RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 July pp. 26-30
  • “Kurwa ndekwaJehovha”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kurwa ndekwaJehovha”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KURERWA NEVABEREKI VAIDA USHUMIRI
  • KUENDA KUMAHOFISI MAKURU
  • KUSHANDA MUDHIPATIMENDI REMITEMO
  • KUTSIGIRA MASHOKO AKANAKA NEKUSHANDISA MUTEMO KUITA KUTI ASARAMBIDZWA
  • NDINOKUTENDAI JEHOVHA!
  • Zvakaitika Gore Rakapera
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2012
  • Kudzivirira Mashoko Akanaka Zviri Pamutemo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • ‘Kudzivirira Nokusimbisa Pamutemo Mashoko Akanaka’
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Mushumo Wenyaya Dzemumatare
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 July pp. 26-30
Philip Brumley.

NYAYA YEUPENYU

“Kurwa ndekwaJehovha”

YAKATAURWA NAPHILIP BRUMLEY

MUSI wa28 January 2010, ndaiva muguta rakanaka chaizvo rinonzi Strasbourg, kuFrance, uye musi uyu kwaitonhora chaizvo. Asi ndakanga ndisina kuenda kuFrance kuti ndinoona guta iri rakanaka. Ndakanga ndaenda ikoko ndiri muchikwata chevanhu vaizomiririra kodzero dzeZvapupu zvaJehovha pamberi pedare reEuropean Court of Human Rights, (ECHR). Nyaya yaivapo yaiva yekuti hurumende yeFrance yaiva nekodzero here yekubhadharisa hama dzedu mutero wakanga wakakura wemari inoda kusvika US$89 000 000. Asi kuwanda kwemari iyi hakusi iko kwaiita kuti tide kuhwina nyaya iyi pamberi pedare. Kuhwina nyaya iyi kwaizoita kuti zita raJehovha rikudzwe, vanhu vake vakwanise kuramba vaine mukurumbira wakanaka uye vakwanise kuramba vachinamata vakasununguka muFrance. Zvakaitika musi uyu zvakanyatsoratidza pachena kuti “kurwa ndekwaJehovha.” (1 Sam. 17:47) Regai ndikutsanangurirei zvakaitika.

Muna 1999, hurumende yeFrance yakataura kuti bazi redu rekuFrance raifanira kubhadhara mutero pamipiro yese yavakagamuchira kubva mugore ra1993 kusvika 1996. Takaendesa nyaya yedu kumatare emuFrance asi hatina kuhwina. Takadzosa nyaya yedu mudare zvakare asi hatina kuhwina, uye hurumende yakabva yatora mari inopfuura US$6 300 000 kubva muakaundi yekubhengi yebazi redu rekuFrance. Taitofanira kuendesa nyaya yedu kuECHR kuitira kuti tikwanise kudzorerwa mari yedu. Asi dare reECHR risati ratonga nyaya yedu, rakatiudza kuti taifanira kuonana nemagweta ehurumende yeFrance pamwe chete nemumwe mumiririri wedare racho kuti tione kana taikwanisa kutaurirana nyaya yacho isati yapinda mudare.

Taiziva kuti mumiririri weECHR aizotimanikidza kuti tibvume kubhadhara imwe mari yacho. Asi isu tainyatsoziva kuti kunyange kubhadhara US$1 kwaizoita kuti tiite zvinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri. Hama nehanzvadzi dzakanga dzapa mipiro iyi kuti dzitsigire basa reUmambo, saka hurumende yaisava nekodzero yekutora mipiro iyi. (Mat. 22:21) Kunyange zvakadaro, takaenda kumusangano wacho kuti tiratidze kuti tairemekedza mitemo yedare reECHR.

Ndiine vamwe vandaishanda navo muDhipatimendi Remitemo takamira pamberi peECHR muna 2010

Takaitira musangano wacho mune rimwe kamuri rakanga rakanaka chaizvo repadare racho. Asi tichangotanga, mumiririri wedare reECHR akabva ati Zvapupu zvaJehovha zvaitarisirwa kubhadhara imwe mari yakanga yataurwa nehurumende yeFrance. Saka takabva tati kwaari: “Muri kuziva here kuti hurumende iyi yakatotora imwe mari inopfuura US$6 300 000 kubva muakaundi yedu yekubhengi?”

Akashamisika uye akagumbuka nezvakanga zvaitwa nehurumende yeFrance. Magweta ehurumende paakabvuma kuti hurumende yeFrance yakanga yatitorera mari, maonero aiita mumiririri weECHR akabva achinja. Akavapopotera uye akabva aita kuti musangano wacho upere. Ndakabva ndaona kuti Jehovha akanga atitungamirira nenzira yatakanga tisingatarisiri achitibatsira kuti tihwine nyaya iyi. Takabva ipapo tichifara, tichishamisika nezvakanga zvaitika.

Musi wa30 June 2011, dare reECHR rakapa mutongo waititsigira. Rakapa mutongo wekuti zvaisava pamutemo kuti tibhadhare mutero uye rakaudza hurumende yeFrance kuti yaifanira kutidzosera mari yayakanga yatitorera, yotowedzera neimwe yemubereko! Mutongo uyu wakapiwa wakaita kuti kunamata kwakachena kurambe kuchienderera muFrance kusvika nanhasi. Mubvunzo mumwe chete iwoyo watakanga tisina kutombogadzirira wakaita sedombo rakakandwa naDhavhidhi achinorova musoro waGoriyati. Mubvunzo iwoyo wakachinja maperero aizoita nyaya iyi. Asi chii chakaita kuti tihwine? Sezvakataurwa naDhavhidhi kuna Goriyati, “kurwa ndekwaJehovha.”—1 Sam. 17:​45-47.

Asi apa hapasiripo pega patakakunda. Pasinei nekupikiswa nehurumende dzine simba uye vezvitendero, mumakore ese aya takahwina nyaya 1 225 mumatare epamusoro emunyika 70, uye mune mamwe matare makuru. Kukunda uku kwakaita kuti tidzivirire kodzero dzedu dzakadai sekodzero yekuzivikanwa zviri pamutemo sechitendero, kukwanisa kuparidzira pachena, kodzero yekuramba kuita zvinhu zvinenge zvichitsigira zvematongerwo enyika, uye yekuramba kuisirwa ropa.

Asi zvakafamba sei kuti ndizobatanidzwa munyaya iyi yaitongwa kuEurope ini ndaishumira kuMahofisi Makuru eZvapupu zvaJehovha kuNew York, U.S.A.?

KURERWA NEVABEREKI VAIDA USHUMIRI

Vabereki vangu, George naLucille, vakagirajuweta mukirasi yechi12 yeGiriyedhi uye vaishumira vari kuEthiopia pandakaberekwa muna 1956. Vakandipa zita rekuti Philip vachifunga nezvaFiripi muevhangeri. (Mab. 21:8) Gore rakatevera racho hurumende yakabhana basa redu. Kunyange zvazvo ndaiva mudiki ndinoyeuka kuti semhuri taipinda misangano uye taiparidza, asi tichingwarira kuti tisaonekwa. Sezvo ndaiva mwana ndaifunga kuti zvainakidza. Asi hurumende yakazoita kuti tibude munyika yacho muna 1960.

Nathan H. Knorr (ari kuruboshwe) paakashanyira mhuri yedu kuAddis Ababa, Ethiopia muna 1959

Mhuri yedu yakatama ichienda kuWichita, Kansas, U.S.A., asi vabereki vangu vakaramba vachida ushumiri sezvavaiita pavaimbova mamishinari. Vairarama zvinoenderana nechokwadi chiri muBhaibheri uye vakatidzidzisa chokwadi ichocho sevana. Taiva vana vatatu uye tese takaberekerwa kuEthiopia. Hanzvadzi yangu Judy ndiyo yaiva mukuru, kwozouya ini, uye kuchizopedzisira munin’ina wangu Leslie. Ndakabhabhatidzwa ndiine makore 13. Pashure pemakore matatu, mhuri yedu yakatama ichienda kwaidiwa vaparidzi vakawanda kuArequipa, Peru.

Muna 1974, pandaiva nemakore 18, bazi rekuPeru rakaita kuti inini nedzimwe hama 4 tiende tinoshumira semapiyona chaiwo. Taiparidzira mundima yakanga isati yamboparidzwa yaiva kumakomo anonzi Central Andes Mountains. Izvi zvaisanganisira kuparidzira vanhu vaitaura chiQuechua nechiAymara. Taigara muchirori chataifamba nacho uye takachitumidza kuti Areka nekuti chakanga chakaita kunge chibhokisi. Handimbofi ndakakanganwa kushandisa kwandaiita Bhaibheri kubatsira vanhu veko kuti vazive kuti nekukurumidza Jehovha achabvisa urombo, urwere uye rufu. (Zvak. 21:​3, 4) Vanhu veko vakawanda vakagamuchira mashoko eUmambo.

Chirori chichifamba pane mvura yakawanda.

Chirori chatakatumidza kuti Areka, 1974

KUENDA KUMAHOFISI MAKURU

Hama Albert Schroeder, avo vaiva muDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha pavakashanya kuPeru muna 1977, vakandikurudzira kuti ndinyorere kunoshanda paBheteri kumahofisi makuru. Saka ndakanyorera uye pasina nguva, musi wa17 June 1977, ndakatanga kushanda paBheteri rekuBrooklyn. Mumakore angu 4 ekutanga, ndakashanda kudhipatimendi rekuchenesa uyewo rekugadzirisa zvinhu kuti zvirambe zvichishanda zvakanaka.

Musi watakachata muna 1979

Muna June 1978, ndakasangana naElizabeth Avallone pane rimwe gungano renyika dzakawanda kuNew Orleans, Louisiana. Elizabeth akarerwawo nevabereki vanoda Jehovha nemwoyo wese. Akanga ava nemakore 4 ari piyona wenguva dzese uye aida kuramba ari mubasa renguva yakazara kweupenyu hwake hwese. Saka taipota tichitaura tese. Pasina nguva, takanga tava kutodanana. Takazochata musi wa20 October 1979, uye takatanga kushumira tese paBheteri.

Hama nehanzvadzi dzemuungano yatakatanga kupinda nayo yainzi Brooklyn Spanish, dzaitida chaizvo. Kwemakore akazotevera takapindawo nedzimwe ungano nhatu dzaiva nehama nehanzvadzi dzaitida uye dzaitibatsira kuti tirambe tichiita basa redu repaBheteri. Tinotenda chaizvo kutitsigira kwavaiita uye kubatsirwa kwatakaitwa nehama neshamwari dzedu kuchengeta vabereki vedu pavakanga vakwegura.

Philip nevamwe vaaishanda navo paBheteri vari muImba yeUmambo.

Hama nehanzvadzi dzekuBheteri dzaipinda neungano yeBrooklyn Spanish muna 1986

KUSHANDA MUDHIPATIMENDI REMITEMO

Ndakashamisika muna January 1982 pandakanzi ndinoshanda kuDhipatimendi Remitemo. Pashure pemakore matatu, ndakanzi ndiende kuyunivhesiti kuti ndinodzidza kuita basa reugweta. Pandaiva ikoko, ndakadzidza kuti vanhu vakawanda vari muUnited States uye mune dzimwe nyika, vane rusununguko rwekuita zvinhu zvakawanda nemhaka yenyaya dzakaendeswa kumatare neZvapupu zvaJehovha zvikahwina. Nyaya idzi dzinokosha dzakakurukurwa chaizvo pandaiva mukirasi.

Muna 1986 pandaiva nemakore 30, ndakagadzwa kuti ndive mutariri weDhipatimendi Remitemo. Ndakafara chaizvo kuti hama dzaivimba neni kunyange zvazvo ndaiva mudiki, asi ndainetseka nekuti ndakanga ndiine zvinhu zvakawanda zvandakanga ndisingazivi uye ndaiziva kuti basa iri raisazova nyore.

Ndakazova gweta muna 1988, asi handina kuziva kuti dzidzo yandakanga ndawana yakanga yakanganisa sei mafungiro angu uye ushamwari hwangu naJehovha. Munhu akawana dzidzo yepamusoro anogona kutanga kuzvikwidziridza uye kuzvionera pamusoro pevaya vasina kudzidza sezvaakaita. Asi ndinotenda Elizabeth. Akandibatsira kuti nditangezve kuita zvinhu zvandaimboita kuti ndisimbise ushamwari hwangu naJehovha ndisati ndaenda kuyunivhesiti. Zvakatora nguva, asi ndakazosvika pakuva neushamwari hwakasimba naJehovha zvakare. Kubva pane zvakaitika kwandiri, ndakanyatsoona kuti kuva neruzivo rwakawanda hachisiricho chinhu chinonyanya kukosha muupenyu. Chinonyanya kukosha muupenyu kuva neushamwari hwakasimba naJehovha, uchimuda uye uchida vanhu vake.

KUTSIGIRA MASHOKO AKANAKA NEKUSHANDISA MUTEMO KUITA KUTI ASARAMBIDZWA

Pandakanga ndapedza chikoro cheyunivhesiti, ndakatanga kuisa pfungwa dzangu pakubatsira dhipatimendi redu panyaya dzine chekuita nemutemo paBheteri uye pakudzivirira sangano raJehovha nekodzero yedu yekuparidza mashoko akanaka. Basa rangu rainakidza chaizvo, asiwo dzimwe nguva raioma nekuti zvinhu zvinoramba zvichichinja nekukurumidza musangano redu. Semuenzaniso, kare taiwanzokumbira vanhu mupiro pataivapa mabhuku edu. Asi kutanga muna 1990, Dhipatimendi Remitemo rakanzi ritsvakurudze mashoko aizobatsira hama dzaitungamirira kuti dzipe mirayiridzo yaizoita kuti tirege kukumbira mipiro. Kubvira ipapo, Zvapupu zvava kupa vanhu mabhuku pachena. Izvi zvakarerutsa basa repaBheteri uye raiitwa mundima, uye kusvika nanhasi zvinotidzivirira kuti tisabhadhariswa mutero. Vamwe vakafunga kuti kuchinja uku kwaizoita kuti mari ipere uye kuti zvaizovhiringa basa rekuparidza. Asi izvozvo hazvisirizvo zvakaitika. Nhamba yevanhu vava kushumira Jehovha iye zvino inotopeta nekaviri nhamba yevaya vaishumira muna 1990, uye nanhasi vanhu vachiri kukwanisa kuwana zvekudya zvekunamata vasingabhadhari. Ndakaona kuti panochinja zvinhu zvikuru musangano redu, zvinobudirira chete nekuti Jehovha anotibatsira uye nekuti tinoteerera mirayiridzo yatinogamuchira kubva kumuranda akatendeka.—Eks. 15:2; Mat. 24:45.

Kuva nemagweta ane unyanzvi hakusiriko kwega kunoita kuti tihwine nyaya mumatare. Kazhinji chinoita kuti vatongi uye vakuru vakuru vehurumende vazotibatsira ndechekuti vanenge vaona unhu hwakanaka hune vanhu vaJehovha. Izvi ndakazvionera ndega mugore ra1998 hama nhatu dzeDare Rinotungamirira pamwe chete nemadzimai adzo padzakaenda kunopinda magungano enyika dzakasarudzwa akaitirwa kuCuba. Takanga tamboita misangano nevakuru vehurumende, asi takaona kuti chakazoita kuti vanyatsobvuma kuti hatipindiri mune zvematongerwo enyika kucherechedza kwavakaita kuti hama idzi dzaibata sei vanhu dzichivaremekedza.

Asi dzimwe nguva, tinotofanira kuendesa nyaya dzedu mumatare kuitira kuti tikwanise “kutsigira mashoko akanaka nekushandisa mutemo kuita kuti asarambidzwa.” (VaF. 1:7) Semuenzaniso, kwemakore akawanda hurumende yeSouth Korea uye hurumende dzekuEurope dzaisaremekedza kodzero ine hama dzedu yekuramba kuita basa rechiuto. Izvi zvakaita kuti hama dzinoda kusvika 18 000 dzekuEurope uye dzinopfuura 19 000 dzekuSouth Korea dziiswe mujeri nekuti dzakaramba kuita zvechiuto nemhaka yehana dzavo.

Pakupedzisira musi wa7 July 2011, dare reECHR rakapa mutongo panyaya yaiva pakati paBayatyan nehurumende yeArmenia, (Bayatyan v. Armenia), waitaura kuti nyika dzese dzemuEurope dzaifanira kubvumira vanhu kuita mamwe mabasa asiri echiuto kana vasiri kukwanisa kuita basa rechiuto nemhaka yechitendero chavo. Constitutional Court yeSouth Korea yakazoitawo chisarudzo chakafanana naichocho musi wa28 June 2018. Kudai paiva nedzimwe hama shomanana dzakanga dzabvuma kuita basa rechiuto, mitongo yakadai inokosha ingadai isina kumbobvira yapiwa.

Dhipatimendi Remitemo riri pamahofisi edu makuru uye madhipatimendi emitemo ari mumapazi akasiyana-siyana munyika yese, ari kushanda nesimba kudzivirira kodzero yedu yekunamata Jehovha uye yekuparidza mashoko eUmambo. Tine ropafadzo chaiyo yekumiririra hama nehanzvadzi dzedu padzinopikiswa nehurumende. Pasinei nekuti tahwina nyaya yacho mudare kana kuti hatina, kupinda kwenyaya yedu mudare kunopa uchapupu kumagavhuna, madzimambo, uye marudzi. (Mat. 10:18) Vatongi, vamiririri vehurumende, vezvenhau, uyewo vamwe vanhu, vanenge vachitofanira kufunga nezvemagwaro atinenge tashandisa patinenge tichirwira kodzero dzedu mudare. Vaya vanenge vachida chokwadi vanodzidza pamusoro peZvapupu zvaJehovha uye zvatinotenda. Vamwe vavo vakatozosvika pakuva Zvapupu zvaJehovha.

NDINOKUTENDAI JEHOVHA!

Kwemakore 40 adarika, ndakava neropafadzo yekushanda pamwe chete nehama dziri mumapazi akasiyana-siyana pasi rese panyaya dzine chekuita nemutemo, kumira pamberi pematare makuru, uye kutaura nevakuru vakuru vehurumende. Ndinoda chaizvo hama dzandinoshanda nadzo muDhipatimendi Remitemo kumahofisi edu makuru uyewo vanoshanda mumadhipatimendi emitemo pasi rese. Pandinotarisa upenyu hwangu, ndinonyatsoona kuti Jehovha akandikomborera uye ndiri kugutsikana.

Philip naElizabeth Brumley.

Tava nemakore 45 tiri tese naElizabeth uye anga aineni achinditsigira zvinhu pazvainge zvakanaka uye pazvainge zvakaoma. Chandinoyemura paari ndechekuti ari kunditsigira kunyange zvavo aine chirwere chinoita kuti muviri wake upere simba.

Takanyatsozvionera tega kuti simba uye kukunda hazvibvi paunyanzvi hwatiinahwo. Asi sezvakataurwa naDhavhidhi, “Jehovha ndiye simba revanhu vake.” (Pis. 28:8) Chokwadi, “kurwa ndekwaJehovha.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe