Kufara Muna Jehovha Pasinei Zvapo Nemiedzo
YAKATAURWA NAGEORGE SCIPIO
Muna December 1945, ndakarara muwadhi yechipatara, ndakaoma mitezo yose kunze kwemaoko angu netsoka. Ndaifunga kuti zvandakanga ndiri zvakanga zviri zvenguva pfupi, asi vamwe vakanga vasina chokwadi chokuti ndaizombofa ndakafambazve. Wakanga uri muedzo wakadini kumunhu akasimba ane makore 17! Handina kuda kufungidzira zvakadaro. Ndakanga ndine zvirongwa zvakawanda, kubatanidza rwendo rwokuenda kuEngland newandaishandira gore raitevera racho.
NDAKANGA ndabatwa nechirwere cheporiyo chakanga chapfuura nomumusha wepachitsuwa chedu cheSt. Helena. Chakauraya vanhu 11 ndokusiya vakawanda varemara. Pandakanga ndakarara pamubhedha, ndakanga ndine nguva yakawanda yokufungisisa nezvoupenyu hwangu hupfupi nezveramangwana rangu. Sezvandaidaro, ndakaona kuti, pasinei zvapo nokutambudzika kwangu, ndakanga ndine chikonzero chokufara.
Mavambo Akaderera
Muna 1933 pandakanga ndine makore mashanu, baba vangu, Tom, vaiva mupurisa nomudhikoni muChechi yeBaptist, vakawana mabhuku makuru kubva kune zvimwe Zvapupu zvaJehovha zviviri. Vakanga vari vaevhangeri venguva yakazara, kana kuti mapiyona, vakashanyira chitsuwa chedu kwenguva pfupi.
Rimwe bhuku racho rainzi The Harp of God. Baba vangu vairishandisa kufunda Bhaibheri nemhuri yedu nevanhu vakati wandei vaifarira. Raiva bhuku rakaoma, uye ndakanzwisisa zvishomanene zvikuru zvaiva mariri. Asi ndinoyeuka ndichitara rugwaro rwose rwatakakurukura mukopi yangu yeBhaibheri. Nenguva isipi Baba vangu vakaona kuti zvatakanga tichifunda chakanga chiri chokwadi uye kuti zvakanga zvakasiyana nezvavakanga vachidzidzisa muChechi yeBaptist. Vakatanga kuudza vamwe nezvazvo nokuparidza vari pachikuva kuti hakuna Utatu, hakuna moto wehero, uye hakuna mweya usingafi. Izvi zvakaita kuti pave nokunyongana muchechi.
Pakupedzisira, vachiedza kupedza chinetso chacho, musangano wechechi wakarongwa. Mubvunzo wokuti, “Ndivanaani vanotsigira vaBaptist?” wakabvunzwa. Vakawanda vacho vakatsigira. Mubvunzo wakatevera waiva wokuti, “Ndivanaani vanotsigira Jehovha?” Vanenge 10 kana kuti 12 vakatsigira. Vakakumbirwa kuti vabude muchechi.
Aya ndiwo akanga ari mavambo akaderera echitendero chitsva paSt. Helena. Baba vangu vakanyorera dzimbahwe reWatch Tower Society riri muUnited States ndokukumbira muchina une mashoko akarekodwa wokuridzira vanhu hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodwa. Vakaudzwa kuti muchina wacho wakanga wakakurisa zvokuti vaisagona kuutumira kuSt. Helena. Giramufoni rakati dukupei rakatumirwa, uye hama dzakazoodha mamwe maviri. Vakatenderera chitsuwa chacho netsoka uye nedhongi, vachiendesera vanhu shoko.
Shoko racho zvarakapararira, ndozvakaitawo kushorwa. Kuchikoro kwedu, vana vaiimba vachiti: “Uyai mose munzwe, uyai mose munzwe, bhendi regiramufoni raTommy Scipio!” Uyu wakanga uri muedzo mukuru kwandiri, mukomana wechikoro aida kufarirwa nevezera rake. Chii chakandibetsera kutsungirira?
Mhuri yedu yakanga yakakura—yaiva nevana vatanhatu—yaiita fundo yeBhaibheri yemhuri nguva dzose. Tairavawo Bhaibheri pamwe chete mangwanani oga oga tisati tadya zvokudya zvamangwanani. Pasina mubvunzo izvi zvakashanda kubetsera mhuri yedu kuti ipfuurire yakatendeka kuchokwadi kwemakore ose aya. Ini pachangu ndakada Bhaibheri ndichiri muduku chaizvo, uye mumakore ose aya, ndakaramba ndine maitire angu okurava Bhaibheri nguva dzose. (Pisarema 1:1-3) Pandakazorega chikoro pazera remakore 14, ndakanga ndanyatsodzika midzi muchokwadi, uye kutya Jehovha kwakanga kwava mumwoyo mangu. Izvi zvakandigonesa kufara muna Jehovha pasinei zvapo nemiedzo iyoyo.
Mimwezve Miedzo Nezvinofadza
Zvandakanga ndirere pamubhedha uya ndichifunga nezvemakore iwayo apakuvamba nezvandaitarisira zveremangwana, ndaiziva kubva mukufunda kwangu Bhaibheri kuti kurwara uku kwakanga kusiri muedzo kana kuti chirango chaibva kuna Mwari. (Jakobho 1:12, 13) Kunyange zvakadaro, poriyo yacho yakanga iri muedzo unorwadza, uye zvayaizoparira zvaizoramba zvineni kwoupenyu hwangu hwose.
Zvandaipora, ndaifanira kudzidzirazve kufamba. Ndakatadzawo kushandisa dzimwe tsandanyama dzemaoko angu. Handigoni kuverenga kuti ndaidonha kakawanda zvakadini mazuva ose. Asi, nomunyengetero wemwoyo wose uye kuramba ndichiedza, pakasvika 1947, ndakanga ndava kukwanisa kufamba ndichishandisa tsvimbo.
Munguva iyoyo ndakadanana neimwe mhandara, Doris, yaiva nezvitendero zvakafanana nezvangu. Takanga tichiri vaduku zvikuru zvokusambofunga zvokuroorana, asi ndakakurudzirwa kuti ndirambe ndichivandudza kufamba kwangu. Ndakaregawo basa rangu nokuti mari yandaitambira yakanga isingakwani kuti ndiroorise, uye ndakatanga rabhoritari yangu ndoga yemazino, yakashanda kwemakore maviri akatevera. Takaroorana muna 1950. Pakasvika nguva iyoyo ndakanga ndawana mari yakaringana kutenga motokari duku. Zvino ndakanga ndava kugona kutakura hama kuenda kumisangano nemubasa romumunda.
Kuenderera Mberi Mune Zvoubati Ushe hwaMwari Pachitsuwa
Muna 1951 Sosaiti yakatitumira mumiririri wayo wokutanga. Uyu akanga ari Jacobus van Staden, jaya raibva kuSouth Africa. Takanga tichangobva kutamira muimba yakakura, saka taigona kugara naye kwegore rose. Sezvandaizvishandira, takapedza nguva yakawanda mubasa rokuparidza tiri tose, uye ndakawana kurovedzwa kunokosha kubva kwaari.
Jacobus, kana kuti Koos, semadaniro ataimuita, akaronga misangano yeungano yenguva dzose, yataipinda tose zvedu tichifara. Takanga tine dambudziko rechokufambisa nokuti paingova nemotokari mbiri chete pane vose vaifarira. Nzvimbo yacho yakaipa uye ine makomo, uye panguva iyoyo kwaiva nemigwagwa mishoma yakanaka. Saka, kuita kuti munhu wose aende kumisangano rakanga riri basa guru. Vamwe vaitanga kufamba mangwanani-ngwanani. Ndaitakura vatatu mumotokari yangu duku ndonovaburutsira chinhambwe chakati mumugwagwa wacho. Vaiburuka ndokuramba vachifamba. Ndaidzokera, ndotakura vamwezve vatatu chimwe chinhambwe, ndovaburutsa, uye ndodzoka. Pakupedzisira, vose vaisvika kumisangano nenzira iyi. Misangano yapera, taishandisa mutoo wakafanana iwowo kuti tidzorere vanhu vose kumba.
Koos akatidzidzisawo mapirwe emharidzo dzinobudirira pamasuo. Taiva nezvakaitika zvakanaka zvakawanda uye zvimwe zvisina kunaka zvikuru. Asi mufaro wataiva nawo muushumiri waipfuura miedzo yose yakaparirwa nevashori vebasa redu rokuparidza. Mamwe mangwanani ndakanga ndichishanda naKoos. Sezvatakasvika pedyo nemumwe musuo, takanzwa inzwi raiva mukati. Mumwe murume akanga ari kurava Bhaibheri zvinonzwika. Taigona kunyatsonzwa mashoko atakajaira aIsaya ganhuro rechipiri. Paakasvika pandima yechina, takagogodza. Harahwa ine ushamwari yakatiti tipinde, uye takashandisa Isaya 2:4 kuitsanangurira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Takatanga kufunda nayo Bhaibheri kunyange zvazvo yaigara munzvimbo yakanga ichinetsa kusvika zvikuru. Taifanira kudzika chikomo, kuyambuka karwizi nepamatombo, kukwira chimwezve chikomo, kwava kuzodzikazve tichienda pamba payo. Asi taifira zviripo. Iyi harahwa nyoro yakabvuma chokwadi uye yakabhabhatidzwa. Kuti iende kumisangano, yaifamba ichishandisa tsvimbo mbiri kuenda kunzvimbo yandaizoitakura nemotokari painge pasara pacho. Yakazofa iri Chapupu chakatendeka.
Mukuru wemapurisa akanga achishora basa redu uye aigarotyisidzira kuti aizoita kuti Koos adzingwe munyika. Kamwe chete pamwedzi aidana Koos kuzomubvunzurudza. Kumupindura kwaiita Koos nemhinduro dzakananga dzaibva muBhaibheri kwakamuita kuti atotsamwa zvikuru. Nguva yoga yoga ainyevera Koos kuti anofanira kurega kuparidza, asi nguva yoga yoga aipupurirwa. Akaramba achishora basa racho kunyange pashure pokunge Koos abva muSt. Helena. Ipapo mukuru wamapurisa wacho, murume aiva muhombe, akasimba, akangoerekana ava kurwara ndokuonda zvikuru. Vanachiremba havana kugona kuona chaimunetsa. Zvakazoita kuti abve pachitsuwa chacho.
Kubhabhatidzwa Nokuwedzera Zvishoma Nezvishoma
Koos apedza mwedzi mitatu ari pachitsuwa, akaona kuti zvakanga zvakakodzera kuti abhabhatidze vanhu. Zvainetsa kuwana dziva rakakodzera. Takafunga kuchera gomba guru, kurinama nesimende, uye kutakura mvura yokuzadzamo. Usiku rubhabhatidzo rusati rwaitwa, kwakanaya, uye mangwanani akatevera acho takafara kuona kuti gomba racho rakanga razadzwa kusvikira pamuromo.
Mangwanani eSvondo iwayo Koos ndiye akakurukura hurukuro yorubhabhatidzo. Paakakumbira vanhu vaida kubhabhatidzwa kuti vasimuke, 26 vedu takasimuka kuti tipindure mibvunzo inowanzobvunzwa. Takaropafadzwa kuva Zvapupu zvokutanga kubhabhatidzwa pachitsuwa chacho. Ndiro raiva zuva rinofadza zvikuru muupenyu hwangu nemhaka yokuti ndakanga ndave ndichinetseka nguva dzose kuti pamwe Armagedhoni yaizouya ndisati ndabhabhatidzwa.
Ungano mbiri dzakapedzisira dzaumbwa, imwe muLevelwood imwe muJamestown. Vhiki yoga yoga vatatu vedu kana kuti vana taifamba makiromita 13 kuenda kune imwe ungano kunoitisa Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari musi woMugovera manheru. Tapedza basa romumunda mangwanani eSvondo, taidzoka ndokuva nemisangano yakafanana, pamwe neFundo yeNharireyomurindi, muungano yedu masikati nemanheru. Saka kupera kwevhiki kwedu kwakanga kwakazadzwa nemabasa oubati ushe hwaMwari. Ndaishuva kuita basa rokuparidza nguva yakazara, asi ndakanga ndine mhuri yokutarisira. Saka muna 1952, ndakadzokera kubasa rehurumende sachiremba wemazino wenguva yakazara.
Muna 1955 vamiririri veSosaiti vanofambira, vatariri vedunhu, vakatanga kushanyira chitsuwa chacho gore roga roga, uye vaigara mumusha wangu padzimwe nguva dzokushanya kwavo. Vaikurudzira mhuri yedu zvakanaka. Panenge panguva imwe cheteyo, ndakavawo neropafadzo yokuratidza mafirimu matatu eSosaiti pachitsuwa chacho.
Gungano Rainakidza reKuda kwaMwari
Muna 1958, kuti ndipinde Gungano Remarudzi Akawanda reKuda kwaMwari muNew York, ndakaregazve basa rehurumende. Gungano iroro rakanga riri chimwe chinhu chaikosha muupenyu hwangu—mukana wakandipa chikonzero chikuru chokufara muna Jehovha. Nemhaka yokuti kwaiva nezvokufambisa zvishoma zvaienda kuchitsuwa chacho, takapedza mwedzi mishanu nehafu tisipo. Gungano racho rakapedza mazuva masere, uye purogiramu dzaitanga nenguva dzepfumbamwe mangwanani dzichizopera nenguva dzepfumbamwe manheru. Asi handina kumboneta, uye ndaitarisira zuva rimwe nerimwe. Ndakava neropafadzo yokumiririra St. Helena kwemaminiti maviri papurogiramu yacho. Kutaura kumapoka makuru evanhu vaiva kuYankee Stadium nePolo Grounds kwaityisa zvikuru.
Gungano racho rakasimbisa chisarudzo changu chokupayona. Hurukuro yavose yaiti, “Umambo hwaMwari Hunotonga—Kuguma Kwenyika Kwava Pedyo Here?,” ndiyo yainyanyokurudzira. Gungano rapera, takashanyira dzimbahwe reSosaiti muBrooklyn uye takatenderera tichiona fekitari. Ndakataura naHama Knorr, vaiva purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo, nezvekuenderera mberi kwebasa kuSt. Helena. Vakataura kuti vaizoda kushanyira chitsuwa chacho pane rimwe zuva. Takadzoka nehurukuro dzose dzakarekodwa pamwewo nemabhaisikopu egungano racho kuti tizviteerere nokuona pamwe nemhuri neshamwari.
Vavariro Yebasa Renguva Yakazara Yakaitwa
Pakudzoka, ndakapiwazve basa rangu riya, zvapakanga pasina chiremba wemazino pachitsuwa chacho. Zvisinei, ndakatsanangura kuti ndakanga ndichida kupinda muushumiri hwenguva yakazara. Pashure pokutaurirana zvikuru, zvakabvumwa kuti ndaigona kushanda mazuva matatu pavhiki, asi ndichitambira mari yakawanda kupfuura pandaishanda mazuva matanhatu pavhiki. Mashoko aJesu akava echokwadi: “Tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:33) Kufamba munzvimbo ine makomo yechitsuwa chacho nemakumbo angu akanga asina kusimba kwakanga kusiri nyore nguva dzose kwandiri. Kunyange zvakadaro, ndakapayona kwemakore 14 uye ndakakwanisa kubatsira vakawanda vandaigara navo pachitsuwa kuti vadzidze chokwadi—zvirokwazvo chikonzero chokufara zvikuru.
Muna 1961 hurumende yaida kundiendesa kuZvitsuwa zveFiji kukosi yokurovedza yapachena kuitira kuti ndigone kuva chiremba chaiye wemazino anokwanisa. Vakati vaitogona kundiendesa nemhuri yangu. Uyu waiva muedzo, asi ndanyatsofungisisa ndakaramba. Ndakanga ndisingadi kusiya hama kwenguva yakareba zvakadaro ndokurega ropafadzo yandakanga ndinayo yokushanda navo. Mukuru mukuru wezvokurapa wapamusoro akanga aronga rwendo rwacho akatsamwa zvikuru. Akati: “Kana uchifunga kuti mugumo wava pedyo zvakadaro, unongogona kushandisa mari yauchawana panguva ino.” Asi ndakaramba ndakashinga.
Gore rakatevera racho ndakakokwa kuSouth Africa kuzopinda Chikoro Choushumiri choUmambo, kosi yokurovedza yevatariri veungano yemwedzi mumwe. Takapiwa murayiridzo unokosha wakatibetsera kutarisira mabasa edu eungano zvinobudirira zvikuru. Chikoro chapera, ndakarovedzwazve nokushanda nomutariri anofambira. Ipapo ndakashanyira ungano mbiri dzaiva paSt. Helena kwemakore anopfuura gumi seanotsiva mutariri wedunhu. Mukuenderera mberi kwenguva, pakava nedzimwe hama dzinokwanisa, uye mutoo wokutenderera wakashandiswa.
Panguva iyoyo, takanga tatama kubva kuJamestown tichienda kuLevelwood, kwakanga kune kushayiwa kukuru, uye takagarako kwemakore gumi. Panguva iyi, ndakanga ndichishanda siku nesikati—kupayona, kushandira hurumende kwemazuva matatu pavhiki, uye kutarisira kachitoro kadiki. Uyezve, ndakanga ndichitarisira nhau dzeungano, uye ini nemudzimai wangu takanga tichitarisira mhuri yevana vana vakanga vachikura. Kuti zvisandinetse, ndakarega basa rangu remazuva matatu, ndakatengesa chitoro, uye ndakaenda nemhuri yangu yose kuCape Town, South Africa, kuzororo remwedzi mitatu. Takazotamira kuChitsuwa cheAscension ndokugarako kwegore. Panguva iyoyo, takakwanisa kubetsera vakawanda kuwana zivo yakarurama yechokwadi cheBhaibheri.
Patakadzoka kuSt. Helena, takatamirazve kuJamestown. Takagadzirisa imba yakanga yakabatana neHoro yoUmambo. Kuti tive nezvokunyama, ini nemwanakomama wangu John takagadzira motokari yeice-cream kubva pamotokari yeFord, uye takatengesa ice-cream kwemakore mashanu akatevera. Ndichangotanga bhizimisi racho, ndakaita tsaona nemotokari yacho. Yakapidiguka ndokutsikirira makumbo angu. Somugumisiro, midzira yepasi pemabvi angu yakakuvadzwa, uye zvakanditorera mwedzi mitatu kuti ndipore.
Zvikomborero Zvakawanda Munguva Yakapfuura Nomunguva Iri Mberi
Mumakore ose aya, takava nezvikomborero zvakawanda—zvimwe zvikonzero zvokufara. Chimwe chazvo rwakanga rwuri rwendo rwedu rwokuSouth Africa kundopinda kokorodzano yomunyika imomo muna 1985 nokushanyira musha weBheteri mutsva, wakanga uchiri kuvakwa. Chimwe chacho chakanga chiri chokuvakawo Horo Yemagungano yakaisvonaka pedyo neJamestown, ndine mwanakomana wangu John. Tiri kufarawo kuti vatatu vevanakomana vedu vari kubatira sevakuru, uye mumwe muzukuru ari kushanda paBheteri rekuSouth Africa. Uye zvirokwazvo takawana mufaro mukuru nokugutsikana mukubatsira vakawanda kuwana zivo yakarurama yeBhaibheri.
Ndima yeushumiri hwedu iduku, ichingova nevanhu vanenge 5 000 chete. Kunyange zvakadaro, kuramba tichishanda ndima iyoyo kwakaparira migumisiro yakanaka. Vanhu vashomanana vanotivirimira. St. Helena inozivikanwa nevanhu vayo vane ushamwari, uye uchakwaziswa kwose kwose kwaunoenda—uchifamba mumugwagwa kana kuti uchityaira uri mumotokari mako. Zvandave ndichiziva ndezvokuti ukaziva vanhu zviri nani, zvichava nyore zvikuru kupupurira kwavari. Zvino tava nevaparidzi vanokwana 150, kunyange zvazvo vakawanda vakaenda mhiri kwemakungwa.
Vana vedu vose zvavakura uye vapera kuenda, ini nemudzimai wangu tava togazve, kwapera makore 48 taroorana. Rudo rwake rwokuvimbika nokutsigira mumakore ose aya zvakandibetsera kuti ndipfuurire kushumira Jehovha ndichifara pasinei zvapo nemiedzo. Simba redu rokunyama riri kuderera, asi simba redu romudzimu riri kuvandudzwa zuva roga roga. (2 VaKorinte 4:16) Ini, pamwe nemhuri yangu neshamwari, tinotarisira nguva iri mberi inoshamisa pandichadzorerwa pane zvinotopfuura zvandakanga ndakaita pazera ramakore 17. Zvandinonyanyoshuva ndezvokuti ndikwane mupfungwa yose uye, kupfuura zvose, kushumira Mwari wedu ane rudo neanoitira hanya, Jehovha, namambo wake anotonga, Jesu Kristu, nokusingaperi.—Nehemia 8:10.
[Mufananidzo uri papeji 26]
George Scipio nenevanakomana vake vatatu, vari kubatira sevakuru
[Mufananidzo uri papeji 29]
George Scipio nomudzimai wake, Doris