RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb17 pp. 26-29
  • Kutsaurirwa Kwemapazi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsaurirwa Kwemapazi
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakaitika Gore Rakapera
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2004
  • Kutsaurirwa Kwemapazi
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Kutsaurirwa Kwemapazi
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
  • Zvinhu Zvese Zvinobvira Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
yb17 pp. 26-29
Hama Stephen Lett veDare Rinotungamirira vachipa hurukuro yekutsaurira hofisi yebazi yekuKyrgyzstan

Kyrgyzstan

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Kutsaurirwa Kwemapazi

VASHANDI vanozvipira pabasa rekuvaka vemuKyrgyzstan nevekune dzimwe nyika vakashanda nesimba kwegore nehafu pakugadziridza nekuwedzera zvivako zvebazi muBishkek, guta guru renyika yacho. Zvivako izvi zvakatsaurirwa musi wa24 October 2015, mwedzi mumwe chete zvapera kuvakwa. Vanhu vanopfuura 3 000 vaiva muDzimba dzeUmambo 18 nedzimwe nzvimbo 5, vakanakidzwa nekuteerera purogiramu yacho. Hama Stephen Lett veDare Rinotungamirira ndivo vakapa hurukuro yekutsaurira yaibaya mwoyo, yaiti, “Shumira Jehovha Nemwoyo Wakakwana.” Zuva rakazotevera, vakawanda vevaparidzi vemunyika iyoyo vakanzwa purogiramu yaisimbisa kutenda.

Hofisi yebazi yekuKyrgyzstan

Bazi rekuKyrgyzstan

Hofisi yebazi yekuArmenia yakatsaurirwa musi weMugovera 14 May 2016, uye vakapinda purogiramu yacho vaisvika 6 435. Hofisi iyi inoshandisa nhurikidzwa 6 panhurikidzwa 18 dziri muchivako chakanaka chine dzimba dzekugara. Pakatsaurirwawo Imba Yemagungano nechivako chinoitirwa Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo. Hurukuro dzakapiwa papurogiramu yacho dzakatsanangura kutanga kwakaita vashumiri vaJehovha vari vashoma muArmenia. Basa racho rakatanga nekuparidzirwa kwevanhu vekuArmenia vainge vatamira kuUnited States pakutanga kwemakore ekuma1900 uye rakazotangwawo muArmenia pakati pemakore ekuma1970, nyika yacho payakanga ichiri kutongwa neSoviet Union. Munguva ichangobva kupfuura, sangano redu rakanyoreswa zviri pamutemo uye bazi rakabva raumbwa. Vakawanda vaivapo havana kumbobvira vafunga kuti vaizoona zvinhu zvinofadza kudaro zvichiitika pakunamata. Chakanyanya kufadza ipapo ndechekuti vese vaivapo vakabvumirana nemwoyo wese nahama David Splane veDare Rinotungamirira, kuti zvivako zvacho zvitsaurirwe kuna Jehovha.

Hama David Splane veDare Rinotungamirira vachipa hurukuro yekutsaurira hofisi yebazi yekuArmenia; hama nehanzvadzi dziri papurogiramu yakaitwa pakupera kwevhiki; vanhu vekuArmenia vachivaraidza vanhu nekutamba

Armenia

Pamusoro: Purogiramu yekutsaurira bazi reArmenia

Pakati: Hama nehanzvadzi dziri papurogiramu yakaitwa pakupera kwevhiki

Pazasi: Vanhu vekuArmenia vachivaraidza vanhu nekutamba ari manheru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe