Tichiri Kuziva Here Chinonzi Chivi?
NGUVA pfupi yapfuura, vaienda kuchechi vaigara vachinzwa mufundisi wavo achiparidza nenzwi riri pamusoro achishora zvinonzi “zvivi zvinomwe zvakaipisisa” zvinoti, kuchiva, makaro, kunyanyisa kuda pfuma, usimbe, hasha, godo, uye kudada. Kazhinji kacho mufundisi aitsanangura nhamo dzinokonzerwa nokuita chivi obva akurudzira vateereri vake kuti vapfidze. Mumwe munyori anoti, “Mazuva ano, vafundisi havachatauri zvingaita kuti vateereri vavo vasafare, asi vava kungotaura zvingaita kuti vateereri vavo vanzwe sokuti vari kuita zvakanaka.”
Vanonyora mapepanhau vakacherechedzawo kuti ndizvo zvava kuitwa nevakawanda. Mashoko anotevera akatorwa mumapepanhau:
▪ “Zvinhu zvaiwanzotaurwa kare, zvakaita sechivi, kupfidza uye kununurwa zvava zvechinyakare, iye zvino kwava kutaurwa zvinoita kuti munhu asazvitarisira pasi uye adade.”—Star Beacon, Ashtabula, Ohio.
▪ “Kuita chivi hakucharovesi nehana.”—Newsweek.
▪ “Panzvimbo pokubvunza kuti ‘Mwari anoda kuti ndiitei,’ tava kubvunza kuti ‘Mwari angandiitirei?’”—Chicago Sun-Times.
Mazuva ano pamusana pokuti tinogara nevanhu vokune dzimwe nzvimbo uye hatidi kushora tsika dzavo, vanhu vava kuzeza kutaura kuti dzinonzi tsika dzakanaka ndedzipi. Zvinonzi kushora tsika dzevamwe hazviratidzi unhu hwakanaka. Zvinoita sokuti pazvivi zvose chikuru ndechokushora zvinenge zvaitwa nomumwe munhu. Saka vanhu vava nemafungiro okuti: ‘Zvaunofunga kuti zvakanaka, zvakanakira iwe, asi usamanikidza munhu wose kuti afunge saizvozvo. Mazuva ano, vanhu vanoronga upenyu hwavo zvakasiyana-siyana zvichienderana nezvavanokoshesa. Hapana anganzi ndiye ari kunyatsotaura chokwadi chaicho panyaya yetsika. Zvinoitwa nevamwe vanhu zvakakoshawo kungofanana nemakoshero anoita zvako.’
Maonero aya aita kuti vanhu vachinje matauriro avaiita. Shoko rokuti chivi harichambonyanyi kushandiswa panenge pakanganiswa. Kune vakawanda ratove dambe chairo. Hazvichanzi vanhu “vari kubika mapoto,” zvava kunzi “pane waari kugara naye.” Havachanzi “vari kuita upombwe,” zvava kunzi ane “simoro-hausi.” Kune dzimwe nyika “ngochani” dzava kungonzi “vane mararamiro akasiyana neevamwe.”
Hapana mubvunzo kuti zviri kunzi nevanhu “hazvina kuipa” uye zviri kushorwa zvichinzi “chivi” zvachinja chaizvo. Sei maonero evanhu achinja kudaro? Chii chakamboitika panyaya yechivi? Uye zvine basa here kuti iwe unofungei panyanya iyi?