RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 8/1 pp. 30-31
  • Kubva Munzira Yokurufu Kuenda Kunzira Yokuupenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubva Munzira Yokurufu Kuenda Kunzira Yokuupenyu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • Ndingaitei Kuti Ndirege Kushandisa Zvinodhaka?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Hondo Yekurwisa Zvinodhaka Inogona Kuhwinwa Here?
    Mukai!—1999
  • Simba Rinochenesa reShoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Upenyu Hwakakanganiswa, Upenyu Hwakaparara
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 8/1 pp. 30-31

Kubva Munzira Yokurufu Kuenda Kunzira Yokuupenyu

KWAMAKORE akawanda upenyu hwangu hwakashatiswa nokupindwa kwangu muropa nemirimo. Ndakavamba nemirimo isina simba ndokuguma neine simba zvikuru, zvakadai seLSD. Mirimo yakasvika pakuratidzira rusununguko pamarudzi ose ezvinetso zvomunhu oga nezvenzanga. Nenzira inosuruvarisa, ndakakurudzira vamwe vanhu vaduku kundiperekedza munzira yokurufu.

Sezvo ndaizivikanwa somutengesi wemirimo, ndaiongororwa namapurisa. Ndinofanira kubvuma kuti ndaitya, nokuti ndaiziva kuti kusungwa kungadai kwakareva makore mutorongo. Kunyange zvazvo ndairarama mumarwadzo, akanga asina kukwana kundiita kuti ndichinje nzira dzangu.

Vabereki vangu vakaedza kundibetsera kupfurikidza nokundiendesa kumusha wamapenzi nokuda kwokurapwa. Kwakakarirwa kuti mishonga nokurapa zvaigamuchirwako zvaizopedza chinetso changu, asi nokukurumidza apo ndakabuda, vabereki vangu vakaziva kuti kunyange kurapa kwaisagona kundichinja. Ivo vakaedza kundibetserazve kupfurikidza nokuita kuti nditaure kumuprista. Ikoku hakuna kushandawo. Ndaisvuta marijuana uye ndainwa pamberi pake, sokunge akanga asipo. Ndaisamboda zvangu kuchinja!

Musikana wangu, Oriana, aisada zvakasimba nzira yangu yokurarama, uye handaida kuti andisiye. Nechokunze, ikoku kwakaratidzika kuva kurudziro yakanaka yokuita chinjo. Asi, panzvimbo pezvo, ndakapfuuridzira tsika yangu yemirimo pachivande. Ndakaita kuti Oriana adavire kuti ndakanga ndichirwara. Nokukurumidza ndakava munhu wenhando chaiyeiye. Ndakaramba ndichizvivimbisa ndimene kuti ndaizorega, kuti ndaikukwanisa, asi kwakanga kusina maturo. Ndakanga ndichingofambazve bedzi munzira yokurufu.

Sezvo ndaida kuroora Oriana nokukurumidza sezvinobvira, takaonana nomunyerenyeti womukati kuti aite basa rakati mufurati yedu. Mudzimai wake akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye iye akataura kwatiri pamusoro pokutenda kwake. Pakutanga kurukurirano yacho yakaita munembo mukuru pana Oriana kupfuura pandiri, asi sezvayakafambira mberi, ndakaziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvaidavira zvakasimba kuti Mwari achakurumidza kuita kuti pasi rino rive paradhiso uye kuti vanhu vachagara pano nokusingaperi murugare.

Ndaida kuzviwanira ndimene kana kwakanga kuri chokwadi kuti “kunyange zvino Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza rudo noruremekedzo nokuda kwomumwe nomumwe,” seizvo mukadzi akanga ataura. Naizvozvo Oriana neni takaenda kuHoro yoUmambo. Ndakakwenudzwa nemhaka yevhunzi rangu refu nezvipfeko zvangu zvisina kutsarukana, asi kwaziso iyo Zvapupu zvakatipa yakakurumidza kundiita ndinzwe ndakasununguka. Ndakanzwa kuti ndaigona kuzvivimba. Kwakanga kwakajeka kuti rudo rwechokwadi noruremekedzo nokuda kwomumwe nomumwe zvaitova chinhu chaichoicho nokuda kwazvo.

Kuvambira pazuva iroro zvichienda mberi, ndakavamba kupinda misangano yechiKristu nguva dzose, uye ndakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndakagera vhudzi rangu ndokuchinja mapfekero angu, uye nenhamburiko huru, ndakakwanisa kurega kusvuta nokunwa mirimo. (2 VaKorinte 7:1) Zvisinei, kwakanga kune chimwe chinetso chakakomba muupenyu hwangu. Ndisingazivi, ndakanga ndava chidhakwa. Apo ndainwa, ndaipinda munhamo. Ndaiitirana nharo navanhu uye ndaiitira Oriana shanje zvikuru. Ndakapinda mumugariro wokusava nomufarwa kukuru. (Zvirevo 23:29-35) Ndakaita nhamburiko yokurega tsika yacho, uye nebetsero yaJehovha, simba romunyengetero, uye betsero yehama dzechiKristu, ndakakwanisa kudzura iyi tsika yakashata muupenyu hwangu.

Mudzimai wangu neni takabhapatidzwa pana August 23, 1974. Kuonga kuzvokwadi, upenyu hwedu zvino hwakava nerevo. Sezvo ndakanga ndawanazve kuzvivimba kwangu, ndakawana ruremekedzo kubasa. Mudzimai wangu neni tose tiri vaviri takaita mari yakawanda, asi ipapo takaziva kuti taiva nenguva shoma yasara nokuda kwebasa redu rinoyera. Kana taida kufarikanya ukama hwapedyo naJehovha, taizofanira kuita chinjo muupenyu hwedu. Kukasadaro, kwaiva nengozi yokuti rudo rwedu rwokutanga rwezvokwadi rwaizotonhora. Naizvozvo muna 1979 takavamba kupayona, tichizvipa timene zvizere zvikuru kubasa rokuparidzira.

Neiko ndakaita ichi chisarudzo? Eya, ndaizova kupi nhasi pasina chiedza chezvokwadi? Avo vaiva neni panzira yokurufu zvino zvidhakwa kana kuti zvimwe havachisina mhuri kana kuti vari mutorongo—kana kuti vakafa. Bva, rakanga riri shoko reBhaibheri rakandisunungura. Kurapwa nechido zvakanga zvisina kumbokwana hazvo. Sundo yakasimba yakanga ichidikanwa. Kutsvaka kusakurira ushamwari hwechokwadi naJehovha, Musiki, kwakagovera sundo yakadaro. Zvino, chishuvo changu chechokwadi kuita zvose zvandinogona kubetsera avo vari varanda vetsika yemirimo, pamwe chete naavo vari kutambura kana kuti vari kutsvaka nzira yokubuda nayo muzvinetso zvavo. Kupfurikidza nokugoverana nokushingaira muushumiri hwechiKristu, mudzimai wangu neni tave tichiita izvozvo chaizvo. Takaropafadzwa kubetsera vanhu vazhinji kupinda munzira yokuupenyu. Pakati paivava ndivanhu vatatu ini pachangu ndakanga ndatanga kumirimo. Panguva ino ndiri kubatira somutariri wedunhu kuchamhembe kweItaly.

Ichokwadi: Kushandisa mirimo zvisakafanira kwakafanana nenzira iyo nokukurumidza inokutungamirira kurufu kana kuti toti zvedu kuupenyu husina maturo husina nguva yemberi. Ndinoshaiwa mashoko mukutaura kuonga kwangu kuna Jehovha Mwari! Iye akandiratidza nzira yokubuda nayo murima randaigara mariri ndokuonesa nzira yokuupenyu, yakazara nechiedza, iyo inotungamirira kunguva yemberi isingagumi.—Yakataurwa naRuggero Polotti.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe