RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 3/1 pp. 4-7
  • Chinhu Chimwe Nechimwe Chine Nguva Yacho

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinhu Chimwe Nechimwe Chine Nguva Yacho
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nguva Nezviitiko Zvisingafanoonekwi
  • Nguva Yakakodzera Yokuita Zvimwe Zvinhu
  • Kunzwisisa Nguva yaMwari
  • Nguva Yako Yemberi Inogadzwa Nejambwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Bhaibheri Rinodzidzisa Rudaviro Mujambwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kufanorongerwa Here Kana Kuti Zvinongozviitikira Zvega?
    Mukai!—1999
  • Upenyu Hwedu Hwakafanorongwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 3/1 pp. 4-7

Chinhu Chimwe Nechimwe Chine Nguva Yacho

Bhaibheri rinoti: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa, uyewo zvose zvinoitwa pasi pematenga zvine nguva yazvo.” Munhu akanyora mashoko aya, Mambo Soromoni wekare akanga akachenjera, akaenderera mberi achiti pane nguva yokuberekwa nenguva yokufa, nguva yokuvaka nenguva yokuputsa, nguva yokuda nenguva yokuvenga. Akazogumisa achiti: “Mushandi anobatsirwei nezvaanoshandira zvakaoma?”—Muparidzi 3:1-9.

PAVANOVERENGA mashoko iwayo, vamwe vanhu vanobva vangoti chokwadi Bhaibheri rinodzidzisa kuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho yakafanorongwa; zvichireva kuti vanofunga kuti Bhaibheri rinotsigira dzidziso yokuti zvinhu zvose zvakafanorongerwa remangwana razvo. Asi ndizvo zvazviri chaizvo here? Bhaibheri rinodzidzisa here kuti zvinhu zvose zvakafanorongerwa remangwana razvo? Sezvo “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari,” zvatinoverenga mune imwe ndima yomuBhaibheri zvinofanira kuenderana nezvatinowana mune dzimwe ndima. Saka, ngationei kuti Shoko raMwari rose zvaro Bhaibheri, rinotii nezvenyaya iyi.—2 Timoti 3:16.

Nguva Nezviitiko Zvisingafanoonekwi

Mubhuku raMuparidzi, Soromoni akaenderera mberi achinyora kuti: “Ndakafungazve kuti ndione pasi pezuva kuti vanomhanya kwazvo havasi ivo vanokunda panhangemutange, vane simba havasi ivo vanokunda muhondo, vakachenjera havasi ivo vane zvokudya, uyewo vanonzwisisa havasi ivo vane pfuma, kunyange vaya vane zivo havasi ivo vanofarirwa.” Nei? Akatsanangura kuti: “Nokuti vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.”—Muparidzi 9:11.

Pane kutaura kuti zvinhu zvose zvoupenyu zvakagara zvakafanorongwa, Soromoni aireva kuti vanhu havagoni kufanoziva nezvemigumisiro yezvavanenge vachiita “nokuti vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” Kakawanda, zvimwe zvinhu zvinoitika kumumwe munhu nokuti anenge ari panzvimbo yacho pazvinoitika, zvingava zvakanaka kana kuti zvakaipa.

Somuenzaniso, chimbofunga mashoko okuti “vanomhanya kwazvo havasi ivo vanokunda panhangemutange.” Zvimwe ungayeuka kana kuti wakamboverenga nezvenyaya inoshamisa yakakurumbira, yeimwe nhangemutange yevakadzi pamakwikwi emaOlympics akaitwa muna 1984 kuLos Angeles, muCalifornia, U.S.A. Vamwe vamhanyi vaviri, mumwe wokuBritain nomumwe wokuUnited States, vaitarisira kuhwina menduru yegoridhe. Zvisinei, vava pakati vakabonderana. Mumwe akadonha uye akanga asisakwanisi kupfuurira mumakwikwi acho; mumwe wacho akaora mwoyo zvokuti akapedzisira ava panhamba yechinomwe.

Zvakanga zvakafanorongwa here kuti zvizodai? Vamwe vangadaro. Asi kwaingova kubonderana kwakakonzera kuti vose vatadze kuhwina, tsaonawo zvayo yakaitika pasina aigona kufanoziva. Saka, zvakanga zvakafanorongwa here kuti vaizobonderana? Vamwe vangadarozve. Asi vakaona zvichiitika vakataura kuti tsaona yacho yakaitika nemhaka yemangange aiva pakati pavo, mumwe nomumwe achirwira kukunda. Sezvinongotaurwa neBhaibheri, “vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” Chero munhu akagadzirira zvakadini, pane zvinhu zvisingatarisirwi zvinogona kuitika zvingavhiringidza zvinhu zvanga zvichazofamba zvakanaka, uye izvi zvinenge zvisina kufanorongwa.

Saka Bhaibheri rinenge richirevei parinoti: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa”? Pane zvatingaita here zvingatema kuti upenyu hwedu huchafamba sei, kureva remangwana redu?

Nguva Yakakodzera Yokuita Zvimwe Zvinhu

Munyori uyu weBhaibheri akanga asiri kutaura kuti upenyu hwomunhu mumwe nomumwe hwakafanorongwa kana kuti hungazoguma sei, asi aitaura nezvechinangwa chaMwari uye kuti chaizochinja sei upenyu hwevanhu. Tinozviziva sei? Ndiyo pfungwa yemashoko acho ose. Soromoni paakanga ataura pamusoro pezvinhu zvinoita sokuti zvine “nguva yakatarwa,” akanyora kuti: “Ndakaona basa iro Mwari akapa vanakomana vevanhu ravanofanira kuita. Iye akaita zvinhu zvose zvakanaka panguva yazvo.”—Muparidzi 3:10, 11.

Mwari akapa vanhu zvinhu zvakawanda zvokuita, uye Soromoni akanyora nezvezvimwe zvacho zvinoverengeka. Mwari akatipawo rusununguko rwokusarudza zvatinoda kuita. Zvisinei, basa rimwe nerimwe rine nguva yakakodzera kuti riitwe, zvichizoita kuti ribudirire. Somuenzaniso, chimbofunga nezvemashoko aSoromoni okuti “nguva yokudyara nenguva yokudzura zvakadyarwa,” ari pana Muparidzi 3:2. Varimi vanoziva kuti chirimwa chimwe nechimwe chine nguva yakakodzera yokuti chidyarwe. Zvakadini kana murimi akatadza kutevedzera chokwadi ichocho chiri nyore odyara panguva isiri iyo kana kuti mumwaka usiri iwo? Angati zvakanga zvakafanorongwa here kana akatadza kuwana goho rakanaka, kunyange akashanda nesimba? Kwete! Anenge angokanganisa nguva yokudyara zvirimwa zvacho. Murimi wacho aizobudirira kudai aizoita zvinoenderana nemarongerwo akaitwa mwaka noMusiki.

Saka, Mwari haana kuronga zvichaitika kumunhu mumwe nomumwe kana kuti zvimwe zvinhu zvinozoguma sei, asi akaisa mitemo inotungamirira zvinoitwa nevanhu ichienderana nechinangwa chake. Kuti vanhu vabudirire pane zvavanenge vachiita, vanofanira kunzwisisa uye vanofanira kuita zvinowirirana nechinangwa chaMwari uye nenguva. Zvinhu zvakafanorongwa uye zvisingachinjiki hausi upenyu hwomunhu mumwe nomumwe asi zvinangwa zvaMwari. Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akazivisa kuti: “Shoko rangu rinobuda mumuromo mangu . . . harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.”—Isaya 55:11.

Saka, chinangwa chipi china Mwari kana kuti i“shoko” rake ripi “richabudirira” nezvepasi uye remangwana revanhu?

Kunzwisisa Nguva yaMwari

Soromoni akambozvitaura. Apedza kutaura kuti: “[Mwari] akaita zvinhu zvose zvakanaka panguva yazvo,” akaenderera mberi achiti, “Akaisawo nguva isingagumi mumwoyo mavo, kuti vanhu varege kumboziva basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.” Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona pandima iyi rinoti: “Akaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.”—Muparidzi 3:11.

Pane mashoko akawanda akanyorwa pamusoro pendima iyi. Asi pfungwa inongovapo ndeyokuti pakati-kati pemwoyo yedu, dzimwe nguva tose tinombozvibvunza chinangwa chokurarama uye nezveremangwana redu. Kubvira kare, vanhu vave vachiomerwa nokubvuma kuti upenyu hunongova hwokushanda tichibuda dikita kuti zvatinoda zviitike, zvadaro tofa. Isu vanhu takasiyana nezvimwe zvisikwa pakuti hatingofungi zvanhasi chete asiwo nezveremangwana. Tinotoshuva kuti dai taikwanisa kurarama nokusingaperi. Nei? Sezvinotsanangurwa norugwaro, Mwari “akaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo.”

Kuti vagutse chishuvo chavo ichocho, vanhu vanowanzonetseka kuti kune upenyu here pashure porufu. Vamwe vanogumisa kuti pane chinhu chiri matiri chinoramba chichirarama kana tafa. Vamwe vanodavira kuti tinoramba tichizvarwa patsva pose patinenge tichifa. Kune vamwewo vanofunga kuti zvinhu zvose zvinoitika muupenyu zvakafanorongwa naMwari kana kuti nerimwewo simba uye kuti hapana zvatinokwanisa kuita kuti zvichinje. Zvinosuruvarisa kuti patsanangudzo dzose idzi hapana inonyatsogutsa. Nokuti Bhaibheri rinoti kunyange vakaedza sei, “vanhu [havakwanisi] kumboziva basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.”

Nyaya yakaoma iyi yave ichinetsa vazivi kwemakore nokuti vanoda zvikuru kunzwisisa asi havakwanisi kuwana mhinduro. Zvisinei, sezvo Mwari akaisa chishuvo kana kuti chido ichocho mumwoyo yedu, hazvina musoro here kuti titarisire kuti iye agutse chishuvo chacho? Ndosaka Bhaibheri richitaura nezvaJehovha richiti: “Munopfumbanura ruoko rwenyu mogutsa zvinodiwa nezvinhu zvipenyu zvose.” (Pisarema 145:16) Kana tikadzidza Shoko raMwari, Bhaibheri, tinogona kuwana tsanangudzo dzinogutsa nezvoupenyu norufu uye nezvechinangwa chaMwari chichagara nokusingaperi nokuda kwepasi nevanhu.—VaEfeso 3:11.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

“Vanomhanya kwazvo havasi ivo vanokunda panhangemutange.”—Muparidzi 9:11

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Kana murimi akadyara zvirimwa panguva isina kukodzera, angataura here kuti zvakanga zvakafanorongwa kuti aisazowana goho rakanaka?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

Tinofunga nezvoupenyu norufu nokuti Mwari ‘akaisa nguva isingagumi mumwoyo yevanhu’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe