RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 September pp. 26-30
  • Jehovha Akatibatsira Kuti Tirambe Tichikura Pasinei Nepatainge Tadyarwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Akatibatsira Kuti Tirambe Tichikura Pasinei Nepatainge Tadyarwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Akandikomborera Kupfuura Zvandaitarisira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Jehovha ‘Akaruramisa Makwara Angu’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Jehovha Ndiye Utiziro Hwangu Nesimba Rangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Zvaungaita Kuti Ujairane Nebasa Rako Idzva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 September pp. 26-30
Mats naAnn-Catrin vakamira pamota yavo vari kumamisha.

NYAYA YEUPENYU

Jehovha Akatibatsira Kuti Tirambe Tichikura Pasinei Nepatainge Tadyarwa

YAKATAURWA NAMATS NAANN-CATRIN KASSHOLM

KANA ukaudzwa mashoko ekuti, “Ita seruva rinokura chero paradyarwa,” unogona kufunga kuti mashoko iwayo haashandi. Asi mumwe murume wekuSweden anonzi Mats nemudzimai wake Ann-Catrin, vakaona kushanda kwemashoko iwayo nekuti vakaita seruva raidyarwa richidzurwa kakawanda. Ngationei kuti zvakafamba sei.

Hama nahanzvadzi Kassholm vakapinda Chikoro cheGiriyedhi muna 1979 uye kubva ipapo kusvika pari zvino vashumira munyika dzakawanda dzakadai seIran, Mauritius, Myanmar, Tanzania, Uganda uye Zaire. Pavakanga vari kuGiriyedhi, vakanzwa mashoko akataurwa nahama Jack Redford ayo akazovabatsira pese pavaichinjwa kwekushandira vachiita sevadyarwa vodzurwa, vodyarwa zvekare. Ngatinzwei vachitsanangura.

Mats, tiudzewo kuti wakawana sei chokwadi.

Mats: Baba vangu vaigara kuPoland panguva yairwiwa Hondo Yenyika Yechipiri, uye vakaona unyengeri hwakanyanyisa hwaiitwa muchechi yeRoma. Vaigara vachitaura kuti, “Ndinoziva kuti chitendero chechokwadi chiriko!” Nekufamba kwenguva ndakazoona kuti baba vangu vaitaura chokwadi. Zvakaitika ndezvekuti rimwe zuva ndakatenga mabhuku akawanda asi akanga amboshandiswa zvawo. Pakati pemabhuku acho pakanga paine rimwe rakanga riri rebhuruu uye rakanga rakanyorwa kunzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Mashoko iwayo akaita kuti ndide kunzwa zvakawanda. Saka ndakariverenga ndikaripedza rese usiku ihwohwo. Pandakapedza kuriverenga ndakaona kuti ndakanga ndawana chitendero chechokwadi!

Kubva muna April mugore ra1972, ndakaverenga mamwe mabhuku akawanda eZvapupu zvaJehovha uye ndakawana mhinduro dzemibvunzo yandaiva nayo. Saka ndakabva ndasiya zvandakanga ndaronga zvekuenda kuyunivhesiti kuti ndizova chiremba ndichibva ndasarudza kushumira Jehovha. Ndakatevedzera zvakaitwa nemurume uya anotaurwa mumufananidzo waJesu, uyo akawana parera rinokosha achibva ‘atengesa zvinhu zvese zvaaiva nazvo’ kuti aritenge. (Mat. 13:​45, 46) Ndakabva ndabhabhatidzwa musi wa10 December mugore iroro ra1972.

Pasati patombopera gore, vabereki vangu nemunin’ina wangu vakaonawo kuti ichi ndicho chokwadi, vachibva vabhabhatidzwa. Muna July 1973, ndakabva ndatanga kupayona. Pakati pemapiyona akanga ari muungano medu, paivawo nemumwe musikana ainzi Ann-Catrin, akanga akanaka uye aida Jehovha nemwoyo wese. Takabva tatanga kudanana tikachata muna 1975 uye kwemakore 4 akazotevera taigara muguta reStrömsund, muSweden. Guta iri rakanga rakanaka chaizvo uye raiva nevanhu vaida kudzidza Bhaibheri.

Ann-Catrin: Baba vangu vakadzidza chokwadi pavakanga vava kupedza zvidzidzo zvavo zvekuyunivhesiti muguta rinonzi Stockholm. Ndakanga ndichiri mucheche panguva iyoyo ndingori nemwedzi mitatu asi vaienda neni kumisangano uye kunoparidza. Amai vangu vaisazvifarira saka vaiedza kutsvagira Zvapupu mhosva. Asi zvakashaya basa uye vakatozobhabhatidzwa. Inini ndakabhabhatidzwa pandakanga ndava nemakore 13, uye pandakanga ndava nemakore 16 ndakabva ndatanga kupayona. Ndakaenda kunoshumira kuUmeå, uko kwaidiwa vaparidzi vakawanda ndichibva ndazogadzwa kuva piyona chaiye.

Pandakanga ndazochata naMats, takanakidzwa nekubatsira vanhu vakasiyana-siyana kuti vawane chokwadi. Pakati pevanhu ivavo paivawo nemumwe musikana wechidiki ainzi Maivor. Musikana uyu aiva shasha pane zvemitambo zvaaiita asi akazvisiya achibva atanga kupayona pamwe chete nemunin’ina wangu. Vakazopinda chikoro cheGiriyedhi vese muna 1984 uye pari zvino mamishinari kuEcuador.

Pese pamaichinjwa kwekushandira, mashoko aya ekuti “ita seruva rinokura chero paradyarwa,” akakubatsirai sei?

Mats: Taigara tichichinjwa kwekushandira uye pese ipapo taiita seruva radzurwa paranga riri richinodyarwa pamwe. Asi chaitibatsira kuti tidzike midzi patinenge tadyarwa kuedza kutevedzera Jesu, kunyanya panyaya yekuzvininipisa. (VaK. 2:​6, 7) Pataisvika mune imwe nzvimbo taiedza kutevedzera maitiro avaiita zvinhu pane kuvamanikidza kuti vaite zvatakajaira isusu. Taiedza kunzwisisa mafungiro avo uye kudzidza tsika dzavo. Pataishanda nesimba kuti tizvininipise sezvaiita Jesu, zvaibva zvatiitira nyore kuti tijaire nzvimbo yatinenge tava tichitoita setadyarwa “pedyo nehova dzemvura” pasinei nekuti tiri kupi.—Pis. 1:​2, 3.

Mats naAnn-Catrin vakatakura mabhegi nezvekudya.

Taigara tiri parwendo tichishanyira ungano

Ann-Catrin: Kana muti ukadzurwa wodyarwazve unotoda zuva kuti ukure zvakanaka. Saka isusu pataiita setiri kudzurwa todyarwa zvakare Jehovha aiita ‘sezuva’ kwatiri. (Pis. 84:11) Akatipa hama nehanzvadzi dzakawanda dzine rudo. Patakanga tiri kuIran, tichipinda neungano diki yaiva muTehran, hama nehanzvadzi dzeko dzakatibata zvakanaka. Rudo rwavakatiratidza rwakanga rwakangofanana nerwevamwe vanhu vatinoverenga muBhaibheri. Takanga tisisade kubva muIran, asi muna July 1980, hurumende yakarambidza basa redu saka yakabva yatipa mazuva maviri ekuti tibude munyika macho. Takabva tanzi tinoshanda kuAfrica kunyika yainzi Zaire iye zvino yava kunzi Congo.

Imba isingashamisire yekumamisha kuZaire.

Pataiva kuZaire muna 1982, tichinakidzwa nebasa redu

Pandakangonzwa kuti tiri kuenda kuAfrica, ndakachema. Zvandainzwa zvichitaurwa nevanhu nezveAfrica zvaindityisa nekuti vaiti kune nyoka nezvirwere. Asi pane murume nemudzimai vataishamwaridzana navo vakanga vava nemakore akawanda vachishanda muZaire vakatiudza kuti: “Mati mambokuenda here? Chimboendai uye tinoziva kuti muchanakidzwa.” Vaitaura chokwadi. Hama nehanzvadzi dzeko dzine rudo. Papera makore 6 patakazonzi tibve muAfrica nekuti basa redu rakanga rarambidzwa, ndakazviseka nekuti maonero angu akanga achinja. Ndakanga ndava kutonyengetera kuna Jehovha ndichiti: “Itai kuti tisabve muAfrica.”

Makomborero api amakawana mumakore ese aya?

Ann-Catrin akagara pacheya padivi pekombi yavo.

Kombi yataishandisa sebhedhurumu redu tiri kuTanzania muna 1988

Mats: Basa redu rakaita kuti tishamwaridzane nemamwe mamishinari akawanda aibva kune dzimwe nyika. Uyewo tainakidzwa nekuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda chaizvo zvekuti dzimwe nguva zvidzidzo zvedu tiri vaviri zvaisvika kuma40! Handikanganwiwo rudo rwatakaratidzwa nehama nehanzvadzi dzekuAfrica. Pataishanyira ungano kuTanzania, tainopaka kombi yedu pamba pehama nehanzvadzi dzedu. Panguva yese yataigara navo, kombi yacho ndiyo yataishandisa sebhedhurumu. (2 VaK. 8:3) Hama nehanzvadzi idzi dzaitibata zvakanaka uye vaitipa zvinopfuura zvavaiwana. Chimwe chinhu chataifarira kumbogara pasi tiri vaviri tichikurukura. Zuva rimwe nerimwe ari manheru taikurukura zvaswera zvichiitika tobva tatenda Jehovha nekutichengeta.

Ann-Catrin: Inini hangu chakanyanya kundifadza, kuzivana nehama nehanzvadzi dzinobva kunyika dzakasiyana-siyana. Takadzidzira mimwe mitauro yakadai sechiFarsi, chiFrench, chiLuganda, nechiSwahili uye takanakidzwa nekudzidza tsika dzakasiyana-siyana. Takabatsira vaparidzi vatsva kuti vasimbe pakunamata, takawana shamwari uye takanakidzwa nekushumira Jehovha pamwe chete navo takabatana.—Zef. 3:9.

Takashamiswawo nekuona kusiyana-siyana kwezvinhu zvakanaka zvakasikwa naJehovha. Pese patainzi tinoshandira kune imwe nzvimbo, tainzwa sekunge kuti Jehovha ari kufamba nesu achitiratidza nzira yekufamba nayo. Kudai asiri Jehovha zvinhu zvese izvi taisazombofa takakwanisa kuzviita.

Mifananidzo: 1. Mats naAnn-Catrin vachiparidzira mumwe mukadzi nevana vake. 2. Ann-Catrin achiparidzira mumwe mukomana wechiMaasai.

Kuparidza mundima dzakasiyana-siyana muTanzania

Matambudziko api amakasangana nawo uye chii chakakubatsirai kutsungirira?

Mats: Rimwe dambudziko raiva rekurwara, pamwe pacho ndakatomborwara neMalaria. Uye kakawanda Ann-Catrin aitofanira kumhanyiswa kuchipatara kuti anooparetwa. Tainetsekawo nezvenyaya yekuchengeta vabereki vedu vakanga vakwegura sezvo taigara kure navo. Saka tinotenda chaizvo basa rese rakaitwa nevemumhuri medu pakuvachengeta. Vaiva nemwoyo murefu nerudo uye vakaramba vachifara pavaiita basa iri. (1 Tim. 5:4) Asi dzimwe nguva tainetseka tichifunga kuti dai taikwanisa kuitawo zvakawanda pakuvachengeta kupfuura zvataiita.

Ann-Catrin: Muna 1983, pataiva kuZaire, ndakabatwa neCholera ndikarwara kunge ndichafa. Chiremba akabva audza murume wangu kuti: “Chitokurumidzai kubuda munyika ino nhasi chaiye!” Mangwana acho takabva takwira ndege takananga kuSweden. Ndege iyoyo yatakakwira ndiyo yega yanga iripo yaienda kuSweden uye yainge iri yekutakura zvinhu kwete vanhu.

Mats: Takachema zvisingaiti, tichitoti zveumishinari zvaperera ipapo. Chiremba aifunga kuti Ann-Catrin aisazopora. Asi akatozopora zvekuti takadzokera kuZaire kwapera gore. Takabva tanzi tinopinda neungano diki yechiSwahili muguta rinonzi Lubumbashi.

Ann-Catrin: Pataiva kuLubumbashi, ndakabata pamuviri asi takanga tisina hedu kuzvironga. Pamuviri pacho pakabva pabva. Zvakandirwadza kusvika pekupedzisira. Asi panguva iyoyo yainge yakaoma, Jehovha akatikomborera nenzira yatakanga tisingafungiri. Takatanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vakawanda chaizvo. Takanga tisati tambova nevanhu vakawanda zvakadaro vataidzidzisa Bhaibheri. Vaparidzi vemuungano yacho vakatanga kuwedzera. Taimbova nevaparidzi 35 asi munguva pfupi pfupi takanga tava nevaparidzi 70. Uyewo taimbopinda misangano tiri 40 asi takanga tava kuipinda tiri 220. Taiswera tiri muushumiri uye Jehovha akakomborera basa rataiita. Izvozvo zvakandinyaradza. Asi mwana wedu tichiri kumufunga uye tinotombotaura nezvake uye tanonokerwa nekuona kuti Jehovha achaita sei kuti anyatsopodza ronda redu zvachose.

Mats: Pane imwe nguva, Ann-Catrin akatanga kupera simba achingogara akarukutika. Ukuwo ndakabva ndabatwa kenza uye kenza yacho yanga yatopararira zvekuti ndaitofanira kuitwa oparesheni. Asi mazuva ano ndava nani uye Ann-Catrin ari kungodarowo.

Pane imwe nguva takazvionera tega kuti panewo vamwe vashumiri vaJehovha vari kutsungirira matambudziko. Izvi takazviona patakaenda kuRwanda pakanga papera hondo yakanga yaitika muna 1994 yekurwisa vaTutsi. Tiri ikoko takashanyira zvimwe Zvapupu zvaiva kunzvimbo yaigara vapoteri. Takaona kutenda kwavo, kutsungirira kwavo uye kutigamuchira zvakanaka kwavakaita. Izvi zvakatibatsira kuona kuti pasinei nekuti tasangana nedambudziko rakaita sei, Jehovha anogona kutibatsira kuti titsungirire.—Pis. 55:22.

Ann-Catrin: Takasangana nerimwe dambudziko muna 2007 patakaenda kuUganda paitsaurirwa bazi reko. Musangano wacho pawakanga wapera takapinda munzira takananga kuNairobi, Kenya. Taifamba nemamwe mamishinari nevashandi vepaBheteri, tese pamwe chete tiri 25. Tisati tasvika pamuganhu weUganda neKenya, pane rori raibva kwataienda rakangoerekana rabva kudivi raraifambira richibva rauya kwataiva ndokubva tasvikobonderana. Mutyairi akabva afira ipapo nedzimwe hama nehanzvadzi 5 uye imwe hanzvadzi yakazonofira kuchipatara. Tiri kungoti dai zuva ratichaonana zvakare rachisvika!—Job. 14:​13-15.

Ininiwo ndakakuvara asi ndakazopora. Asi inini naMats nevamwe vaiva mukombi macho takasara tava nedambudziko rekungovhunduka-vhunduka nekutya. Kwandiri zvaiwanzoitika usiku, zvekuti ndaipepuka ndava kunzwa kuti ndava kutadza kufema. Zvaityisa. Asi patainyengetera kuna Jehovha, aitibatsira uye tainzwawo kudzikama pataiverenga magwaro ataifarira. Takaendawo kunoona chiremba, uye akatibatsira chaizvo. Iye zvino ndava nani chaizvo, uye tinonyengetera tichikumbira Jehovha kuti atibatsirewo kuti tinyaradze vamwe vane dambudziko iroro.

Pamaitsanangura kuti muri kukwanisa sei kutsungirira matambudziko amuri kusangana nawo, makati Jehovha aikutakurai semazai. Mairevei ipo paye?

Mats: Mashoko iwayo chirevo chechiSwahili chekuti “Tumebebwa kama mayai mabichi,” kureva kuti “Taitakurwa semazai.” Jehovha aititsigira mumabasa edu ese ataimuitira, achitibata semazai. Taisamboshayiwa zvataida, uye pamwe pacho taitova nezvakawandisa kupfuura zvataida. Jehovha aishandisawo Dare Rinotungamirira kuti atiratidze kuti anotida uye kuti anotitsigira.

Ann-Catrin: Regai ndikuudzei zvatakamboitirwa naJehovha. Rimwe zuva ndakafonerwa ndichibva ndaudzwa kuti baba kuSweden, vakanga varwara zvakaipisisa uye vakanga vatopinzwa muchipatara. Mats akanga atomborwarawo neMalaria achangobva kupora apa takanga tisina kana mari yekutenga matiketi endege kuti tiende kunovaona. Saka takafunga kutengesa mota yedu. Asi tangofunga izvozvo takabva tafonerwa. Takatanga kufonerwa nemumwe murume nemudzimai vakanga vanzwa nezveurwere hwababa. Saka vaida kutibhadharira tiketi remunhu 1 kuti tinovaona. Takazofonerwawo neimwe hanzvadzi yechikuru yakanga yaita kanguva ichiunganidza mari yayaida kuzopa chero anenge achida rubatsiro. Zvese izvi zvakaitika mumaminitsi mashoma tabva kuudzwa kuti baba varwara. Takanyatsoona kuti ndiJehovha akanga apindira kuti atibatsire!—VaH. 13:6.

Zvii zvamungati makadzidza mumakore 50 amaita muri mubasa renguva yakazara?

Mats naAnn-Catrin vakamira vese vachifara.

Iye zvino tava pabazi rekuMyanmar

Ann-Catrin: Ndakaona kuti ‘simba redu rinobva pakuramba takadzikama uye pakuvimba naJehovha.’ Kana tikavimba naJehovha, anotirwira hondo dzedu. (Isa. 30:15; 2 Mak. 20:​15, 17) Kudai tisina kusarudza kushumira Jehovha uye kuita zvese zvataigona pabasa racho taisazombofa takava nemakomborero akawanda seatakawana.

Mats: Ini chinhu chikuru chandakadzidza kuvimba naJehovha nguva dzese uye kumirira kuti ndione kuti achagadzirisa sei zvinhu. (Pis. 37:5) Haasati amborega kundibatsira. Nanhasi achiri kutibatsira tiri kuno kuBheteri rekuMyanmar.

Tine chokwadi chekuti vechidiki vakawanda vanoda kuwedzera ushumiri hwavo, vacharatidzwawo rudo rusingachinji naJehovha serwaakatiratidza. Izvozvo tine chokwadi nazvo, chero bedzi vakabvumira Jehovha kuti avabatsire kukura zvakanaka pasinei nepavakadyarwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe