Mibvunzo Mina Yezvokuguma Inopindurwa
JESU KRISTU akagara ataura kuti pane rimwe zuva mune ramangwana, ‘mugumo waizouya.’ Achirondedzera nguva iyoyo akati: “Panguva iyoyo pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.”—Mateu 24:14, 21.
Mashoko akataurwa naJesu nezvokuguma, pamwe nedzimwewo ndima dziri muBhaibheri dzinotaura nezvenyaya iyi, dzinoita kuti pave nemibvunzo yakati wandei inokosha. Wadii kuvhura Bhaibheri rako woverenga mapinduriro arinoita mibvunzo iyoyo?
1 Chii Chichaguma?
Bhaibheri haridzidzisi kuti nyika iyi yatinoziva ndiyo ichaparadzwa. Munyori wepisarema akati: “[Mwari] akavaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji; haizozununguswi nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.” (Pisarema 104:5) Uyezve Bhaibheri haridzidzisi kuti zvipenyu zvose zviri munyika zvichatsakatiswa nemoto. (Isaya 45:18) Jesu pachake akataura mashoko anoratidza kuti pane vamwe vanhu vachazopona pamugumo. (Mateu 24:21, 22) Saka Bhaibheri rinoti chii chichaguma?
Hurumende dzevanhu dziri kutadza basa ndidzo dzichaguma. Mwari akafuridzira muprofita Dhanieri kunyora kuti: “Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”—Dhanieri 2:44.
Hondo uye kuparadza pasi zvichaguma. Pisarema 46:9 inorondedzera zvichaitwa naMwari ichiti: “Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika. Anotyora uta uye anogura-gura pfumo; anopisa ngoro nomoto.” Bhaibheri rinodzidzisawo kuti Mwari achaparadza “vaya vanoparadza nyika.”—Zvakazarurwa 11:18.
Utsotsi uye kuita zvakaipa zvichaguma. Shoko raMwari rinovimbisa kuti: “Vakarurama ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.”a—Zvirevo 2:21, 22.
2 Mugumo Uchauya Rini?
Jehovha Mwari akagadza “nguva yakatarwa” yokuti agumise zvakaipa uye yokugadza hurumende yoUmambo hwake. (Mako 13:33) Asi Bhaibheri rinoratidza zviri pachena kuti hatikwanisi kunyatsoziva musi chaiwo uchauya mugumo. Jesu akati: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mateu 24:36) Asi Jesu nevadzidzi vake vakagara vataura zvaizenge zvakaita mamiriro ezvinhu pasi pano kana kwangosara nguva pfupi kuti Mwari aunze mugumo. Mugumo unenge wasvika kana zviitiko zvose zvinotevera zvava kuitika panguva imwe chete uye munyika dzakawanda pasi rose.
Kuchinja kwezvematongerwo enyika, kwezvakatipoteredza uye kwemagariro evanhu kuri kuitika zvanga zvisingambotarisirwi. Jesu paaipindura mibvunzo yevadzidzi vake yezvokuguma, akati: “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo, kuchava nokudengenyeka kwenyika munzvimbo nenzvimbo, kuchava nokushomeka kwezvokudya. Izvi zvichava kutanga kwemarwadzo enhamo.” (Mako 13:8) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.”—2 Timoti 3:1-5.
Basa rokuparidza riri kuitwa pasi rose mumitauro yakasiyana-siyana. Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”—Mateu 24:14.
3 Kana Kuparadza Kwapera Chii Chichazoitika?
Bhaibheri haridzidzisi kuti vanhu vose vakanaka vachatorwa panyika pano vonogara vachifara nokusingaperi kudenga. Asi Jesu akadzidzisa kuti chinangwa chaMwari chokutanga nokuda kwevanhu chichazadzika. “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika,” akadaro Jesu. (Mateu 5:5; 6:9, 10) Jesu anovimbisa vaya vanofa mugumo usati wauya kuti vachazomutswa. (Jobho 14:14, 15; Johani 5:28, 29) Kana kuparadza kwapera chii chichazoitika?
Jesu achatonga saMambo woUmambo hwaMwari ari kudenga. “Ndakaramba ndakatarira pane zvandakaratidzwa usiku,” akanyora kudaro muprofita Dhanieri, “ndikaona nechekoko! mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu [Jesu akanga amutswa] achiuya aine makore okumatenga; akasvika kune Akakwegura Pamazuva [Jehovha Mwari], uye vakamuswededza pamberi pake. [Jesu] akapiwa ushe nokukudzwa noumambo, kuti vanhu, mapoka emarudzi nemitauro vamushumire vose. Ushe hwake ushe hunogara nokusingagumi, husingazopfuuri, uye umambo hwake ndohuya husingazoparadzwi.”—Dhanieri 7:13, 14; Ruka 1:31, 32; Johani 3:13-16.
Vachatongwa noUmambo hwaMwari vachava noutano hwakakwana, runyararo rusingagumi, uye upenyu husingaperi. “Vachavaka dzimba vogaramo,” akanyora kudaro muprofita Isaya. “Vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya.” (Isaya 65:21-23) Muapostora Johani akanyora nezvenguva iyoyo achiti: “Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
4 Chii Chaungaita Kuti Upone Pachaparadzwa Nyika?
Muapostora Petro akabvuma kuti vamwe vaizenge vachirarama panguva yokuguma vaizoseka pfungwa yokuti Mwari achazopindira zviri kuitwa nevanhu ogumisa zvakaipa panyika. (2 Petro 3:3, 4) Kunyange zvakadaro, Petro akakurudzira vaya vaizorarama mazuva ano kuti vaite zvinotevera.
Dzidza pane zvakaitika kare. Mwari “haanawo kurega kuranga nyika yekare, asi akachengeta Noa, muparidzi wokururama, akachengeteka nevamwe vanomwe paakaunza mafashamo panyika yevanhu vakanga vasingadi Mwari,” akanyora kudaro Petro. (2 Petro 2:5) Achitaura nezvevaya vaizoseka, Petro akati: “Maererano nezvavanoda, vanokundikana kuziva chinhu ichi, kuti kubvira kare kwaiva nematenga uye nyika yakanga yakabatana isiri mumvura uye iri pakati pemvura, zvaitwa neshoko raMwari; uye nezvinhu izvozvo nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura. Asi neshoko iroro matenga nenyikab zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto uye zviri kuchengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 3:5-7.
Rarama zvinoenderana netsika dzinodiwa naMwari. Vaya vanoda kupona pachasvika mugumo vachaita “mabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari,” akanyora kudaro Petro. (2 Petro 3:11) Cherechedza kuti Petro ari kusimbisa “mabasa matsvene omufambiro” uye “mabasa okuzvipira kuna Mwari.” Saka hazvingorevi kutaura kuti une kutenda, kana kuti kuzoedza kumhanya-mhanya nguva yapera uchida kugadzirisa ukama hwako naMwari.
Mabasa api anogamuchirwa naMwari? Wadii kuenzanisa zvaunoziva nezvinodzidziswa neBhaibheri panyaya iyi? Zvapupu zvaJehovha zvingafara kukubatsira. Vakumbire kuti vakuratidze pavanotora mhinduro dzavo muBhaibheri rako. Kana ukadaro zvingakubatsira kuti uve noushingi nechivimbo pakutarisana neramangwana, pasinei nezvingaita kuti titye mazuva ano.
[Mashoko Omuzasi]
a Onawo nyaya inoti “Vanhu Vose Vane Mukana Wokuziva Mwari Here?” iri papeji 22 yemagazini ino.
b Pano Petro ari kutaura nezvenyika achiita zvokufananidzira. Munyori weBhaibheri Mosesi akataurawo nezvenyika achiita zvokufananidzira. Akanyora kuti: “Nyika yose yakaramba iine mutauro mumwe chete.” (Genesisi 11:1) Sezvo nyika chaiyo isingatauri “mutauro mumwe chete,” nyika yatinoziva iyi haisiyo ichaparadzwa. Asi sematauriro akaita Petro, vanhu vasingadi Mwari ndivo vachaparadzwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
Nyika yaisi kuzoguma, asi vaya vanoiparadza ndivo vachaguma