RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 October pp. 18-23
  • Zvaungaita Kuti Unyengetere Zvinobva Pamwoyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti Unyengetere Zvinobva Pamwoyo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • USATYA KUNYENGETERA KUNA JEHOVHA
  • TINGAITEI KUTI MINYENGETERO YEDU ITIBATSIRE KUTI TIWEDZERE KUSWEDERA PEDYO NAJEHOVHA?
  • ONGORORA MINYENGETERO YAKANYORWA MUBHAIBHERI
  • RAMBA UCHINYENGETERA KUNA JEHOVHA KUTI USWEDERE PEDYO NAYE
  • Yeuka Kunyengeterera Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Vandudza Minyengetero Yako Nokudzidza Bhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 October pp. 18-23

NYAYA YEKUDZIDZA 42

RWIYO 44 Munyengetero Wemunhu Akasuruvara

Zvaungaita Kuti Unyengetere Zvinobva Pamwoyo

“ Ndinoshevedzera nemwoyo wangu wese. Ndipindureiwo, Jehovha.”—PIS. 119:145.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti kufungisisa nezveminyengetero yakanyorwa muBhaibheri kunotibatsira sei kuti tinyengetere zvinobva pamwoyo.

1-2. (a) Zvii zvinogona kutitadzisa kunyatsoudza Jehovha zviri pamwoyo pedu? (b) Tinoziva sei kuti Jehovha anonyatsoteerera minyengetero yedu?

ZVINOMBOITIKA kwauri here kuti paunonyengetera unozviwana wava kungodzokorora zvinhu zvimwe chete zvaunogara uchitaura kana kuti unototadza kunyatsoudza Jehovha zviri pamwoyo pako? Kana izvozvo zvichimboitika kwauri, hausi wega. Tine zvinhu zvakawanda zvekuita muupenyu uye izvozvo zvinogona kuita kuti tipedzisire tava kungonyengetera tichimhanya nguva dzese. Kana kuti tinogona kutoomerwa nekuudza Jehovha zviri pamwoyo pedu nekuti tinenge tichiona sekuti hatikodzeri kutaura naye.

2 Bhaibheri rinotidzidzisa kuti chinokosheswa naJehovha ndechekuti tinyengetere zvichibva pamwoyo kwete matauriro atinoita patinenge tichinyengetera kwaari. Jehovha anonzwa “chikumbiro chevanyoro.” (Pis. 10:17) Anonyatsoteerera zvese zvatinotaura nekuti anotida.—Pis. 139:​1-3.

3. Tichakurukura mibvunzo ipi munyaya ino?

3 Munyaya ino tichakurukura mibvunzo inotevera: Nei tisingafaniri kutya kuudza Jehovha zviri pamwoyo pedu patinonyengetera kwaari? Tingaitei kuti minyengetero yedu itibatsire kuti tiwedzere kuswedera pedyo naJehovha? Kufungisisa minyengetero yakanyorwa muBhaibheri kunotibatsira sei kuti tikwanise kunyatsonyengetera zvichibva pamwoyo? Uye tingaitei kana takanyanya kuomerwa zvekuti tinoshaya kuti tonyengetera tichiudza Jehovha kuti kudii? Regai tikurukure mhinduro dzemibvunzo iyi.

USATYA KUNYENGETERA KUNA JEHOVHA

4. Chii chinogona kutibatsira kuti tisatya kunyengetera kuna Jehovha? (Pisarema 119:145)

4 Kana tikanzwisisa kuti Jehovha ishamwari yedu yakavimbika uye kuti anoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka, hatizotyi kunyengetera kwaari tichimuudza zviri pamwoyo pedu. Izvi ndizvo zvaiedza kuitwa nemunyori wePisarema 119 paainyengetera. Asi aiva nematambudziko aaisangana nawo muupenyu. Vanhu vakaipa vaitaura zvenhema nezvake. (Pis. 119:​23, 69, 78) Uye dzimwe nguva aiora mwoyo nekuti aivawo nezvaaikanganisa. (Pis. 119:5) Asi kunyange zvakadaro, haana kutya kuudza Jehovha zvaiva pamwoyo pake.—Verenga Pisarema 119:145.

5. Nei tisingafaniri kurega chero chii zvacho chichititadzisa kunyengetera? Taura muenzaniso.

5 Jehovha anokurudzira kunyange vaya vanenge vaita zvivi zvakakura kuti vanyengetere kwaari. (Isa. 55:​6, 7) Saka hatifaniri kurega chero chii zvacho chichititadzisa kunyengetera. Ngatitii waenda kune imwe nzvimbo yausingazivi uye une shamwari yako inonyatsoziva nezvenzvimbo iyoyo yaunogona kufonera kana warasika. Kana ukarasika, unonyara here kufonera shamwari yako uchikumbira kuti ikubatsire? Haumbonyari. Isuwo kana tikaita chivi kana kuti tiine chimwe chisarudzo chatiri kuda kuita asi tisingazivi kuti totangira papi, hatifaniri kutya kana kunyara kunyengetera kuna Jehovha tichikumbira kuti atibatsire.—Pis. 119:​25, 176.

TINGAITEI KUTI MINYENGETERO YEDU ITIBATSIRE KUTI TIWEDZERE KUSWEDERA PEDYO NAJEHOVHA?

6-7. Kufunga nezvekuti Jehovha ndiMwari akaita sei kunotibatsira sei kuti tinyatsonyengetera tichimuudza zviri pamwoyo pedu? Taura muenzaniso. (Onawo mashoko emuzasi.)

6 Patinonyengetera kuna Jehovha tichinyatsomuudza zviri pamwoyo pedu, zvichatibatsira kuti tiwedzere kuswedera pedyo naye. Saka tingaitei kuti tikwanise kunyatsonyengetera zvichibva pamwoyo?

7 Funga nezvekuti Jehovha ndiMwari akaita sei.a Patinoyeuka kuti Jehovha ndiMwari akaita sei, zvichatibatsira kuti tikwanise kunyatsomuudza zviri pamwoyo pedu. (Pis. 145:​8, 9, 18) Funga nezveimwe hanzvadzi inonzi Kristine. Akarerwa nababa vaigara vachimurova saka zvaimuomera kuona Jehovha saBaba vane rudo vaanogona kunzwa akasununguka kutaura navo. Kristine aizvitarisirawo pasi uye aifunga kuti kukanganisa kwaaiita kwaizoita kuti Jehovha arege kumuda. Saka chii chakamubatsira? Kristine anoti: “Kufunga nezvekuti Jehovha ndiMwari ane rudo rusingachinji kwakaita kuti ndinyatsosvika pakubvuma kuti anondida. Ndinoziva kuti haazombondisiyi. Kunyange kana ndikakanganisa acharamba achindida uye achandibatsira. Izvi zvinondibatsira kuti ndinyatsomuudza zviri pamwoyo pangu mukufara nemukusuwa.”

8-9. Zvakanakirei kuti titange tafunga zvatiri kuda kuudza Jehovha tisati tanyengetera? Taura muenzaniso.

8 Funga kuti uri kuda kuudza Jehovha kuti chii. Usati wanyengetera, unogona kuzvibvunza mibvunzo yakadai seyekuti: ‘Matambudziko api andiri kusangana nawo iye zvino? Pane here munhu wandiine chigumbu naye wandiri kufanira kuregerera? Pane here zvachinja muupenyu hwangu zvandiri kuda kuti Jehovha andibatsire nazvo?’ (2 Madz. 19:​15-19) Yeukawo kuti Jesu akatidzidzisa kuti tinofanira kunyengetera sei, wofunga kuti zvii zvaungataura mumunyengetero wako zvine chekuita nezita raJehovha, Umambo hwake uye kuda kwake.—Mat. 6:​9, 10.

9 Imwe hanzvadzi inonzi Aliska yakamboomerwa nekunyengetera payakaziva kuti murume wayo akanga aine kenza yemuuropi. Inoti: “Ndainetseka chaizvo zvekuti ndakanga ndisingazivi kuti ndoudza Jehovha kuti kudii mumunyengetero wangu.” Chii chakaibatsira? Inoti: “Ndisati ndanyengetera, ndinotanga ndafunga kuti ndichataura nezvei mumunyengetero wangu kuitira kuti ndisanyanya kuisa pfungwa pakurwara kuri kuita murume wangu uye pamatambudziko andiri kusangana nawo. Pandinoita izvi, ndinonzwa ndakanyatsodzikama uye ndinokwanisa kunyengetera kuna Jehovha nezvezvinhu zvakasiyana-siyana.”

10. Nei tichifanira kunyatsotora nguva yedu tichinyengetera? (Onawo mifananidzo.)

10 Nyatsotora nguva yako paunenge uchinyengetera. Ichokwadi kuti minyengetero mipfupi inogona kutiswededza pedyo naJehovha, asi patinopa minyengetero yakareba zvinotipa mukana wekunyatsoudza Jehovha zviri kutsi kwemwoyo yedu.b Elijah, murume waAliska anoti: “Ndinoedza kunyengetera kakawanda pazuva uye nekuti ndava kunyanya kupa minyengetero yakareba, ndawedzera kuswedera pedyo naJehovha. Ndinonyatsotora nguva yangu ndichinyengetera nekuti ndinoziva kuti Jehovha haasi kuzombonditi, ‘Chiita uchipedza.’” Saka unogona kumboedza kuita izvi: Sarudza nguva yakanyatsonaka uye nzvimbo yakanyarara ichaita kuti uchanyatsotora nguva yako uchinyengetera, zvimwe uchitotaura zvinonzwika, uye edza kugara uchiita izvozvo.

Mifananidzo: 1. Hama yakagara patafura mangwanani-ngwanani ichifungisisa. Pamberi payo pane Bhaibheri rakavhurika uye iri kunwa kofi. 2. Kunze kwachena. Ichiri yakagara patafura ichinyatsodurura mwoyo wayo kuna Jehovha.

Sarudza nguva uye nzvimbo inoita kuti ukwanise kutaura naBaba vako Jehovha pasina chinokuvhiringidza (Ona ndima 10)


ONGORORA MINYENGETERO YAKANYORWA MUBHAIBHERI

11. Kuongorora minyengetero yevashumiri vaMwari vanotaurwa muBhaibheri kunotibatsira sei? (Onawo bhokisi rakanzi “Wakambonzwa Sezvakaita Vanhu Ava Here?”)

11 Kuongorora minyengetero yevashumiri vaMwari vekare uye nziyo dzekurumbidza Jehovha dzakanyorwa muBhaibheri, kuchakubatsira kuti unyengetere zvinobva pamwoyo. Paunenge uchiongorora kuti vashumiri vaMwari vekare vainyatsodurura sei zvaiva pamwoyo pavo kuna Jehovha, zvichakubatsira kuti uvatevedzerewo. Unogona kutoona mamwe mashoko aunogona kushandisawo muminyengetero yako. Uyewo unogona kutoonawo minyengetero inoenderana nezvinenge zviri kuitika muupenyu hwako.

Wakambonzwa Sezvakaita Vanhu Ava Here?

Vashumiri vaMwari vakatendeka vakawanda vakanyengetera kuna Jehovha vachitaura zvaiva pamwoyo pavo mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Wakambonzwawo sezvavakaita here?

  • Jakobho paaitya, akanyengetera kuna Jehovha achitaura zvaaitya uyewo akanyengetera achitenda Jehovha achitaurawo nezvekuvimba kwaaiita naye.—Gen. 32:​9-12.

  • Mambo Soromoni paakapiwa basa rekuti aite naJehovha, akanyengetera achiudza Jehovha kuti aisakwanisa kuita basa racho nekuti akanga achiri mudiki uye asina ruzivo, saka akakumbira kuti Jehovha amubatsire.—1 Madz. 3:​7-9.

  • Dhavhidhi paakanga aita chivi naBhati-shebha, akanyengetera kuna Jehovha achimukumbira kuti asike “mwoyo wakachena” maari.—Pis. 51:​9-12.

  • Mariya paakapiwa basa rinokosha, akanyengetera achirumbidza Jehovha.—Ruka 1:​46-49.

Zvaunogona kudzidza: Verenga munyengetero uri muBhaibheri wakapiwa nemumwe mushumiri waJehovha akatendeka wozvibvunza kuti: ‘Akanyengetera kuti kudii kuna Jehovha?’ Chibva wazvibvunza kuti: ‘Jehovha akamupindura sei?’ woona kuti ungashandisa sei zvaunenge wadzidza.

12. Mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza patinenge tichiverenga munyengetero uri muBhaibheri?

12 Paunenge uchiverenga munyengetero wakanyorwa muBhaibheri zvibvunze kuti: ‘Ndiani akataura mashoko aya uye zvii zvaiitika muupenyu hwake? Zvaiitika muupenyu hwake zvakafanana papi nezviri kuitika kwandiri? Ndinodzidzei kubva pamunyengetero uyu?’ Pamwe pacho unenge uchifanira kutotsvakurudza kuti uwane mhinduro dzemibvunzo iyi, asi kana ukadaro zvichakubatsira. Iye zvino regai timboongorora mimwe minyengetero 4 iri muBhaibheri, toona kuti tinodzidzei.

13. Tinodzidzei kubva pamunyengetero waHana? (1 Samueri 1:​10, 11) (Onawo mufananidzo.)

13 Verenga 1 Samueri 1:​10, 11. Hana paakapa munyengetero uyu, ane matambudziko akakura aaisangana nawo. Akanga asiri kukwanisa kuva nemwana, uye mumwe mudzimai wemurume wake akanga achimushungurudza. (1 Sam. 1:​4-7) Kana newewo uine dambudziko rawava nenguva uchinetseka naro, chii chaunogona kudzidza kubva pamunyengetero waHana? Akanyatsoita nguva achiudza Jehovha zvese zvaimunetsa uye izvi zvakaita kuti anzwe kugadzikana. (1 Sam. 1:​12, 18) Nesuwo kana ‘tikakanda mutoro wedu pana Jehovha’ tichinyatsomuudza zvese zviri kutinetsa, zvichatibatsira kuti tinzwe kugadzikana.—Pis. 55:22.

Mifananidzo: 1. Hana ari kunetseka paari kuona Erikana achitamba nevana vaviri vaPenina. 2. Penina ari kunyemwerera akabata kamwe kamwana kake kacheche. 3. Hana ari kuteterera kuna Jehovha achichema. 4. Mupristi Mukuru Eri akagara pasi akapeta maoko akadzvokora Hana.

Hana akadurura mwoyo wake kuna Jehovha nekuti akanga asi mwana uye aishungurudzwa nemumwe mudzimai wemurume wake (Ona ndima 13)


14. (a) Chii chimwe chatinodzidza kubva pane zvakaitika kuna Hana? (b) Kuverenga uye kufungisisa minyengetero iri muShoko raMwari kunotibatsira sei kuti tive nezvakawanda zvekutaura muminyengetero yedu? (Ona mashoko emuzasi.)

14 Hana akazobereka mwanakomana akamutumidza kuti Samueri. Papera makore mashomanana, akaendesa mwana wacho kuMupristi Mukuru Eri. (1 Sam. 1:​24-28) Akanyengetera nemwoyo wese achitenda kuti Jehovha anodzivirira uye ane hanya nevashumiri vake vakavimbika.c (1 Sam. 2:​1, 8, 9) Matambudziko ake kumba anogona kunge akanga asati apera, asi Hana akaisa pfungwa pakukomborerwa kwaaiitwa naJehovha. Izvi zvinotidzidzisei? Tinodzidza kuti kana tichida kutsungirira matambudziko, tinofanira kuisa pfungwa pakutsigirwa kwatiri kuitwa naJehovha, kwete pamatambudziko.

15. Munyengetero wemuprofita Jeremiya unotibatsira sei patinenge tichibatwa zvisina kunaka? (Jeremiya 12:1)

15 Verenga Jeremiya 12:1. Muprofita Jeremiya akambonetseka paaiona vanhu vakaipa vachibudirira. Uyewo airwadziwa paaisekwa nevamwe vaIsraeri. (Jer. 20:​7, 8) Tinonzwisisa zvakaitika kwaari nekuti dzimwe nguva tinombosekwa nevanhu uye tinomboona vakaipa vachiita sevari kubudirira. Kunyange zvazvo Jeremiya akaudza Jehovha kuti airwadziwa nezvaiitika, akaramba aine chokwadi chekuti Jehovha anotonga zvakarurama. Uye nekufamba kwenguva Jehovha paakazoranga vanhu ivavo vaimubata zvisina kunaka, anofanira kunge akatowedzera kuvimba kuti Jehovha anotonga zvakarurama. (Jer. 32:19) Nesuwo kana tikaudza Jehovha zvinenge zviri kutinetsa, zvichatibatsira kuti tiwedzere kuvimba kuti Jehovha achazogadzirisa zvinhu panguva yake.

16. Tinodzidzei kubva pamunyengetero wakapiwa nemumwe muRevhi? (Pisarema 42:​1-4) (Onawo mifananidzo.)

16 Verenga Pisarema 42:​1-4. Rwiyo urwu rwakanyorwa nemuRevhi aitadza kuenda kunonamata nevamwe vaIsraeri kutemberi. Mashoko ari mupisarema iri anoratidza kuti ainzwa sei. Kana tiri kutadza kuenda kunonamata nehama dzedu nemhaka yeurwere kana kuti nemhaka yekuti tiri mujeri pamusana pekutenda kwedu, tinogona kunyatsonzwisisa kuti muRevhi uyu ainzwa sei. Pamwe pacho tinogona kunge tichifara kana kuti tinogona kunzwa takasuwa. Pasinei nekuti tiri kunzwa sei, zvinokosha kuti tiudze Jehovha zviri pamwoyo pedu. Izvi zvichatibatsira kuti tinyatsonzwisisa kuti tiri kunzwa sei uye zvinotibatsira kuti tiise pfungwa dzedu pazvinhu zvinokosha. Izvi ndizvo zvakaitwa nemuRevhi uyu. Aiziva kuti nerimwe zuva, aizokwanisa kurumbidza Jehovha zvakare. (Pis. 42:5) Uyewo akaisa pfungwa dzake pakuchengetwa kwaaiitwa naJehovha. (Pis. 42:8) Kana ukanyengetera uchinyatsotaura zviri mumwoyo mako kuna Jehovha, zvichakubatsira kuti unzwisise kuti nei uri kunetseka. Uye zvichakubatsira kuti utange kunzwa kugadzikana zvakare, wova nesimba rekutsungirira matambudziko auri kusangana nawo.

Mifananidzo: 1. MuRevhi achinyengetera nemwoyo wese murenje. 2. Hama yakagara pamubhedha muchipatara ichinyengetera yakavhura Bhaibheri riri pamakumbo payo.

MuRevhi akanyora Pisarema 42 akanyengetera kuna Mwari zvinobva pamwoyo. Patinonyengetera kuna Mwari tichitaura zviri pamwoyo pedu, zvinotibatsira kuti tigadzikane uye tive nesimba rekutsungirira matambudziko (Ona ndima 16)


17. (a) Tinodzidzei kubva pamunyengetero waJona? (Jona 2:​1, 2) (b) Mamwe mashoko ari mumaPisarema anotibatsira sei patinenge tiri panguva yakaoma? (Ona mashoko emuzasi.)

17 Verenga Jona 2:​1, 2. Jona akanyengetera kuna Jehovha paakanga ari mudumbu rehove. Jona akanga asina kuteerera Jehovha, asi aiva nechivimbo chekuti Jehovha aizonzwa munyengetero wake. Paainyengetera, Jona akashandisa mashoko akawanda anowanikwa mumaPisarema.d Anofanira kunge akanga agara achiziva maPisarema iwayo. Kuyeuka mapisarema aya kwakamubatsira kuti ave nechokwadi chekuti Jehovha aizomubatsira. Nesuwo kana tikabata mamwe mavhesi emuBhaibheri nemusoro, tinogona kuzoayeuka patinonyengetera kuna Jehovha tiri mudambudziko uye izvi zvichatinyaradza.

RAMBA UCHINYENGETERA KUNA JEHOVHA KUTI USWEDERE PEDYO NAYE

18-19. Paya patinenge tichinetseka zvekuti tinoshaya mashoko ekushandisa pakunyengetera kuna Jehovha, VaRoma 8:​26, 27 inogona kutibatsira sei? Taura muenzaniso.

18 Verenga VaRoma 8:​26, 27. Dzimwe nguva tinogona kunge tichinetseka zvakanyanya zvekuti tinoshaya kuti toudza Jehovha kuti chii. Kana izvozvo zvikaitika, mweya mutsvene waMwari “unotikumbirira.” Unotikumbirira sei? Achishandisa mweya wake mutsvene, Jehovha akaita kuti minyengetero yakawanda inyorwe muShoko rake. Paya patinenge tichitadza kuudza Jehovha zviri pamwoyo, Jehovha anogona kuona zvimwe zvinhu zvakataurwa muminyengetero iyoyo sekunge kuti zvikumbiro zvatingadawo kuita, uye anogona kubva atotibatsira.

19 Izvi ndizvo zvakabatsira imwe hanzvadzi yekuRussia inonzi Yelena. Yelena akasungwa nemhaka yekuti ainyengetera uye aiverenga Bhaibheri. Ainetseka zvisingaite zvekuti zvakanga zvakamuomera kuti anyengetere. Yelena anoti: “Ndakazoyeuka kuti paya pandinenge ndichinyanya kunetseka uye ndichishaya kuti ndonyengetera ndichiti chii, Jehovha anogona kuona minyengetero yakafemerwa yevashumiri vake vekare . . . sekunge kuti iri kutobva kwandiri. . . . Izvi zvakandinyaradza panguva yandakanga ndakaomerwa zvikuru.”

20. Chii chinogona kutibatsira kuti pfungwa dzedu dzigadzikane tisati tanyengetera?

20 Patinenge tichinyanya kunetseka, zvinogona kutiomera kuti tiise pfungwa dzedu pane zvatinenge tiri kutaura mumunyengetero. Saka kuti pfungwa dzedu dzigadzikane, tinogona kuteerera bhuku ramaPisarema rakarekodhwa tisati tatanga kunyengetera. Tinogonawo kunyora zvatinenge tiri kuda kutaura kuna Jehovha mumunyengetero sezvakaitwa naMambo Dhavhidhi. (Pis. 18, 34, 142; mashoko ekusuma.) Asi hapana hapo mutemo wekuti tinofanira kuita sei kuti pfungwa dzedu dzigadzikane tisati tanyengetera. (Pis. 141:2) Unogona kuita chero zvinoshanda kwauri.

21. Nei tisingafaniri kumbotya kunyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese?

21 Jehovha anoziva zvinenge zviri pamwoyo pedu kunyange tisati tatombozvitaura. Izvi zvinotifadza zvikuru. (Pis. 139:4) Asi Jehovha anofara paanotinzwa tichinyengetera kwaari uye tichimuudza kuti tinovimba naye. Saka usambotya kunyengetera kuna Baba vako vekudenga. Dzidza kubva paminyengetero yakanyorwa muShoko rake. Nyengetera kwaari nemwoyo wako wese. Taura naye mukufara nemukusuwa. Uye ziva kuti Jehovha ishamwari yako. Haazombofa akakurasa!

UNGAPINDURA SEI?

  • Zvii zvaungaita kuti unyengetere kuna Jehovha zvinobva pamwoyo?

  • Zvii zvaungaita kuti minyengetero yako ikubatsire kuwedzera kuswedera pedyo naJehovha?

  • Kuongorora minyengetero iri muBhaibheri kunokubatsira sei?

RWIYO 45 Kufungisisa Kwemwoyo Wangu

a Kuti uwane mamwe mashoko, ona bhuku rinonzi Magwaro Anobatsira Pakurarama kwechiKristu pamusoro wakanzi “Jehovha” woenda pakanzi, “Humwe unhu hwaJehovha hwakanaka.”

b Kakawanda kacho, minyengetero inopiwa munhu achimiririra ungano inenge iri mipfupi.

c Hana paainyengetera, akashandisa mashoko akafanana neakanyorwa naMozisi. Izvi zvinoratidza kuti anofanira kunge aifungisisa zviri muMagwaro. (Dheut. 4:35; 8:18; 32:​4, 39; 1 Sam. 2:​2, 6, 7) Papera mazana emakore, Mariya amai vaJesu vakashandisa mashoko ekurumbidza Jehovha akafanana neakashandiswa naHana.—Ruka 1:​46-55.

d Semuenzaniso, enzanisa Jona 2:​3-9 naPisarema 69:1; 16:10; 30:3; 142:​2, 3; 143:​4, 5; 18:6; uye 3:8. Kutevedzana kuri kuita mapisarema aya kunoenderana nemashandisirwo aakaitwa naJona mumunyengetero wake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe