Rwiyo 65
“Iyi Ndiyo Nzira”
1. Nzira yorugare
Yawava kuziva,
Ndoyawakadzidza,
Ndeyekare kare.
Wakaidzidza wanzwa
Inzwi raJesu.
Nzira yorugare,
YeShoko raMwari.
(KORASI)
Heyi Nzira yoenda kuupenyu!
Usambotsauka kwekanguva!
Mwari ati: ‘Ndiyoyi Nzira;
Usacheuka, Ndiyoyi nzira.’
2. Inzira yorudo,
Usatsvaka imwe.
Yabva kuna Mwari
Kuti timuwane.
Anotida kwazvo,
Anoda chokwadi.
Inzira yorudo
Tinoitevera.
(KORASI)
Heyi Nzira yoenda kuupenyu!
Usambotsauka kwekanguva!
Mwari ati: ‘Ndiyoyi Nzira;
Usacheuka, Ndiyoyi nzira.’
3. Nzira youpenyu
Usamboisiya.
Jehovha akavi-
mbisa: ndiyo yoga,
Nzira yorugare
Uyewo yorudo.
Inzira youpe-
nyu; totenda Mwari.
(KORASI)
Heyi Nzira yoenda kuupenyu!
Usambotsauka kwekanguva!
Mwari ati: ‘Ndiyoyi Nzira;
Usacheuka, Ndiyoyi nzira.’
(Onawo Pis. 32:8; 139:24; Zvir. 6:23.)