RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 June pp. 26-31
  • Kudzidziswa neMurayiridzi Wedu Mukuru Parwendo Rwedu Rweupenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidziswa neMurayiridzi Wedu Mukuru Parwendo Rwedu Rweupenyu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVANDAKADZIDZA KUBVA KUVABEREKI VANGU
  • KUTANGA BASA RENGUVA YAKAZARA
  • KUSHUMIRA SEMAMISHINARI
  • KUENDA KUEUROPE UYEWO KUAFRICA
  • KUENDA KUMIDDLE EAST
  • KUDZOKERA KUAFRICA
  • Ndakatsunga Kusashayisa Maoko Angu Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Vafundisi Vanokurumidzisa Kukura Munyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Jehovha Akandikomborera Kupfuura Zvandaitarisira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Jehovha ‘Akaruramisa Makwara Angu’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 June pp. 26-31
Franco Dagostini.

NYAYA YEUPENYU

Kudzidziswa neMurayiridzi Wedu Mukuru Parwendo Rwedu Rweupenyu

YAKATAURWA NAFRANCO DAGOSTINI

INI nemudzimai wangu takasangana nezvinhu zvakawanda zvaiisa upenyu hwedu pangozi pataipayona uye pataishanda semamishinari. Dzimwe nguva taimiswa nemasoja anenge akapakata zvombo uye pamwe pacho taiona migwagwa yakavharwa vanhu vachipisa zvinhu pakati pemugwagwa. Pamwe pacho kwaiitika madutu uye pamwe pacho taitofanira kutiza hondo munzvimbo yataigara. Asi kunyange zvakadaro, hatimbodembi zvisarudzo zvatakaita muupenyu. Pasinei nezvese zvatakasangana nazvo, Jehovha haana kumborega kutitsigira uye kutikomborera. Sezvo ari Murayiridzi wedu Mukuru, Jehovha ari kutidzidzisawo zvidzidzo zvinokosha.—Job. 36:22; Isa. 30:20.

ZVANDAKADZIDZA KUBVA KUVABEREKI VANGU

Makore ekuma1950 ava kunopera, vabereki vangu vakatama vachibva kuItaly vachienda kutaundi reKindersley riri mupurovhinzi yeSaskatchewan, kuCanada. Nguva pfupi vasvika ikoko vakadzidza chokwadi uye ndicho chinhu chatakatanga kunyanya kukoshesa muupenyu hwedu. Ndinoyeuka kuti pandaiva mudiki ndaiswera ndiri muushumiri nevanhu vemumhuri medu, saka ndinomboseka zvangu ndichiti ndakatanga kuita upiyona hwebetsero ndiine makore 8!

Franco achiri mudiki aine vabereki vake, mukoma wake nehanzvadzi dzake.

Ndiine vanhu vemumhuri medu munenge muna 1966

Vabereki vangu vaisava vapfumi asi vakatidzidzisa nezvavaiita kuti zvinokosha kuti tibvume kurasikirwa nezvimwe zvinhu tichiitira Jehovha. Semuenzaniso muna 1963 vakatengesa zvinhu zvavo zvakawanda kuti vakwanise kuwana mari yekuti tipinde gungano renyika dzakawanda rakaitirwa muPasadena, kuCalifornia, muU.S.A. Muna 1972 takatamira kuguta raiva kure nemakiromita 1 000 rinonzi Trail riri mupurovhinzi yeBritish Columbia, kuCanada, kuti tinoparidza mundima yemutauro wechiItalian. Baba vangu vaiita basa rekuchenesa. Vairamba kukwidziridzwa pabasa kuitira kuti vakwanise kuramba vakaisa pfungwa pazvinhu zvekunamata.

Ndinotenda zvakaitwa nevabereki vangu kudzidzisa inini, mukoma wangu, nehanzvadzi dzangu mbiri. Vakandidzidzisa zvinhu zvinokosha pakushumira Jehovha, izvo zvinosanganisira chidzidzo chandisingambofi ndakakanganwa chekuti: Kana ndikatanga kutsvaga Umambo, Jehovha anondichengeta.—Mat. 6:33.

KUTANGA BASA RENGUVA YAKAZARA

Muna 1980 ndakachata naDebbie, imwe hanzvadzi yakanaka uye yaiva nechinangwa chekushumira Jehovha. Taida kupinda mubasa renguva yakazara, saka Debbie akatanga kupayona pashure pemwedzi mitatu tachata. Patakanga tava negore tachata, takatamira kune imwe ungano diki kwaidiwa vaparidzi vakawanda, uye ndakabva ndatangawo kupayona.

Franco naDebbie vari pamuchato wavo.

Musi watakachata muna 1980

Papera nguva, takanga tava kunzwa kuora mwoyo saka takasarudza kubuda muungano yacho. Asi takatanga tataura nemutariri wedunhu. Akataura zvakanakanaka achitibudira pachena achiti: “Muri kuzviomesera mega. Muri kunyanya kuisa pfungwa pamatambudziko amuri kusangana nawo. Asi kana mukatsvaga zvinhu zvakanaka, muchazviwana.” Zano iroro rakanga rakakodzera chaizvo. (Pis. 141:5) Takabva tatotanga kurishandisa uye pasina nguva, takatanga kuona zvinhu zvakawanda zvakanaka zvaiva muungano yacho. Vanhu vakawanda muungano yacho, kusanganisira vana nevaya vaiva nevarume vasingatendi, vaida kuitira Jehovha zvakawanda. Izvi zvakatidzidzisa chidzidzo chinokosha. Takadzidza kutsvaga zvakanaka tomirira kuti Jehovha agadzirise chero dambudziko ratinenge tiri kusangana naro. (Mika 7:7) Takatangazve kufara uye zvinhu zvakachinja.

Varayiridzi vedu vechikoro chemapiyona chatakatanga kupinda vakanga vamboshumira kune dzimwe nyika. Pavaitiratidza mapikicha avo vachitiudza nezvematambudziko avakasangana nawo uye makomborero avakawana, takabva tava nechido chekushanda semamishinari. Saka kubvira ipapo, takanga tava nechinangwa chekuva mamishinari.

Imba yeUmambo pashure pekunge kwanaya sinou uye imwe yacho yaunganidzwa kumativi kuti vawane pekupakira mota.

Ndiri paImba yeUmambo muBritish Columbia muna 1983

Kuti tikwanise kuzadzisa chinangwa ichocho, muna 1984 takatamira kupurovhinzi yeQuebec kunotaurwa chiFrench. Kubva kuBritish Columbia kwataigara kuenda kuQuebec pane daro remakiromita 4 000. Izvozvo zvaireva kuti taifanira kudzidza mumwe mutauro uye mararamiro matsva. Rimwe dambudziko ratakasangana naro nderekuti kazhinji taigara tisina mari. Pane imwe nguva takararama nekunhonga mbatatisi dzakanga dzasara pakanga pakohwewa mune mumwe munda. Debbie akanga atova nenzira dzakasiyana-siyana dzekubika mbatatisi idzodzo uye dzainaka chaizvo! Pasinei nematambudziko atakasangana nawo, takatsungirira tichifara uyewo takaona kuti Jehovha aitotichengeta.—Pis. 64:10.

Rimwe zuva takafonerwa tisingatombozvitarisiri. Takaudzwa kuti tiuye kuzoshumira kuBheteri rekuCanada. Takanga tanyorera kuti tipinde chikoro cheGiriyedhi, saka tainetseka kuti tobvuma here kuenda kana kuti torega, asi takazongosarudza kuenda. Patakasvika takabvunza Hama Kenneth Little vaiva muDare reBazi kuti: “Tichaita sei zvatanga takanyorera kuti tipinde chikoro cheGiriyedhi?” Vakapindura kuti, “Tichazozviona kana nguva yacho yasvika.”

Papera vhiki ini naDebbie takabva tanzi tiuye kuzopinda chikoro cheGiriyedhi. Saka taitofanira kusarudza zvekuita. Hama Little vakatiudza kuti kana tikasarudza kuenda kuGiriyedhi taizoita mazuva ataizodemba kuti dai takasarudza kushanda paBheteri, uyewo kana tikasarudza kushanda paBheteri taizoita mazuva ataizodemba kuti dai takaenda kuGiriyedhi. Vakatiwo: “Zvese zvisarudzo zvakanaka uye Jehovha anogona kukomborera chero zvamuchasarudza.” Saka takasarudza kuenda kuGiriyedhi uye makore zvaaipindana, tainyatsoona kuti zvakataurwa naHama Little ndezvechokwadi. Kakawanda tinomboudzawo vamwe zvatakaudzwa naHama Little pavanenge vachifanira kusarudza kuti vobvuma kuita zvipi musangano raJehovha.

KUSHUMIRA SEMAMISHINARI

(Kuruboshwe) Ulysses Glass

(Kurudyi) Jack Redford

Takafara chaizvo kuva mukirasi yechi83 yechikoro cheGiriyedhi iyo yaiva nevadzidzi 24. Chikoro chacho chakaitirwa muBrooklyn, kuNew York, uye takatanga muna April 1987. Hama Ulysses Glass naJack Redford ndivo vaiva varayiridzi vedu. Pashure pemwedzi 5, takagirajuweta musi wa6 September 1987. Takabva tanzi tiende kuHaiti pamwe chete naJohn naMarie Goode.

Franco naDebbie vachiparidzira vari pamhenderekedzo yegungwa kuHaiti.

Tiri kuHaiti muna 1988

Pakanga pasati patumirwa mamishinari kuHaiti kubva muna 1962 mamishinari aivako paakadzingwa munyika iyoyo. Papera mavhiki matatu, takasvika muHaiti uye takanzi tinoshumira kuungano yaiva munzvimbo iri kwayo yega yekumakomo iyo yaiva nevaparidzi 35. Taiva vadiki uye taisava neruzivo rwakawanda uye taigara tiri tega muimba yemamishinari. Vanhu veko vaitambura zvisingaiti uye vakawanda vavo vaisagona kuverenga. Mumazuva iwayo atakatanga basa reumishinari takaona vanhu vemuHaiti vachirwisana nemhaka yekuti zvinhu zvakanga zvisina kugadzikana panyaya dzezvematongerwo enyika, takaonawo hurumende dzemo dzichibviswa pachigaro, vanhu vaigara vachiratidzira, uye kwakaitikawo madutu.

Taidzidza zvakawanda kubva kuhama nehanzvadzi dzedu dzekuHaiti dzaitsungirira uye dzaigara dzichifara. Vakawanda vavo vakanga vakaomerwa neupenyu asi vaida Jehovha uye vaidawo basa rekuparidza. Imwe hanzvadzi yechikuru yakanga isingagoni kuverenga, asi yaiziva mavhesi anenge 150 nemusoro. Matambudziko ataiona akaita kuti titowedzera kuda kuparidza kuti Umambo hwaMwari ndihwo hwega huchagadzirisa matambudziko evanhu. Tinofara chaizvo kuti vamwe vanhu vatakatanga kudzidza navo Bhaibheri vakazova mapiyona enguva dzese, mapiyona chaiwo, uyewo vakuru.

Pandaiva kuHaiti ndakasangana nemumwe murume wechidiki anonzi Trevor. Trevor aiva mumishinari wechechi yeLatter-Day Saints uye ndakatombodzidza naye Bhaibheri. Papera makore, ndakashamisika ndichigamuchira tsamba yaibva kwaari achiti: “Ndiri kubhabhatidzwa pagungano riri kuuya. Ndinoda kudzoka kuHaiti kuti ndinoshumira sapiyona chaiye munzvimbo yandaishanda semumishinari weLatter-Day Saints.” Uye iye nemudzimai wake ndizvo zvavakaita kwemakore akawanda.

KUENDA KUEUROPE UYEWO KUAFRICA

Franco ari muhofisi yake.

Ndichishanda kuSlovenia muna 1994

Pazvakanga zvava nyore kuti basa rekuparidza rikwanise kuitwa mune dzimwe nyika dzemuEurope, takanzi tinoshumira ikoko. Muna 1992 takasvika muLjubljana, Slovenia, pedyo nekwakakurira vabereki vangu vasati vatamira kuItaly. Hondo yakanga ichiri kutsviriridza mune dzimwe nzvimbo dzaimbova pasi penyika yeYugoslavia. Bazi raiva muVienna, kuAustria, uye mahofisi aiva muZagreb, kuCroatia, uyewo muBelgrade, kuSerbia, ndiwo aiona nezvebasa rekuparidza raiitwa muYugoslavia. Asi iye zvino, sezvo Yugoslavia yakanga yaparara, nyika imwe neimwe yakanga yava kufanira kuva neBheteri rayo.

Takanga tava kufanira kudzidza zvakare mumwe mutauro nemararamiro matsva. Vanhu vemuSlovenia vaiwanzoti, “Jezik je težek,” izvo zvinoreva kuti “Mutauro wacho wakaoma.” Uye wakanga wakatoomawo zvechokwadi! Taiyemura chaizvo kuvimbika kwehama nehanzvadzi dzedu idzo dzaigara dzakagadzirira kuchinja kuti dziite zvinoenderana nezvinenge zvagadziridzwa musangano uye taiona kuti Jehovha aivakomborera sei. Takaonawo zvakare kuti Jehovha anogadzirisa sei zvinhu zvinenge zvisina kumira zvakanaka uye kuti anozviita sei panguva yakakodzera. Takadzidza zvakawanda muupenyu zvakatibatsira kutsungirira matambudziko atakasangana nawo kuSlovenia, uye tiri ikoko tine zvakawanda zvatakadzidzawo.

Asi zvinhu zvaizoramba zvichichinja muupenyu hwedu. Muna 2000 takanzi tinoshumira kuCôte d’Ivoire iri kuWest Africa. Uye muna November 2002, kurwisana kwaiita vagari vemuCôte d’Ivoire kwakaita kuti tibudiswe munyika iyoyo tichiendeswa kuSierra Leone. Hondo yairwiwa pakati pevagari vemuSierra Leone, iyo yakanga yava nemakore 11, yakanga ichangobva kupera. Takarwadziwa chaizvo kubuda muCôte d’Ivoire tichiita zvekukurumidza kudaro. Asi zvinhu zvatakanga tadzidza muupenyu kusvika panguva iyoyo zvakatibatsira kuti tirambe tichifara.

Takaisa pfungwa pakubatsira vanhu vakawanda vaida kudzidza chokwadi uyewo pane zvaiitwa nehama nehanzvadzi dzedu dzine rudo idzo dzakanga dzatsungirira hondo kwemakore akawanda. Vaiva varombo, asi vaidawo kupa vamwe zvavaiva nazvo. Imwe hanzvadzi yakapa Debbie hembe. Pakutanga Debbie aida kudziramba, asi hanzvadzi yacho yakamuti: “Muhondo, hama nehanzvadzi dzekune dzimwe nyika dzaitibatsira. Iye zvino wavawo mukana wedu wekuti tibatsire vamwe.” Takabva tava nechido chekutevedzerawo rudo rwavo.

Takazodzokera kuCôte d’Ivoire, asi nemhaka yekuti nyaya dzezvematongerwo enyika dzakanga dzisina kugadzikana, vanhu vakatanga kurwisana zvakare. Saka muna November 2004, takatakurwa nechikopokopo tichibudiswa munzvimbo iyoyo yaitsviriridza hondo, mumwe nemumwe wedu achingova nebhegi diki rimwe chete. Usiku ihwohwo takarara pasi kubhesi remasoja ekuFrance uye zuva rakatevera takazotakurwa nendege tichiendeswa kuSwitzerland. Takasvika pabazi rekuSwitzerland pakati peusiku, uye Dare reBazi, varayiridzi veChikoro Chekudzidzisa Vashumiri nemadzimai avo, vakatigamuchira nemaoko maviri vachitimbundira, vakatipa zvekudya uye machokoreti akawanda ekuSwitzerland. Zvakatibaya mwoyo chaizvo.

Franco achipa hurukuro paImba yeUmambo kuCôte d’Ivoire.

Ndichipa hurukuro kuvapoteri kuCôte d’Ivoire, muna 2005

Takambonzi tinoshumira tiri kuGhana, tichibva tazodzokera kuCôte d’Ivoire zvinhu pazvakanga zvadzikama. Takabatsirwa chaizvo nekubatwa zvakanaka kwatakaitwa nehama nehanzvadzi dzedu panguva idzodzo dzakaoma dzataifanira kutiza munzvimbo yataiva tiri uye pataifanira kumboshumira tiri kune imwe nyika. Ini naDebbie takawirirana kuti kunyange zvazvo vanhu vari musangano raJehovha vagara vachiratidza rudo, hatingambodi kurerutsa zvavanotiitira. Tingatoti kunyange zvinhu zvatakasangana nazvo panguva idzodzo dzakaoma, kwaitova kudzidziswa naJehovha.

KUENDA KUMIDDLE EAST

Franco naDebbie vashanyira imwe nzvimbo ine matongo kuMiddle East.

Tiri kuMiddle East muna 2007

Muna 2006, takagamuchira tsamba yaibva kumahofisi makuru ichitiudza kuti takanga tava kufanira kuenda kunoshumira tiri kuMiddle East. Izvi zvaireva kuti takanga tava kufanirazve kudzidza mumwe mutauro, mararamiro matsva, zvinhu zvitsva uyewo kusangana nematambudziko atakanga tisati tambosangana nawo. Takadzidza zvakawanda munzvimbo iyi ine vanhu vanogara vachinetsana nemhaka yekusiyana kwezvitendero zvavo uyewo isina kugadzikana panyaya dzezvematongerwo enyika. Taifarira chaizvo kuti ungano dzeko dzaiva nevanhu vanotaura mitauro yakasiyana-siyana uye takaona kuti kutevedzera mirayiridzo inobva kusangano raJehovha kunoita kuti vanhu vabatane. Taiyemura chaizvo hama nehanzvadzi idzi nekuti vakawanda vavo vaitsungirira kupikiswa nevanhu vemumhuri, vekuchikoro, vekubasa uyewo vavakidzani.

Muna 2012, takapinda gungano renyika dzakasarudzwa muguta reTel Aviv kuIsrael. Kubva paPendekosti ya33 C.E., vanhu vaJehovha vakanga vasati vamboungana vakawanda kudaro munharaunda iyoyo. Hatimbofi takakanganwa gungano iroro!

Mumakore iwayo, takanzi tinoshanyira imwe nyika yatinorambidzwa kuita mamwe mabasa edu. Takaenda nemamwe mabhuku edu, takaitawo basa rekuparidza uye takapinda magungano akawanda aiva nevanhu vashoma. Masoja aiva nezvombo akanga ari kwese kwese uye mamwe acho ainge akatomira pane dzimwe nzvimbo mumigwagwa. Kunyange zvakadaro, tainzwa takachengeteka nekuti taifamba takangwarira tiine vamwe vaparidzi vashoma.

KUDZOKERA KUAFRICA

Franco achishandisa laptop yake.

Ndichigadzirira hurukuro muCongo muna 2014

Muna 2013 takanzi tinoshumira kune imwe nyika yakanga yakasiyana chaizvo nekwatakanga tiri. Takanzi tinoshumira pabazi rekuCongo riri muguta reKinshasa. Congo inyika yakakura chaizvo uye yakanaka asi yava nemakore ichirwiwa hondo uye vanhu veko vanotambura chaizvo. Pakutanga takazviudza kuti, “Africa tinoiziva, takagadzirira.” Asi takazoona kuti takanga tichiri nezvakawanda zvekudzidza. Taisaziva kuti tinofamba sei munzvimbo dzisina migwagwa kana mabhiriji. Takawana zvinhu zvakanaka zvakawanda zvekuisa pfungwa pazviri, zvakadai sekutsungirira uye kufara kunoita hama dzedu pasinei nekushaya zvekurarama nazvo, kuda kwavanoita basa rekuparidza, uye zvese zvavanoita kuti vakwanise kupinda misangano uyewo magungano. Takazvionera tega kuti basa reUmambo raibudirira nekuti Jehovha airitsigira uye airikomborera. Mumakore atakaita basa renguva yakazara muCongo, takadzidza zvakawanda uye takava neshamwari dzatinotoona sevanhu vemumhuri yedu chaivo.

Franco ari muushumiri nedzimwe hama nehanzvadzi vachienda kunoparidza kune imwe nzvimbo.

Ndichiparidza kuSouth Africa muna 2023

Gore ra2017 rava kunopera takaenda kunoshumira kuSouth Africa. Bazi rekuSouth Africa ndiro bazi rakakura kupfuura ese atakanga tamboshumira paari uye kunyange mabasa atakapiwa kuti tiite ipapo takanga tisati tambomaita. Takaona zvakare kuti takanga tichiri nezvakawanda zvekudzidza, asi zvidzidzo zvatakanga tambowana mune dzimwe nzvimbo dzatakamboshumira tiri zvakatibatsira. Tinoda chaizvo hama nehanzvadzi dzakawanda dzava nemakumi emakore dzichishumira dzakatendeka. Uye zvinofadza chaizvo kuona mhuri yeBheteri ichishanda yakabatana pasinei nekusiyana kwemarudzi avo uyewo kwavanobva. Zviri pachena kuti Jehovha ari kukomborera vanhu vake nerugare nekuti vari kupfeka unhu hutsva uye vanoshandisa zvinodzidziswa neBhaibheri.

Mumakore ese aya, ini naDebbie takapiwa mabasa akawanda, takadzidza mararamiro matsva uyewo mimwe mitauro. Zvaisava nyore nguva dzese asi takaona kuti Jehovha aitiratidza rudo rwake rusingachinji achishandisa sangano rake uyewo hama nehanzvadzi dzedu. (Pis. 144:2) Tine chokwadi chakasimba chekuti zvidzidzo zvatawana tiri mubasa renguva yakazara zvatibatsira kuvandudza unhu hwedu kuti tikwanise kushumira Jehovha zvakanaka.

Ndinotenda chaizvo marererwo andakaitwa nevabereki vangu, kutsigirwa kwandinoitwa nemudzimai wangu Debbie, uye mienzaniso yakanaka yevanhu vari mumhuri yaJehovha pasi rese. Chido changu nemudzimai wangu ndechekuti tirambe tichidzidziswa neMurayiridzi wedu Mukuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe