Svondo, October 26
Mwari anopesana nevanozvikudza, asi ane nyasha kune vanozvininipisa.—Jak. 4:6.
Bhaibheri rinotaura nezvevakadzi vakawanda vaida Jehovha uye vaimushumira. Vaiita zvinhu “zvine mwero” uye vainge “vakatendeka muzvinhu zvese.” (1 Tim. 3:11) Kuwedzera pane ivava, hanzvadzi dzinogona kuwana mienzaniso yevakadzi vanoda Jehovha vadzinogona kutevedzera muungano. Hanzvadzi dzechidiki, munoziva here hanzvadzi dzine mienzaniso yakanaka dzamunogona kutevedzera? Cherechedzai unhu hwadzo hwakanaka. Chibvai mafunga kuti mungahuratidzawo sei. Kuti munhu ave muKristu akanaka anofanira kuzvininipisa. Kana mukadzi achizvininipisa, achava neushamwari hwakanaka naJehovha uye nevamwe. Semuenzaniso, mukadzi anoda Jehovha acharatidza kuzvininipisa, osarudza kutsigira zvinotaurwa naBaba vake vekudenga paurongwa hwemusoro. (1 VaK. 11:3) Urongwa ihwohwo hune pahunoshanda muungano uye mumhuri. w23.12 18-19 ¶3-5
Muvhuro, October 27
Varume [vanofanira kuda] madzimai avo semiviri yavo.—VaEf. 5:28.
Jehovha anotarisira kuti murume ade mudzimai wake, amuriritire, ave shamwari yakanaka kwaari, uye amubatsire kuramba ari pedyo naJehovha. Kudzidza kushandisa pfungwa, kuremekedza vanhukadzi uye kuva munhu anogona kuvimbwa naye, zvichakubatsira kuti uve murume akanaka. Kana waroora, unogona kuzova baba. Chii chaunogona kudzidza pana Jehovha nezvekuva baba vakanaka? (VaEf. 6:4) Jehovha akaudza Mwanakomana wake Jesu kuti aimuda uye aimufarira. (Mat. 3:17) Kana ukava baba, iva nechokwadi chekuti unogara uchiita kuti vana vako vazive kuti unovada. Gara uchivarumbidza nezvezvinhu zvakanaka zvavanoita. Vanababa vanotevedzera muenzaniso waJehovha vanobatsira vana vavo kuti vazova varume nevakadzi vechiKristu vakasimba pakunamata. Unogona kugadzirira iye zvino kuti uzoita basa iri kana uchiratidza kuti unoda vanhu vemumhuri mako uye vemuungano. Uye dzidza kuvaudza kuti unovada uye kuti vanokosha kwauri.—Joh. 15:9. w23.12 28-29 ¶17-18
Chipiri, October 28
[Jehovha] anodzikamisa zvinhu panguva yako.—Isa. 33:6.
Kunyange zvazvo tiri vashumiri vaJehovha vakatendeka, tinosangana nematambudziko uye tinorwara sezvinongoita vamwe vanhu vese. Tinogonawo kupikiswa kana kutambudzwa nevanhu vanovenga vanhu vaMwari. Jehovha haaiti kuti tisatarisana nematambudziko akadaro, asi anotivimbisa kuti achatibatsira. (Isa. 41:10) Tichibatsirwa naye, tinogona kuramba tichifara, tichiita zvisarudzo zvakanaka, toramba takavimbika kwaari pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma. Jehovha anotivimbisa kutipa runonzi neBhaibheri “rugare rwaMwari.” (VaF. 4:6, 7) Rugare urwu runoreva kunzwa takagadzikana mupfungwa nemumwoyo zvichibva pakuti tine ushamwari hwakanaka naJehovha. Rugare urwu “runopfuura kunzwisisa kwese.” Izvi zvinoreva kuti rwakanaka kupfuura zvatinogona kufungidzira. Semuenzaniso, wakambonyengetera nemwoyo wese here kuna Jehovha uye uchingopedza ukabva wanzwa kugadzikana? Irworwo ndirwo runonzi “rugare rwaMwari.” w24.01 20 ¶2; 21 ¶4