RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 114
  • Pane “Zvivi Zvinomwe Zvakaipisisa” Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pane “Zvivi Zvinomwe Zvakaipisisa” Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Chii Chinonzi Chivi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Mwari Anoti Tinofanira Kureurura Zvivi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Tichiri Kuziva Here Chinonzi Chivi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 114
Murume ari kushushikana

Pane “Zvivi Zvinomwe Zvakaipisisa” Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri haritauri kuti pane “zvivi zvinomwe zvakaipisisa.” Kunyange zvakadaro, rinodzidzisa kuti kuva netsika yekuita zvivi zvakakura kunoita kuti munhu atadze kuwana ruponeso. Semuenzaniso, Bhaibheri rinotaura nezvezvivi zvikuru zvakadai seunzenza hwepabonde, kunamata zvidhori, kuita zvemidzimu, kufufutirwa nehasha, uye kudhakwa richizviti “mabasa enyama.” Rinobva razoti: “Vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka youmambo hwaMwari.”​—VaGaratiya 5:19-21.a

Bhaibheri haritauri here ‘nezvezvinhu zvinomwe zvinosemesa Tenzi’?

Ehe, rinotaura nezvazvo. Maererano neBhaibheri Rinoera, Zvirevo 6:16 inoti: “Kune zvinhu zvitanhatu zvinosemesa Tenzi. Zvinomwe zvinomumisa mwoyo.” Kunyange zvakadaro, Zvirevo 6:17-19 painotaura mienzaniso yezvivi zvacho, hazvirevi kuti inenge ichidonongodza zvese. Asi inotaura zvikwata zvikuru zvinomiririra marudzi ese emabasa akashata, kusanganisira aya anoita zvekufungwa, zvekutaurwa uye zvekuitwa.b

Mashoko ekuti “chivi chinourayisa” anorevei?

Mune dzimwe shanduro dzemaBhaibheri mashoko aya anowanika pana 1 Johani 5:16. Semuenzaniso, Bhaibheri Dzvene rinoti: “Pane chivi chinourayisa.” Mashoko akashandurwa kuti “chivi chinourayisa” anogonawo kushandurwa kuti “chivi chinounza rufu.” ‘Chivi chinounza rufu’ chakasiyana papi ‘nechivi chisingakonzeri rufu’?​—1 Johani 5:16.

Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti chivi chese chinoguma nerufu. Kunyange zvakadaro, tinogona kuponeswa pachivi nerufu kuburikidza nechibayiro cherudzikinuro chaJesu Kristu. (VaRoma 5:12; 6:23) Nokudaro, “chivi chinounza rufu” ndechiya chisingafukidzwi nechibayiro chaKristu. Munhu anoita chivi cherudzi urwu anenge akatsunga kurarama achiita chivi zvekuti haambofa akachinja mafungiro ake kana kuti maitiro ake. Bhaibheri rinotaurawo nezvechivi chakadaro sechivi ‘chisingakanganwirwi.’​—Mateu 12:31; Ruka 12:10.

Ko nyaya iyi yezvivi zvinomwe zvakaipisisa yakabvepi?

“Zvivi zvinomwe zvakaipisisa” zvakabva pazvinhu zvisere zvainzi ndizvo zvakanyanyisa kuipa. Izvi zvakatangwa mumakore ekuma300 C.E. nemumwe murume aidavira muzvinhu zvisinganzwisisiki ainzi Evagrius Ponticus, uye zvinhu zvaaidzidzisa zvakazonyorwa nemumwe mumongi airarama upenyu hwekuzviomesera ainzi John Cassian. Mumakore ekuma500 C.E. Papa Gregory I vakachinja zvinhu zvisere zvakaipa chaizvo zvakanyorwa naCassian, vachizviita zvivi zvinomwe zvakaipisisa, kana kuti zvakakura chaizvo, zvedzidziso yeRoma Katurike zvinoti: kudada, kuda pfuma zvakanyanya, kuchiva, godo, makaro, hasha, uye usimbe. Gregory aiona zvinhu izvi sezvivi zvakakura mukuti zvimwe zvivi zvese zvinobva pazvinhu izvozvo.

a Zvinhu zvinotaurwa pana VaGaratiya 5:19-21 semienzaniso yezvivi zvakakura hazvisirizvo chete, nekuti pashure pekutaura zvinhu izvozvo, Bhaibheri rinozowedzera mashoko ekuti, “nezvinhu zvakaita seizvi.” Nokudaro, muverengi anenge achikurudzirwa kuti ashandisewo pfungwa dzake kuona zvinhu zvingava zvisina kunyorwa ipapo asi “zvakaita seizvi.”

b Zvirevo 6:16 ine muenzaniso wedimikira rechiHebheru iro rinosimbisa nhamba yechipiri kuburikidza nekuisiyanisa neyekutanga. Matauriro akadai anowanika kakati kuti mumagwaro.​—Jobho 5:19; Zvirevo 30:15, 18, 21.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe