ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA
Basa Riri Kuitwa kuWarwick Rava Papi?
KUFAMBIRA mberi kuri kuita basa rekuvaka mahofisi edu makuru kuWarwick, New York, kuri kunyatsoratidza kuti Jehovha ari kutsigira basa racho.
Hama Anthony Morris veDare Rinotungamirira vakataura kuti hama nehanzvadzi dzinobva kunyika dzakasiyana-siyana pasi rese, dzakasununguka kuuya kuzoona mahofisi edu makuru kuWarwick kana apera kuvakwa.
Panosvikira vaenzi kumahofisi edu makuru kuWarwick, New York