NYAYA YEKUDZIDZA 18
RWIYO 65 Fambira Mberi!
Hama Dzechidiki—Tevedzerai Mako naTimoti
“Muuye mese naMako, nekuti anondibatsira muushumiri.”—2 TIM. 4:11.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti zvakaitwa naMako naTimoti zvingabatsira sei hama dzechidiki kuti dzikwanise kuwedzera kushumira Jehovha uye hama nehanzvadzi dzavo muungano.
1-2. Zvii zvaigona kuita kuti Mako naTimoti vatadze kushumira vamwe zvizere?
HAMA dzechidiki, munoda here kuita zvakawanda pakushumira Jehovha uye pakubatsira vamwe muungano dzenyu? Zviri pachena kuti munoda. Tinofara chaizvo kuona varume vechidiki vakawanda vane chido chekushumira vamwe! (Pis. 110:3) Asi zvinogona kunge zvisiri nyore kwauri kuti uitire Jehovha zvakawanda. Unozeza here kuwedzera ushumiri hwako nekuti hauzivi kuti zvinhu zvinozokufambira sei? Wakamboramba kuita rimwe basa nekuti waitya kuti unozoritadza here? Kana zvakadaro, hausi wega.
2 Mako naTimoti vanogona kunge vainetsekawo nezvinhu izvi. Asi havana kurega kutya kana kushaya kwavo ruzivo kuchivatadzisa kushumira vamwe. Zvimwe Mako aigara naamai vake muimba yakanaka muapostora Pauro naBhanabhasi pavakamukumbira kuti vaende vese parwendo rwavo rwekutanga rweumishinari. (Mab. 12:12, 13, 25) Asi Mako akabvuma kubva pamba kuti anowedzera ushumiri hwake. Pakutanga akaenda kuAndiyoki uye akazobatana naPauro naBhanabhasi pavaienda kunzvimbo dziri kure. (Mab. 13:1-5) Timoti anogona kunge aigarawo nevabereki vake Pauro paakamukumbira kuti vaende vese kunoita basa rekuparidza. Sezvo aiva mudiki uye akanga asina ruzivo rwakawanda, Timoti aigona kuona sekuti akanga asingakodzeri kuita basa iri. (Enzanisa na1 VaKorinde 16:10, 11 uye na1 Timoti 4:12.) Asi akabvuma kuenda naPauro uye izvozvo zvakaita kuti awane makomborero akawanda.—Mab. 16:3-5.
3. (a) Pauro aida Mako naTimoti zvakadini? (2 Timoti 4:6, 9, 11) (Onawo mifananidzo.) (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura munyaya ino?
3 Mako naTimoti vakadzidza zvakawanda uye vakatanga kuita mabasa makuru muungano vachiri vadiki. Pauro aida chaizvo varume ava vechidiki zvekuti paakaziva kuti akanga ava pedyo kufa akavakumbira kuti vauye kwaaiva. (Verenga 2 Timoti 4:6, 9, 11.) Nei Pauro aida Mako naTimoti zvakadaro? Hama dzechidiki dzingavatevedzera sei? Uye mazano aPauro angabatsira sei hama dzechidiki mazuva ano?
Mako naTimoti vaidiwa chaizvo naPauro nekuti vakazvipira kuita mabasa makuru vachiri vadiki (Ona ndima 3)b
TEVEDZERA MAKO—IVA NECHIDO CHEKUSHUMIRA VAMWE
4-5. Mako akaratidza sei kuti aiva nechido chekushumira vamwe?
4 Maererano nerimwe bhuku, kushumira vamwe kunogona kureva kushanda nesimba kuti uvabatsire uye kuramba uchivabatsira kunyange pazvinenge zvakaoma. Mako akaratidza muenzaniso wakanaka panyaya iyi. Pauro paakaramba kuenda naye parwendo rwake rwechipiri rweumishinari, Mako anogona kunge akarwadziwa. (Mab. 15:37, 38) Asi izvozvo hazvina kutadzisa Mako kuramba achishumira hama nehanzvadzi dzake.
5 Mako akabvuma kunoshumira kune imwe nzvimbo nehama yake Bhanabhasi. Papera makore 11, Mako aiva pakati pevanhu vaibatsira Pauro paakasungwa kekutanga muRoma. (Fir. 23, 24) Pauro aikoshesa chaizvo kubatsirwa kwaaiitwa naMako zvekuti akatotaura kuti ‘aimunyaradza zvikuru.’—VaK. 4:10, 11.
6. Mako akabatsirwa sei nekuwirirana kwaaiita nehama dzakakura pakunamata? (Ona mashoko emuzasi.)
6 Mako akabatsirwa chaizvo nekuwirirana kwaaiita nevaKristu vakakura pakunamata. Pashure pekunge aita nguva aina Pauro muRoma, Mako akaenda kuBhabhironi kwaiva nemuapostora Petro. Vakawirirana chaizvo zvekuti Petro akasvika pakumudana kuti, “Mako mwanakomana wangu.” (1 Pet. 5:13) Pavaishanda vese, Petro anogona kunge aiudza shamwari yake yechidiki zvinhu zvakawanda zvinonakidza nezveupenyu uye ushumiri hwaJesu izvo zvakazonyorwa naMako muEvhangeri ine zita rake.a
7. Imwe hama yechidiki inonzi Seung-Woo yakatevedzera sei muenzaniso waMako? (Onawo mufananidzo.)
7 Mako akaramba aine zvakawanda zvaaiita mubasa raJehovha uye akaramba aine ushamwari hwepedyo nehama dzakakura pakunamata. Ungatevedzera sei Mako? Kana usati wava kukodzera kuita rimwe basa muungano, iva nemwoyo murefu uye ramba uchitsvaga nzira dzaungashumira nadzo Jehovha uye hama nehanzvadzi dzako. Funga nezvemuenzaniso waSeung-Woo, uyo ava kushumira semukuru. Paaiva mudiki, aiwanzozvienzanisa nedzimwe hama dzechidiki. Vamwe vaaizvienzanisa navo muungano vakanga vapiwa mabasa ekuita asi iye akanga asina. Seung-Woo akarwadziwa chaizvo paakaona izvi zvichiitika uye akazotsanangurira vakuru kuti ainzwa sei. Mumwe mukuru akamuudza kuti aedze kuita zvese zvaaikwanisa pakushumira vamwe kunyange zvazvo dzimwe nguva zvakanaka zvaaizoita zvaisazoonekwa nevamwe. Seung-Woo akateerera mashoko emukuru uyu uye akatanga kubatsira vakwegura nevamwewo vaida kutakurwa kuenda kumisangano. Achifunga zvakaitika izvi, anoti: “Ndakasvika pakunyatsoziva kuti kushumira vamwe kudii. Ndakawanawo mufaro unobva pakupa nekuti ndaiita zvese zvandaikwanisa kubatsira vamwe.”
Hama dzechidiki dzinobatsirwa sei nekugara dzichiwadzana nehama dzashumira Jehovha kwemakore akawanda? (Ona ndima 7)
TEVEDZERA TIMOTI—RATIDZA KUTI UNODA VAMWE
8. Nei Pauro akasarudza kufamba naTimoti? (VaFiripi 2:19-22)
8 Pauro aida vanhu vakashinga vekuti afambe navo achidzokera kumaguta aakanga apikiswa. Akatanga kusarudza kufamba naSirasi, uyo aiva muKristu akanga ava nemakore achishumira Jehovha. (Mab. 15:22, 40) Pauro akazosarudzawo kufamba naTimoti. Chii chakaita kuti amusarudze? Chimwe chacho ndechekuti Timoti aiva nemukurumbira wakanaka. (Mab. 16:1, 2) Uyewo, Timoti aida vanhu chaizvo.—Verenga VaFiripi 2:19-22.
9. Timoti akaratidza sei kuti ainyatsoda hama nehanzvadzi dzake zvaibva pamwoyo?
9 Kubva paakatanga kufamba naPauro, Timoti akanyatsoratidza kuti aida vamwe kupfuura kuda kwaaizviita. Izvozvo zvakaita kuti Pauro amusiye kuBheriya kuti akurudzire vadzidzi vatsva vaiva ikoko. (Mab. 17:13, 14) Panguva iyoyo, Timoti anofanira kunge akabatsirwa nemuenzaniso waSirasi uyo akasarawo muBheriya. Pava paya, Pauro akazotuma Timoti ari ega kuTesaronika kuti anosimbisa vaKristu vaiva muguta iroro. (1 VaT. 3:2) Mumakore 15 akazotevera, Timoti akawedzera kuda hama nehanzvadzi dzake. Akadzida zvekuti dzimwe nguva aitochema padzaitambura. (VaR. 12:15; 2 Tim. 1:4) Hama dzechidiki dzingatevedzera sei Timoti?
10. Chii chakabatsira imwe hama inonzi Woo Jae kuti iwedzere kuda vamwe?
10 Imwe hama inonzi Woo Jae yakadzidza kuwedzera kuda vamwe. Paaiva mudiki, Woo Jae aiomerwa nekutaura nehama nehanzvadzi dzechikuru muungano. Saka aingodzimhoresa paImba yeUmambo, obva atoenda. Mumwe mukuru akapa Woo Jae zano rekuti kana achida kutanga nyaya nehama nehanzvadzi dzake, anogona kuvaudza zvaanofarira pavari. Mukuru wacho akamuudzawo kuti afunge kuti munhu waaizotaura naye aifarira nyaya dzipi. Woo Jae akaita zvakataurwa nemukuru uyu. Iye zvino ava mukuru uye anoti: “Zvava nyore kuti ndikwanise kukurukura nevanhu vemazera akasiyana-siyana. Ndinofara kuti ndava kuti nzwisisei matambudziko avanosangana nawo. Izvi zviri kuita kuti ndizive kuti ndingabatsira sei hama nehanzvadzi dzangu.”
11. Hama dzechidiki dzingawedzera sei kuva nehanya nevamwe muungano? (Onawo mufananidzo.)
11 Imi hama dzechidiki, munogona kuwedzera kuva nehanya nevamwe muungano. Pamunenge muri pamisangano, taurai nevanhu vemazera akasiyana-siyana uye vanobva kwakasiyana-siyana. Vabvunzei kuti vari sei, monyatsovateerera pavanenge vachitaura. Nekufamba kwenguva, munogona kuona kuti mungavabatsira sei. Zvimwe munogona kuona kuti imwe hama yechikuru nemudzimai wayo vanoda kubatsirwa kushandisa JW Library®. Kana kuti muchanzwa kuti havana munhu wavakaronga kubuda naye muushumiri. Munogona here kuvabatsira kuti vakwanise kushandisa foni kana kuti tablet yavo kana kuronga kubuda navo muushumiri? Pamunobatsira hama nehanzvadzi dzenyu munzira idzi, muchava muenzaniso wakanaka kune vamwe muungano.
Hama dzechidiki dzinogona kubatsira ungano munzira dzakawanda (Ona ndima 11)
BATSIRWA NEMAZANO APAURO
12. Hama dzechidiki dzinogona kubatsirwa sei nemazano akapiwa Timoti naPauro?
12 Pauro akapa Timoti mazano aizomubatsira kuti abudirire muupenyu hwake uye muushumiri. (1 Tim. 1:18; 2 Tim. 4:5) Imi hama dzechidiki munogona kubatsirwawo nemazano iwayo aPauro. Mungazviita sei? Verenga tsamba mbiri dzakanyorerwa Timoti naPauro sekunge kuti dzakanyorerwa iwewe pachako, woona kuti ungashandisa sei mazano acho muupenyu hwako. Ngatimbokurukurai mamwe mazano acho.
13. Chii chichatibatsira kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha?
13 “Iva nechinangwa chekuzvidzidzisa kuzvipira kuna Mwari.” (1 Tim. 4:7b) Chii chinonzi kuzvipira kuna Mwari? Kana munhu akazvipira kuna Jehovha, anenge akavimbika kwaari uye aine chido chekuita zvinhu zvinomufadza. Sezvo pasina munhu anoberekwa akazvipira kuna Mwari, tinotofanira kushanda nesimba kuti tive vakazvipira kwaari. Tingazviita sei? Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kuzvidzidzisa,” raiwanzoshandiswa kutsanangura kushanda nesimba kwaiita vanhu vaiita zvemitambo vachigadzirira kuzokwikwidzana nevamwe. Vanhu ava vaitofanira kudzivisa zvinhu zvaigona kuvatsausa, voisa pfungwa pakuzadzisa chinangwa chavo. Nesuwo tinotofanira kushanda nesimba kuti tigare tichiita zvinhu zvichatiswededza pedyo naJehovha.
14. Tinofanira kuverenga Bhaibheri tiine chinangwa chei? Taura muenzaniso.
14 Paunenge uchiverenga Bhaibheri zuva rega rega, ramba wakaisa pfungwa pachinangwa chako chekuwedzera kuswedera pedyo naJehovha. Semuenzaniso, unodzidzei kubva pane zvakaitika Jesu paakasangana nemumwe mutongi wechidiki akanga akapfuma? (Mako 10:17-22) Murume iyeye aibvuma kuti Jesu ndiye Mesiya asi akanga asina kutenda kwakakwana zvekuti akatadza kuva mudzidzi waJesu. Kunyange zvakadaro, Jesu ‘akamuda.’ Haubayiwi mwoyo here nematauriro akaita Jesu nemurume uyu? Zviri pachena kuti Jesu aida kuti murume uyu aite chisarudzo chakanaka. Zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti Jehovha aidawo murume uyu. (Joh. 14:9) Paunofunga nezvenyaya iyi uye mamiriro ako ezvinhu zvibvunze kuti, ‘Chii chandinofanira kuita kuti ndiwedzere kuswedera pedyo naJehovha uye kushumira vamwe?’
15. Nei zvakakosha kuti hama yechidiki ive muenzaniso wakanaka kune vamwe? (1 Timoti 4:12, 13)
15 “Iva muenzaniso kune vakatendeka.” (Verenga 1 Timoti 4:12, 13.) Pauro akakurudzira Timoti kuti awedzere kuvandudza unyanzvi hwake pakuverenga uye pakudzidzisa asi aisafanira kuperera ipapo. Timoti aizofanira kuvawo nerudo, kutenda uye tsika dzakachena. Nei Pauro akamukurudzira izvozvo? Nekuti zvinoitwa nemunhu zvinokosha kupfuura zvaanotaura. Semuenzaniso, ngatitii wapiwa hurukuro inotaura nezvekuti tingaita sei kuti tiwedzere kushingaira muushumiri. Kana uchishanda nesimba muushumiri, zvichakuitira nyore kupa hurukuro yacho. Zvaunoita zvichaita kuti vanhu vanyatsoteerera zvauchataura.—1 Tim. 3:13.
16. (a) Hama dzechidiki dzingava muenzaniso kune vamwe pazvinhu zvipi 5? (b) Hama yechidiki ingava sei muenzaniso “pakutaura”?
16 Sezviri pana 1 Timoti 4:12, Pauro akataura zvinhu 5 zvinogona kuitwa nehama yechidiki kana ichida kuva muenzaniso wakanaka. Pauchange uchidzidza uri wega, wadii wafunga nezvechimwe nechimwe chezvinhu izvi? Semuenzaniso, ngatitii uri kuda kuva muenzaniso “pakutaura.” Funga kuti zvii zvaungataura kuti uvake vamwe. Kana uchiri kugara nevabereki, unokwanisa here kuwedzera kuvatenda nezvavanokuitira? Pashure pemisangano, unokwanisa here kuudza mumwe munhu anga aine hurukuro zvawafarira pahurukuro yake? Unogona kuedzawo kupa mhinduro usingaiti zvekuverenga. Zvese zvauchaita kuti uve muenzaniso pakutaura, zvicharatidza kuti uri kufambira mberi pakunamata.—1 Tim. 4:15.
17. Chii chingabatsira hama yechidiki kuti izadzise zvinangwa zvayo zvekunamata? (2 Timoti 2:22)
17 “Tiza kuchiva kweudiki, asi tevera kururama.” (Verenga 2 Timoti 2:22.) Pauro akakurudzira Timoti kuti atize kuchiva kweudiki kwaigona kuzomukanganisa kuzadzisa zvinangwa zvake zvekunamata kana kutokanganisa ushamwari hwake naJehovha. Unogona kutoona kuti zvimwe zvinhu zvisina hazvo kuipa zviri kukutorera nguva yekuita zvinhu zvekunamata. Semuenzaniso, funga kuti unowanzoita nguva yakawanda sei uchiita zvemitambo, uri paindaneti kana kuti uchitamba mavhidhiyo gemhu. Unogona here kushandisa imwe yenguva iyoyo kuita zvinhu zvekunamata? Zvimwe unogona kutobatsirawo pabasa rekugadziridza Imba yenyu yeUmambo kana kutotsigira ushumiri hwechingoro hwemuungano yenyu. Kana ukaita zvinhu izvi zvekunamata, unogona kuva neshamwari dzinokubatsira kuva nezvinangwa zvekunamata uye kuzadzisa zvinangwa zvacho.
KUSHUMIRA VAMWE KUNOUNZA MAKOMBORERO
18. Mako naTimoti vakawana makomborero api?
18 Mako naTimoti vaiva nezvakawanda zvavaifanira kuchinja muupenyu hwavo kuti vakwanise kushumira vamwe zvizere uye izvozvo zvakaita kuti vararame upenyu hunonakidza uye vawane makomborero akawanda. (Mab. 20:35) Mako akaenda kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzaiva kure kuti anoshumira hama nehanzvadzi dzake. Akanyorawo nyaya inonakidza nezveupenyu uye ushumiri hwaJesu. Timoti akabatsira Pauro kutanga ungano dzakawanda uyewo kukurudzira hama nehanzvadzi. Zviri pachena kuti Jehovha akaona zvese zvakaitwa naMako naTimoti kuti vakwanise kumushumira zvizere uye akafadzwa navo.
19. Nei hama dzichidiki dzichifanira kuteerera mazano akapiwa Timoti naPauro, uye kana vakadaro vachararama upenyu hwakaita sei?
19 Pauro aida Timoti chaizvo uye izvozvo tinonyatsozviona mutsamba dzaakanyorera shamwari yake iyi yechidiki. Tsamba idzi dzakafemerwa dzinoratidzawo kuti Jehovha anokudai chaizvo imi hama dzechidiki. Anoda kuti mubudirire. Saka nyatsoteererai mazano akapiwa Timoti naPauro uye ivai nechido chekushumira vamwe zvizere. Kana mukadaro, muchararama upenyu hunonakidza iye zvino uye muchakwanisa ‘kunyatsobatisisa upenyu chaihwo’ huri mberi.—1 Tim. 6:18, 19.
RWIYO 80 “Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka”
a Sezvo Petro aiva munhu ainyatsoratidza manzwiro aaiita, anogona kunge akatsanangurira Mako kuti Jesu ainzwa sei uye kuti akaita sei mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Izvozvo zvinogona kutibatsira kunzwisisa kuti nei Mako paakanyora Evhangeri yake aitsanangura manzwiro aJesu uyewo zvaakaita.—Mako 3:5; 7:34; 8:12.
b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mako achibatsira Pauro naBhanabhasi parwendo rwavo rweumishinari. Timoti achishanyira imwe ungano kuti aisimbise uye aikurudzire.