MARCH 16-22, 2026
RWIYO 20 Makatipa Mwanakomana Wenyu Anokosha
Nei Tichida Kudzikinurwa?
“Ndiani achandinunura mumuviri uyu uri kufa?”—VAR. 7:24.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti rudzikinuro runotibatsira sei kuti tiregererwe zvivi zvedu, tikwanise kubvisirwa chivi chakabva kuna Adhamu uyewo tikwanise kuva neushamwari naMwari.
1-2. Nei tichida kununurwa? (VaRoma 7:22-24) (Onawo mufananidzo.)
CHIMBOFUNGIDZIRA paine chimwe chivakwa chadonha. Muchivakwa ichi mune murume atsikirirwa imomo. Achiri hake mupenyu, asi haasi kukwanisa kubuda imomo ari ega. Chaari kungokwanisa kuita kushevedzera, achishuvira kuti dai mumwe munhu auya kuzomununura.
2 Tese zvedu takangofanana nemurume iyeye ari muchivakwa chadonha. Takafanana pakudini? Adhamu paakapandukira Musiki wake, akabva ava nechivi. Paakazova nevana, vese vakaberekwa vaine chivi ichocho. Saka vanhu vese vanoita sekuti vakatsikirirwa nechivi uye vanotoda kuti mumwe munhu avanunure. Muapostora Pauro akatsanangura kuti chivi chinotikanganisa sei mutsamba yaakanyorera vaRoma. (Verenga VaRoma 7:22-24.) Pauro akabvunza kuti: “Ndiani achandinunura?” Pauro ainzwa sekuti haana zvaaigona kuita kuti azvinunure pachivi uye chivi ndicho chaizoita kuti afe. (VaR. 6:23) Ndizvo zvazvakangoitawo kwatiri isu nhasi. Tinotoda kununurwa!
Murume akatsikirirwa muchivakwa chadonha anotoda mumwe munhu kuti amununure. Isuwo hatikwanisi kuzvisunungura pachivi chakabva kuna Adhamu, saka tinotoda mumwe munhu kuti atinunure (Ona ndima 1-2)
3. Rudzikinuro runotibatsira sei?
3 Pauro paakataura nyaya yekuti chivi chinotikanganisa sei akazotaurawo mashoko anotipa tariro. Pashure pekunge abvunza kuti: “Ndiani achandinunura mumuviri uyu uri kufa?” akapindura mubvunzo wake achiti: “Ndinotenda Mwari nekuna Jesu Kristu Ishe wedu!” (VaR. 7:25) Paakadaro, Pauro aireva kuti Jehovha akatinunura achishandisa chibayiro cherudzikinuro rwaJesu.a Rudzikinuro runotibatsira kuti (1) tiregererwe zvivi zvedu, (2) tikwanise kubvisirwa chivi chakabva kuna Adhamu uye (3) tikwanise kuva neushamwari neMusiki wedu. Kukurukura pfungwa idzi kuchatibatsira kuti tiwedzere kuda Jehovha, “Mwari anopa tariro.” (VaR. 15:13) Kuchaitawo kuti tiwedzere kutenda Jesu uyo akashandiswa naJehovha kutisunungura.—VaK. 1:14.
TINOKWANISA KUREGERERWA ZVIVI ZVEDU
4-5. Nei tese zvedu tichida rudzikinuro? (Muparidzi 7:20)
4 Tinotoda rudzikinuro kuti tikwanise kuregererwa zvivi zvedu. Munhu wese anokanganisa. Dzimwe nguva tinokanganisa nezvatinotaura uye dzimwe nguva nezvatinoita. (Verenga Muparidzi 7:20.) Zvimwe zvivi zvakakura kupfuura zvimwe. Semuenzaniso, Mutemo waMozisi waiti kana munhu akaita upombwe kana kuti akaponda aitofanira kuurayiwa. (Revh. 20:10; Num. 35:30, 31) Zvivi zvakawanda hazvina hazvo kukura saizvozvo, asi zvese zvivi. Semuenzaniso, Dhavhidhi akati: “Ndichachengetedza nhanho dzangu kuti ndirege kutadza nerurimi rwangu.” (Pis. 39:1) Izvi zvinoratidza kuti tinogona kutadza kunyange nezvatinotaura.—Jak. 3:2.
5 Chimbofunga zvinhu zvawakataura uye zvawakaita. Wakamboudza mumwe munhu mashoko aunodemba here? Kana kuti wakamboita chimwe chinhu chaunodemba here? Tese zvedu takatombotaura nekuita zvinhu zvatinodemba. Bhaibheri rinotaura kuti: “Kana tichitaura kuti, ‘Hatina chivi,’ tiri kuzvinyengera uye chokwadi hachisi matiri.”—1 Joh. 1:8.
6-7. Chii chinoita kuti Jehovha akwanise kuregerera zvivi zvedu? (Onawo mufananidzo.)
6 Rudzikinuro ndirwo runoita kuti Jehovha akwanise kuregerera zvivi zvedu. (VaEf. 1:7) Asi kunyange zvazvo Jehovha achiregerera zvivi zvedu achishandisa rudzikinuro, hazvirevi kuti haana basa nazvo kana tikakanganisa. Jehovha haatombofari kana tikaita chivi. (Isa. 59:2) Uyewo nemhaka yekuti Jehovha ndiMwari akarurama, pane zvaitofanira kuitwa kuti azokwanisa kuregerera vanhu.
7 MuMutemo waMozisi vaIsraeri vaifanira kupa zvibayiro zvemhuka kuti varegererwe zvivi zvavo. (Revh. 4:27-31; 17:11) Zvibayiro izvozvo, zvaifananidzira chibayiro chikuru chaJesu uye makomborero achaizounza. Chibayiro chaJesu chaizoita kuti Jehovha akwanise kuregerera zvivi zvedu. Mashoko akanyorwa naPauro kuvaKristu vemuKorinde anoratidza kuti ainzwisisa kukosha kwerufu rwaJesu. Pashure pekunge ataura zvinhu zvakaipa zvavaimboita, akavaudza kuti: “Makagezwa mukachena; makatsveneswa; makanzi makarurama muzita raShe wedu Jesu Kristu uye nemweya waMwari wedu.”—1 VaK. 6:9-11.
Zvibayiro zvemhuka zvaipiwa nevaIsraeri kuti varegererwe zvivi zvavo zvaifananidzira chibayiro chakapiwa naJesu uye makomborero achaizounza (Ona ndima 6-7)
8. Zvii zvaunogona kufunga nezvazvo paunenge uchigadzirira kupinda Chirangaridzo chegore rino?
8 Paunenge uchigadzirira Chirangaridzo chegore rino, chimbozvipa nguva yekufunga kuti unobatsirwa sei nekuregerera kunoita Jehovha. Semuenzaniso, rudzikinuro runokubatsira kuti usaramba uchizvipa mhosva nezvezvivi zvawakatopfidza kare. Zvinombokuomera here kunyatsobvuma kuti Jehovha akakuregerera? Pamwe unozviudza kuti, ‘Ndinonzwisisa kuti Jehovha anogona kuregerera asi ini handikodzeri kuregererwa.’ Kana uchimbofunga izvozvo, yeuka kuti Jehovha haana kupa iwe kana kuti mumwe munhu basa rekutaura kuti ndiani anofanira kuregererwa. Jehovha ndiye anoregerera uye akapa Mwanakomana wake basa rekuva mutongi. Bhaibheri rinotaura kuti: ‘Kana tichifamba muchiedza sezvo Jehovha ari muchiedza, ropa raJesu Mwanakomana wake rinotichenesa pazvivi zvese.’ (1 Joh. 1:6, 7) Tinogona kunyatsobvuma dzidziso iyoyo yeBhaibheri sekubvuma kwatinongoita zvimwe zvese zvinodzidziswa neBhaibheri. Rudzikinuro runoita kuti Jehovha akwanise kutinzwira tsitsi uye Shoko rake rinotaura kuti ‘akagadzirira kukanganwira.’—Pis. 86:5.
TINOKWANISA KUBVISIRWA CHIVI CHAKABVA KUNA ADHAMU
9. MuBhaibheri, shoko rekuti chivi rinorevei? (Pisarema 51:5)
9 MuBhaibheri, shoko rekuti “chivi” rinoreva zvinhu zvakaipa zvatinoita uyewo rinoreva kuberekwa kwatinoitwa tiri vanhu vanokanganisa. (Verenga Pisarema 51:5.) Kuberekwa kwatinoitwa tiri vanhu vanokanganisa, ndiko kunoita kuti tiite zvakaipa uye kunoitawo kuti tirware, tikwegure uye tife. Ndosaka kunyange vana vacheche vasati vatomboita zvinhu zvakaipa vachirwara kunyange kutofa. Uyewo ndosaka vanhu vese, vangava vakanaka kana kuti vakaipa, vachitambura uyewo vachizosvika pakufa. Chivi chakabva kuna Adhamu ndicho chakaita kuti tese zvedu tipinde mudambudziko iri.
10. Adhamu naEvha vakakanganiswa sei nechivi chavakaita?
10 Chimbofunga kuti chivi chakakanganisa sei murume nemudzimai vekutanga. Chakaita kuti vanetseke chaizvo. Pavakangopandukira Mwari, hana dzavo dzakatanga kuvatambudza. (VaR. 2:15) Vakabva vatoona kuti zvinhu zvakanga zvachinja uye zvakanga zvisina kuvamirira zvakanaka. Kekutanga muupenyu hwavo, Adhamu naEvha vakatanga kuzvipa mhosva, kunyara uye kunetseka zvekuti vakatovhara dzimwe nhengo dzemiviri yavo uye vakahwanda Musiki wavo. (Gen. 3:7, 8) Kweupenyu hwavo hwese Adhamu naEvha vaizongoramba vachizvipa mhosva, vachinyara uye vachinetseka.—Gen. 3:16-19.
11. Chivi chatiinacho chinotikanganisa sei?
11 Nemhaka yekuti tese zvedu tine chivi, dzimwe nguva tinozvipa mhosva, tinonyara uye tinonetseka. Kurwadziwa uye kushushikana kwatinoita kunokonzerwa nechivi chatiinacho. Pasinei nezvese zvatingaita kuti tivandudze upenyu hwedu uye kuti tisapinda mumatambudziko, pane mamwe matambudziko atisingakwanisi kugadzirisa tega. Nei zvakadaro? Nekuti Bhaibheri rinotaura kuti kubva pakatadza Adhamu naEvha vanhu vaizongoramba vaine matambudziko. (VaR. 8:20) Saka tine matambudziko atinosangana nawo semunhu mumwe nemumwe, kwozoitawo mamwe anobata vanhu vese. Semuenzaniso, hurumende dzakawanda dziri kuedza kuita kuti vanhu vasaparadza nyika, dziri kuedzawo kuderedza kuparwa kwemhosva, kupedza urombo uye kuita kuti panyika pave nerunyararo. Pasinei nezvese zvavari kuedza kuita, havasi kubudirira. Asi kupiwa kwatakaitwa rudzikinuro kunotipa tariro. Itariro ipi iyoyo?
12. Rudzikinuro runotipa tariro yei?
12 Rudzikinuro runotipa tariro yekuti ‘zvisikwa zvichasunungurwa muuranda hwekuora.’ (VaR. 8:21) Munyika itsva tichanyatsobatsirwa nerudzikinuro zvekuti hatizomborwari kana kushushikana mupfungwa uyewo hatizombozvipi mhosva, kunyara kana kunetseka. Uyewo zvese zvatichaedza kuita kuti nyika irambe yakanaka uye panyika pave nerugare, zvichabudirira nekuti tinenge tichitongwa ‘neMuchinda weRugare,’ Jesu Kristu uyo akatidzikinura.—Isa. 9:6, 7.
13. Zvii zvaunogona kufunga nezvazvo paunenge uchigadzirira kupinda Chirangaridzo chegore rino?
13 Chimbofungidzira kuti upenyu huchange hwakaita sei kana usisina chivi chakabva kuna Adhamu. Fungidzira uchimuka zuva rega rega uine utano hwakanaka uye usingatyi kuti iwewe kana hama dzako muchashaya zvekudya, mucharwara kana kuti muchafa. Kunyange iye zvino, unogona kunzwa wakagadzikana kana ukagara uchifunga nezvetariro yako. (VaH. 6:18, 19) Chinhu chinotsigisa ngarava chinoibatsira kuti irambe yakadzikama pakunenge kuine dutu. Ndizvo zvazvinoitawo kana ukagara uchifunga nezvetariro yako. Inokubatsira kuti urambe uine kutenda kwakasimba uye ukwanise kutsungirira matambudziko aunosangana nawo iye zvino. Unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha “anopa mubayiro vaya vanomutsvaga nemwoyo wese.” (VaH. 11:6) Rudzikinuro ndirwo chete runoita kuti ukwanise kunyaradzwa iye zvino uye ukwanise kuva netariro yekuva neramangwana rakajeka.
TINOKWANISA KUVA NEUSHAMWARI NAMWARI
14. Kutadza kwakaita Adhamu naEvha kwakakanganisa sei ushamwari hwedu neMusiki wedu, uye nei zvakadaro?
14 Kubvira pakatadza Adhamu naEvha, vanhu vakanga vasisakwanisi kuva neushamwari hwepedyo naJehovha. Bhaibheri rinototaura kuti vanhu vese vakaparadzaniswa neMusiki wavo. (VaR. 8:7, 8; VaK. 1:21) Nei richidaro? Nekuti Jehovha akarurama saka haafariri zvakaipa. Bhaibheri rinotaura kuti: ‘Maziso aJehovha akachena chaizvo zvekuti haangatarisi zvakaipa, uye haagoni kungosiya zvakaipa zvichiitika.’ (Hab. 1:13) Saka kubva pakatadza Adhamu naEvha, zvaiita sekuti Jehovha akanga ava kune rimwe divi vanhu vari kune rimwe divi asi pasina bhiriji pakati. Hapana kana mumwe chete wedu aikwanisa kuenda kuna Jehovha kunze kwekunge patogadzirwa bhiriji. Rudzikinuro ndirwo rwakaita sebhiriji rinotibatsira kuti tiende kuna Jehovha, tovazve neushamwari naye.
15. Kufa kwakaita Jesu kwakabatsira sei vanhu kuti vakwanise kuvazve neushamwari naJehovha?
15 Bhaibheri rinotaura kuti Jesu ndiye “chibayiro chekufukidza zvivi zvedu.” (1 Joh. 2:2) Chibayiro chaJesu chakabatsira sei vanhu kuti vavezve neushamwari naJehovha? Kufa kwakaita Jesu kwakaita kuti Mwari wedu akarurama akwanise kuvazve neushamwari hwepedyo nevanhu. (VaR. 3:23-26) Kunyange Kristu asati atombofira vanhu, Jehovha aikwanisa kutaura kuti vamwe vanhu vakararama kare vaimunamata vakanga vakarurama. (Gen. 15:1, 6) Nei aikwanisa kudaro? Nekuti ainyatsoziva kuti Mwanakomana wake Jesu, aizobhadhara rudzikinuro. (Isa. 46:10) Rudzikinuro ndirwo rwakaita kuti vanhu vakwanise kuvazve neushamwari naMwari.
16. Zvii zvimwe zvaunogona kufunga nezvazvo paunenge uchigadzirira kupinda Chirangaridzo chegore rino? (Onawo mufananidzo.)
16 Chimbofunga kuti kuva neushamwari naJehovha kuri kukubatsira sei iye zvino. Pamwe wava kutodana Jehovha kuti “Baba,” sezvatakadzidziswa naJesu. (Mat. 6:9) Uye dzimwe nguva pamwe unototi Jehovha iShamwari yako. Patinoshevedza Jehovha kuti “Baba” kana kuti “Shamwari,” tinofanira kuzviita tichiratidza kuti tinomuremekedza uye tinozvininipisa. Nei tichifanira kudaro? Nekuti tiri vanhu vane chivi uye tiri tega hazviiti kuti tikwanise kuva pedyo naJehovha. Rudzikinuro ndirwo chete runoita kuti tikwanise kuva neushamwari naJehovha. Jehovha ndiye akapa Mwanakomana wake sechibayiro kuitira kuti tikwanise kuvazve nerugare naye. (VaK. 1:19, 20) Ndosaka tichikwanisa kuva neushamwari naJehovha kunyange zvazvo tiri vanhu vakaberekerwa muchivi.
Rufu rwaJesu ndirwo rwega rwaigona kuita kuti Jehovha akwanise kuvazve neushamwari hwepedyo nevanhu (Ona ndima 16)
RUDZIKINURO RUNORATIDZA KUTI JEHOVHA ANE NGONI
17. Rudzikinuro runoratidza sei kuti Jehovha ane ngoni? (VaEfeso 2:4, 5)
17 Rudzikinuro runoratidza kuti Jehovha ane ‘ngoni huru.’ “Akaita kuti tive vapenyu . . . patakanga takafa mukudarika.” (Verenga VaEfeso 2:4, 5.) Kungofanana nemurume uya akatsikirirwa muchivakwa chadonha, vanhu vane “chido chekuwana upenyu husingaperi,” vanokumbira kubatsirwa nekuti vanonzwisisa kuti vanotoda kununurwa kuti vabude muchivi. (Mab. 13:48) Jehovha anovabatsira nekuita kuti vaparidzirwe mashoko eUmambo zvoita kuti vakwanise kusvika pakumuziva uye kuzivawo Mwanakomana wake, Jesu. (Joh. 17:3) Kana Satani aifunga kuti chinangwa chaJehovha chaisazombozadziswa nekutadza kwakaita Adhamu naEvha, akarasika chaizvo.
18. Patinenge tichifunga nezverudzikinuro, inyaya ipi yatinofanira kuyeuka?
18 Patinenge tichifunga nezvekubatsirwa kwatinoitwa nerudzikinuro, tinofanira kuyeuka kuti kunyange zvazvo Jehovha akapa rudzikinuro kuti atiponese, ane chimwe chikonzero chinotonyanya kukosha chakaita kuti aite urongwa uhwu. Akapa rudzikinuro kuti apindure zvaakapomerwa naSatani mumunda weEdheni. (Gen. 3:1-5, 15) Achishandisa rudzikinuro Jehovha anotsvenesa zita rake achiratidza kuti zvese zvakataurwa naSatani pamusoro pake ndezvenhema. Anotinunurawo pachivi nerufu uye izvozvo zvinoratidza kuti ndiMwari ane rudo. Uye sezvo Jehovha ari Mwari ane nyasha, anobvumira isu vanhu vane chivi kuti tiratidzewo kuti zvese zvakataurwa nezvake naSatani ndezvenhema. (Zvir. 27:11) Zvii zvaungaita kuti uratidze kuti unoonga rudzikinuro? Tichapindura mubvunzo iwoyo munyaya inotevera.
RWIYO 19 Kudya kwaShe Kwemanheru
a KUTSANANGURWA KWESHOKO: Rudzikinuro mubhadharo unobhadharwa kuti munhu asunungurwe. Chibayiro cherufu rwaJesu, chinonzi rudzikinuro pakuti chinosunungura vanhu vanoteerera kubva pachivi nerufu.