RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 October pp. 24-29
  • Yeuka Kunyengeterera Vamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Yeuka Kunyengeterera Vamwe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI TICHIFANIRA KUNYENGETERERA VAMWE?
  • TINOFANIRA KUVANYENGETERERA
  • PATINONYENGETERERA MUMWE MUNHU
  • ZVATINOFANIRA KUTARISIRA PATINONYENGETERA
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Zvaungaita Kuti Unyengetere Zvinobva Pamwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • “Nyengetereranai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 October pp. 24-29

NYAYA YEKUDZIDZA 43

RWIYO 41 Inzwaiwo Munyengetero Wangu

Yeuka Kunyengeterera Vamwe

“ Nyengetereranai . . . Kuteterera kwemunhu akarurama kune simba.”—JAK. 5:16.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti nei zvichikosha kuti tinyengeterere vamwe uye tichapiwa mazano ekuti tingazviita sei.

1. Tinoziva sei kuti Jehovha anokoshesa minyengetero yedu?

MUNYENGETERO chipo chakazonaka chatakapiwa naJehovha. Chimbozvifunga: Jehovha ane mabasa aakapa ngirozi. (Pis. 91:11) Akapawo Mwanakomana wake mabasa akakura. (Mat. 28:18) Asi ndiani waakapa basa rekuteerera minyengetero? Hapana. Jehovha pachake ndiye anoita basa iroro. Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha “Munzwi wemunyengetero,” zvichireva kuti patinonyengetera iye pachake ndiye anenge achiteerera.—Pis. 65:2.

2. Tinodzidzei kubva kumuapostora Pauro panyaya yekunyengeterera vamwe?

2 Tinonzwa takasununguka kunyengetera kuna Jehovha tichimuudza zvinotinetsa, asi tinofanirawo kunyengeterera vamwe. Izvi ndizvo zvaiitwa nemuapostora Pauro. Akanyorera ungano yekuEfeso kuti: “Ndinogara ndichitaura nezvenyu muminyengetero yangu.” (VaEf. 1:16) Pauro haana kungogumira pakunyengeterera ungano, asi ane vanhu vaainyengetererawo. Semuenzaniso akaudza Timoti kuti: “Ndinotenda Mwari, . . . ndisingambokukanganwi pandinonyengetera ndichiteterera siku nesikati.” (2 Tim. 1:3) Pauro aiva nezvinhu zvaimunetsa zvaaidawo kunyengetera nezvazvo. (2 VaK. 11:23; 12:​7, 8) Asi kunyange zvakadaro, aiwana nguva yekunyengeterera vamwe.

3. Nei dzimwe nguva tichikanganwa kunyengeterera vamwe?

3 Dzimwe nguva tinogona kukanganwa kunyengeterera vamwe. Nemhaka yei? Imwe hanzvadzi inonzi Sabrinaa inotaura zvimwe zvinoita kuti tidaro. Inoti: “Upenyu munyika ino hwakaoma. Tinogona kugara tichingofunga nezvenhamo dzedu zvekuti patinonyengetera ndizvo zvega zvatinongotaura nezvazvo.” Kana izvozvo zvichimboitikawo kwauri, nyaya ino ichakubatsira. Ichatsanangura kuti (1) nei zvichikosha kuti tinyengeterere vamwe uye (2) ichatipa mazano ekuti tingazviita sei.

NEI TICHIFANIRA KUNYENGETERERA VAMWE?

4-5. Bhaibheri parinotaura kuti kunyengeterera vamwe “kune simba” rinenge richirevei? (Jakobho 5:16)

4 Kunyengeterera vamwe “kune simba.” (Verenga Jakobho 5:16.) Kunyengeterera vamwe kune zvakunobatsira here? Ehe. Kunogona kutochinja zvinoitika muupenyu hwemunhu kana kuti maperero anoita imwe nyaya. Jesu aiziva kuti muapostora Petro aizomuramba uye kuti izvozvo zvaizogona kutokanganisa kutenda kwake. Saka akamuudza kuti: “Ndakakunyengeterera ndichiteterera kuti kutenda kwako kurege kupera.” (Ruka 22:32) Pauro aizivawo kuti kunyengetererwa nevamwe kune zvakunobatsira. Pane imwe nguva, Pauro akanga ari musungwa muRoma asi akanga asina mhosva yaanga apara. Akanyorera Firimoni kuti: “Ndiri kutarisira kuti neminyengetero yenyu, ndichadzoswa kwamuri.” (Fir. 22) Uye izvozvo ndizvo zvakazotoitika. Pauro akazosunungurwa akaenderera mberi nebasa rake rekuparidza.

5 Izvi hazvirevi hazvo kuti patinonyengeterera vamwe tinomanikidza Jehovha kuita chimwe chinhu. Asi Jehovha anoona kuti vashumiri vake vanenge vachinetseka zvakadii nezvenyaya yavanenge vachinyengeterera uye dzimwe nguva anobva asarudza kuita zvavanenge vachikumbira. Kuziva izvi kunogona kutibatsira kuti tinyengetere nemwoyo wese kuna Jehovha nezveimwe nyaya tobva tasiyira kwaari kuti aite zvaanoona zvakakodzera.—Pis. 37:5; ona 2 VaKorinde 1:11.

6. Patinonyengeterera vamwe, tinopedzisira tava kunzwa sei nezvevanhu ivavo vatinenge tanyengeterera? (1 Petro 3:8)

6 Kunyengeterera vamwe kunotibatsira kuti ‘tivanzwire tsitsi.’ (Verenga 1 Petro 3:8.) Munhu anonzwira vamwe tsitsi anoona kutambura kwavanenge vachiita uye anonzwa achida kuita chimwe chinhu kuti avabatsire. (Mako 1:​40, 41) Mumwe mukuru anonzi Michael anoti: “Pandinonyengeterera vamwe ndichitaura zviri kuitika muupenyu hwavo, ndinowedzera kunzwisisa nhamo dzavari kusangana nadzo uye izvozvo zvinoita kuti ndiwedzere kuvada. Ndinobva ndanzwa ndiri pedyo navo asi ivo vacho vanogona kunge vasiri kutozviziva.” Mumwe mukuru anonzi Richard anotaurawo zvimwe zvakanakira kunyengeterera vamwe. Anoti: “Patinonyengeterera mumwe munhu, kazhinji tinonzwa tichida kuita chimwe chinhu chekuti timubatsire.” Richard anotiwo: “Patinobatsira munhu watinenge tichinyengeterera tinoita setiri kutobatsira pakupindura munyengetero watanga tichipa.”

7. Kunyengeterera vamwe kunotibatsira sei kuti tisangogara tichifunga nhamo dzedu? (VaFiripi 2:​3, 4) (Onawo mifananidzo.)

7 Kunyengeterera vamwe kunotibatsira kuti tisangogara tichingofunga nezvenhamo dzedu. (Verenga VaFiripi 2:​3, 4.) Mumwe nemumwe wedu ane nhamo dzaari kusangana nadzo nekuti tiri kurarama munyika iri kutongwa naDhiyabhorosi. (1 Joh. 5:19; Zvak. 12:12) Kugara tichinyengeterera vamwe kunotibatsira kuti tiyeuke kuti ‘matambudziko atiri kusangana nawo ari kusanganawo nehama dzedu dzese dziri munyika.’ (1 Pet. 5:9) Mumwe piyona anonzi Katherine anoti: “Kunyengeterera vamwe kunondibatsira kuti ndiyeuke kuti naivowo vane matambudziko avari kusangana nawo. Izvozvo zvinondibatsira kuti ndisangogara ndichingofunga nhamo dzangu.”

Mifananidzo: Hama nehanzvadzi dzine matambudziko adziri kusangana nawo dzichinyengeterera vamwe. 1. Kasikana kakagara pamubhedha kachinyengeterera mhuri iri muchikepe yasiya musha wayo nekuti paitika mafashamo. 2. Mhuri iya yawirwa nemafashamo iri kunyengeterera hama iri mujeri. 3. Hama iya iri mujeri yakagara pamubhedha ichinyengeterera hanzvadzi yechikuru yakarara pamubhedha muchipatara. 4. Hanzvadzi iya yechikuru iri muchipatara ichinyengeterera kasikana karatidzwa pamufananidzo wekutanga; kasikana kacho kakagara kwako kega mukirasi vamwe pavari kupemberera zuva rekuzvarwa.

Kunyengeterera vamwe kunotibatsira kuti tisangogara tichifunga nezvenhamo dzedu (Ona ndima 7)d


TINOFANIRA KUVANYENGETERERA

8. Taura mienzaniso yevanhu vatinogona kunyengeterera.

8 Ndivanaani vatinofanira kunyengeterera? Tinogona kunyengeterera hama dzedu dziri kusangana nematambudziko akasiyana-siyana. Tine hama dzedu dziri kurwara, vechidiki vanosekwa uye vanofurirwa kuita zvakaipa nevamwe kuchikoro uyewo hama dzakwegura. Tinewo hama dzakawanda dziri kupikiswa nevanhu vemumhuri kana kuti nehurumende. (Mat. 10:​18, 36; Mab. 12:5) Uyewo dzimwe hama dzedu dzaitofanira kusiya misha yadzo nekuti nyaya dzezvematongerwo enyika dzakanga dzisina kugadzikana munzvimbo dzavaigara. Tinewo hama dzedu dzakawirwa nenjodzi dzinongoitika dzega. Tinogona kunge tisingazivi hama nehanzvadzi idzi asi patinodzinyengeterera, tinoratidza kuti tiri kuteerera murayiro watakapiwa naJesu wekuti ‘tidanane.’—Joh. 13:34.

9. Nei tichifanira kunyengeterera hama dziri kutungamirira musangano raJehovha uyewo madzimai adzo?

9 Tinogonawo kunyengeterera vaya vari kutungamirira musangano raJehovha vakadai sevari muDare Rinotungamira, vaya vanobatsira Dare Rinotungamirira, Matare Emapazi, vatariri vemadhipatimendi epaBheteri, vatariri vematunhu, vakuru veungano uyewo vashumiri veungano. Varume ava vanoshanda nesimba kuti vatibatsire, asi vakawanda vavo vatoriwo nenhamo dzavo dzavanosangana nadzo. (2 VaK. 12:15) Mumwe mutariri wedunhu anonzi Mark anoti: “Chinhu chinonyanya kundinetsa ndechekuti ndinogara kure nevabereki vangu. Vabereki vangu vakwegura uye vanorwara. Kunyange zvazvo hanzvadzi yangu nemurume wayo vari kuvachengeta, zvinondirwadza kuti handina zvakawanda zvandinogona kuita kuti ndivabatsire.” Tinogona kunge tisingazivi nhamo dzese dzinosangana nehama idzi, asi tinofanira kuyeuka kudzinyengeterera. (1 VaT. 5:​12, 13) Tinogonawo kunyengeterera madzimai evarume ava nekuramba kwavari kuita vachitsigira varume vavo kuti vakwanise kuita mabasa avo.

10-11. Jehovha anofara here patinonyengeterera hama nehanzvadzi dzedu dzese kunyange pasina watiri kudoma nezita? Tsanangura.

10 Sezvatakurukura, tinowanzonyengeterera hama nehanzvadzi dziri mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Semuenzaniso, tinogona kukumbira Jehovha kuti abatsire vaya vari mumajeri kana kuti anyaradze vaya vakafirwa, asi tisina munhu watiri kunyatsodoma nezita. Mumwe mukuru anonzi Donald anoti, “Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzine matambudziko adziri kusangana nawo, saka dzimwe nguva tinongonyengetera tichikumbira Jehovha kuti abatsire hama nehanzvadzi dzedu dzese dziri kutambura.”

11 Jehovha anofadzwa here neminyengetero yakadaro? Ehe! Hatizivi zvese zviri kusangana nehama nehanzvadzi dzedu. Saka hapana chakaipa nekunyengeterera hama nehanzvadzi dzedu dziri mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana kunyange zvazvo pasina watiri kunyatsodoma nezita. (Joh. 17:20; VaEf. 6:18) Minyengetero yakadaro inoratidza kuti “[tinoda] sangano rese rehama.”—1 Pet. 2:17.

PATINONYENGETERERA MUMWE MUNHU

12. Kucherechedza kunotibatsira sei kuti tizive zvekutaura patinenge tichinyengetera?

12 Cherechedza. Zvakanaka kuti tinyengeterere hama nehanzvadzi dzedu dziri mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, asi tinofanirawo kunyengeterera mumwe nemumwe tichitaura zita rake. Pane here mumwe munhu ari muungano menyu ane chirwere chakaipa chaari kutambura nacho? Pane here wechidiki akaora mwoyo nekuti ari kumanikidzwa kuita zvakaipa nevamwe kuchikoro? Pane here mubereki ari kurera mwana ari ega ari kunetseka kuti ‘omuranga nekumurayira sei sezvinodiwa naJehovha’? (VaEf. 6:4) Kucherechedza kuchatibatsira kuti tinzwire vamwe tsitsi uye izvozvo zvichaita kuti tinzwe tichida kuvanyengeterera.b—VaR. 12:15.

13. Tingaitei kuti tinyengeterere kunyange vaya vatisingazivani navo?

13 Nyengeterera mumwe munhu uchitaura zita rake. Tinogona kuita izvi kunyange tisingatombozivani nemunhu wacho. Funga nezvehama nehanzvadzi dzedu dziri mumajeri munzvimbo dzakadai seCrimea, Eritrea, Russia neSingapore. Kana ukaenda pajw.org, unogona kuwana mazita ehama nehanzvadzi idzi dziri mumajeri.c Mumwe mutariri wedunhu anonzi Brian anoti: “Ndakaona kuti ndikanyora pasi zita reimwe hama kana hanzvadzi iri mujeri, ndobva ndaritaura zvinonzwika zvinondibatsira kuti ndizoyeuka munhu wacho uye ndizomunyengeterera.”

14-15. Zvii zvingatibatsira kuti tinyengeterere mumwe munhu tichinyatsotaura kuti tiri kuda kuti abatsirwe nei?

14 Nyatsotaura kuti uri kuda kuti munhu wacho abatsirwe sei. Michael, ambotaurwa nezvake anoti: “Pandinoverenga nyaya dziri pajw.org dzehama dziri mumajeri ndinoedza kufungidzira kuti dai ndanga ndiri ini ndaizonzwa sei? Ndinoziva kuti ndaizonetseka nezvemudzimai wangu uye ndaizoda kuti awane zvese zvaanoda kuti ararame. Saka pandinozonyengeterera hama dzakaroora dziri mumajeri ndinenge ndatova nechimwe chinhu chandinogona kukumbira Jehovha kuti adzibatsire nacho.”—VaH. 13:​3, mashoko emuzasi.

15 Kana tikaedza kufungidzira kuti hama dzedu dziri mumajeri dziri kusangana nezvinhu zvakaita sei zuva rega rega, zvinogona kutibatsira kuti tifunge nezvezvimwe zvinhu zvatingataura patinenge tichivanyengeterera. Tinogona kunyengetera kuti magadhijeri avabate zvakanaka uye kuti hurumende dzipe hama dzedu rusununguko rwekunamata. (1 Tim. 2:​1, 2) Tinogona kunyengetera kuti ungano yaipinda nehama iyoyo iri mujeri ikurudzirwe painoona hama iyoyo ichiramba yakatendeka. Uyewo tinogona kunyengeterera vanhu vasiri Zvapupu kuti vaone unhu hwakanaka huri kuratidzwa nehama kana hanzvadzi iri mujeri, zvoita kuti vazoda kuteerera mashoko atinoparidza. (1 Pet. 2:12) Mazano ataurwa aya tinogonawo kuashandisa patinenge tichida kunyengeterera hama nehanzvadzi dzine mamwe matambudziko adziri kusangana nawo. Kana tiri vanhu vanocherechedza, tonyengetera tichidoma vamwe nemazita uye tonyatsotaura zvacho zvatiri kukumbira kuti vabatsirwe nazvo, tinenge tichiratidza kuti ‘tinonyatsodanana’ chaizvo.—1 VaT. 3:12.

ZVATINOFANIRA KUTARISIRA PATINONYENGETERA

16. Nei tisingafaniri kutarisira kuti Jehovha anotofanira kuita zvese zvatinenge takumbira muminyengetero yedu? (Mateu 6:8)

16 Sezvataona, patinonyengeterera vamwe zvinogona kutochinja zvinoitika muupenyu hwavo kana kuti maperero anoita imwe nyaya. Asi hatifaniri kutarisira kuti nguva dzese Jehovha achatoita zvatinenge tichikumbira. Patinonyengetera, tinofanira kuyeuka kuti hatisi kuudza Jehovha chimwe chinhu chaasingazivi uyewo hatifaniri kuita setiri kumupa mazano ekuti anofanira kugadzirisa sei imwe nyaya. Jehovha anoziva zvinodiwa nevashumiri vake kunyange ivo kana kuti isu tisati tatombozviziva. (Verenga Mateu 6:8.) Saka kana Jehovha achiziva zvese izvozvo, nei tichifanira kunyengeterera vamwe? Zvimwe zvacho tatombozvitaura munyaya ino. Asi chimwe chinoita kuti tinyengeterere vamwe ndechekuti ndizvo zvinoitwa nevanhu vane rudo uye Jehovha anofara paanoona vashumiri vake vachiratidza kuti vanodanana.

17-18. Kunyengeterera hama nehanzvadzi dzedu kunoratidzei? Taura muenzaniso.

17 Kunyange kana tikanyengeterera vamwe asi zvoita sekuti hazvina zvazvabatsira, tinofanira kuyeuka kuti kunyengeterera hama nehanzvadzi dzedu kunoratidza kuti tinodzida uye Jehovha anozviona izvozvo. Tinogona kuzvienzanisa neizvi: Ngatitii pane mhuri ine vana vaviri, kakomana nekasikana. Kakomana kacho kanobva karwara. Kasikana kanobva kaenda kuna baba vacho kachiti: “Baba mubatsirei, ari kurwara zvisingaite!” Baba ava vagara vane zvavari kutoita kuti vabatsire mwanakomana wavo nekuti vanomuda. Asi vanofara chaizvo pavanonzwa mwanasikana wavo achiratidza kuti anoda hanzvadzi yake zvekuti ari kutovakumbira kuti vaibatsire.

18 Izvi ndizvo zvatiri kukurudzirwa naJehovha kuti tiite. Anoda kuti tidanane uye kuti tinyengetererane. Patinoita izvozvo, tinoratidza kuti hatingofungi nezvenhamo dzedu chete asi kuti tinonyatsoda hama nehanzvadzi dzedu zvakadzama uye Jehovha anozviona izvozvo. (2 VaT. 1:3; VaH. 6:10) Sezvatakurukura, dzimwe nguva patinonyengeterera vamwe zvine zvazvinogona kutochinja muupenyu hwavo kana kuti zvinotogona kuchinja maperero anoita imwe nyaya. Saka ngatisambokanganwa kunyengetererana.

UNGAPINDURA SEI?

  • Bhaibheri parinotaura kuti kunyengeterera vamwe “kune simba” rinenge richirevei?

  • Nei tichifanira kunyengeterera hama nehanzvadzi dziri mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana?

  • Zvii zvingatibatsira kuti tinyengeterere mumwe munhu tichinyatsotaura kuti tiri kuda kuti abatsirwe nei?

RWIYO 101 Kushanda Takabatana

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Ona vhidhiyo iri pajw.org yakanzi Takeshi Shimizu: Jehovha “Munzwi Wemunyengetero.”

c Kuti uwane mazita ehama nehanzvadzi dzedu dziri mumajeri, enda pajw.org wotsvaga pakanzi “Jehovah’s Witnesses Imprisoned for Their Faith—By Location.”

d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama nehanzvadzi dzine matambudziko adziri kusangana nawo dzichinyengeterera vamwe.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe