RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 November p. 32
  • Shandisa ‘Chipo Chako Chemweya’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa ‘Chipo Chako Chemweya’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Rambai Muchikurudzirana Zuva Rimwe Nerimwe’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kutsvaga Chipo Chakanakisisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Chipo Chikuru chaMwari​—Nei Chichikosha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Kukwezva—Rumbidzo Kumunhu Kana Kuti Mbiri Kuna Mwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 November p. 32

PFUNGWA YEMUBHAIBHERI

Shandisa ‘Chipo Chako Chemweya’

Tinokurudzirwa patinenge tiri pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu. Asi kuti tinyatsokurudzirwa, haisi nyaya yekungova pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu chete. Bhaibheri rinotiudza kuti mumwe nemumwe wedu anofanira kusimbisa kutenda kwevamwe kana kuti kuvapa “chipo chemweya.” (VaR. 1:​11, 12) Zvii zvatingaita kuti tinyatsoshandisa chipo ichocho?

Kurudzira vamwe nezvaunotaura. Paunopa mhinduro kumisangano, usanyanya kutaura zvaunofunga kana kuti nezveupenyu hwako. Asi taura zvaunodzidza nezvaJehovha, Shoko rake, uye vashumiri vake vakatendeka. Paunenge uchitaura nyaya nehama nehanzvadzi dzako, taura zvinhu zvinosimbisa kutenda kwavo.

Kurudzira vamwe nezvaunoita. Vamwe vanhu pavanoona kuti uri kuramba uri mubasa renguva yakazara pasinei nematambudziko auri kusangana nawo, zvinogona kutovakurudzira. Kana kuti vamwe pavanoona uchipinda misangano yepakati pevhiki pasinei nekuti uri kurwara kana kuti unenge wakaneta nekuti waswera kubasa, vanogona kukurudzirwawo.

Zvaunotaura uye zvaunoita zvinokurudzira hama nehanzvadzi dzako here? Uye hama nehanzvadzi dzako padzinoedza kukukurudzira nezvadzinotaura uye nezvadzinoita, unozvicherechedzawo here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe