RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb17 pp. 6-10
  • Zvakaitika Gore Rakapera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaitika Gore Rakapera
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutamiswa kweMahofisi Makuru neHofisi Yebazi
  • Basa Riri Kuitwa kuWarwick Rava Papi
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
  • Sangano Riri Kufamba
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Basa Riri Kufamba Chaizvo kuWarwick
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Vakazvipa Nemwoyo Unoda​—kuNew York
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
yb17 pp. 6-10
Pekupinda napo munosvikira vaenzi uye chivako chine chiratidzo cheWatch Tower pamahofisi makuru ari kuWarwick, NY

Mahofisi Makuru kuWarwick, NY

Zvakaitika Gore Rakapera

NYIKA yaSatani pairi kusangana nematambudziko akawanda, vanamati vaJehovha vechokwadi vari kuramba vaine “zvizhinji zvokuita mubasa raShe.” (1 VaK. 15:58) Mishumo inotevera inoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha pasi rese zviri kuedza chaizvo ‘kuvimba naJehovha, kuita zvakanaka, uye kuita zvinhu nokutendeka.’​—Pis. 37:3.

Kutamiswa kweMahofisi Makuru neHofisi Yebazi

Pahofisi yekuWallkill, New York, pakawedzerwa zvimwe zvivako uye zvakapera kuvakwa musi wa1 February 2016, zvichiita kuti Dare reBazi rekuUnited States, Dhipatimendi Rebasa uye mamwe madhipatimendi, zviende ikoko. Uye nekupera kuri kuita basa rekuvaka mahofisi edu makuru kuWarwick, mhuri yeBheteri yakatanga basa rakakura chaizvo rekutama kubva muNew York City kuenda kunze kweguta.

Mepu inoratidza pane Bheteri rekuUnited States; mahofisi ekuWallkill; chivako chine chiratidzo cheWatch Tower nemahofisi akapera kuvakwa ekuWarwick

Kubva musi weMuvhuro, 3 April 2017, vanhu vachange vava kukwanisa kuuya kuzoona zvakaita mahofisi edu makuru, uye vachange vachitenderera vachiona vega zvinhu zviri munzvimbo nhatu vozofamba vachiratidzwa zvakaita kumwe.

  1. “Bhaibheri Uye Zita raMwari,” apa panenge pachiratidzwa maBhaibheri asingachanyanyi kuwanikwa uye pachiratidzwa kuti zita raMwari riri muMagwaro.

  2. “Vanhu Vezita raJehovha,” apa panenge paine zvinhu zvinoratidza nhoroondo yenhaka yezvekunamata yeZvapupu zvaJehovha, zvinoratidza kutungamirira, kudzidzisa uye kuronga kwaiita Jehovha vanhu vake kuti vaite kuda kwake.

  3. “Mahofisi Makuru​—Mabasa Anoratidza Kutenda,” apa pane mashoko anobudiswa achitsanangura basa remakomiti eDare Rinotungamirira uye kubatsira kwaanoita vanhu vaJehovha kuti vaungane pamwe chete, vaite basa rekudzidzisa muushumiri, vadzidze zvinhu zvine chekuita nekunamata uye kuti varatidzane rudo.

Munokwanisa kufamba mega muchiona nzvimbo idzi nhatu kubva musi weMuvhuro kusvika Chishanu nenguva dza8:00 a.m. kusvika na4:00 p.m. Vaenzi vachanakidzwawo nekuratidzwa zvinoitwapo nemumwe munhu kwemaminitsi 20 vachiona Mahofisi neServices Building uye dzimwewo nzvimbo dziri paBheteri. Izvi zvichange zvichiitwa kubva Muvhuro kusvika Chishanu nenguva dza8:00 a.m. kusvika na11:00 a.m. uye 1:00 p.m. kusvika na4:00 p.m.

Musati maronga mafambiro amuchaita, endai pajw.org motarisa pakanzi NEZVEDU > MAHOFISI UYE KURATIDZWA ZVINOITWAPO > United States.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe