Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kuva Nenguva Inofadza?
“Ndinonzwa kuti tinosvika pakuita zvinhu zvizhinji zvinofadza. Muungano yedu tinoita nhamburiko chaiyo yokuva pamwe. Tinosvika pakuva nemufaro wakanaka. Vana vazhinjisa vari munyika havagoni kutaura ikoko.”—Jennifer.
NHANDARO—munhu ari wose anoida panguva nenguva. The World Book Encyclopedia rinotaura kuti nhandaro ingatoita “chimwe chinhu chinokosha kuutano hwomunhu hwendangariro nehwomuviri.” Chokwadi, Bhaibheri rimene rinotaura kuti kune “nguva yokuseka,” ndiko kuti, nguva yokuzvifadza!—Muparidzi 3:1, 4.a
Shoko rokuti “nhandaro” rinotorwa mushoko rechiLatin rinoreva “kuvamba patsva, kudzorera, kuzorodza.” (Webster’s New Collegiate Dictionary) Nenzira inosuruvarisa, zvakawanda zvezvinhu izvo vechiduku vanoita nokuda kwe“mufaro”—zvakadai semapati oupengo kana kuti kubatikana mukushandiswa zvisina kufanira kwemirimo nezvinwiwa zvinodhaka kana kuti vatano isiri yapamutemo—hazvisati zvichitongozorodza, asi zvinoparadza. Kuwana mibato yenhandaro iri zvose zviri zviviri inofadza uye yakanaka kunogona naizvozvo kuva denho chaiyoiyo. Asi seizvo Jennifer, anokorwa mashoko pakutanga, anoratidzira, kunogona kuitwa!
Kuitira Zvinhu Pamwe Chete
Munguva pfupi ichangobva kupfuura Mukai! yakabvunzurudza nhamba yakati yevechiduku panhau iyoyi. Vazhinjisa vakataura kuti vanofarira kuva pamwe chete nedzimwe pwere. Unonzwa nenzira imwe cheteyo—asi kazhinji kazhinji kuzviwana umene usina kukokwa here? Ipapo kuregererei kutanga kuita chiito? Mumwe musikana wokuSouth Africa anonzi Leigh, somuenzaniso, anoti: “Kana ndichidisa kuona bhaisikopu rakati, ndinoridzira runhare imwe yeshamwari dzangu, uye tinoparadzira shoko racho kudzimwe shamwari dzedu.” Kazhinji kazhinji vanopinda kuratidzwa kwokutanga-tanga kwebhaisikopu racho. Tevere, vabereki vavo vanovatora, uye pamwe chete vanodya paimba yavose yokudyira yomunzvimbomo.
Mibato yemitambo inopawo mikana nokuda kwokurovedza muviri kune utano uye songanirano yakanaka. (1 Timotio 4:8) Roelien muduku anoti: “Kutanga ndinokurukura nemhuri yangu uko ndinoda kuenda, uye ipapo tinokoka boka duku kuti ritikumbanire.” Zvirokwazvo, pwere dzechiKristu dzakawana mitambo yakanaka yakawanda iyo dzinogona kutora rutivi mairi navamwe: kutserendenda, kuchovha bhasikoro, kumhanya, kutamba tennis, baseball, nhabvu, uye volleyball, kungodudza mishomanene bedzi.
Zvirokwazvo, haudikanirwi kupedza mari yakawanda kana kuti kushandisa mari muzvishandiso zvamaoresa kuti uve nenguva inofadza. “Vabereki vangu, shamwari, neni takapedza maawa anofadza tichikwira makomo ari pedyo uye nzvimbo dzemarenje,” anodaro mumwe musikana wechiKristu wechiduku. “Kungova kunze mumhepo inotonhorera neshamwari dzakanaka kunofadza kwazvo!”
Kuungana Kwoushamwaridzani Kunovaka
Nokuda kwepwere zhinji, zvisinei, mufaro unoreva kupinda kuungana kwoushamwaridzani. “Tinofarira kukoka shamwari kuti tidye uye kuteerera nziyo,” anodaro Aveda muduku. Kuungana kwoushamwaridzani kune nzvimbo dzako pakati pevaKristu. Jesu Kristu amene akapinda kudya chaiko, michato, uye kumwe kuungana kwoushamwaridzani. (Ruka 5:27-29; Johane 2:1-10) VaKristu vapakuvamba nenzira yakafanana vakafarikanya nhambo apo vakaungana pamwe chete nokuda kwezvokudya uye songanirano inovaka.—Enzanisa naJudhasi 12.
Kana vabereki vako vachikubvumidza kugamuchira kuungana, chii chaunogona kuita kuti udzivise zvinetso uye kuti uve nechokwadi chokuti munhu ari wose anofadzwa? Kuronga kwokungwarira ndiwo mushonga. (Zvirevo 21:5) Kuenzanisira: Kune mufungo kukoka dzakawanda dzeshamwari dzako sedzinogona kutarisirwa zvakarurama bedzi. Kuungana kuduku zvikuru kune bviro duku yokuchinja kuva “kutamba kwakaipa,” kana kuti “mapati oupengo.”—VaGaratia 5:21; Byington.
VaKristu vemuzana rokutanga ramakore vakanyeverwa kudzivisa kusonganirana neavo “[vasinga]fambi netsika dzakafanira.” (2 VaTesaronika 3:11-15) Uye nzira ine chokwadi chokuparadza kuungana nhasi ndeyokukoka pwere dzinozivikanwa kuva dzakaoma uye dzisingadzoreki. Nepo uchida kuva akangwarira pamusoro pevaunokoka, usazviganhurira umene kurudzi rumwe rweshamwari. “Kurisw[a] mwoyo,” uye svika pakuziva vamwe, kubatanidza vakuru, vari muungano.—2 VaKorinte 6:13.
Uchagovera zvokudya zvakapfava here? Kana zvakadaro, hazvidikanirwi kuva zvokunyanyisa kana kuti zvinodhura nokuda kwevashanyi vako kuti vave nenguva inofadza. (Ruka 10:38-42) “Padzimwe nguva taiva namadekwana epizza,” anodaro Sanchia, mumwe musikana wokuSouth Africa. Vaenzi kazhinji kazhinji vachazvipira kuunza zvimwe zvinhu zvishomanene zvokudya.
Zvinhui zvaunogona kuita pakuungana—kunze kwokungotarira TV, kuteerera nziyo, kana kuti kukurukurirana? “Kazhinji kazhinji tinoronga manheru acho pachine nguva mberi,” anodaro Sanchia. “Takatamba mitambo kana kuti takaita kuti mumwe munhu aridze piano, naizvozvo taigona kuimba nziyo pamwe chete.” Imwe pwere yekuAfrica inonzi Masene inoti: “Padzimwe nguva tinotamba makasi, tsoro, uye chesi.”
Jennifer, anokorwa mashoko pakuvamba, akaudza Mukai!, kuti: “Tine mukuru muungano yedu anotikoka kuzotamba mitambo yemuBhaibheri. Unofanira kuva nezivo yakanaka yeBhaibheri kuti ugone kutamba zvakanaka.” Mumiririri weMukai! akabvunza dzimwe pwere, kuti: “Hamufungi here kuti kutamba mitambo yomuBhaibheri hakuna kukodzera?” Vanenge vose vakadanidzira mhinduro, yokuti “Aiwa!”
“Kunonyandura,” akadaro mumwe musikana wechiduku. “Kunoshamisa!” akadaro mumwe. Apo mitambo yeBhaibheri inotambwa nokuda kwomufaro, uye mudzimu wemakwikwi unodzorwa, inogona kuva inofadza uye inodzidzisa!—Ona “Making Get-Togethers Enjoyable yet Beneficial,” muchinyorwa cheMukai! yaJune 22, 1972 yechiNgezi.
Mufaro Wemhuri
Munguva dzeBhaibheri kwakanga kusiri kwechienzi kuti mhuri dzifarikanye zvimwe zvimiro zvenhandaro pamwe chete. (Ruka 15:25) Zvisinei, vanyori vaduku veThe Kids’ Book About Parents vanotsinhira kuti “vabereki navana vakabatikana zvikuru mazuva ano zvokuti hapana ane nguva yokuronga mibato . . . Tinofunga kuti kunokosha kuti vabereki nevana vave nechokwadi chokupedza nguva yakati pamwe chete vhiki imwe neimwe vachiita mibato inongova yomufaro.”
“Chishanu izuva remhuri yedu,” inodaro imwe pwere yechiduku inonzi Paki. “Tinowanzotamba mitambo pamwe chete.” Uye ngatirege kukanganwa vana vomumhuri mako. Bronwyn muduku anotaura, kuti: “Ndinofarikanya kunyora mifanikiso nezvimwe zvinhu zvounyanzvi nemunun’una wangu.” Ungagona kutanga kuita chiito ndokukarakadza mibato yomufaro yokuita nemhuri yako here?
Apo Unenge Uri Woga
Zvakadiniko kana uri woga? Ikoko hakurevi kuti unofanira kuva akafinhwa uye ane ushoma. Kune nzira dzakawanda dzinobetsera, dzinofadza dzokushandisa nadzo nhambo dzakadaro dzenguva. Mabasa okuzvifadza, somuenzaniso. Chibviro chenguva dzeBhaibheri varume navakadzi vakawana kufundwa kwenziyo kuva kunopfumisa. (Genesi 4:21; 1 Samueri 16:16, 18) “Ndinoridza piano,” anodaro Rachel. “Ndichimwe chinhu chaunogona kuita apo unenge wakafinhwa.” Kana usingafariri nziyo, ungafarikanya kudzidzira kusona, kugadzira bindu, kuunganidza zvitambi, kana kuti kudzidzira mutauro wokumwe. Somubayiro, ungatovamba unyanzvi hwakati uhwo huchabvumikisa kuva hunobetsera mumakore apashure.
Bhaibheri rinotiudza kuti varume vokutenda, vakafanana naIsaka, vakatsvaka nhambo dzokuva voga nokuda kwokufungisisa. (Genesi 24:63) Rimwe jaya rokuAustria rinonzi Hans rinoti: “Panhambo nenhambo, ndinongoenda kunzvimbo yakanyarara mubindu ndokugara pasi kuti nditarire kunyura kwezuva. Izvozvi zvinondiunzira mufaro wakawanda uye zvinondibetsera kunzwa ndiri pedyo naMwari wangu, Jehovha.”
“Mufaro” Mubasa raJehovha
Bhaibheri rakaporofita kuti Kristu aizowana “mufaro” mukubatira Jehovha Mwari. (Isaya 11:3) Uye nepo basa rinoyera kuna Jehovha Mwari risiri chaizvoizvo nhandaro, rinogona kuva rinozorodza uye rinofadza.—Mateo 11:28-30.
Hans, anokorwa mashoko pakuvamba, anoyeuka chimwe chiitiko chinofadza. Iye anoti: “Shamwari dzangu neni tinoda kuyeuka kupera kwemavhiki ayo taipedza tichishanda panzvimbo yokuvaka yeHoro Yamagungano [yokunamatira]. Takadzidza nzira yokushandira pamwe chete, uye takasvika pakuzivana zviri nani. Tichitarira shure, tine kunzwa kunogutsa kwokuti takaita chimwe chinhu chakakodzera chakanga chiriwo mufaro.”
Chipupuriro cheidzi pwere dzechiKristu chinoita kuti rimwe idi rijeke zvinoshamisa: Haufaniri kurasikirwa pakuva nenguva inofadza. Tevera nheyo dzeBhaibheri. Iva anofungidzira! Gamuchira zviito zvokutanga zvakanaka! Uchawana kuti uchazvifadza umene munzira dzichakuvaka uye kwete dzichakuparadza.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Nei Dzimwe Pwere Dziine Mufaro Wose?” muchinyorwa chedu chaAugust 8, 1996.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]
“Kungova kunze mumhepo inotonhorera neshamwari dzakanaka kunofadza kwazvo!”
[Mufananidzo uri papeji 29]
Haudikanirwi kupedza mari yakawanda kuti uve nenguva inofadza neshamwari