RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb13 pp. 174-177
  • Makore Zana Apfuura—1913

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Makore Zana Apfuura—1913
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2013
  • Mashoko Akafanana
  • Makore Zana Apfuura—1914
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Kutenda kwechiKristu Kuchaedzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Enderero Mberi Newedzero Yazvo Yazvinouno
    Zvapupu zvaJehovha Muzana Ramakore Rechimakumi Maviri
  • “Basa Rakanaka Kwazvo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2013
yb13 pp. 174-177
[Mufananidzo uri pamapeji 174, 175]

Makore Zana Apfuura—1913

THE Watch Tower yaJanuary 1, 1913, yakadzokorora mashoko aHerbert Kaufman, mumwe mutori wenhau wekuAmerica okuti: “Hapana chinhu chichiri kunzi hachikwanisiki . . . Zvinhu zvose zvaiita kunge zvisingaiti makore apfuura, zvava kuitika mazuva ano.” Pakasvika gore ra1913 vanhu vaiona remangwana ravo rakajeka.

[Mufananidzo uri papeji 174]

Chimwe chaiita kuti zvidaro, kufambira mberi kwaiita kugadzirwa kwezvinhu. Somuenzaniso, muUnited States, Ford Motor Company yakavhura fekitari muHighland Park, iri muMichigan. Mitengo yemotokari yakabva yadzika zvinoshamisa, zvikaita kuti pave nemukana wokuti mamiriyoni evanhu azova nemotokari. Zvakafamba sei kuti mitengo idzikire zvakadaro? Fekitari itsva iyi yaiita zvokuti mushandi mumwe nomumwe anenge achingoita basa rimwe chete. Izvi zvakaita kuti kambani yeFord ikwanise kugadzira motokari yakaita mukurumbira chaizvo yainzi Model T munguva pfupi zvikuru, izvo zvakaita kuti mutengo wayo udzikire.

Vanhu vaJehovha vaitarisirawo ramangwana rakanaka asi nezvimwewo zvikonzero. Vadzidzi veBhaibheri vakanga vava nemakore vachiparidza kuti 1914 raizova gore rinokosha zvikuru munhoroondo yevanhu, uye vaiva nezvakawanda zvavaitarisira. Kushingaira kwavaiita gore iroro rava kusvika kwairatidza kuti vakanga vasiri kudzokera kumashure.

[Chati iri papeji 177]

Kadhi: Kufamba kwakaita Pastor Russell munyika dzakawanda

Muna June 1913, pakatanga magungano akatevedzana, rokutanga racho rezuva rimwe rakaitirwa muKansas City, kuMissouri, U.S.A. Kwemavhiki mana akatevera, chimwe chitima chakanga chahaiwa chakatakura boka rehama nehanzvadzi dzinopfuura 200 dzaifara, dzaibva kuUnited States neCanada. Pagungano rimwe nerimwe, vatsva vakapiwa mukana wekukumbira kuwana mamwe mashoko. Zviuru zvevanhu zvakaita saizvozvo, uye vanhu vaifarira vakazoshanyirwa neVadzidzi veBhaibheri.

Muna 1913 vashandi vekudzimbahwe rekuBrooklyn vaiva mubishi kugadzira “Photo-Drama of Creation.” Iyi yakanga iri purogiramu yaizotora maawa masere, ichiratidza hurukuro dzakarekodhwa dzemuBhaibheri uye mimhanzi yainge yakabatanidzwa nemapikicha. Vadzidzi veBhaibheri vaiva nechivimbo chokuti “Photo-Drama” yaigona kuzoshandiswa kubatsira mamiriyoni evanhu vanofarira. Kunyange zvazvo panguva iyoyo paingova nevaparidzi vemashoko akanaka vangasvika 5 100 chete, vakataura kuti chinangwa chavo chaiva chekuti “iratidzwe vanhu vakawanda zvikuru munyika yose.”

Chii chaizoitika muna 1914? Vanhu vaizofarira here “Photo-Drama”? Chii chaizoitika kana Nguva Dzevemamwe Marudzi dzapera? Vadzidzi veBhaibheri vaida chaizvo kuwana mhinduro dzemibvunzo iyi, vachiziva kuti Jehovha aizovatsigira.

Hondo Huru yakanga yava pedyo iyo yakazonzi, Hondo Yenyika I, yaizoita kuti zvinhu zvose zvaitarisirwa nevanhu zviende mudondo. Kufambira mberi kwekugadzirwa kwezvinhu, kwakanga kusingazopedzi matambudziko evanhu. Gore raizotevera racho zvinhu zvaizochinja zvikuru kuVadzidzi veBhaibheri uye kunyika yose zvayo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe