nesangano?

RWIYO 156 Nekutenda

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Ndima ino iri kutaura nezvehanzvadzi iri kutsvaga wekuroorwa naye. Asi mazano ari kutaurwa mundima iyi anoshandawo kune hama iri kutsvaga wekuroora.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe