RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/94 p. 7
  • Dzivisa Mutsa Usakarurama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzivisa Mutsa Usakarurama
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • “Mukudze Vakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Marongerwo Akaitwa Ungano
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kutsigira Basa reUmambo Munyika Medu Uyewo Pasi Rese
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Vakuru—Rambai Muchitevedzera Muapostora Pauro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 2/94 p. 7

Dzivisa Mutsa Usakarurama

1 Vanhu vaJehovha vanozivikanwa nokuda kwomudzimu wavo womutsa neworupo. Kazhinji kazhinji ikoku kunozviratidzira kumene nenzira yokunyama apo tinotevedzera muSamaria ane mutsa uyo Jesu akataura pamusoro pake mumufananidzo wake unoorora. (Ruka 10:29-37) Bva, vamwe vasina kufanirwa norubatsiro rwokunyama vangavavarira kushandisa zvisakafanira mutsa wedu. Nokudaro, rudo rwedu nokuda kwavamwe runofanira kudzikamiswa no“kuziva nokunzwisisa kwose.”—VaF. 1:9.

2 Mukati meUngano: Somuenzaniso, mumwe munhu angataura kuti haasi kushanda kana kuti angapa zvimwe zvikonzero zvokukumbira rubatsiro. Padzimwe nguva ava vanhu havasi kutsvaka basa nenzira yokushingaira asi vanongoda chete kuti vamwe vavagovere zvinodikanwa zvoupenyu. Nezvavakadaro muapostora Pauro akaraira, kuti: “Kana munhu achiramba kubata basa, ngaarege kudyawo.”—2 VaT. 3:10.

3 “Nguva nezvinoitika” zvinotiwira tose, naizvozvo kana tichishaiwa mune zvokunyama, tichishaiwa “nhasi zvokudya zvedu,” hatifaniri kunzwa tichinyanyofunganya, sezvo Jehovha achigovera avo vanomuda uye vari kuita kuda kwake. (Mup. 9:11; Mat. 6:11, 31, 32) Munhu anoshaiwa angakuwana kuva kunobetsera kutaura nomumwe wavakuru. Vakuru vangave vachiziva nezvegadziriro dzehurumende dzinotangwa kuti dzigovere rubatsiro uye vangave vachikwanisa kubetsera kuzadza mapepa kana kuti kunzwisisa zvinodikanwa zvegadziriro dzakadaro. Muchinoitika chipi nechipi, vakuru vanogona kuyera migariro yomunhu mumwe nomumwe anokumbira rubatsiro ndokusarudza chinogona kuitwa.—Enzanisa na1 Tim. 5:3-16.

4 Vanyengeri Vanofamba: Sosaiti inopfuurira kugamuchira mishumo yokuti vamwe muungano vakakorovherwa mari nezvinhu zvokunyama navanyengeri vanofamba. Ikoku hakufaniri kutishamisa, sezvo Magwaro achinyevera kuti “vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.” (2 Tim. 3:13) Kazhinji kazhinji ava vanyengeri vanotaura kuti vapererwa nemari uye vanoda mari kuti vawane chokufambisa nezvokudya nokuda kworwendo rwokudzoka kumusha. Kunyange zvazvo vanganzwika kuva vapachokwadi, muzvinoitika zvizhinjisa havasitongori Zvapupu zvaJehovha asi vari kungoedzesera bedzi kuva.

5 Kana muenzi akakumbira rubatsiro, kuchenjera kubvunza mumwe wavakuru veungano, uyo anogona kutungamirira mukuziva kana uyu munhu ari hama yedu. Runhare runofanira kuridzwa kazhinji kazhinji kumumwe wavakuru vari muungano yomunhu iyeyo kuti chimiro chomunhu wacho chigosimbiswa. Hama dzapachokwadi nehanzvadzi dzinozviwana dzimene nenzira isingakarirwi dzichishaiwa dzichanzwisisa kuti urwu rudzi rwokubvunza rwuri kuitwa nokuda kwokudzivirirwa kwavose vanobatanidzwa. Pane rumwe rutivi, vanyengeri vacharatidzirwa nourwu rudzi rwokunzvera. Hapana kudikanwa kwokuva vanonyumwira nenzira isina kufanira vose vatisingazivi, asi tinofanira kudzivisa vanyengeri vakaipa.

6 Mambo akachenjera Soromoni akapa zano, kuti: “Munhu akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.” (Zvir. 3:27) Kupfurikidza nokunzwisisa kwedu kwokuchenjera, tinogona kupfuurira kuva vane ngoni apo tinenge tichidzivisa mutsa usakarurama.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe