RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 1/1 pp. 10-12
  • Vaka Mhuri Yako “Nemashoko Anofadza”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vaka Mhuri Yako “Nemashoko Anofadza”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Funga Zvokutaura uye Matauriro Auchazviita
  • Dzidza Kuzvidzora
  • Tsvaka Mashoko Akakodzera
  • “Pazvizhinji Zviri Mumwoyo”
  • Funga Usati Wataura!
  • Shandisa Rurimi Rwako Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Ungakurira Sei Dambudziko Rokunzwa Usina Zvaunobatsira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Taura ‘Zvakanaka, Zvinovaka’
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Nei Uchifanira Kungwarira Pamatauriro Aunoita?
    Mukai!—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 1/1 pp. 10-12

Vaka Mhuri Yako “Nemashoko Anofadza”

NGUVA zvayaifamba hasha dzaDavid dzakaramba dzichiwedzera. Ari mumotokari achimirira mudzimai wake, aingotarisa wachi yake. Mudzimai wake Diane paakazobuda mumba, David akabva angoputika nehasha.

“Chokwadi kupedza gore rose ndakakumirira here? Unongogara uchinonoka! Nei pasina kana musi mumwe chete waunokurumidzawo?” akapopota kudaro David.

Diane zvakamukododzvora. Misodzi ichiti mokoto, akabva adzokera mumba. Nguva iyoyo David akabva aziva kuti airasa. Kupopota kwake kwakangoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa. Saka zvino aizoitei? Akadzima motokari, akatura befu uye akagwedaira achimutevera.

Izvi zvinoitika, handiti? Wakambokungura here kuti dai usina kumbotaura zvawakanga wataura? Patinotaura tisina kufunga, nguva zhinji tinotaura zvinhu zvatinozodemba. Saka zvakakodzera kuti Bhaibheri ritaure kuti: “Mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure.”—Zvirevo 15:28.

Zvisinei, zvakaoma kuti tinyatsofunga tisati tataura, zvikuru kana takashatirwa, tichitya, kana kuti tarwadziwa. Kunyanya kana tichitaura nevomumhuri medu, zviri nyore kuti tipedzisire tava kunakurira vamwe nyoka mhenyu kana kuvatsoropodza. Izvozvo zvinogona kushungurudza vamwe kana kumutsa nharo.

Tingaitei kuti titaurirane zvakanaka? Tingaita sei kuti tisakurirwa neshungu? Mazano anobatsira zvikuru tinoawana kumunyori weBhaibheri Soromoni.

Funga Zvokutaura uye Matauriro Auchazviita

Sezvo Soromoni munyori webhuku reBhaibheri raMuparidzi akanyora mashoko makukutu nezvokusava nematuro kwoupenyu, zviri pachena kuti zvaakanyora zvaimushungurudza. Akati, “Ndakavenga upenyu.” Pane imwe nguva akatotaura kuti “hazvina zvazvinombobatsira!” (Muparidzi 2:17; 12:8) Kunyange zvakadaro, bhuku raMuparidzi haringotauri nezvokuora mwoyo kwaSoromoni. Haana kuona zvakakodzera kuramba ongotaura nezvezvinhu zvisingafadzi. Mubhuku racho, Soromoni anopedzisa achitaura kuti “akatsvaka kuti awane mashoko anofadza uye akatsvaka kunyora mashoko akarurama echokwadi.” (Muparidzi 12:10) Rimwe Bhaibheri rinoti “akaedza kutsanangura zvinhu izvi nenzira yakanakisisa uye yakanyatsorurama.”—Contemporary English Version.

Zviri pachena kuti Soromoni akazviziva kuti aifanira kuramba achidzora shungu dzake. Kutaura zvazviri, akaramba achizvibvunza kuti: ‘Zvandiri kuda kutaura ndezvechokwadi uye zvakarurama here? Kana ndikataura mashoko aya, vamwe vachaafarira uye vachaateerera here?’ Akakwanisa kuita kuti shungu dzake dzisavhiringidza mafungiro ake nokutsvaga “mashoko anofadza” echokwadi.

Zvaakanyora zvaisangova bhuku rounyanzvi chete asiwo dura rouchenjeri hwakafemerwa naMwari pamusoro pezvinorehwa noupenyu. (2 Timoti 3:16, 17) Zvakaitwa naSoromoni pakukurukura nyaya iyi inomutsa hasha zvingatibatsira here pakukurukura zviri nani nevanhu vatinoda? Chimbofunga muenzaniso.

Dzidza Kuzvidzora

Ngatimbotii mukomana anobva kuchikoro ane ripoti rake uye akasuruvara. Baba vake vanotarisa zvidzidzo zviripo voona kuti pane chaakafoira. Baba vacho vanokurumidza kugumbuka, vachiyeuka nguva zhinji mukomana wacho paaiverengera kuita basa rokuchikoro rinoitirwa kumba. Baba vacho vanoita sevachati: “Uri nyope yemwana! Kana ukaramba wakadaro hapana chauchabura muupenyu!”

Pane kuti baba vacho vakundwe nehasha, zvakanaka kuti vazvibvunze kuti, ‘Zvandiri kufunga ndezvechokwadi kana kuti zvakarurama here?’ Mubvunzo uyu uchavabatsira kuona zvinhu sezvazviri. (Zvirevo 17:27) Ichokwadi here kuti mwana uyu haana chaachabura muupenyu nokuti anonetseka nechidzidzo chimwe chete? Inyope here kana kuti ari kungoverengera kuita basa rokuchikoro nokuti pane zvaasiri kunzwisisa? Bhaibheri rinosimbisa rasimbisazve kukosha kwokuti munhu ave anonzwisisa, achiona zvinhu sezvazviri. (Tito 3:2; Jakobho 3:17) Mubereki anofanira kutaura “mashoko akarurama echokwadi” kuti akurudzire mwana wake.

Tsvaka Mashoko Akakodzera

Kana baba vacho vasarudza zvokutaura vangazvibvunza kuti, ‘Ndingazvitaura sei nemashoko achamufadza uye aachateerera?’ Ichokwadi kuti hazvisi nyore kuwana mashoko akakodzera. Asi vabereki vanofanira kuyeuka kuti kazhinji vana vari kuyaruka vanofunga kuti kana uchigona unogona, kana usingagoni haugoni. Vana vangaona kukundikana kamwe chete sokuti ndiwo atova magariro. Kana mubereki akakurirwa nehasha, zvaangataura zvingaita kuti mwana wake azvione seasingabatsiri chinhu. VaKorose 3:21 inoti: “Imi vanababa, musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.”

Mashoko akadai sokuti “unongogara uchi . . . ” kana kuti “haumbofi waka . . . ” kazhinji anowedzeredza zvinhu zvisipo. Kana mubereki akati, “Haumbofi wakabura chinhu,” mwana anonzwa kuti munhu pane vamwe here? Kana mwana akagara achingotukwa, anotanga kuzviona semunhu asina zvaanobatsira muupenyu. Zviri pachena kuti izvozvo hazvingopedzi simba chete asiwo hazvisi zvechokwadi.

Nguva zhinji zviri nani chaizvo kunyanya kutaura zvinhu zvakanaka pane zvinenge zvaitwa. Baba vatambotaura nezvavo vangataura seizvi: “Mwanangu, ndiri kuzviona kuti hausi kufara nokuti pane chidzidzo chawakafoira. Zvisinei, ndinoziva kuti unoshanda nesimba paunopiwa basa rokuchikoro rinoitirwa kumba. Saka ngatimbotaurei nezvechidzidzo chacho, tione kuti ungagadzirisa sei matambudziko aungave uchitarisana nawo.” Kuti vakwanise kubatsira mwana wavo zvakakwana, baba vacho vangabvunza mibvunzo inoita kuti vaone kana paine zvimwe zviri kumunetsa.

Maitiro akadaro okunyatsofunga anobatsira zvikuru pane kungoputika neshungu. Bhaibheri rinotivimbisa kuti, “Mashoko anofadza . . . anotapira kumweya uye anoporesa mapfupa.” (Zvirevo 16:24) Vana, kana kutoti vanhu vose, vanoita zvakanaka mumba mune rugare norudo.

“Pazvizhinji Zviri Mumwoyo”

Ngatidzokerei kumurume uya ataurwa patangira nyaya ino. Zvaisazova nani here kudai atanga atsvaga “mashoko anofadza” echokwadi pane kungopopotera mudzimai wake? Kana zvinhu zvamira saizvozvo, zviri nani kuti murume uyu azvibvunze kuti: ‘Kunyange zvazvo mudzimai wangu achifanira kuita zvinhu achikurumidza, ichokwadi here kuti anongogara achinonoka? Iye zvino ndiyo nguva yakakodzera yokuzvitaura here? Kuita zvehasha uye kumupopotera zvichaita kuti achinje here?’ Kumbomira tichizvibvunza mibvunzo yakadaro kunotibatsira kuti tisangorwadzisa vanhu vatinoda.—Zvirevo 29:11.

Zvisinei, zvakadii kana nguva zhinji kutaurirana kwatinoita mumhuri medu kuchiguma nokuitisana nharo? Tingada kunyatsodzamisa pfungwa, tichiongorora mashoko atinotaura. Zvatinotaura, kunyanya patinenge tagumbuka kana kuti zvinhu zvisina kumira zvakanaka, zvinoratidza zvatiri chaizvo. Nezvomunhu akadaro, Jesu akati: “Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Mateu 12:34) Neimwe nzira, nguva zhinji mashoko edu anoratidza zvatinofunga mumwoyo, zvido zvedu chaizvo uye maonero edu chaiwo.

Tinoona upenyu sezvahuri here, tichitarisira kufamba kwezvinhu uye tiine tariro? Izvozvo zvicharatidzwa nenzwi redu uye nezvinhu zvatichataura nezvazvo. Tinowanzova vanachandagwinyira, vasina tariro, kana kuti vanongoshora here? Kana tichidaro, tingaodza vamwe mwoyo zvichida nezvatinotaura kana nematauriro atinozviita. Tingasaziva kuipa kwaita mafungiro kana matauriro edu. Tingatofunga kuti maonero atinoita zvinhu akarurama. Asi tinofanira kuchenjera kuti tisazvinyengedza.—Zvirevo 14:12.

Tinotenda kuti tine Shoko raMwari. Bhaibheri rinogona kutibatsira kuti tiongorore mafungiro edu uye tione kuti akarurama ndeapi uye anoda kugadziriswa ndeapi. (VaHebheru 4:12; Jakobho 1:25) Pasinei nokuti takaberekwa tiri vanhu vakaita sei kana kuti takarerwa zvakaita sei, tose tinogona kuchinja mafungiro edu nemaitiro kana tichinyatsoda hedu.—VaEfeso 4:23, 24.

Kunze kwokushandisa Bhaibheri, pane zvimwe zvatingaita kuti tiongorore matauriro atinoita nevamwe. Bvunza vamwe. Somuenzaniso, bvunza mudiwa wako kana mwana wako kuti vakuudze chokwadi chezvauri kuita. Taura neshamwari yako yakura inonyatsokuziva. Zvinoda kuti uzvininipise kuti utambire zvavachakuudza uye kuti ugadzirise zvinenge zvichidiwa.

Funga Usati Wataura!

Chokupedzisira kana tichinyatsoda kuti tisarwadzise vamwe nematauriro edu, tinofanira kuita zvinotaurwa pana Zvirevo 16:23 kuti: “Vanhu vakachenjera [kureva kuti vakangwara] vanofunga vasati vataura; zvavanotaura zvinobva zvanyanya kunyengetedza.” (Today’s English Version) Zvingasava nyore nguva dzose kuti tizvidzore. Nepo kana tichida kunzwisisa vamwe pane kuvapa mhosva kana kuvadzikisira, zvichava nyore kuwana mashoko akanaka okutaura.

Chokwadi, tose tinokanganisa. (Jakobho 3:2) Dzimwe nguva tinotaura tisina kufunga. (Zvirevo 12:18) Asi tichibatsirwa neShoko raMwari, tinogona kudzidza kufunga tisati tataura uye totanga tafunga maonero evamwe nezvavanofarira tisati taita zvatinoda. (VaFiripi 2:4) Ngatishingei kutsvaga “mashoko anofadza” echokwadi, kunyanya patinenge tichitaura nemhuri yedu. Ipapo zvatichataura hazvizorwadzisi kana kuputsa vamwe asi zvichanyaradza nokuvaka vaya vatinoda.—VaRoma 14:19.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Ungaita sei kuti usataure zvinhu zvaunozodemba?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe