Mugovera, October 25
Shafani akabva atanga kuriverenga pamberi pamambo.—2 Mak. 34:18.
Paakanga ava nemakore 26, Mambo Josiya akatanga kuita kuti temberi igadziridzwe. Paiitwa basa iroro, “bhuku reMutemo waJehovha wakapiwa pachishandiswa Mozisi” rakawanikwa. Paakarinzwa richiverengwa, mambo akabayiwa mwoyo ndokuita zvaitaurwamo. (2 Mak. 34:14, 19-21) Unoda here kugara uchiverenga Bhaibheri? Kana uri kuedza kuriverenga mazuva ese, zviri kukunakidza here? Unonyora pasi here mavhesi anogona kukubatsira? Josiya paakanga ava nemakore anenge 39, akaita chikanganiso chakamuurayisa. Akazvivimba pane kuti akumbire kutungamirirwa naJehovha. (2 Mak. 35:20-25) Tinodzidzei? Pasinei nekuti takura zvakadini kana kuti tava nenguva yakareba sei tichidzidza Bhaibheri, tinofanira kuramba tichitsvaga Jehovha. Izvi zvinosanganisira kugara tichinyengetera kuti titungamirirwe naye, kudzidza Shoko rake uye kuteerera mazano atinopiwa nevaKristu vakasimba pakunamata. Patinoita izvi, kashoma kuti tiite zvikanganiso zvakakura uye kakawanda kacho tichawana mufaro.—Jak. 1:25. w23.09 12 ¶15-16
Svondo, October 26
Mwari anopesana nevanozvikudza, asi ane nyasha kune vanozvininipisa.—Jak. 4:6.
Bhaibheri rinotaura nezvevakadzi vakawanda vaida Jehovha uye vaimushumira. Vaiita zvinhu “zvine mwero” uye vainge “vakatendeka muzvinhu zvese.” (1 Tim. 3:11) Kuwedzera pane ivava, hanzvadzi dzinogona kuwana mienzaniso yevakadzi vanoda Jehovha vadzinogona kutevedzera muungano. Hanzvadzi dzechidiki, munoziva here hanzvadzi dzine mienzaniso yakanaka dzamunogona kutevedzera? Cherechedzai unhu hwadzo hwakanaka. Chibvai mafunga kuti mungahuratidzawo sei. Kuti munhu ave muKristu akanaka anofanira kuzvininipisa. Kana mukadzi achizvininipisa, achava neushamwari hwakanaka naJehovha uye nevamwe. Semuenzaniso, mukadzi anoda Jehovha acharatidza kuzvininipisa, osarudza kutsigira zvinotaurwa naBaba vake vekudenga paurongwa hwemusoro. (1 VaK. 11:3) Urongwa ihwohwo hune pahunoshanda muungano uye mumhuri. w23.12 18-19 ¶3-5
Muvhuro, October 27
Varume [vanofanira kuda] madzimai avo semiviri yavo.—VaEf. 5:28.
Jehovha anotarisira kuti murume ade mudzimai wake, amuriritire, ave shamwari yakanaka kwaari, uye amubatsire kuramba ari pedyo naJehovha. Kudzidza kushandisa pfungwa, kuremekedza vanhukadzi uye kuva munhu anogona kuvimbwa naye, zvichakubatsira kuti uve murume akanaka. Kana waroora, unogona kuzova baba. Chii chaunogona kudzidza pana Jehovha nezvekuva baba vakanaka? (VaEf. 6:4) Jehovha akaudza Mwanakomana wake Jesu kuti aimuda uye aimufarira. (Mat. 3:17) Kana ukava baba, iva nechokwadi chekuti unogara uchiita kuti vana vako vazive kuti unovada. Gara uchivarumbidza nezvezvinhu zvakanaka zvavanoita. Vanababa vanotevedzera muenzaniso waJehovha vanobatsira vana vavo kuti vazova varume nevakadzi vechiKristu vakasimba pakunamata. Unogona kugadzirira iye zvino kuti uzoita basa iri kana uchiratidza kuti unoda vanhu vemumhuri mako uye vemuungano. Uye dzidza kuvaudza kuti unovada uye kuti vanokosha kwauri.—Joh. 15:9. w23.12 28-29 ¶17-18