Ganhuro 36
Guta Guru Rinoparadzanywa
Chiono 12—Zvakazarurwa 18:1–19:10
Musoro: Kuwa noruparadziko kweBhabhironi Guru; roorano yeGwayana inoziviswa
Nguva yezadziko: Kubvira muna 1919 kusvikira pashure pedambudziko guru
1. Chii chicharatidzira kutanga kwedambudziko guru?
KUPARADZANYA kwakamwe kamwe, kunokatyamadza—kwakadaro kuchava rufu rweBhabhironi Guru! Ruchava chimwe chezvinoitika zvengwavaira zvikurusa munhau yose, chinoratidzira kutanga kwe“dambudziko guru rakadai serisakamboitika kubvira pamavambo enyika kutozosvikira zvino aiwa, uye harizati richizoitikazve.”—Mateo 24:21.
2. Kunyange zvazvo maumambo ezvamatongerwe enyika akamuka ndokuwa, rudzii rwoumambo rwakapfuurira kuvapo?
2 Rudzidziso rwenhema rwave ruripo kwenguva refu. Rwave rwuripo rusina kumborega kubvira mumazuva aNimrodhi ane utsinye, uyo akashora Jehovha ndokuronga vanhu kuvaka Shongwe yeBhabheri. Apo Jehovha akanyonganisa ndimi dzavapanduki ivavo ndokuvaparadzira pamusoro papasi, rudzidziso rwenhema rweBhabhironi rwakaenda navo. (Genesi 10:8-10; 11:4-9) Chifocho, maumambo ezvamatongerwe enyika akamuka ndokuwa, asi rudzidziso rwechiBhabhironi rwakapfuurira kuvapo. Rwakava nezvimiro zvizhinji nemigariro, rwuchiva umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, Bhabhironi Guru rakaporofitwa. Rutivi rwarwo rukurusa ndicho chiKristudhomu, icho chakabuda mumubatanidzwa wedzidziso dzapakuvamba dzechiBhabhironi nedzidziso yokutsauka pakutenda ye“chiKristu.” Nokuda kwenhau refu zvikuru yeBhabhironi Guru, vanhu vazhinji vanokuwana kwakaoma kudavira kuti richazomboparadzwa.
3. Ko Zvakazarurwa zvinosimbisa sei shurikidzo yorudzidziso rwenhema?
3 Naizvozvo kwakakodzera kuti Zvakazarurwa zvinofanira kusimbisa shurikidzo yorudzidziso rwenhema kupfurikidza nokutipa rondedzero mbiri dzamashoko ose oudzame dzokuwa kwaro nezvinoitika zvinotevedzana zvinopararira kuva kwaro dongo chose chose. Takatoriona se“hure guru” iro pakupedzisira rinoparadzanywa navadi varo vekare venzvimbo yezvamatongerwe enyika. (Zvakazarurwa 17:1; 15, 16) Zvino, mune chimwezve chiono, ticharirangira seguta, mufananidziro worudzidziso weBhabhironi rekare.
Bhabhironi Guru Rinowa
4. (a) Ko Johane anoona chionoi chinotevera? (b) Ko isu tingaziva sei ngirozi, uye neiko kwakakodzera kuti iyo izivise kuwa kweBhabhironi Guru?
4 Johane anopfuuridzira nenhauro yacho, achitiudza, kuti: “Pashure pezvinhu izvozvi ini ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka kudenga, ine chiremera chikuru; uye pasi rakavhenekerwa norubwinyo rwayo. Ipapo yakadanidzira nenzwi guru kwazvo, ichiti: ‘Rawa! Bhabhironi Guru rawa.’ ” (Zvakazarurwa 18:1, 2a) Inguva yechipiri iyo Johane anonzwa ziviso iyeyo yengirozi. (Ona Zvakazarurwa 14:8.) Zvisinei, nguva ino revo yayo inosimbiswa norubwinyo rwengirozi yokudenga, nokuti rubwinyo runovhenekera pasi rose! Iyo ingava aniko? Mazana amakore apakuvamba-vamba muporofita Ezekieri, achishuma pamusoro pechiono chokudenga, akataura kuti “pasi iro rimene rakapenya nokuda kworubwinyo [rwaJehovha].” (Ezekieri 43:2) Ngirozi bedzi yaizopenya norubwinyo runoenzanirana norwaJehovha yaizova Ishe Jesu, uyo ari chadzera chorubwinyo [rwaMwari] nomumiriri chaiye wokuvapo kwake kumene.” (VaHebheru 1:3) Muna 1914, Jesu akava Mambo wokudenga, uye kubvira panguva iyeyo ave achishandisa chiremera pamusoro papasi saMambo noMutongi pamwe chete naJehovha. Ipapoka, kwakakodzera kuti iye anofanira kuzivisa kuwa kweBhabhironi Guru.
5. (a) Ko ngirozi inoshandisa ani mukuzivisa kuwa kweBhabhironi Guru? (b) Apo rutongeso rwakavamba pamusoro paavo vanokambira kuva “imba yaMwari,” ko chiKristudhomu chakaguma nei?
5 Ko iyi ngirozi ine chiremera chikuru inoshandisa ani mukuzivisa mashoko akadaro anoshamisa pamberi pavanhu? Chokwadika, ndivo vanhu vamene vanosunungurwa somuuyo wokuwa ikoko, vakasarira vakazodzwa vari pasi pano, boka raJohane. Kubvira muna 1914 kusvikira kuna 1918, ivava vakatambudzwa zvikurukuru neBhabhironi Guru, asi muna 1918 Ishe Jehovha ne“nhume [yake] yesungano [yaAbrahama],” Jesu Kristu, akavamba rutongeso pa“imba yaMwari,” avo vanokambira kuva maKristu. Nokudaro chiKristudhomu chakatsauka pakutenda chakaunzwa pakutambwa kwemhaka. (Maraki 3:1; 1 Petro 4:17) Mhaka yacho hurusa yeropa yakaparwa mukati mehondo yenyika yokutanga, goverano yacho mukutambudza zvapupu zvakatendeka zvaJehovha, nezvitendero zvacho zvechiBhabhironi hazvina kuchibetsera munguva yorutongeso; uyewo hakuna rumwe rutivi rwupi nerwupi rweBhabhironi Guru rwakakodzerwa netendero yaMwari.—Enzanisa naIsaya 13:1-9.
6. Neiko kuchigona kutaurwa kuti Bhabhironi Guru rakanga rawa pakuzosvika pana 1919?
6 Naizvozvo pakuzosvika muna 1919 Bhabhironi Guru rakanga rawa, richizarurira vanhu vaMwari kuti vave vanosunungurwa ndokudzorerwa, muzuva rimwe sokunge zvakadaro, kunyika yavo yorubudiriro rwomudzimu. (Isaya 66:8) Pakuzosvika pagore irero, Jehovha Mwari naJesu Kristu, Dhariusi Mukuru naKoreshi Mukuru, vakanga vashandura zvinhu kuti rudzidziso rwenhema rugorega kudzivirirazve vanhu vaJehovha. Haruzati rwaigonazve kuvadzivirira pakubatira Jehovha napakuzivisa kuna vose vanganzwa kuti Bhabhironi Guru rakaita sehure rakashurikidzwa uye revererwo youchangamire hwaJehovha yava pedyo!—Isaya 45:1-4; Dhanieri 5:30, 31.
7. (a) Kunyange zvazvo Bhabhironi Guru risina kuparadzwa muna 1919, ko Jehovha akarirangarira sei? (b) Apo Bhabhironi Guru rakawa muna 1919, chii chakava muuyo kuna vanhu vaJehovha?
7 Chokwadi, Bhabhironi Guru harina kuparadzwa muna 1919—kungofanana sezvo Bhabhironi guta rekare risina kuparadzwa muna 539 B.C.E. parakawira kumauto aKoreshi muPersia. Asika mumurangariro waJehovha, sangano irero rakanga rawa. Iro rakashurikidzwa muchimiro chorutongeso, richimirira kuparadzwa. Naizvozvo, rudzidziso rwenhema rwakanga rwusingachagonizve kudzivirira vanhu vaJehovha vari muubatwa. (Enzanisa naRuka 9:59, 60.) Ivava vakasunungurwa kuti vabatire somuranda akatendeka nowakangwara waShe mukugovera zvokudya zvomudzimu panguva yakakodzera. Ivo vakanga vawana rutongeso rwokuti “Wakaita zvakanaka” uye vakatumwa kuti vabatikanezve mubasa raJehovha.—Mateo 24:45-47; 25:21, 23; Mabasa 1:8.
8. Ko murindi waIsaya 21:8, 9 anozivisa chinoitikai, uye nhasi ndiani anodeya kufananidzirwa nomurindi iyeyo?
8 Makore ana makumi amazana akapfuura Jehovha akashandisa vamwe vaporofita kudeya kuzivisa ichi chinoitika chinoratidzira nguva. Isaya akataura nezvomurindi aka“pfuurira kudanidzira seshumba, achiti: ‘Haiwa Jehovha, ini ndimire nguva dzose pamasikati, pamusoro penharire, uye ini ndimire panzvimbo yangu yokurinda usiku hwose.’ ” Uye murindi iyeyo anocherekedza chinoitikai ndokuchizivisa noushingi hwakaita sohweshumba? Ichi: “Rawa! Bhabhironi rawa, uye iye [Jehovha] akaputsira pasi mifananidzo yaro yose yakavezwa yavamwari varo!” (Isaya 21:8, 9) Uyu murindi anosanodeya kufananidzira boka rakasvinura zvikuru raJohane nhasi, sezvarinoshandisa magazini yeNharireyomurindi nezvimwe zvinyorwa zvoubati ushe hwoumwari kuzivisa kwakafara mashoko okuti Bhabhironi rawa.
Kuderera kweBhabhironi Guru
9, 10. (a) Pesvedzero yorudzidziso rweBhabhironi yakatambura kudererai kubvira paHondo yeNyika I? (b) Ko ngirozi ine simba inorondedzera sei mugariro wokuwa weBhabhironi Guru?
9 Kuwa kweBhabhironi rekare muna 539 B.C.E. kwakanga kuri kutanga kwokuderera kwenguva refu uko kwakagumira mukuva dongo kwaro. Nomutoo wakafanana, kubvira pahondo yenyika yokutanga, pesvedzero yorudzidziso rwechiBhabhironi yakaderera nomutoo unoshamisa pamwero wemburumbwa yose. MuJapan, kunamatwa kwamambo kwechiShinto kwakarambidzwa pashure pehondo yenyika yechipiri. MuChina, hurumende yechiKomonisiti inodzora gadzwo dzose dzorudzidziso nomubato. Kuchamhembe kweEurope yechiPurotesitendi, vanhu havachaitiri hanya rudzidziso. Uye Chechi yeRoma Katurike pamisi ichangobva kupfuura iyi yakaneteswa nokukamukana negakava romukati muumambo hwayo hwemburumbwa yose.—Enzanisa naMarko 3:24-26.
10 Kombamiro dzose idzi pasina panikiro rutivi rwo‘kupwa kworwizi rwaYufratesi’ mugadziriro nokuda kwedenho inouya yehondo yeBhabhironi Guru. Uku ‘kupwa’ kunoratidzirwawo muziviso yapapa yaOctober 1986 yokuti chechi inofanira “kuvazve mupemhi”—nokuda kweperevedzo hurusa. (Zvakazarurwa 16:12) Zvikurukuru kubvira muna 1919 Bhabhironi Guru rakaratidzirwa kukuringa kwavanhu samatongo omudzimu, kungofanana nokuzivisa kunoita ngirozi ine simba pano, kuti: “Zvino rava nzvimbo inogara madhemoni nenzvimbo yokuvanda yechifemo chiri chose chisina kuchena uye nenzvimbo yokuvanda yeshiri iri yose isina kuchena neinovengwa!” (Zvakazarurwa 18:2b) Nokukurumidza richava chaizvoizvo dongo rakadaro, risine chinhu samatongo eBhabhironi muIraq yemazuva ano.—Onawo Jeremia 50:25-28.
11. Ko Bhabhironi Guru rakava “nzvimbo yokugara yamadhemoni” uye ‘nzvimbo yokuvanda yomweya isina kuchena neyeshiri dzisina kuchena’ mupfungwai?
11 Shoko rokuti “madhemoni” pano sezvinobvira rinomirira shoko rokuti “madhemoni akafanana nembudzi” (se‘i·rimʹ) rinowanwa murondedzero yaIsaya yeBhabhironi rakawa: “Uye zvikara zvomunzvimbo zvomurenje zvichavatamo zvamazvirokwazvo, uye dzimba dzavo dzinofanira kuzadzwa namazizi. Uye mhou dzinofanira kugaramo, uye madhemoni afanana nembudzi iwo amene achatomuka-tomukamo.” (Isaya 13:21) Ringave risinganongedzeri kumadhemoni chaiwoiwo, asi panzvimbo pakwo kumhuka dzine mvere, dzinogara murenje dzine chitarisiko chakaita kuti vacherekedzi vafunge nezvamadhemoni. Mumatongo eBhabhironi Guru, kuvapo kwokufananidzira kwemhuka dzakadaro, pamwe chete nemhepo (“chifemo chisina kuchena”) isingafambi, ine chepfu uye shiri dzisina kuchena, kunoratidzira mugariro waro wokufa mumudzimu. Iro haripi kariro dzoupenyu kana zvoita sei kuvanhu.—Enzanisa naVaEfeso 2:1, 2.
12. Ko mugariro weBhabhironi Guru unoenzanirana sei nouporofita hwaJeremia huri muganhuro 50?
12 Mugariro waro unowiriranawo nechiporofita chaJeremia, chinoti: “ ‘Kune munondo unorwisana navaKardhea,’ ndiko kutaura kwaJehovha, ‘uye unorwisana navagari veBhabhironi, unorwisana namachinda aro uye unorwisana navachenjeri varo. . . . Kuoma kuri pamusoro pemvura dzaro, uye idzo dzinofanira kupwa. Nokuti iyo inyika yemifananidzo yakavezwa, uye nokuda kwezviono zvaro zvinotyisa ivo vanoramba vachiita noupengo. Naizvozvo zvikara zvomunzvimbo dzomurenje zvichagara pamwe chete nemhuka dzinorira, uye mhou dzinofanira kugara mariri; uye iro harizati richizogarwazve mariri, uye iro harizati richizogarwa nokuda kwechizvarwa nechizvarwa.’ ” Kunamata mifananidzo nokutaurwa kweminyengetero inodzokororwa hazvingagoni kuponesa Bhabhironi Guru pamatsive akafanana nokuparadza kwaMwari Sodhoma neGomora.—Jeremia 50:25-28.
Waini Inomutsa Ruchiva
13. (a) Ko ngirozi ine simba inorereudzira sei ngwariro kutambanuko yakafara youhure hweBhabhironi Guru? (b) Uterei uhwo hwakanga hwakapararira muBhabhironi rekare hunowanwa muBhabhironi Guru?
13 Tevere ngirozi ine simba inorereudzira ngwariro kutambanuko huru youhure hweBhabhironi Guru, ichizivisa, kuti: “Nokuti nokuda kwewaini inomutsa ruchiva youfevea hwaro marudzi ose akabatwa noruchiva, uye madzimambo apasi akaita ufeve naro, uye vashambadzi vapasi vakava vapfumi nokuda kwesimba raro rokuzvifadza kusine nyadzi.” (Zvakazarurwa 18:3) Iro rakadzidzisa marudzi ose avanhu munzira dzaro dzorudzidziso dzisina kuchena. MuBhabhironi rekare, mukuwirirana nowezvenhau wechiGiriki Herodotus, musikana mumwe nomumwe akanga achidikanirwa kushatsa umhandara hwake mutembere yokunamatira. Ushati hwevatano hunonyangadza hunoratidzirwa kusvikira kuzuva rino muzvivezwa zvakakuvadzwa nehondo paAngkor Wat muKampuchea nomumatembere apaKhajuraho, India, zvinoratidzira mwari wavaHindu Vishnu akakomberedzwa nezviono zvinonyangadza zvoutere. MuUnited States, wadzanyurwo dzoutere dzakakatyamadza nyika yavaevhangeri veTV muna 1987, uye zvakare muna 1988, uyewo wadzanyurwo yomuitiro wakapararira wevatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo inoitwa navashumiri vorudzidziso, inoenzanisira kuti kunyange chiKristudhomu chinoregerera hacho kunyanyisa kunokatyamadza kwoufeve chaihwoihwo. Asika, marudzi ose akabatwa norunotova rudzi rwakakomba zvikuru rwoufeve.
14-16. (a) Iwiriranoi yomudzimu yakashatswa yorudzidziso nezvamatongerwe enyika yakavamba yechiFascist muItaly? (b) Apo Italy yakadenha Abyssinia, ko mabhishopi eChechi yeRoma Katurike akaita kutaurai?
14 Tatohwirudzura wirirano yakashata yorudzidziso nezvamatongerwe enyika yakapinza Hitler musimba muGermany yechiNazi. Mamwe marudzi akatamburawo nokuda kwokupindira kworudzidziso muzvinhu zvenyika. Somuenzaniso: muItaly yeFascist, pana February 11, 1929, Chibvumirano cheLateran chakasainwa naMussolini noMukuru wamabhishopi Gasparri, vachiita Guta reVatican hurumende yakazvimirira. Pope Pius XI akataura kuti akanga “adzorera Italy kuna Mwari, uye adzorera Mwari kuItaly.” Ikoko kwakanga kuri zvokwadi here? Rangarira zvakaitika makore matanhatu gare gare. Pana October 3, 1935, Italy yakavhozhokera Abyssinia, ichikambira kuti iyo yakanga iri “nyika ine utsinye ichiri kushandisa uranda.” Ndiani, zvomenemene, akanga ari ane utsinye? Ko Chechi yeKaturike yakashurikidza utsinye hwaMussolini here? Apo papa aitaura zvisino kutsarukana, mabhishopi ake akanga achitaura zvakajeka zvikuru mukukomborera mauto akashongedzera zvombo zve“nyika yavo yavakaberekerwa” yeItaly. Mubhuku rinonzi The Vatican in the Age of the Dictators, Anthony Rhodes anoshuma, kuti:
15 “Mutsamba yake yoMufudzi yokuungano yomusi wa19 October [1935], Bhishopi weUdine [Italy] akanyora kuti, ‘Hakuzati kuri kunowirirana nomusi kana kuti kukodzera kuti isu tizivise pamusoro pezvakarurama uye hakuna zvakashata zvenhau. Musengwa wedu savaTariana, uye zvikuru samaKristu ndowokubetsera rubudiriro rwezvombo zvedu.’ Bhishopi wePadua akanyora pana October 21 kuti, ‘Mumaawa anotambudza atiri kupfuura nomaari, tinokukumbirai kuva nokutenda muvabati ushe vedu vehurumende namauto akashongedzerwa.’ Pana October 24, bhishopi weCremona akakomborera chiverengero chakati kuti chemireza yamauto ndokutaura, kuti: ‘Chikomborero chaMwari ngachive pana ava varwi avo, vari pavhu reAfrica, vachakunda nyika itsva dzendima nokuda kwavazivi veItaly, nenzira iyeyo ndokuvaunzira tsika yeRoma neyechiKristu. Italy ngaimirezve somuraidzi wechiKristu wenyika yose.’ ”
16 Abyssinia yakapambwa, kupfurikidza nechikombero chavafundisi veRoma Katurike. Ko vapi navapi vaivava vaigona kukambira here, mupfungwa ipi neipi, kuti ivo vakanga vakaita somuapostora Pauro mukuva “vakachena paropa ravanhu vose?”—Mabasa 20:26.
17. Ko Spain yakatambura sei nemhaka yokuti vafundisi vayo vakakundikana ku“pfura minondo yavo kuva miromo yamapadza”?
17 Wedzera kuGermany, Italy, uye Abyssinia rumwe rudzi rwakabatwa noruchiva rwoufeve rweBhabhironi Guru—Spain. Hondo Yavagari vemo ya1936-39 munyika iyeyo yakatangwa, murutivi, kupfurikidza nokutora nhanho kwehurumende kwokusarudza kwavoruzhinji kwokuderedza simba guru reChechi yeRoma Katurike. Hondo zvayakanga ichirwiwa, mutungamiriri wechiFascist weKaturike wamauto okupandukira, Franco, akazvirondedzera iye amene so“Mutungamiriri Mukuru wechiKristu weHondo yoRudzidziso Tsvene,” zita rechiratidzo iro iye gare gare akarega. VaSpania vane zviuru zvina mazana zvinoverengeka vakafira muhondoyo. Kunze kwaiyoyi, mukuwirirana nechikarakadzo chavezvokusada kuchinja, Boka Rave Zvourudzi raFranco rakanga rauraya mitezo yePopular Front ine 40 000, nepo vapashure vakanga vauraya vafundisi 8 000—mamongi, vaprista, manani, uye navadzidziri unani. Kwakadarokwo ndikwo chinhu chinotyisa nechinosuruvarisa chehondo yavagari vemo, kuchienzanisira uchenjeri hwokutetekera mashoko aJesu, anoti: “Dzorera munondo wako munzvimbo yawo, nokuti avo vose vanoshandisa munondo vachaparara nomunondo.” (Mateo 26:52) Haiwa kunonyangadza sei kuti chiKristudhomu chinobatanidzwa mukuteurwa kukuru kwakadaro kweropa! Vafundisi vacho vakakundikana chose chose zvamazvirokwazvo ku“pfura minondo yavo vachiita miromo yamapadza”!—Isaya 2:4.
Vashambadzi
18. Ko “vashambadzi vapasi” ndivanaani?
18 Ko “vashambadzi vapasi” ndivanaani? Pasina panikiro nhasi isu taizovaidza kuti vatengesi, magube ezvokutengeserana, mabhizimisi makuru. Ikoku hakuzati kuri kutaura kuti hakuna kururama kubatikana mubhizimisi rapamutemo. Bhaibheri rinogovera zano rokuchenjera nokuda kwavanhu vane mabhizimisi, richinyevera pamusoro pokusatendeseka, makaro, nezvakafanana. (Zvirevo 11:1; Zekaria 7:9, 10; Jakobho 5:1-5) Mhindu huru zvikuru ndiyo “kuzvipira kwoumwari pamwe chete nokuringanirwa.” (1 Timotio 6:6, 17-19) Zvisinei, nyika yaSatani haizati ichitevera nheyo dzakarurama. Ushati hunowedzera. Hunowanwa murudzidziso, mune zvamatongerwe enyika—nomumabhizimisi makuru. Panguva nenguva manyuko enhau anoratidzira mhaka dzinozvidza, dzakadai sokuba kunoitwa navakuru vakuru vakakwirira vehurumende nomukutengeswa kusati kuri kwapamutemo kwezvombo.
19. Iidii pamusoro pomugariro wezvemari wenyika rinobetsera kutsanangura chikonzero nei vashambadzi vapasi vakakodzerwa nokududzwa kusina kufanira kuri muna Zvakazarurwa?
19 Kutengeserana kwamarudzi ose muzvombo kuri kuwedzera kupfuura $1 100 000 000 000 gore rimwe nerimwe, nepo mazana amamiriyoni avanhu anonyimwa zvinodikanwa zvoupenyu. Ikoko kwakashata zvikuru. Asi zvombo zvinoratidzika kuva tsigiro huru yemari yenyika. Pana April 11, 1987, nyaya yomuSpectator yeLondon yakashuma, kuti: “Kuverenga bedzi nomutoo wakananga nzvimbo dzakabatana dzamabasa okugadzirwa kwezvinhu, mabasa ane 400 000 anobatanidzwa muU.S. uye 750 000 muEurope. Asi nomutoo unokatyamadza zvikuru, sezvo basa ramagariro avanhu nomugariro wemari rokuvaka zvombo rakakura, mubvunzo chaiwo wokuti vabudisi vanosanodzivirwa here kana kuti kwete wakakanganwika.” Mhindu hurusa dzinoitwa sezvo mabhomba nezvimwe zvombo zvinotengeswa mupasi rose, kunyange kuna vangava vavengi. Rimwe zuva mabhomba iwawo angadzoka mukuparadzanya kunotyisa kwokuparadza avo vanoatengesa. Haiwa imhesano yakadini! Wedzera kuna ikoku ushati hwakapoteredza nzvimbo yokugadzirwa kwezvinhu yezvombo. MuUnited States moga bedzi, mukuwirirana neSpectator, “gore riri rose Pentagon nomutoo usingarondedzereki inorashikirwa nezvombo nezvinhu zvokushandisa zvinokosha mamiriyoni ane [$1 935].” Hakuzatiwo kuchishamisa kuti vashambadzi vapasi vanokodzerwa nokududzwa kusina kunaka muna Zvakazarurwa!
20. Muenzanisoi unoratidzira kubatanidzwa kworudzidziso mumiitiro yakashata yokutengeserana?
20 Sezvakadeya kuziviswa nengirozi ine mbiri, rudzidziso rwave rwakabatikana zvikurukuru mumiitiro yakadaro yakashata yezvokutengeserana. Somuenzaniso, pane batanidzwo yeVatican mukuwa kweBanco Ambrosiano yeItaly muna 1982. Mhaka yacho yakapfuurira nomuma1980, mubvunzo usingapindurwi uchiva wokuti: Ko mari yacho yakaendepi? Muna February 1987 mamejasitiriti eMilan akabudisa matsamba okusunga vafundisi vatatu veVatican, kubatanidza nabhishopi mukuru weAmerica, papomero dzokuti ivo vaiva vakutsirani mukuchipa kwebhangi kwenyengedzo, asi Vatican yakaramba mukumbiro wokudzorera vasungwa kunyika yavakaparira mhaka. Muna July 1987, pakati pemheremhere yokutsutsumwa, matsambawo akaparadzwa neDare Rokukwirira Mhaka rapamusoro reItaly pahwaro hwechibvumirano chekare pakati peVatican nehurumende yeItaly.
21. Ko tinoziva sei kuti Jesu akanga asina batano nemiitiro inopanikirika yokutengeserana yezuva rake, asi chii chatinoona nhasi murudzidziso rwechiBhabhironi?
21 Ko Jesu akava nebatano nemiitiro yenhengeseranwa inopanikirika yomuzuva rake here? Nyangwe. Iye akanga asati achitova mwene wenzvimbo, nokuti iye akanga “asina nzvimbo yokuvanzarika musoro wake.” Mubati ushe muduku akapfuma akapangirwa naJesu, kuti: “Tengesa zvinhu zvose zvaunazvo ndokuzvigovera kuvanhu varombo, uye iwe uchava nepfuma mumatenga; ugouya ndokuva muteveri wangu.” Irero rakanga riri zano rakaisvonaka, nokuti raigona kudai rakagumira mukubvisa kwake funganyo dzose pamusoro penhau dzebhizimisi. (Ruka 9:58; 18:22) Mumhesano, rudzidziso rwechiBhabhironi runowanzova nebatano dzakashata namabhizimisi makuru. Somuenzaniso, muna 1987 Albany Times Union yakashuma kuti mutarisiri wezvemari woruwa rwamabhishopi eKaturike eMiami, Florida, U.S.A., akabvuma kuva nemari kwechechi mumakambani anoita zvombo zvenyukireya, mabhaisikopo anobhadhara zvikuru, nemidzanga yefodya.
“Budai Mariri, Vanhu Vangu”
22. (a) Ko inzwi rinobuda mudenga rinotii? (b) Chii chakaparira kufara kuvanhu vaMwari muna 537 B.C.E. uye muna 1919 C.E.?
22 Mashoko anotevera aJohane anoratidzira imwezve zadziko yomutoo wechiporofita: “Ipapo ini ndakanzwa rimwe inzwi richibuda mudenga, richiti: ‘Budai mariri, vanhu vangu, kana imi musati muchida kugoverana naro muzvivi zvaro, uye kana imi musati muchida kuwana rutivi rwamadambudziko aro.’ ” (Zvakazarurwa 18:4) Uporofita hwokuwa kweBhabhironi rekare huri muMagwaro echiHebheru hunobatanidzawo murairo waJehovha kuvanhu vake, unoti: “Tizai mubude pakati peBhabhironi.” (Jeremia 50:8, 13) Nomutoo wakafanana, nokuda kwokuva dongo kunouya kweBhabhironi Guru, vanhu vaMwari zvino vanokurudzirwa kutiza. Muna 537 B.C.E. banza rokubuda muBhabhironi rakaparira kufara kukuru kuvaIsraeri vakatendeka. Nenzira imwe cheteyo, kusunungurwa kwavanhu vaMwari muutapwa hwechiBhabhironi muna 1919 kwakaparira kufara kwavari. (Zvakazarurwa 11:11, 12) Uye kubvira panguva iyeyo mamiriyoni avamwe akateerera murairo wokutiza.
23. Ko inzwi rinobuda mudenga rinosimbisa sei kurumidziro yokutiza kubuda muBhabhironi Guru?
23 Ko kutiza muBhabhironi Guru ndokwokukurumidzira zvikuru kwazvo chaizvoizvo here, kurega kuva mutezo mumarudzidziso enyika ndokuita paradzano yakakwana? Kwakadaro, nokuti tinodikanirwa kunzwisisa murangariro waMwari wourwu rudzidziso rukurusa rwekare, Bhabhironi Guru. Iye akataura zvakajeka mukuriidza hure guru. Naizvozvo zvino inzwi rinobuda mudenga rinozivisazve Johane pamusoro peiyi mhombwe, kuti: “Nokuti zvivi zvaro zvatutirana kusvika kudenga, uye Mwari wayeuka mabasa aro okusaruramisira. Riitirei kunyange sezvarakakuitirai iro rimene, uye riitirei nekane kaviri, hungu, wanziridzai chiverengero chezvinhu zvarakaita nekane kaviri; mumukombe makadira muvhenganiswa dirai muvhenganiswa waro nekane kaviri. Zvarakazvikudza zvikuru rimene ndokurarama mukuzvifadza kusine nyadzi, ritambudzei zvikuru ndokurichemedza. Nokuti mumwoyo maro iro rinoramba richiti: ‘Ini ndinogara pachigaro choumambo samambokadzi, uye handizi chirikadzi, uye handizotongooni kuchema.’ Ndokusaka madambudziko aro achasvika muzuva rimwe, rufu nokuchema nenzara, uye richapiswa chose chose nomwoto, nokuti Jehovha Mwari, uyo akaritonga ane simba.”—Zvakazarurwa 18:5-8.
24. (a) Vanhu vaMwari vanofanira kutiza vachibuda muBhabhironi Guru kudzivisa chii? (b) Avo vanokundikana kutiza vachibuda muBhabhironi Guru vanogoverana naro muzvivii?
24 Haiwa mashoko ane simba zvakadini, iwawo! Naizvozvo chiito chinodikanwa. Jeremia akakurudzira vaIsraeri vomuzuva rake kuita chiito, achiti: “Tizai mubude pakati peBhabhironi, . . . nokuti inguva yamatsive aJehovha. Panokubata uko iye ari kuriripidzira. Buda pakati paro, Oo vanhu vangu, uye munhu mumwe nomumwe ngaaponese mweya wake pakutsamwa kukuru kwaJehovha.” (Jeremia 51:6, 45) Nenzira yakafanana, inzwi rinobuda mudenga rinonyevera vanhu vaMwari nhasi kutiza muBhabhironi Guru kuti vagorega kuwana rutivi rwamadambudziko aro. Marutongeso akafanana namadambudziko aJehovha panyika ino, kubatanidza neBhabhironi Guru, zvino ari kuziviswa. (Zvakazarurwa 8:1–9:21; 16:1-21) Vanhu vaMwari vanodikanirwa kuzviparadzanisa ivo vamene norudzidziso rwenhema kana ivo vamene vasati vachida kutambura madambudziko aya uye pakupedzisira ndokufa pamwe chete naro. Kunze kwezvo, kurambira mukati mesangano irero kungavaita kuti vagoverane muzvivi zvaro. Ivo vangava vane mhaka sairo youpombwe hwomudzimu neyokuteurwa kweropa “raavo vose vakaurawa pamusoro papasi.”—Zvakazarurwa 18:24; enzanisa naVaEfeso 5:11; 1 Timotio 5:22.
25. Ko vanhu vaMwari vakabuda muBhabhironi rekare munzirai?
25 Kunyange zvazvo zvakadaro, vanhu vaMwari vanobuda sei muBhabhironi Guru? Muchinoitika cheBhabhironi rekare, vaJudha vaitofanira kuita rwendo chairwoirwo rwokubva muguta reBhabhironi kudzokera chose kuNyika Yakapikirwa. Asika zvakawanda zvaibatanidzwa zvinopfuura izvozvo. Nomutoo wouporofita Isaya akaudza vaIsraeri, kuti: “Ibvai, ibvai, budai ipapo, musabata chinhu chisina kuchena; budai pakati paro, rambai muchizvinatsa, imi munotakura midziyo yaJehovha.” (Isaya 52:11) Hungu, vaitofanira kurega miitiro yose isina kuchena yorudzidziso rwechiBhabhironi iyo yaigona kusvibisa kunamata kwavo Jehovha.
26. Ko maKristu eKorinte akateerera sei mashoko okuti, ‘Budai pakati pavo uye regai kubata chinhu chisina kuchena’?
26 Muapostora Pauro akanokora mashoko aIsaya mutsamba yake yokuvaKorinte, achiti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingadaviri. Nokuti kururama kune ushamwari hwei nokusateerera mutemo? Kana kuti chiedza chinomugove wei nezarima? . . . ‘Naizvozvo budai pakati pavo, uye zviparadzanisei mumene,’ anodaro Jehovha, ‘uye regai kubata chinhu chisina kuchena.’ ” MaKristu eKorinte haazati aidikanirwa kubva muKorinte kuti agoteerera murairo iwowo. Zvisinei, iwo munyama aitofanira kudzivisa matembere asina kuchena orudzidziso rwenhema, uyewo kuzviparadzanisa iwo amene mumudzimu nemiitiro isina kuchena yavanamati ivavo vezvidhori. Muna 1919 vanhu vaMwari vakavamba kutiza vachibuda muBhabhironi Guru neiyi nzira, vachizvichenesa ivo vamene padzidziso nemiitiro ipi neipi yakasarira isina kuchena. Nokudaro, ivo vaikwanisa kumubatira savanhu vake vakanatswa.—2 VaKorinte 6:14-17; 1 Johane 3:3.
27. Ienzaniranoi dziripo pakati pamarutongeso pamusoro peBhabhironi rekare naawo eBhabhironi Guru?
27 Kuwa kweBhabhironi rekare uye kuva dongo pakupedzisira kwakanga kuri chirango nokuda kwezvivi zvaro. “Nokuti rutongeso rwaro rwakasvika kudenga.” (Jeremia 51:9) Nomutoo wakafanana, zvivi zveBhabhironi Guru zvaka“tutirana kusvikira kudenga,” zvokuti zvakasvika pakuona kwaJehovha iye amene. Iro rine mhaka yokusaruramisira, kunamata zvidhori, utere, dzvinyiriro, kuba, uye kuponda. Kuwa kweBhabhironi rekare, murutivi, kwakanga kuri matsive nokuda kwezvarakanga raitira tembere yaJehovha uye vanamati vake vechokwadi. (Jeremia 50:8, 14; 51:11, 35, 36) Kuwa kweBhabhironi Guru uye pakupedzisira ruparadziko rwaro nenzira yakafanana iratidzirwo dzamatsive nokuda kwezvarakaitira vanamati vechokwadi kwamazana amakore. Zvamazvirokwazvo, ruparadziko rwaro rwokupedzisira ndiwo mavambo e“zuva ramatsive raMwari wedu.”—Isaya 34:8-10; 61:2; Jeremia 50:28.
28. Ko Jehovha anoshandisa mupimoi weruramisiro kuBhabhironi Guru, uye nei?
28 Pasi poMutemo waMosesi, kana muIsraeri akabira vamabiyake, iye aitofanira kudzorera kanenge kaviri mumuripo. (Eksodho 22:1, 4, 7, 9) Muruparadziko runouya rweBhabhironi Guru, Jehovha achashandisa mupimo wakaenzanirana weruramisiro. Iro rinofanira kuwana zvakawanda nakane kaviri sezvarakapa. Hapazati pachizoratidzwa ngoni nokuti Bhabhironi Guru harina kuitira ngoni vanyajambwa varo. Iro rakadyeredzera vanhu vapasi kuti iro rimene rirambe riri mu“kuzvifadza kusine nyadzi.” Zvino iro richawana kutambura nokuchema. Bhabhironi rekare rakarangarira kuti iro rakanga riri munzvimbo yakakotsekana chose chose, richiganza, kuti: “Ini handizati ndichigara sechirikadzi, uye handizati ndichiziva kurashikirwa navana.” (Isaya 47:8, 9, 11) Bhabhironi Guru rinonzwawo rakakotsekana. Asika ruparadziko rwaro, rwakatemwa naJehovha uyo “ane simba,” ruchaitika nokukurumidza, sokunge kuti “muzuva rimwe”!
[Mashoko Omuzasi]
a New World Translation Reference Bible, mashoko omunyasi.
[Bhokisi riri papeji 263]
“Madzimambo . . . Akaita Ufeve Naro”
Mukuvamba mama1800 vashambadzi veEurope vakanga vachibhinyaidza huwandu hukuru hwomushonga unorivaridza muChina. Muna March 1839 vakuru vakuru veChina vakaedza kumisa iyi shambadzirano isati iri yapamutemo kupfurikidza nokubata mabhokisi 20 000 omurimo unobva kuvashambadzi veBritain. Ikoku kwakaparira kakavadzano pakati peBritain neChina. Sezvo ukama pakati penyika mbiri hwakashata, vafundisi vechiPurotesitendi vakakurudzira Britain kurwisa, namashoko akadai saanotevera:
“Izvi zvitambudzo zvinofadza mwoyo wangu zvikuru nokuti ini ndinofunga kuti hurumende yeEngland ingashatirwa, uye Mwari, musimba Rake angaputsanya mipiringidzo inodzivisa evhangeri yaKristu kupinda muChina.”—Henrietta Shuck, mufundisi weSouthern Baptist.
Pakupedzisira, hondo yakatanga—hondo iyo zvino inozivikanwa seHondo yeOpium. Vafundisi nomwoyo wose vakakurudzira Britain netsinhiro dzakadai seidzi:
“Ini ndinogombedzerwa kutarira shure pamugariro uripo wezvinhu kuva usati uri zvikuru yeopium kana kuti nhau yeEngland, serongedzero huru yaNyadenga yokuita kuti ushati hwomunhu hutsigire madonzo Ake engoni kuChina mukuboora rusvingo rwayo rwedziviriro.”—Peter Parker, mufundisi weCongregationalist.
Mumwe mufundisi weCongregationalist, Samuel W. Williams, akawedzera, kuti: “Ruoko rwaMwari runooneka muna ikoko kwose kwakaitika nomutoo wakatanhamara, uye hatipanikiri kuti Iye akataura kuti Iye akauya kuzounza munondo papasi akasvika pano uye kuti nokuda kworuparadziko runokurumidza rwavavengi Vake nokugadzwa kwoumambo Hwake amene. Iye achapfuurira uye achikurira kutozosvikira Iye agadza Muchinda woRugare.”
Pamusoro pokuurawa kunotyisa kwamarudzi eChina, mufundisi J. Lewis Shuck akanyora, kuti: “Ini ndinorangarira zviono zvakadaro . . . semidziyo yakanaka yaShe mukuchenura marara anodzivisa enderero mberi yeZvokwadi Youmwari.”
Mufundisi weCongregationalist Elijah C. Bridgman akawedzera, kuti: “Mwari kazhinji kazhinji akaita kushandisa kworuoko rune simba rwehurumende kugadzirira nzira nokuda kwoUmambo hwake . . . Mudziyo munhambo dzino dzinokosha vanhu; simba rinotungamirira roumwari. Mudzori mukuru wamarudzi ose akashandisa England kuranga nokudukupisa China.”—Mashoko akatorwa mu“Ends and Means,” 1974, nhauro yakanyorwa naStuart Creighton Miller yakabudiswa muThe Missionary Enterprise in China and America (Fundo yapaHarvard yakapepetwa naJohn K. Fairbank).
[Bhokisi riri papeji 264]
“Vashambadzi . . . Vakapfuma”
“Pakati pa1929 nokuvamba kweHondo yeNyika II, [Bernadino] Nogara [mutarisiri wezvemari weVatican] akashandisa mari yeVatican navamiriri veVatican kubasa munharaunda dzakasiyana-siyana dzemari dzeItaly—zvikurukuru musimba ramagetsi, kurukurirano dzenhare, chikwereti nokubhanga mari, njanji duku, nokubudiswa kwezvishandiswo zvokurima, simende, machira eterarini. Mazhinji amabasa iwawa akabhadhara.
“Nogara akatora chiverengero chakati chamakambani kubatanidza neLa Società Italiana della Viscosa, La Supertessile, La Società Meridionale Industrie Tessili, uye La Cisaraion. Achibatanidza idzodzi kuva kambani imwe, iyo iye akatumidza kuti CISA-Viscosa ndokuisa mukutungamirira kwaBaron Francesco Maria Oddasso, mumwe wavanhuwo zvavo anoisvovimbwa zvikuru weVatican, Nogara ipapo akaparira kumonzverwa kweiyi kambani itsva nekambani inogadzira machira hurusa, SNIA-Viscosa yeItaly. Pakupedzisira mhindu yeVatican muSNIA-Viscosa yakaramba ichiwedzera zvikuru, uye munguva yakafanira Vatican yakatora udzori—sechapupu idi nderokuti Baron Oddasso nomutoo unotevedzana akava purezidhendi anotevedzera.
“Nokudaro Nogara akapinda munzvimbo yebasa rokugadzirwa kwezvinhu rokugadzirwa kwamachira. Iye akapinda mune dzimwe nzvimbo dzamabasa okugadzirwa kwezvinhu nedzimwe nzira, nokuti Nogara akanga ane ndyaringo dzake zhinji dzakavanzika. Uyu munhu aizvishandisa nesimba . . . zvichida akaita zvakawanda kubatanidza upenyu nomugariro wemari muItaly kupinda zvakaita muzvinabhizimisi upi noupi mumwe munhau yeItaly . . . Benito Mussolini akanga asina kutongokwanisa chaizvoizvo kuwana umambo hwaairota nezvahwo, asi iye akagonesa Vatican naBernadino Nogara kuvamba udzori hworumwe rudzi.”—The Vatican Empire, rakanyorwa naNino Lo Bello, mapeji 71-3.
Uyu unongova muenzaniso mumwe bedzi womushandira pamwe wapedyo pakati pavashambadzi vapasi neBhabhironi Guru. Hakushamisi kuti ava vashambadzi vachachema apo mukutsirani wavo mune zvebhizimisi pamwe anenge asisipo!
[Mufananidzo uri papeji 259]
Vanhu zvavakapararira mupasi rose, ivo vakaenda norudzidziso rweBhabhironi
[Mifananidzo iri papeji 261]
Boka raJohane, somurindi, rinozivisa kuti Bhabhironi rawa
[Mufananidzo uri papeji 266]
Matongo ekare eBhabhironi anoratidzira ruparadziko runouya rweBhabhironi Guru