RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 10/1 pp. 19-22
  • Ungakurira Sei Dambudziko Rokunzwa Usina Zvaunobatsira?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungakurira Sei Dambudziko Rokunzwa Usina Zvaunobatsira?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ziva Kuti Mwari Anokuda
  • Iva Noushamwari Hwepedyo naMwari
  • Ramba Uchifunga Nezvetariro Yechokwadi Iri Mberi
  • Jehovha Anogona Kukubatsira Paunombozvidya Mwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Mirangariro Yakashata—Inogona Sei Kukurirwa?
    Mukai!—1992
  • Jehovha Anokukoshesa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Dambudziko: Manzwiro Asina Kunaka
    Mukai!—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 10/1 pp. 19-22

Ungakurira Sei Dambudziko Rokunzwa Usina Zvaunobatsira?

UNOMBONETSEKA here nokunzwa sokuti hauna zvaunobatsira? Chokwadi ndechokuti hapana asinganzwi saizvozvo. Nguva yatiri inguva yenhamo yezvemari, kurwisana, uye kusabatwa zvakanaka. Ndokusaka vanhu vakawanda vachikurirwa nokusuruvara, kugara vachingonzwa sevane mhosva, uye kunzwa sokuti havana zvavanobatsira.

Manzwiro akadai anogona kuisa upenyu hwedu pangozi. Angaita kuti tisava nechivimbo, tisava nemaonero akanaka, uye tisafara. Bhaibheri rinoti: “Wakaora mwoyo pazuva rokutambudzika here? Simba rako richava shoma.” (Zvirevo 24:10) Tinoda simba kuti tikurire matambudziko omunyika ino. Naizvozvo zvinokosha kuti tisanyanya kukurirwa nokunzwa setisina zvatinobatsira.a

Bhaibheri rine zvarinotaura zvinobatsira chaizvo kuti tisanzwa sokuti hatina zvatinobatsira. Jehovha Mwari, Musiki uye Mupi woupenyu hwose, haadi kuti tikurirwe nokuora mwoyo uye kushaya tariro. (Pisarema 36:9) Saka ngatikurukurei nzira nhatu dzatingabatsirwa nadzo neShoko rake kuti tisaramba tichinzwa sokuti hatina zvatinobatsira.

Ziva Kuti Mwari Anokuda

Vamwe vanhu vanofunga kuti Mwari ane zvakawanda zvokuita zvokuti haangambovi nehanya nemanzwiro avanoita. Ndizvo zvaunofungawo here? Kutaura chokwadi, Bhaibheri rinotivimbisa kuti Musiki wedu ane hanya nemanzwiro atinoita. Munyori wepisarema akati: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.” (Pisarema 34:18) Zvinozorodza chaizvo kuziva kuti Changamire wemasimbaose ari pedyo nesu patinenge tichishungurudzika.

Mwari munhu ane hanya uye anotaurika naye. Bhaibheri rinoti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Anoda vanhu uye anoda kubatsira vaya vanenge vachitambudzika. Somuenzaniso, makore anenge 3 500 apfuura, vaIsraeri pavakanga vari nhapwa kuIjipiti, Jehovha akati: “Chokwadi ndaona kutambudzika kwevanhu vangu vari muIjipiti, uye ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwevaya vanovamanikidza kuti vashande; nokuti ndinonyatsoziva kurwadziwa kwavo. Ndichaburuka kuti ndivanunure.”—Eksodho 3:7, 8.

Mwari anonyatsoziva zvatinonzwa mumwoyo nomupfungwa pakuti “ndiye akatisika, kwete isu pachedu.” (Pisarema 100:3) Saka kunyange tikaona sokuti vamwe vanhu havasi kunyatsotinzwisisa, tinogona kuva nechokwadi chokuti Mwari anotinzwisisa. Shoko raMwari rinoti: “Maonero anoita munhu haasiwo maonero anoita Mwari, nokuti munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.” (1 Samueri 16:7) Mwari anoona kunyange manzwiro atinoita nechomumwoyo.

Chinofadza ndechokuti Jehovha anozivawo zvatinokanganisa uye zvatisingagoni. Asi tinogona kutenda kuti Muiti wedu ane rudo anoregerera. Munyori weBhaibheri akafuridzirwa Dhavhidhi akati: “Sezvinoita baba vanonzwira ngoni vanakomana vavo, Jehovha akanzwira ngoni vaya vanomutya. Nokuti iye anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:13, 14) Mwari haationi zvakaipa semaonero atinombozviita. Anotsvaka zvakanaka osiyana nezvakaipa, chero bedzi tichipfidza zvivi zvedu.—Pisarema 139:1-3, 23, 24.

Saka patinotanga kuzviona sokuti hatibatsiri, tinofanira kushanda nesimba chaizvo kuti tirwise mafungiro iwayo. Tinofanira kuyeuka maonerwo atinoitwa naMwari.—1 Johani 3:20.

Iva Noushamwari Hwepedyo naMwari

Zvakanakirei kuzviona semaonerwo atinoitwa naMwari? Tichaona zviri nyore kuti titore danho rinotevera rokukurira mafungiro okuzviona sokuti hatibatsiri, tobva tava neushamwari hwepedyo naMwari. Zvinonyatsoita here izvozvo?

Sababa vane rudo, Jehovha Mwari anoda chaizvo kutibatsira kuti tive noushamwari hwepedyo naye. Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Chimboona chokwadi ichi chinoshamisa: Pasinei nokuti hatina simba uye tinotadza sezvatiri izvi, tinogona kuva neushamwari hwepedyo naChangamire wezvakasikwa zvose.

Mwari akazviratidza muBhaibheri kuitira kuti tigogona kuziva kuti munhu. Patinoverenga Bhaibheri nguva dzose, tinogona kudzidza nezveunhu hwake hwakanaka.b Patinofungisisa nezvezivo iyoyo, tichanyatsonzwa tiri pedyo naJehovha. Tichanyatsoona zvaari chaizvo, kureva kuti kuva kwake Baba vane rudo uye vanonzwira tsitsi.

Kufungisisa zvakadzama zvatinoverenga muBhaibheri kune zvimwe zvakunotibatsira. Tinobva taswedera pedyo naBaba vedu vokudenga kana tikaita kuti mafungiro aMwari anyatsodzika mupfungwa uye mumwoyo, toita kuti atigadzirise, atinyaradze uye atitungamirire. Paya patinenge tichinetseka mupfungwa tichizviona sokuti hatibatsiri ndipo patinofanira kunyanya kufunga maonero aMwari. Munyori wepisarema akati: “Zvandakanga ndichizvidya mwoyo, imi makandidekadza nokundipa tariro.” (Pisarema 94:19, Bhaibheri Rinoyera.) Shoko raMwari rinogona kutinyaradza chaizvo. Kana tikazvininipisa tobvuma mashoko ake echokwadi, pfungwa dzokuzviona sokuti hatibatsiri dzinogona kupera zvishoma nezvishoma dzotsiviwa nokunyaradzwa uye rugare runongopiwa naMwari chete. Saka Jehovha anotinyaradza sezvinoita mubereki ane rudo anenge achinyaradza mwana wake asiri kufara kana kuti akuvara.

Chimwe chingaita kuti tive shamwari yaMwari kutaura naye nguva dzose. Bhaibheri rinotivimbisa kuti “zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, [Mwari] anotinzwa.” (1 Johani 5:14) Tinogona kunyengetera kuna Mwari kuti atibatsire pasinei nokuti chii chatinotya kana kuti zvii zviri kutishungurudza. Kana tikaudza Mwari zviri pasi pemwoyo wedu tinogona kugadzikana mupfungwa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7.

Kana ukaramba uchiverenga Bhaibheri, uchifungisisa, uye uchinyengetera uri woga, zvechokwadi uchaona kuti unenge uchiva neukama hwakasimba naBaba vako vokudenga. Ukama ihwohwo chombo chakasimba chaizvo chokurwisa mafungiro okuzviona sokuti haubatsiri. Chiizve chingakubatsira?

Ramba Uchifunga Nezvetariro Yechokwadi Iri Mberi

Kunyange zvinhu zvakaoma zvokuoma zviya, tinogona kuita kuti pfungwa dzedu dzirambe dzichifunga zvinhu zvakanaka. Tingazviita sei? Mwari anotipa tariro yechokwadi yeramangwana. Muapostora Petro akataura nezvetariro iyi yakanaka achiti: ‘Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvakapikirwa naMwari, uye kururama kuchagara mazviri.’ (2 Petro 3:13) Izvozvo zvinorevei?

Mashoko okuti “matenga matsva” anoreva hurumende, Umambo hwaMwari hunotungamirirwa naJesu Kristu. “Nyika itsva” zvinoreva boka revanhu vanodiwa naMwari rinenge riri pasi pano. Panenge pachitonga “matenga matsva,” vanhu vanenge vari pasi pano vachasunungurwa pazvinhu zvose zvinoita kuti munhu azvione seasingabatsiri. Bhaibheri rinotivimbisa nezvevanhu vakatendeka vanenge vachirarama panguva iyoyo kuti, Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.”—Zvakazarurwa 21:4.

Zviri pachena kuti unobvumawo kuti mashoko aya anofadza uye anokurudzira. Ndosaka Bhaibheri richitaura nezvemakomborero ayo Mwari achapa vaKristu vechokwadi richiti ‘itariro inofadza.’ (Tito 2:13) Kana tikaita kuti pfungwa dzedu dzifunge nezvezvinovimbiswa naMwari kuvanhu, uye nezvezvikonzero zvinoita kuti vimbiso idzodzo dzive dzechokwadi uye dzakavimbika, zvichaita kuti tikandire kure pfungwa dzokuzviona sokunge tisingabatsiri.—VaFiripi 4:8.

Bhaibheri rinofananidza tariro yedu yoruponeso nengowani. (1 VaTesaronika 5:8) Kare zvakanga zvisingaiti kuti musoja aende kuhondo asina ngowani. Aiziva kuti ngowani yaizomudzivirira pamiseve yaipotserwa uye kurwadziwa kwacho kwaizova kushoma. Ngowani inodzivirira musoro, ndizvowo zvinoita tariro, inodzivirira pfungwa. Kuita kuti pfungwa dzedu dzigare dzichifunga nezvetariro kunogona kutibatsira kuti tisazvione sokuti hatibatsiri uye tisatya.

Saka zvinoita kuti tikurire pfungwa yokuzviona sokunge tisingabatsiri. Newewo unogona kukunda dambudziko racho! Funga kuti Mwari anokuona sei, swedera pedyo naye, uye ita kuti tariro yako ive pane ramangwana. Ukadaro unogona kuva nechokwadi chokuzoona musi uchapera zvachose pfungwa dzokuzviona sokunge usingabatsiri.—Pisarema 37:29.

[Mashoko Omuzasi]

a Vaya vava nenguva vaine chirwere chokuora mwoyo chinonzi depression vangafanira kuona chiremba.—Mateu 9:12.

b Nharireyomurindi yaAugust 1, 2009 ine purogiramu inonyatsoshanda yekuverenga Bhaibheri.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

“Ndinonyatsoziva kurwadziwa kwavo.”​—EKSODHO 3:7, 8

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]

“Zvandakanga ndichizvidya mwoyo, imi makandidekadza nokundipa mufaro.”​—PISAREMA 94:19, BHAIBHERI RINOYERA

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]

“Rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga.”​—VAFIRIPI 4:7

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 20, 21]

Magwaro Anonyaradza Anotaura NezvaJehovha Mwari

“Jehovha, Mwari ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo, nechokwadi.”—EKSODHO 34:6.

“Maziso ake anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.”—2 MAKORONIKE 16:9.

“Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.”—PISAREMA 34:18.

“Haiwa Jehovha, . . . imi makanaka uye makagadzirira kukanganwira.”—PISAREMA 86:5.

“Jehovha akanaka kune vose, ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.”—PISAREMA 145:9.

“Ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi, ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’”—ISAYA 41:13.

“Ngaarumbidzwe . . . Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose.”—2 VAKORINDE 1:3.

“Tichaita kuti mwoyo yedu ive nechokwadi pamberi pake pamusoro pezvinhu zvose izvo mwoyo yedu ingatipa mhosva mazviri, nokuti Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.”—1 JOHANI 3:19, 20.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]

Vari Kukunda Dambudziko Rokunzwa Vasingabatsiri

“Baba vangu chidhakwa, uye zvavaiita zvaindirwadza chaizvo. Kwenguva yakareba ndainzwa sendisingabatsiri. Asi pandakabvuma kudzidza Bhaibheri nemumwe weZvapupu zvaJehovha, ndakadzidza nezvevimbiso yokurarama nokusingaperi pasi pano. Tariro iyi yakazadza pfungwa nemwoyo wangu nomufaro. Ndakabva ndatanga kuva netsika yokuverenga Bhaibheri. Ndinogara neBhaibheri pedyo. Pfungwa dzokuzviona sendisingabatsiri padzinombondikurira, ndinobva ndaritora ndoverenga magwaro anonyaradza. Kuverenga nezveunhu hwaMwari hwakanaka kunoita kuti ndione kuti ndinokosha pamberi pake.”—Kátia, mukadzi ane makore 33.c

“Ndakanga ndakapindwa muropa nedoro, mbanje, cocaine, uye ndaisvuta guruu nemumhino. Ndakapedzisira ndava kupemha nokuti ndakanga ndasara ndiri musvuuganda. Asi pandakabvuma kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ndakachinja zvachose mararamiro andaiita. Ndakasvika pakuona Mwari somunhu chaiye. Kunyange hazvo ndichiri kumborwisana nepfungwa dzokuzvipa mhosva uye kuzviona sendisingabatsiri, ndakadzidza kuvimba naMwari uyo ane tsitsi nomutsa une rudo. Ndine chokwadi chokuti Mwari acharamba achindipa simba rokuti ndikunde pfungwa dzokuzviona sendisingabatsiri. Hapana chinhu chakanaka kupfuura kuziva chokwadi chiri muBhaibheri kwandakaita.”—Renato, murume ane makore 37.

“Kubva ndichiri muduku ndaigara ndichizvienzanisa nabhudhi vangu. Ndaiona vari nani kundipfuura pane zvose. Nanhasi ndinongoona sokuti hapana chandinogona. Asi ndiri kurwisa chaizvo dambudziko iri. Ndinonyengetera nguva dzose kuna Jehovha, uye anondibatsira kuti ndikurire pfungwa yokuzviona sendisina zvandinogona. Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Mwari anondida zvechokwadi uye ane hanya neni!”—Roberta, mukadzi ane makore 45.

[Mashoko Omuzasi]

c Mamwe mazita akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe