RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 80
  • Munhu Ane Zuva Rokufa Raakatarirwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munhu Ane Zuva Rokufa Raakatarirwa Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Nguva Yako Yemberi Inogadzwa Nejambwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Muparidzi 3:11—“Akaita Chinhu Chimwe Nechimwe Chakanaka Nenguva Yacho”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Chinhu Chimwe Nechimwe Chine Nguva Yacho
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Upenyu Hwedu Hwakafanorongwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 80
Munhu ari kuiswa muamburenzi

Munhu Ane Zuva Rokufa Raakatarirwa Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Aiwa, munhu haana zuva raakatarirwa kunzi ndiro raachafa. Bhaibheri rinoti kazhinji rufu runokonzerwa “nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.”​—Muparidzi 9:11.

Bhaibheri haritauri here kuti ‘pane nguva yokufa’?

Ndizvozvo, Muparidzi 3:2 inoti pane “nguva yokuberekwa, nenguva yokufa; nguva yokusima, nenguva yokudzura chakasimwa.” (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Asi kana tikatarisa kuri kubva nenyaya yacho uye kwairi kuenda, tinoona kuti zviri kutaurwa nezvazvo zvinhu zvatakajaira zvinoitika muupenyu. (Muparidzi 3:1-8) Mwari haasi iye anoudza murimi kuti ngaadyare mbeu musi wakati, kunyange kutara kuti nhingi achafa zuva rakati. Chiri kutaurwa ndechokuti tisabatikane nezvinhu zvisingakoshi zvokuti tinobva takanganwa Musiki wedu.​—Muparidzi 3:11; 12:1, 13.

Tinogona kuwedzera urefu hwoupenyu

Kunyange zvazvo tisingazivi zvakaita ramangwana, kana tikaita zvisarudzo nokuchenjera tinogona kuwedzera mazuva okurarama. Bhaibheri rinoti: “Mutemo womunhu akachenjera itsime roupenyu, kuti ubvise munhu pamisungo yorufu.” (Zvirevo 13:14) Kunyange Mosesi, akaudza vaIsraeri kuti vaigona ‘kuita kuti mazuva avo ave mazhinji’ kana vaizoteerera mirayiro yaMwari. (Dheuteronomio 6:2) Asi kana tikaita zvinhu zvoupenzi kana kuti zvakaipa tinogona kupfupisa upenyu hwedu.​—Muparidzi 7:17

Pasinei nokuti takachenjera zvakadini kana kuti tiri kuita zvinhu takangwarira, hatigoni kutiza rufu. (VaRoma 5:12) Asi izvi zvichachinja, nokuti Bhaibheri rinovimbisa kuti rufu ruchange rusisipo.​—Zvakazarurwa 21:4

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe