Chitatu, October 29
Regai ndirumbidze Jehovha; zvese zviri mandiri ngazvirumbidze zita rake dzvene.—Pis. 103:1.
Kuda Mwari kunoita kuti vanhu vakatendeka varumbidze zita rake nemwoyo wese. Mambo Dhavhidhi ainzwisisa kuti kurumbidza zita raJehovha kwakafanana nekurumbidza Jehovha pachake. Zita raJehovha rinosanganisira mukurumbira wake, saka izvi zvinoita kuti tifunge nezveunhu hwake hwese hwakanaka uye mabasa ake anoshamisa. Dhavhidhi aida kutsvenesa zita raBaba vake uye kurirumbidza. Aida kuita izvozvo ‘nezvese zviri maari’ kureva kuti nemwoyo wese. Izvi ndizvo zvaiitwawo nevaRevhi vaitungamirira pakurumbidza Jehovha. Vaibvuma vachizvininipisa kuti mashoko avo aisazombofa akarumbidza zita dzvene raJehovha zvakakwana. (Neh. 9:5) Hapana mubvunzo kuti kuzvininipisa uye kurumbidza nemwoyo wese kwakadaro kwakafadza mwoyo waJehovha. w24.02 9 ¶6
China, October 30
Kusvikira patasvika tichienda mberi, ngatirambei tichifamba zvakanaka nenzira iyi.—VaF. 3:16.
Jehovha haazokuoni semunhu akundikana zvachose kana watadza kuzadzisa chinangwa chaisaenderana nemamiriro ako ezvinhu. (2 VaK. 8:12) Dzidza pazvinhu zvakakutadzisa kuzadzisa chinangwa chako sezvawakanga wakaronga. Ramba uchifunga zvawakabudirira kuita. Bhaibheri rinoti “Mwari haasi munhu asina kururama; saka haangakanganwi basa renyu.” (VaH. 6:10) Newewo haufaniri kukanganwa zvawakaita. Funga nezvezvinangwa zvawakatozadzisa. Unogona kunge wakatozadzisa chinangwa chakadai sekuva neushamwari naJehovha, kuudza vamwe nezvake, kana kuti kubhabhatidzwa. Sezvawakaita pakuzadzisa zvinangwa zvawaiva nazvo kare, unogona kuramba uchishanda kuti uzadzise zvinangwa zvauinazvo iye zvino. Uchibatsirwa naJehovha, unogona kuzadzisa chinangwa chako. Saka, paunenge uchishanda kuti uzadzise chinangwa chako, nakidzwa nekuona kubatsirwa kwaunenge uchiitwa naJehovha uye kukukomborera kwaanenge achiita. (2 VaK. 4:7) Kana ukaramba uchishanda nesimba, uchatowana makomborero akakura.—VaG. 6:9. w23.05 31 ¶16-18
Chishanu, October 31
Baba pachavo vanokudai, pamusana pekuti munondida uye makatenda kuti ndakauya semumiririri waMwari.—Joh. 16:27.
Jehovha anotsvaga nzira dzekuratidza nadzo vanhu vake kuti anovada uye kuti anovafarira. MuBhaibheri, Jehovha akaudza Jesu kaviri kuti aiva Mwanakomana wake waanoda, waanofarira. (Mat. 3:17; 17:5) Unoda here kuti Jehovha akuudzewo kuti anokufarira? Jehovha haatauri nesu zvinonzwika, asi anotaura nesu achishandisa Shoko rake. Patinoverenga mashoko aJesu aakaudza vadzidzi vake, tinoita setiri kunzwawo Jehovha achitiudza izvozvo. Jesu akanyatsoratidza unhu hwaBaba vake. Saka patinoverenga kuti Jesu aifarira vateveri vake vakatendeka kunyange zvazvo vaiva nechivi, tinogona kufungidzira Jehovha achitiudzawo izvozvo. (Joh. 15:9, 15) Patinosangana nematambudziko hazvirevi kuti hatichafarirwi naMwari. Asi zvinotipa mikana yekuratidza kuda kwatinoita Mwari zvakadzama uye kuvimba kwatinoita naye.—Jak. 1:12. w24.03 28 ¶10-11