27 ‘Asi iwe mushumiri wangu Jakobho, usatya,
Uye usavhunduka, haiwa iwe Israeri.+
Nekuti ndichakuponesa ndichikubvisa kure
Uye vana vako ndichivabvisa kunyika yavari nhapwa.+
Jakobho achadzoka ogara zvakanaka, pasina chinomunetsa,
Pasina anovatyisa.+