PFUNGWA YEMUBHAIBHERI
Shandisa ‘Chipo Chako Chemweya’
Tinokurudzirwa patinenge tiri pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu. Asi kuti tinyatsokurudzirwa, haisi nyaya yekungova pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu chete. Bhaibheri rinotiudza kuti mumwe nemumwe wedu anofanira kusimbisa kutenda kwevamwe kana kuti kuvapa “chipo chemweya.” (VaR. 1:11, 12) Zvii zvatingaita kuti tinyatsoshandisa chipo ichocho?
Kurudzira vamwe nezvaunotaura. Paunopa mhinduro kumisangano, usanyanya kutaura zvaunofunga kana kuti nezveupenyu hwako. Asi taura zvaunodzidza nezvaJehovha, Shoko rake, uye vashumiri vake vakatendeka. Paunenge uchitaura nyaya nehama nehanzvadzi dzako, taura zvinhu zvinosimbisa kutenda kwavo.
Kurudzira vamwe nezvaunoita. Vamwe vanhu pavanoona kuti uri kuramba uri mubasa renguva yakazara pasinei nematambudziko auri kusangana nawo, zvinogona kutovakurudzira. Kana kuti vamwe pavanoona uchipinda misangano yepakati pevhiki pasinei nekuti uri kurwara kana kuti unenge wakaneta nekuti waswera kubasa, vanogona kukurudzirwawo.
Zvaunotaura uye zvaunoita zvinokurudzira hama nehanzvadzi dzako here? Uye hama nehanzvadzi dzako padzinoedza kukukurudzira nezvadzinotaura uye nezvadzinoita, unozvicherechedzawo here?