27 “‘Asi iwe, usatya, haiwa mushumiri wangu Jakobho, usavhunduka, haiwa iwe Israeri.+ Nokuti tarira ndichakuponesa uchibva kure uye vana vako vachibva kunyika yokutapwa kwavo.+ Chokwadi Jakobho achadzoka, haazonetswi asi achagara zvakanaka, pasina anokonzera kudedera.+