RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 October pp. 12-17
  • Rudo rwaMwari Runogara Nekusingaperi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudo rwaMwari Runogara Nekusingaperi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • YEUKA KUTI BHAIBHERI RINODZIDZISA KUTI JEHOVHA NDIMWARI ANE RUDO
  • FUNGA NEZVEKUDIWA KWAUNOITWA NAJEHOVHA
  • NZWISISA KUTI PFUNGWA DZEKUTI JEHOVHA HAAKUDI DZINOMBOBVA KUPI
  • SARUDZA KURAMBA WAKAVIMBIKA KUNA JEHOVHA
  • Jehovha Anokuda Zvikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Nyatsobvuma Kuti Jehovha Anokuda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Unobatsirwa Sei Nerudo rwaJehovha Rusingachinji?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Zvaungaita Kana Usina Chokwadi Nezvimwe Zvinhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 October pp. 12-17

NYAYA YEKUDZIDZA 41

RWIYO 108 Rudo rwaMwari Rusingachinji

Rudo rwaMwari Runogara Nekusingaperi

“ Ongai Jehovha, nekuti akanaka; rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.”—PIS. 136:1.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti kuyeuka kuti Bhaibheri rinotidzidzisa kuti Jehovha anotida kunotibatsira sei kuti tisaora mwoyo patinenge tiri mumatambudziko.

1-2. Isu sevaKristu patinosangana nematambudziko, tinogona kunzwa sei?

CHIMBOFUNGIDZIRA paine ngarava iri kufamba panguva iri kuitika dutu rine simba. Mhepo ine simba iri kuita kuti ngarava yacho iendeswe kuno neuko. Kana pakashaya munhu anokanda chinhu chinoitsigisa mumvura, ngarava iyi ichangoramba ichikandwa kuno neuko. Asi chinhu chinotsigisa ngarava chinoita kuti isakukurwa nemhepo iyi ine simba.

2 Isuwo patinosangana nezvinhu zvakaoma muupenyu, tinogona kunzwa kusagadzikana sezvinoita ngarava inoendeswa kuno neuko nemhepo ine simba. Rimwe zuva unogona kumuka uchinyatsoziva kuti Jehovha anokuda uye kuti ari kukubatsira, asi mangwana womuka uchinzwa sekuti Jehovha haasi kutomboonawo zviri kuitika muupenyu hwako. (Pis. 10:1; 13:1) Kana kuti shamwari yako inogona kukunyaradza zvoita kuti umbonzwa kurerukirwa. (Zvir. 17:17; 25:11) Asi pfungwa dziya dzinobva dzadzoka zvakare, wotanga kufunga kuti Jehovha akurasa. Kana zvinhu zvakadaro zvikaitika, ungaitei kuti unyatsova nechokwadi chekuti Jehovha anokuda, worega kuzombonetseka zvakare kuti anokuda here kana kuti kwete?

3. Mashoko ari pana Pisarema 31:7 uye 136:1 ekuti “rudo rusingachinji” anorevei, uye nei tichiti hakuna anopfuura Jehovha pakuratidza rudo rusingachinji? (Onawo mufananidzo.)

3 Chimwe chinhu chinogona kukubatsira kuti urambe wakagadzikana paunenge uri mumatambudziko, kuyeuka kuti Jehovha ndiMwari ane rudo rusingachinji. (Verenga Pisarema 31:7; 136:1.) Mashoko ekuti “rudo rusingachinji,” anoreva kuramba uchida munhu zvakadzama. Hakuna anoratidza rudo rusingachinji kupfuura Jehovha. Bhaibheri rinototi “azere nerudo rusingachinji.” (Eks. 34:​6, 7) Bhaibheri rinotaurawo nezvaJehovha richiti: “Rudo rwenyu rusingachinji kune vese vanodana kwamuri rwakakura.” (Pis. 86:5) Mavhesi aya anokudzidzisei nezvaJehovha? Anokudzidzisa kuti Jehovha haambofi akarasa vashumiri vake vakatendeka! Kugara uchiyeuka kuti Jehovha akavimbika kunogona kukubatsira kuti urambe wakagadzikana paunenge uri mumatambudziko.—Pis. 23:4.

Chinhu chinotsigisa ngarava chakandwa mumvura kuti ngarava yacho isakukurwa nedutu.

Chinhu chinotsigisa ngarava chinoita kuti isakukurwa nedutu rine simba. Isuwo kana tikava nechokwadi chekuti Jehovha anotida, ticharamba takagadzikana patinosangana nematambudziko (Ona ndima 3)


YEUKA KUTI BHAIBHERI RINODZIDZISA KUTI JEHOVHA NDIMWARI ANE RUDO

4. Taura muenzaniso wezvimwe zvinhu zvinodzidziswa neBhaibheri, uye tsanangura kuti nei zvisiri nyore kuti mumwe munhu akutsause pazvinhu izvozvo.

4 Chimwewo chinhu chinogona kukubatsira kuti urambe wakagadzikana paunenge uri mumatambudziko kuyeuka kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jehovha ndiMwari ane rudo. Chimbofunga zvimwe zvinhu zvinodzidziswa neBhaibheri zvawakadzidza ukasvika pakuona kuti ndezvechokwadi. Wakadzidza kuti zita raMwari ndiJehovha, Jesu ndiye Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, vakafa havana chavanoziva, uyewo kuti vanhu vachararama nekusingaperi muparadhiso pano panyika. (Pis. 83:18; Mup. 9:5; Joh. 3:16; Zvak. 21:​3, 4) Chii chakaita kuti ugamuchire zvinhu izvozvo? Wakaona uchapupu hunoratidza kuti zvinhu izvi zvinodzidziswa neBhaibheri ndezvechokwadi. Saka hazvisi nyore kuti mumwe munhu akutsause pazvinhu izvozvo zvaunotenda kubva muBhaibheri. Asi kuyeuka kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jehovha ndiMwari ane rudo kunokubatsira sei kuti usatanga kufunga kuti Jehovha haana basa newe uye haana hanya nezvauri kusangana nazvo?

5. Tsanangura kuti munhu anosvika sei pakusiya zvinhu zvenhema zvaaimbotenda.

5 Pawakatanga kudzidza Bhaibheri, chii chakakubatsira kuti usiye zvinhu zvenhema zvawaimbotenda? Unogona kunge wakaenzanisa zvinhu zvawakadzidza muBhaibheri nezvaitaurwa kuchechi kwawaienda. Ngatitii waimbotenda kuti Jesu ndiye Mwari Wemasimbaose. Pawakadzidza Bhaibheri unogona kunge wakazvibvunza kuti: ‘Ichokwadi here kuti Jesu ndiye Mwari Wemasimbaose?’ Pashure pekunge waongorora zvinotaurwa neBhaibheri wakasvika pakuona kuti ichocho hachisi chokwadi. Wakabva watanga kutenda zvinotaurwa neMagwaro zvekuti Jesu ndiye “dangwe rezvisikwa zvese,” uye “Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga.” (VaK. 1:15; Joh. 3:18) Chokwadi ndechekuti zvakaoma kusiya dzidziso dzenhema dzinenge ‘dzakadzika midzi’ matiri. (2 VaK. 10:​4, 5) Asi pawakadzidza chokwadi, wakabva wasiyana zvachose nedzidziso idzodzo dzenhema.—VaF. 3:13.

6. Nei mashoko ekuti “rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi” achidzokororwa kakawanda muPisarema 136?

6 Zvawakaita pawaidzidza Bhaibheri, ndizvo zvaunogona kungoitawo panyaya iyi yekuti Jehovha ane rudo. Kana ukasangana nematambudziko, wobva watanga kufunga kuti Jehovha haakudi, zvibvunze kuti, ‘Mafungiro angu akanaka here?’ Chibva waenzanisa mafungiro auri kuita nezvinotaurwa neBhaibheri nezverudo rwaJehovha murugwaro ruri kutungamirira nyaya ino rwaPisarema 136:1. Muvhesi iroro, nei Jehovha achitaura kuti rudo rwake ‘haruchinji’? Uye nei muPisarema iroro rechi136 mashoko ekuti “rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi” achidzokororwa ka26? Nyaya iripo ndeyekuti dzidziso yekuti Jehovha ane rudo rusingachinji yakangofanana nedzimwe dzidziso dzeBhaibheri dzawakadzidza ukagamuchira. Pfungwa yekuti Jehovha haakudi uye haana basa newe haienderani nezvinodzidziswa neBhaibheri. Dzitori nhema chaidzo! Saka ramba nhema idzodzo sekuramba kwawaizongoitawo dzimwe nhema dzese dzinodzidziswa nevanhu!

7. Taura mamwe mavhesi anobatsira kuti unyatsova nechokwadi chekuti Jehovha anokuda.

7 Bhaibheri rine mamwe mavhesi akawanda anokubatsira kuti unyatsova nechokwadi chekuti Jehovha anokuda. Semuenzaniso, Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Munokosha kupfuura tushiri twakawanda.” (Mat. 10:31) Jehovha pachake akaudza vanhu vake kuti: “Ndichakusimbisa, chokwadi ndichakubatsira, chokwadi ndicharamba ndakakubata neruoko rwangu rwerudyi rwekururama.” (Isa. 41:10) Chimbotarisa manyorerwo akaitwa mavhesi aya. Jesu haana kutaura kuti, ‘pamwe munokosha kupfuura tushiri twakawanda’ uye Jehovha haana kutaura kuti, ‘pamwe ndichakubatsira.’ Asi Jesu akati: “Munokosha kupfuura tushiri twakawanda” uye Jehovha akati, “Ndichakubatsira.” Saka kana ukasangana nedambudziko wobva watanga kufunga kuti Jehovha haakudi, mavhesi akaita seaya achakunyaradza uye achakubatsira kuti usvike pakunyatsobvuma kuti Jehovha anokuda. Zvinotaurwa nemavhesi iwayo ndezvechokwadi. Kana ukanyengetera kuna Jehovha uchimuudza manzwiro auri kuita wonyatsofungisisa zviri kutaurwa mumavhesi aya, zvichakubatsira kuti usvikewo pakutaura mashoko ari pana 1 Johani 4:16 ekuti: “Isu takasvika pakuziva uye pakubvuma kuti Mwari anotida.”a

8. Zvii zvaungaita kana dzimwe nguva uchimbofunga kuti Jehovha haakudi?

8 Ko zvii zvaungaita kana dzimwe nguva pfungwa dzekuti Jehovha haakudi dzichingoramba dzichidzoka? Enzanisa mafungiro auri kuita nezvinotaurwa neBhaibheri nezvaJehovha. Yeuka kuti mafungiro edu anogona kungochinja-chinja asi zvinodzidziswa neBhaibheri nezverudo rwaJehovha hazvichinji. Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari rudo. Ndizvo zvaatori. (1 Joh. 4:8). Saka kana ukatanga kufunga kuti Jehovha haakudi, unenge uri kutoramba chokwadi ichocho chinodzidziswa neBhaibheri!

FUNGA NEZVEKUDIWA KWAUNOITWA NAJEHOVHA

9-10. Jesu paakataura mashoko ekuti “Baba pachavo vanokudai” ari pana Johani 16:​26, 27, aitaura nyaya yei? (Onawo mufananidzo.)

9 Tinogona kudzidza zvakawanda nezverudo rwaJehovha kana tikaongorora mashoko akataurwa naJesu kuvateveri vake ekuti: “Baba pachavo vanokudai.” (Verenga Johani 16:​26, 27.) Jesu haana kutaura mashoko aya achingoda kufadza vadzidzi vake. Mavhesi ari kumashure kwacho anoratidza kuti Jesu aitotaura nyaya yemunyengetero.

10 Jesu akanga achangobva kuudza vadzidzi vake kuti vaifanira kunyengetera muzita rake kwete kunyengetera kwaari. (Joh. 16:​23, 24) Zvaikosha chaizvo kuti vadzidzi vake vazive izvozvo. Nei tichidaro? Nekuti pashure pekunge Jesu afa akamutswa, vadzidzi vake vaigona kupindwa nepfungwa dzekuti vaifanira kunyengetera kwaari nekuti vaimuziva uye aiva shamwari yavo. Saka vaigona kufunga kuti kuvada kwaaiita ndiko kwaizoita kuti anzwe zvikumbiro zvavo ozvisvitsa kuna Baba. Asi Jesu akavaudza kuti vaisafanira kuva nemafungiro iwayo. Nemhaka yei? Akavaudza kuti: “Baba pachavo vanokudai.” Paakataura mashoko iwayo aitovapa mirayiridzo yezvavaifanira kuita pavaizonyengetera. Saka kuziva izvi kunokubatsira sei? Pawakadzidza Bhaibheri wakasvika pakuziva uye kuda Jesu. (Joh. 14:21) Asi kungofanana nevadzidzi vaJesu vepakutanga, unogonawo kunyengetera kuna Mwari uine chokwadi chekuti Jehovha ‘pachake anokuda.’ Pese paunonyengetera kuna Jehovha, unoratidza kuti unonyatsotenda kuti mashoko iwayo ndeechokwadi.—1 Joh. 5:14.

Mifananidzo: Hama yakagara pabhenji ichinyengetera nezvezvinhu zvitatu zviri kuinetsa. 1. Ichiendesera zvekudya mudzimai wayo akarara pamubhedha achirwara. 2. Ichidzidza Bhaibheri nemwanasikana wayo. 3. Ichitarisa mapepa anoratidza kuti zvinhu zvakavamirira sei panyaya dzemari.

Unogona kunyengetera kuna Jehovha uine chokwadi chekuti ‘iye pachake anokuda’ (Ona ndima 9-10)b


NZWISISA KUTI PFUNGWA DZEKUTI JEHOVHA HAAKUDI DZINOMBOBVA KUPI

11. Nei Satani achifara kana tikatanga kufunga kuti Jehovha haatidi?

11 Pfungwa dzekuti Jehovha haakudi dzinombobva kupi? Unogona kupindura kuti dzinobva kuna Satani. Uye ichocho ichokwadi nekuti dzimwe nguva Satani ndiye anoita kuti tifunge izvozvo. Dhiyabhorosi ari ‘kutsvaga wekudya’ uye anofara chaizvo kana tikatanga kufunga kuti Jehovha haatidi. (1 Pet. 5:8) Satani anonyatsoziva kuti Jehovha paakatipa rudzikinuro, aitoratidza rudo rwake kwatiri. Asi Satani anoda kuti tifunge kuti zvivi zvedu zvakanyanya kukura zvekuti rudzikinuro irworwo harutomboshandi patiri. (VaH. 2:9) Saka chimbozvibvunza kuti, ‘Ndiani anofara kana tikava nepfungwa dzekuti Jehovha haatidi?’ NdiSatani. Uyewo zvibvunze kuti, ‘Ndiani anofara kana tikaora mwoyo zvekuti tinobva tarega kushumira Jehovha?’ NdiSatani. Satani anoda kuti tifunge kuti Jehovha haatidi, asi chokwadi chiripo ndechekuti iye wacho ndiye asingadiwi naJehovha. “Nemanomano” ake, Satani anoedza kuita kuti tifunge kuti isusu tisu tisingadiwi naJehovha uye kuti Jehovha akatotirasa. (VaEf. 6:11) Kunzwisisa kuti muvengi wedu Dhiyabhorosi anoda kuti tifunge sei kunogona kutibatsira kuti tishinge ‘kurwisana naye.’—Jak. 4:7.

12-13. Chivi chatinoberekwa tiinacho chinoita sei kuti tifunge kuti Jehovha haatidi?

12 Kuberekwa kwatinoitwa tiine chivi kunoitawo kuti tifunge kuti Jehovha haatidi. Chivi chakakanganisa ushamwari hwedu neMusiki wedu. (Pis. 51:5; VaR. 5:12) Uye chakakanganisawo mafungiro edu, manzwiro edu uyewo utano hwedu.

13 Chivi chinoita kuti tizvipe mhosva, tinetseke uye tinyare. Tinowanzonzwa seizvi patinoita chimwe chinhu chisina kunaka. Asi kungoziva kuti tiri vanhu vanokanganisa kunogona kuitawo kuti tizvipe mhosva, tinetseke uye tinyare. Izvi zvinodaro nekuti Jehovha haana kutisika tiri vanhu vanokanganisa. (VaR. 8:​20, 21) Tinogona kuzvienzanisa nemota inenge iine rimwe vhiri risina mweya. Mota iyoyo haikwanisi kunyatsofamba zvakanaka sezvayaizoita kudai mavhiri ese anga aine mweya wakakwana. Ndizvo zvazviriwo nesu vanhu. Nemhaka yekuti tine chivi hatikwanisi kunyatsoita zvese zvataizoita kudai tisina chivi. Ndosaka dzimwe nguva tichimbopindwa nepfungwa dzekuti Jehovha haatidi. Kana izvozvo zvikaitika, tinofanira kuyeuka kuti “Mwari mukuru neanoshamisa, . . . anoratidza rudo rusingachinji kune vaya vanomuda, vanochengeta mirayiro yake.”—Neh. 1:5.

14. Kufunga nezverudzikinuro kunotibatsira sei kuti tinyatsova nechokwadi chekuti Jehovha anotida? (VaRoma 5:8) (Onawo bhokisi rakanzi “Ngwarira ‘Simba Rinonyengera Rechivi.’”)

14 Dzimwe nguva tinogona kunzwa sekuti hatikodzeri kudiwa naJehovha. Uye ichocho ichokwadi nekuti hapana kana mumwe chete wedu anokodzera kudiwa naJehovha. Asi izvozvo ndizvo zvinotoratidza kuti rudo rwaJehovha rwakakura. Tiri tega hatina zvatinogona kuita kuti atide. Asi Jehovha akatipa rudzikinuro kuti zvivi zvedu zviregererwe nekuti anotida. (1 Joh. 4:10) Yeukawo kuti Jesu akauya kuzoponesa vatadzi, kwete vanhu vasina chivi. (Verenga VaRoma 5:8.) Hapana kana mumwe chete wedu asingakanganisi uye Jehovha haatombotarisiri kuti tisakanganise. Patinonzwisisa kuti chivi chatinoberekwa tiinacho chinogona kuita kuti tifunge kuti Jehovha haatidi, zvinotibatsira kuti titorwisa zvakasimba kuti tisatombova nemafungiro iwayo.—VaR. 7:​24, 25.

Ngwarira “Simba Rinonyengera Rechivi”

Bhaibheri rinotaura ‘nezvesimba rinonyengera rechivi.’ (VaH. 3:13) Chivi chatinoberekwa tiinacho chinoita kuti titadzire Jehovha uye chinogona kuitawo kuti tigare tichingofunga kuti Jehovha haatidi. Chokwadi, chivi chine ‘simba rekutinyengedza.’

Tinogona kufunga kuti hatimbofi takanyengedzwa nemumwe munhu. Semuenzaniso, munhu anogona kufunga kuti haambofi akatsotswa, asi kana akasangwarira anogona kubirwa mari yake yese.

Isuwo tinofanira kungwarira kuti chivi chatinoberekwa tiinacho chisatinyengedza totanga kufunga kuti Jehovha haatidi. Chivi ichi chatinoberekwa tiinacho chinogonawo kuita kuti tigare tichingonetseka nezvezvinhu zvatinokanganisa. Izvozvo pazvinoitika, tinofanira kuyeuka kuti “simba rinonyengera rechivi” ndiro riri kuita kuti tifunge kudaro. Hatimbofaniri kurega chivi chichiita kuti tive nemafungiro akadaro.

SARUDZA KURAMBA WAKAVIMBIKA KUNA JEHOVHA

15-16. Chii chichaitika kwatiri kana tikaramba takavimbika kuna Jehovha, uye nei tichidaro? (2 Samueri 22:26)

15 Jehovha anoda kuti tiite chisarudzo chakanaka chekuramba ‘takanamatira kwaari.’ (Dheut. 30:​19, 20) Kana tikaita izvozvo, tinogona kuva nechokwadi chekuti acharamba akavimbika kwatiri. (Verenga 2 Samueri 22:26.) Kana tikaramba takavimbika kuna Jehovha, achatibatsira kuti tikwanise kutsungirira chero matambudziko atingasangana nawo muupenyu.

16 Sezvatakurukura, tine zvikonzero zvakawanda zvinotibatsira kuti tirambe takagadzikana patinosangana nematambudziko. Tinoziva kuti Jehovha anotida uye achatitsigira. Izvozvo ndizvo zvinodzidziswa neBhaibheri. Saka kana tikambopindwa nepfungwa dzekuti Jehovha haatidi, ngatiitei zvese zvatinogona kuti tisangoramba tichifunga izvozvo. Asi ngatiisei pfungwa dzedu pane zvatinoziva nezvaJehovha, kuti iye ndiMwari ane rudo. Uyewo ngatinyatsobvumai zvinodzidziswa neBhaibheri zvekuti rudo rwaJehovha rusingachinji runogara nekusingaperi.

UNGAPINDURA SEI?

  • Kuyeuka kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jehovha anotida kunotibatsira sei?

  • Chivi chatinoberekwa tiinacho chinoita sei kuti tifunge kuti Jehovha haatidi?

  • Zvii zvinogona kutibatsira kuti tinyatsova nechokwadi chekuti Jehovha anotida?

RWIYO 159 Kudzai Jehovha

a Mamwe mavhesi anoratidza izvi ndiDheuteronomi 31:​8, Pisarema 94:​14, uye Isaya 49:15.

b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kunyengetera kuti Jehovha aibatsire kuchengeta mudzimai wayo ari kurwara, kushandisa mari zvakanaka, uyewo kudzidzisa mwanasikana wayo kuti ade Jehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe