China, October 30
Kusvikira patasvika tichienda mberi, ngatirambei tichifamba zvakanaka nenzira iyi.—VaF. 3:16.
Jehovha haazokuoni semunhu akundikana zvachose kana watadza kuzadzisa chinangwa chaisaenderana nemamiriro ako ezvinhu. (2 VaK. 8:12) Dzidza pazvinhu zvakakutadzisa kuzadzisa chinangwa chako sezvawakanga wakaronga. Ramba uchifunga zvawakabudirira kuita. Bhaibheri rinoti “Mwari haasi munhu asina kururama; saka haangakanganwi basa renyu.” (VaH. 6:10) Newewo haufaniri kukanganwa zvawakaita. Funga nezvezvinangwa zvawakatozadzisa. Unogona kunge wakatozadzisa chinangwa chakadai sekuva neushamwari naJehovha, kuudza vamwe nezvake, kana kuti kubhabhatidzwa. Sezvawakaita pakuzadzisa zvinangwa zvawaiva nazvo kare, unogona kuramba uchishanda kuti uzadzise zvinangwa zvauinazvo iye zvino. Uchibatsirwa naJehovha, unogona kuzadzisa chinangwa chako. Saka, paunenge uchishanda kuti uzadzise chinangwa chako, nakidzwa nekuona kubatsirwa kwaunenge uchiitwa naJehovha uye kukukomborera kwaanenge achiita. (2 VaK. 4:7) Kana ukaramba uchishanda nesimba, uchatowana makomborero akakura.—VaG. 6:9. w23.05 31 ¶16-18
Chishanu, October 31
Baba pachavo vanokudai, pamusana pekuti munondida uye makatenda kuti ndakauya semumiririri waMwari.—Joh. 16:27.
Jehovha anotsvaga nzira dzekuratidza nadzo vanhu vake kuti anovada uye kuti anovafarira. MuBhaibheri, Jehovha akaudza Jesu kaviri kuti aiva Mwanakomana wake waanoda, waanofarira. (Mat. 3:17; 17:5) Unoda here kuti Jehovha akuudzewo kuti anokufarira? Jehovha haatauri nesu zvinonzwika, asi anotaura nesu achishandisa Shoko rake. Patinoverenga mashoko aJesu aakaudza vadzidzi vake, tinoita setiri kunzwawo Jehovha achitiudza izvozvo. Jesu akanyatsoratidza unhu hwaBaba vake. Saka patinoverenga kuti Jesu aifarira vateveri vake vakatendeka kunyange zvazvo vaiva nechivi, tinogona kufungidzira Jehovha achitiudzawo izvozvo. (Joh. 15:9, 15) Patinosangana nematambudziko hazvirevi kuti hatichafarirwi naMwari. Asi zvinotipa mikana yekuratidza kuda kwatinoita Mwari zvakadzama uye kuvimba kwatinoita naye.—Jak. 1:12. w24.03 28 ¶10-11
Mugovera, November 1
Makaita kuti mumiromo mevana nemevacheche mubude mashoko ekurumbidza.—Mat. 21:16.
Kana uri mubereki, batsira vana vako kugadzirira mhinduro dzinoenderana nemazera avo. Dzimwe nguva, nyaya dzakakura dzakadai sedzine chekuita nematambudziko anoitika muwanano kana kuti dzine chekuita netsika dzinokurukurwa pamusangano, asi panogona kunge paine ndima imwe chete kana mbiri dzekuti mwana anogona kupindura. Itaiwo kuti vana venyu vazive kuti hapasi pese pavachasimudzwa. Kuvatsanangurira izvi kunogona kuvabatsira kuti vasaore mwoyo kana vamwe vakasimudzwa asi ivo vasina. (1 Tim. 6:18) Tese tinogona kugadzirira mhinduro dzinokudza Jehovha uye dzinokurudzira vamwe vaKristu vatinonamata navo. (Zvir. 25:11) Kunyange zvazvo dzimwe nguva tingataura zvimwe zvinhu zvinenge zvakaitika muupenyu hwedu, hatifaniri kuzotaura zvakawanda nezvedu. (Zvir. 27:2; 2 VaK. 10:18) Asi tinofanira kuita kuti mhinduro dzedu dzinyanye kutaura nezvaJehovha, Shoko rake, uye vanhu vake sesangano.—Zvak. 4:11. w23.04 24 ¶17-18