Rwiyo 24
Ramba Wakatarira Mubayiro!
Rakaprindwa
1. Pachasvinudzwa mapofu,
Nzeve dzematsi dzonzwazve,
Mugwenga muchitumbuka,
Mvura ichiyereramo,
Zvirema zvova senondo,
Hama dzisingachazofi,
Uchaona zvichiitika,
Ukamirira m’bairo.
2. Pachataura mbeveve,
Vakura vova vaduku,
Pasi pobereka kwazvo,
Pozara nezvakanaka;
Vana voimbawo kwose,
Mufaro, rugare kwose,
Uchazoona rumuko,
Ukamirira m’bairo.
3. Mhumhi nehwayana pamwe,
Mabheya nemhuru pamwe,
Kakomana kozvifudza,
Zvoterera inzwi rako.
Misodzi painobviswa,
Kutya, marwadzo zvopera,
Uchazozviona zvose
Ukamirira m’bairo.
(Onawo Isa. 11:6-9; 35:5-7; Joh. 11:24.)