RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 January pp. 20-25
  • Ucharatidza Sei Kuti Unotenda Rudzikinuro?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ucharatidza Sei Kuti Unotenda Rudzikinuro?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • VADZIDZI VEBHAIBHERI
  • VAKRISTU VAKABHABHATIDZWA
  • VAYA VASINGACHASHUMIRI JEHOVHA
  • UCHAITA SEI?
  • Tinobatsirwa Sei Nerudo rwaJehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Rudzikinuro Rwunotidzidzisei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Nei Tichida Kudzikinurwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Wagadzirira Here Zuva Rinonyanya Kukosha Pagore?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 January pp. 20-25

MARCH 23-29, 2026

RWIYO 18 Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa

Ucharatidza Sei Kuti Unotenda Rudzikinuro?

“Rudo runa Kristu runotimanikidza.”—2 VAK. 5:14.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zvatingaita kuti tiratidze kuti tinotenda rudzikinuro.

1-2. Rudo rwatakaratidzwa naJesu runofanira kuita kuti tiite sei, uye nei zvakadaro? (2 VaKorinde 5:​14, 15) (Onawo mufananidzo.)

NGATITII wanga uri mune chimwe chivakwa chadonha uye wakatsikirirwa imomo. Mumwe munhu anobva auya okununura. Unonzwa sei nezvemunhu iyeye? Unonzwa uchida kumutenda. Kunyange kana mabatsirwa makawanda, unonzwa uchida kuenda kune munhu iyeye uri wega, kuti unomutenda nezvaakuitira.

2 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rudo runa Kristu runotimanikidza.” (Verenga 2 VaKorinde 5:​14, 15.) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kutenda rudo rwatakaratidzwa naJesu uye kuti hatimbofaniri kufa takakanganwa zvaakatiitira. Nei tichifanira kudaro? Nekuti sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, tiri tega hatina zvatinokwanisa kuita kuti tizvisunungure kubva pachivi nerufu. Asi chibayiro cherudzikinuro rwaJesu ndicho chinogona kutinunura. Chinotinunura sei? (1) Chinoita kuti tikwanise kuregererwa zvivi zvedu, (2) tikwanise kubvisirwa chivi chakabva kuna Adhamu uye (3) tikwanise kuvazve neushamwari naMwari. Saka tinokwanisa kuva netariro yekurarama nekusingaperi munyika itsva ichaunzwa naJehovha. Rudzikinuro runonyatsoratidza kuti Jesu anoda vanhu uye kuti akatotanga kuvada asati atombouya panyika.—Zvir. 8:​30, 31.

Murume wemunyaya yakapfuura akanga akatsikirirwa muchivakwa chadonha achibatsirwa nemumwe murume kuti abude imomo.

Kana mumwe munhu akakununura unofanira kumutenda. Jehovha naJesu vakatinunura pachivi nerufu, saka tinotofanirawo kuvatenda (Ona ndima 1-2)


3. Nei zvaungaita kuti uratidze kuti unotenda rudzikinuro zvichisiyana nezvingaitwa nemumwe?

3 Zvii zvauchaita kuti uratidze kuti unotenda rudzikinuro? Zvauchaita zvinogona kusiyana nezvichaitwa nemumwe munhu. Kuti tinzwisise kuti nei zvakadaro fungidzira vanhu vatatu vari kuda kuenda kune imwe nzvimbo, asi vachibva kunzvimbo dzakasiyana. Nzira dzavachashandisa dzichasiyanawo. Ndizvo zvazvakaitawo panyaya yezvatinogona kuita kuti tiratidze kuti tinotenda rudzikinuro. Zvatinoita zvinosiyana zvichienderana nekuti ushamwari hwedu naJehovha huri papi. Munyaya ino tichakurukura kuti zvii zvaungaita kuti uratidze kuti unotenda rudzikinuro kana: (1) Uri kudzidza Bhaibheri, (2) uri muKristu akabhabhatidzwa uye (3) usingachashumiri Jehovha.

VADZIDZI VEBHAIBHERI

4. Jehovha anonzwa sei nezvevaya vari kudzidza Bhaibheri?

4 Kana uri kudzidza Bhaibheri, chimbofunga izvi: Kudzidza kwauri kutoita kunoratidza kuti unoda kuziva zvakawanda nezvaJehovha uyewo nezvezvinodzidziswa neBhaibheri. Izvozvo zvinoratidza kuti unoda kuva shamwari yaJehovha uye Jehovha ari kutokubatsira kuti uve neushamwari naye. (Joh. 6:44; Mab. 13:48) “Jehovha ndiye muongorori wemwoyo.” Izvi zvinoreva kuti anoona zvese zvaunoedza kuita kuti udzidze nezvake uye anofara paanoona uchichinja mararamiro ako kuti uite zvaanoda. (Zvir. 17:3; 27:11) Rudzikinuro ndirwo rwega rwunoita kuti ukwanise kuva neushamwari hwepedyo naJehovha. (VaR. 5:​10, 11) Usambofa wakazvikanganwa izvozvo.

5. Vanhu vari kudzidza Bhaibheri vangatevedzera sei zvakataurwa naPauro zviri pana VaFiripi 3:16?

5 Kana uri kudzidza Bhaibheri, zvii zvaungaita kuti uratidze kuti unotenda rudzikinuro? Unogona kuita zvakataurwa nemuapostora Pauro. Akaudza vaFiripi kuti: “Kusvikira patasvika tichienda mberi, ngatirambei tichifamba zvakanaka nenzira iyi.” (VaF. 3:16) Imwe shanduro yeBhaibheri inoti: “Ngatirambei takananga mberi kwatiri kuenda.” Izvi zvinoreva kuti haufaniri kurega mumwe munhu kana chero chii zvacho chichikutadzisa kuramba uchifamba munzira inoenda kuupenyu.—Mat. 7:14; Ruka 9:62.

6. Vadzidzi veBhaibheri vangaitei kana vari kuomerwa nekubvuma zvimwe zvinhu zvinodzidziswa neBhaibheri kana kuti nekusiya zvinhu zvinonzi neBhaibheri zvakaipa? (Dheuteronomi 30:​11-14) (Onawo mufananidzo.)

6 Zvii zvaungaita kana uri kuomerwa nekubvuma zvimwe zvinhu zvawakadzidza muBhaibheri? Unogona kudzidza zvakawanda nezvenyaya yacho. Uyewo nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kuti uwedzere kuinzwisisa. (Pis. 86:11) Ko kana ukaita izvi asi woona kuti uchiri kungoomerwa nekunzwisisa nyaya yacho? Unogona kumboisiya, asi usarega kudzidza Bhaibheri. Ko kana uri kuomerwa nekusiya zvimwe zvinhu zvinonzi neBhaibheri zvakaipa? Yeuka kuti Jehovha haambotarisiri vanhu kuti vaite zvinhu zvavasingakwanisi. Anoziva kuti unokwanisa kurarama uchiteerera mitemo yake. (Verenga Dheuteronomi 30:​11-14.) Uye Jehovha anotovimbisa kuti achakubatsira. (Isa. 41:​10, 13; 1 VaK. 10:13) Saka ramba uchiita zvese zvaunogona kuti usiye zvinhu izvozvo zvakaipa. Uyewo usaramba wakaisa pfungwa pazvinhu zviri kukuomera kuchinja. Asi funga zvese zvawakaitirwa naJehovha kusanganisira kukupa kwaakaita Mwanakomana wake kuti akufire. Izvozvo zvichaita kuti uwedzere kuda Jehovha uye pauchawedzera kumuda uchasvika pakunyatsoona kuti “mirayiro yake hairemi.”—1 Joh. 5:3.a

Murume ari kuverenga chidzidzo 40 mubhuku rinonzi “Rarama Nekusingaperi Uchifara!” Patafura yake pane paketi yefodya uye kamudziyo kakazara zvigusvani zvemidzanga yaaputa.

Jehovha haambotikumbiri kuti tiite zvinhu zvatisingakwanisi. Achatibatsira kuti tirarame tichitevedzera mitemo yake (Ona ndima 6)


7. Vana vari kurerwa mumhuri dzeZvapupu vanofanira kufunga nezvei?

7 Ko kana uri kurererwa mumhuri yeZvapupu? Newewo utori mudzidzi weBhaibheri. Kunyange kana vabereki vako vaine vamwe vanhu vavanodzidza navo Bhaibheri, iwe ndiwe mudzidzi anonyanyokosha kwavari. Bhaibheri rinoti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jak. 4:8; 1 Mak. 28:9) Kana iwe ukatanga kuita zvinhu zvinoita kuti uswedere pedyo naJehovha, Jehovha achaswederawo pedyo newe. Jehovha anokukoshesa sezvauri. Ndiye anoita kuti munhu mumwe nemumwe auye kwaari. Kunyange kana uri kurererwa mumhuri yeZvapupu, Jehovha ndiye anoita kuti uuye kwaari. Chii chinoita kuti ukwanise kuva neushamwari hwepedyo naJehovha? Hapana chimwe kunze kwerudzikinuro. Uye usambofa wakazvikanganwa izvozvo. (VaR. 5:​1, 2) Saka usati wapinda Chirangaridzo chegore rino chimbozvipa nguva yekufunga zvawakaitirwa naJehovha neMwanakomana wake. Uye dai izvozvo zvikakupa simba rekuti uzadzise zvinangwa zvako zvekunamata kuti uratidze kuti unotenda rudzikinuro rwawakapiwa naJehovha achishandisa Mwanakomana wake.b

VAKRISTU VAKABHABHATIDZWA

8. Zvii zvakatoitwa nevaKristu vakabhabhatidzwa zvinoratidza kuti vanotenda rudzikinuro?

8 Kana uri muKristu akabhabhatidzwa, une zvakawanda zvawakatoita kuratidza kuti unotenda rudzikinuro. Wakatoita zvawaifanira kuita kuti uswedere pedyo naJehovha uye uteerere mitemo yake. Wakateerera murayiro waJesu wekuti unofanira kuudza vamwe zvaunotenda kuitira kuti vakwanise kuva vadzidzi. Uyewo wakazvitsaurira kuna Jehovha ukabhabhatidzwa. Pamwe vamwe vanhu vakatombokutambudza kana kukupikisa nenyaya yekuti unonamata Jehovha. (2 Tim. 3:12) Kuramba kwauri kuita wakatendeka uye uchitsungirira kunoratidza kuti unoda Jehovha uye kuti unotenda rudzikinuro rwaakakupa achishandisa Mwanakomana wake.—VaH. 12:​2, 3.

9. VaKristu vakabhabhatidzwa vanofanira kungwarirei?

9 VaKristu vakabhabhatidzwa vane chimwe chinhu chavanofanira kungwarira. Nekufamba kunenge kuchiita nguva, vanogona kupedzisira vasisanyatsokoshesi rudzikinuro. Izvozvo zvingaitika sei? Chimbofunga zvakaitika kuvaKristu vemuEfeso. Vakanga vatsungirira zvinhu zvakawanda uye Jesu akatovarumbidza nekutsungirira kwavakanga vaita. Asi akavaudza kuti: “Pandinopesana newe ndepekuti wakasiya rudo rwawaiva narwo pakutanga.” (Zvak. 2:​3, 4) Zvakataurwa naJesu zvinoratidza kuti muKristu anogona kupedzisira ava kungonamata Jehovha, asi asingazviiti nemwoyo wese. Munhu akadaro anogona kunge achitonyengetera, achipinda misangano uye achiparidza asi achingozviita nekuti ndizvo zvaanofanira kuita. Anenge asisazviiti nekuti anoda Jehovha. Saka chii chinogona kukubatsira kana ukaona sekuti kuda kwaunoita Jehovha kwadzikira?

10. Zvii zvaungaita kuti ‘ufungisise’ uye ‘unyure’ muzvinhu zvekunamata? (1 Timoti 4:​13, 15)

10 Muapostora Pauro akaudza Timoti kuti ‘afungisise’ uye ‘anyure’ muzvinhu zvekunamata. (Verenga 1 Timoti 4:​13, 15.) Ungazviita sei izvozvo? Edza kufunga nezvezvinhu zvaungaita kuti ‘upise nemweya,’ kureva kuti uwedzere kuva nechido chekuramba uchishumira Jehovha. (VaR. 12:11) Semuenzaniso, unogona kunyatsogadzirira misangano kuitira kuti ukwanise kunyatsoteerera paunozopinda misangano yacho. Kana kuti paya paunodzidza Bhaibheri, unogona kutsvaga nzvimbo yakanyarara kuitira kuti ukwanise kunyatsodzamisa pfungwa pane zvaunenge uchidzidza. Izvi zvichaita kuti unyatsobatsirwa nekudzidza kwaunoita uri wega. Kuti moto urambe uchibvira, unotoda kukuchidzirwa. Saka unotofanira kuramba uchiita zvinhu zvakaita seizvi kuitira kuti ukwanise kuramba uchitenda zvese zvawakaitirwa naJehovha, kusanganisira rudzikinuro. Uyewo Chirangaridzo pachinenge chava kusvika, gara uchifunga nezvezvinhu zvakanaka zvauinazvo nekuti uri Chapupu chaJehovha. Izvozvo zvichakubatsira kuti uwedzere kutenda rudzikinuro, urwo rwunokubatsira kuti uve neushamwari naJehovha.

11-12. Kana uchimboshaya chido chekuita zvinhu zvekunamata, zvinoreva here kuti hauna mweya waMwari? Tsanangura. (Onawo mufananidzo.)

11 Ngatitii wava nenguva uchinzwa sekuti hauchashumiri Jehovha nechido sezvawaimboita kare. Izvi zvinoreva here kuti Jehovha haasisiri kukupa mweya wake mutsvene? Yeuka zvakanyorerwa vaKristu vekuKorinde naPauro pamusoro peushumiri hwake. Akanyora kuti: “Kunyange kana ndikazviita ndisingadi, ndine utariri hwandakapiwa.” (1 VaK. 9:17) Airevei?

12 Dzimwe nguva Pauro aimboshaya chido chekuparidza. Asi kunyange zvakadaro, akaramba achiita basa rekuparidza. Newewo unogona kudaro. Ramba uchiita zvinhu zvekunamata kunyange paunenge usina chido chacho. Nyengetera kuna Jehovha kuti akupe “chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita.” (VaF. 2:13) Ramba uchiita zvinhu zvichakubatsira kuti uve pedyo naJehovha. Kana ukaramba uchidaro, uchatanga kuwedzera kuda Jehovha uye chido chako chekuita zvinhu zvekunamata chichawedzerawo.

Imwe hanzvadzi iri muushumiri iine mwana ari muprema. Hanzvadzi yacho haisi kufara. Hanzvadzi yairi kushanda pamwe chete nayo yakaibata pabendekete.

Gara uchiita zvinhu zvichakubatsira kuti uswedere pedyo naJehovha kunyange kana dzimwe nguva zvichikuomera (Ona ndima 11-12)


13. Zvii zvatingaita kuti tirambe tichizviedza kana ‘tiri pakutenda’?

13 Tinofanira kupota tichizviongorora kuti tiri kurarama sei, sezvakakurudzirwa naPauro pana 2 VaKorinde 13:5 panoti: “Rambai muchizviedza kuti muone kana muri pakutenda; rambai muchizviedza kuti makamira sei.” Saka tinogona kuzvibvunza mibvunzo yakadai seiyi: ‘Ndichiri kuisa Umambo pekutanga muupenyu hwangu here?’ (Mat. 6:33) ‘Zvinhu zvandinozvivaraidza nazvo zvinoratidza here kuti ndinovenga zvakaipa?’ (Pis. 97:10) ‘Zvandinotaura uye zvandinoita, zvinoita kuti vanhu varambe vane rugare uye vakabatana muungano here?’ (VaEf. 4:​2, 3) PaChirangaridzo ndipo patinofanira kunyanya kufunga nezvezvinhu izvi. Kana tikafunga zvatakaitirwa naJehovha naJesu zvichaita kuti tide kutenda Jehovha uye tiraramire Kristu kwete isu pachedu, sezvakataurwa naPauro.c

VAYA VASINGACHASHUMIRI JEHOVHA

14. Zvii zvinogona kuita kuti vamwe vaKristu varege kupinda misangano?

14 Vamwe vaKristu vakarega kuenda kumisangano kunyange zvavo vakanga vava nemakore akawanda vachishumira Jehovha vakatendeka. Chii chakaita kuti vadaro? Vamwe vacho vakakanganiswa “nekuzvidya mwoyo nezvinhu zveupenyu.” (Ruka 21:34) Vamwe vanogona kunge vakagumburwa nezvakataurwa kana kuti zvakaita nevamwe vaKristu. (Jak. 3:2) Vamwewo vanogona kunge vakaita chivi chakakura, asi vasiri kuda kutsvaga rubatsiro. Pasinei nekuti chii chakaitika, zvii zvaunogona kuita kuti udzoke muungano? Rudzikinuro uye kudiwa kwaunoitwa naJehovha naJesu kunofanira kuita kuti uite sei?

15. Jehovha anoratidza sei kuti ane hanya nevaya vasingachamushumiri? (Ezekieri 34:​11, 12, 16)

15 Jehovha haakanganwi kana kurasa vaya vasingachamushumiri. Asi anototsvaga makwai ake akarasika. Anoapa zvekudya uye anoabatsira kuti adzoke kwaari. (Verenga Ezekieri 34:​11, 12, 16.) Jehovha anotoda kuti iwewe udzoke kwaari! Kuverenga kwauri kuita nyaya ino kunoratidza kuti uchiri kuda kuita zvinomufadza. Jehovha ane zvinhu zvakanaka zvaakaona mauri akakubatsira kuti utange kumuziva uye kuti uve pakati pevanhu vake. Nanhasi achiine zvinhu zvakanaka zvaanoona mauri uye anoda kuti udzoke muungano.

16. Zvii zvinogona kubatsira vaya vasingachashumiri Jehovha kuti vadzoke kwaari? (Onawo mufananidzo.)

16 Bhurocha rinonzi Dzoka Kuna Jehovha rine mashoko aya anokurudzira: “Iva nechokwadi chekuti Jehovha achakubatsira kuti udzoke kwaari. Achakubatsira kuti usazvidya mwoyo, kuti ukanganwire zvawakatadzirwa nemumwe munhu uye kuti uve nehana yakachena iyo ichaita kuti ugadzikane mupfungwa nemwoyo. Kana zvadaro uchanzwa uchida kushumira Jehovha zvekare pamwe chete nevamwe vashumiri vake.” Yeukawo kuti vakuru vanoda chaizvo kukubatsira. Vachaita “senzvimbo yekuhwanda mhepo, nzvimbo yekuhwanda mvura ine dutu.” (Isa. 32:2) Tinozviziva kuti unokoshesa chaizvo rudzikinuro uye kuti unoda kuratidza Jehovha kuti unotenda zvaakakuitira. Saka zvibvunze kuti, ‘Zvii zvandingaita iye zvino kuti “ndiruramise zvinhu” naJehovha?’ (Isa. 1:18; 1 Pet. 2:25) Unogona here kuenda kunopinda misangano paimba yeUmambo? Unokwanisa here kutaura nemumwe mukuru, womuudza kuti unoda kubatsirwa kuti udzoke kuna Jehovha? Mukuru iyeye anogona kuronga kuti mumwe munhu ambodzidza newe Bhaibheri. Ziva kuti Jehovha achakomborera zvese zvauchaita kuti udzoke kwaari uye kuti uratidze kuti unotenda rudzikinuro.

Mumwe murume wechikuru akabata Bhaibheri akamira kure nevamwe paImba yeUmambo. Ari kuona hama nehanzvadzi dzichikwazisana padziri kusvika.

Zvibvunze kuti, ‘Zvii zvandingaita iye zvino kuti “ndiruramise zvinhu” naJehovha?’ (Ona ndima 16)


UCHAITA SEI?

17-18. Zvii zvatinofanira kuita iye zvino Chirangaridzo chegore rino chisati chaitwa?

17 Jesu akati rudzikinuro rwakapiwa “kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.” (Joh. 3:16) Nemhaka yekuti Jesu akatifira, Jehovha anokwanisa kutisunungura pachivi nerufu. Saka tinofanira kuratidza kuti tinotenda kudzikinurwa kwatakaitwa. (VaR. 3:​23, 24; 2 VaK. 6:1) Chirangaridzo pachinenge chava kusvika, wana nguva yekufungisisa nezverudo rwawakaratidzwa naJehovha naJesu. Izvi zvichakubatsira kuti ude kuratidza kuti unotenda rudo irworwo.

18 Ucharatidza sei kuti unotenda zvawakaitirwa naJehovha naJesu? Zvauchaita zvinogona kusiyana nezvichaitwa nevamwe. Asi ziva kuti Jehovha achakukomborera uye achakomborera zvese zvinoitwa nehama nehanzvadzi pasi rese kuti ‘dzirege kuramba dzichizviraramira, asi dziraramire iye akadzifira.’—2 VaK. 5:15.

UNGARATIDZA SEI KUTI UNOKOSHESA KUDZIKINURWA KWAWAKAITWA . . .

  • kana uri kudzidza Bhaibheri?

  • kana uri muKristu akabhabhatidzwa?

  • kana usingachashumiri Jehovha?

RWIYO 14 Kurumbidza Mambo Mutsva Wenyika

a Kuti ukwanise kushandisa zvaunenge uchidzidza muBhaibheri, ita zvinhu zvinotaurwa mubhokisi rakanzi “Edza Izvi” riri panoperera chidzidzo chega chega mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!

b Kuti uwane mamwe mazano anogona kukubatsira kuti uswedere pedyo naJehovha, ona nyaya yakanzi “Vechidiki—‘Rambai Muchishandira Kuponeswa Kwenyu’” iri muNharireyomurindi yaDecember 2017.

c Kuti uwane mamwe mazano anogona kukubatsira kuti ugare uchitenda zvaunoitirwa naJehovha, ona nyaya yakanzi “Chii Chinokusunda Kubatira Mwari?” iri muNharireyomurindi yaJune 15, 1995.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe