Nyandurira Kuda Namabasa Akaisvonaka—Sei?
“Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kuda namabasa akaisvonaka, . . . tichikurudzirana, uye zvikuru kwazvo sezvamunoona zuva richiswedera pedyo.”—VAHEBHERU 10:24, 25, NW.
1, 2. (a) Neiko kwakanga kuchikosha kuti vaKristu vapakuvamba vawane nyaradzo nekurudziro mukusangana kwavo pamwe chete? (b) Izanoi raPauro rakataura dikanwo yokuungana pamwe chete?
VAKASANGANA pakavanda, vakaungana seri kwamasuo akakiyiwa. Kunze, ngozi yaiva yakavahwandira kwose kwose. Mutungamiriri wavo, Jesu, akanga achangobva kuurawa pachena, uye akanga anyevera vateveri vake kuti vaisazobatwa zviri nani nezvaakanga aitwa. (Johane 15:20; 20:19) Asi sezvavakataura namazwi akaderera nezvaJesu wavo anodiwa, kuva pamwe chete kunofanira kuva kwakavaita kuti vanzwe vakati kotsekanei zvikuru.
2 Sezvo makore akapfuura, vaKristu vakatarisana nomutoo wose wemiedzo nechitambudzo. Savadzidzi ivavo vokutanga, vakawana nyaradzo nekurudziro mukusangana pamwe chete. Nokudaro, muapostora Pauro akanyora pana VaHebheru 10:24, 25, NW, kuti: “Ngatirangarirane kuti tinyandure kuda namabasa akaisvonaka, tisingaregi kuungana kwedu pamwe chete, setsika yavamwe, asi tichikurudzirana, uye zvikuru kwazvo sezvamunoona zuva richiswedera pedyo.”
3. Neiko ungataura kuti VaHebheru 10:24, 25 inopfuura unongova murayiro zvawo wokuti vaKristu vaungane pamwe chete?
3 Mashoko iwayo anopfuura zvikuru murayiro wokuti tipfuurire kuungana pamwe chete. Anopa mupimo wakafuridzirwa nenzira youmwari nokuda kwemisangano yose yechiKristu—uye chaizvoizvo, nokuda kwenhambo ipi neipi apo vaKristu vanosonganira pamwe chete. Nhasi kupfuura nakare kose, apo tinoona zvakajeka zuva raJehovha richiswedera pedyo, dzvinyiriro nengozi zvetsika ino yakaipa zvinokuita kuve kuri madikanwa kuti misangano yedu ive yakafanana nenzvimbo yakakotsekana, manyuko esimba nekurudziro nokuda kwavose. Chii chatinogona kuita kuva nechokwadi naikoku? Eya, ngatisanonzverei mashoko aPauro, tichibvunza mibvunzo mikuru mitatu: Kunorevei kuti “tirangarirane”? Kunorevei kuti ti‘nyandurirane kuda namabasa akaisvonaka’? Pakupedzisira, tinogona sei ‘kukurudzirana’ mune dzino nguva dzakaoma?
“Tirangarirane”
4. “Kurangarirana” kunorevei?
4 Apo Pauro akakurudzira vaKristu kuti va“rangarirane,” akashandisa chiito chechiGiriki ka·ta·no·eʹo, chimiro chikuru cheshoko rinozivikanwa rokuti “kunzwisisa.” Theological Dictionary of the New Testament rinotaura kuti rinoreva “kunangidzira ndangariro yose yomunhu kuchinhu.” Maererano naW. E. Vine, kunogonawo kureva “kunzwisisa zvizere, kusanorangarira.” Naizvozvo apo vaKristu vano“rangariran[a],” havasati vachinzwisisa nechapamusoro bedzi asi vanoshandisa mano avo ose endangariro ndokuedza kuva nenzwisiso yakadzama zvikuru.—VaHebheru 3:1.
5. Mamwe mativi api omunhu ayo angasacherekedzwa, uye nei tichifanira kurangarira iwaya?
5 Tinofanira kuyeuka kuti pane zvakawanda zvikuru kune zviri munhu kupfuura zvingaziviswa nechitarisiko chapamusoro pakuoneka kwake, mabasa, kana kuti unhu. (1 Samueri 16:7) Chitarisiko chokunze chounyoro chinowanzovanza zvikuru mirangariro mikuru kana kuti mufungo unofadza wokusetsa. Ipapowo migariro yekare inosiyana zvikuru. Vamwe vakapfuura nomumiedzo inotyisa muupenyu hwavo; vamwe vari kutsungirira mamiriro ezvinhu zvino chaiye ayo ataizoona kwakaoma kufungidzira. Kunowanzoitika sei kuti kushatiriswa kwedu pakatsika kakati kari muhama kana kuti hanzvadzi kunonyangarika apo tinodzidza zvakawanda pamusoro pomugariro wekare womunhu iyeyo kana kuti mamiriro ezvinhu.—Zvirevo 19:11.
6. Ndedzipi dzimwe nzira madziri tinogona kusvika pakuzivana zviri nani, uye ndichakanakai chingava mugumisiro?
6 Chokwadika, ikoku hakurevi kuti tisina kukokwa tinofanira kuda kusanoziva zvinhu zvomunhu mumwe nomumwe zvomunhu oga. (1 VaTesaronika 4:11) Zvisinei, tinogona zvirokwazvo kuratidza fariro yomunhu oga mune mumwe nomumwe. Ikoku kunobatanidza zvinopfuura kwazisowo zvayo paHoro yoUmambo. Huregererei kusarudza mumwe munhu waungada kuziva zviri nani ndokuvavarira maminiti mashomanene ekurukurirano musangano usati watanga kana kuti pashure? Zvinotova nani, “itira[i] vaeni rudo” nokukoka shamwari imwe kana kuti mbiri kumusha wako nokuda kwezvokudya zvakapfava. (VaRoma 12:13) Ratidza fariro. Teerera. Kungobvunza chete kuti mumwe munhu akasvika sei pakuziva nokuda Jehovha kungazivisa zvakawanda. Ungadzidza zvakatowanda, kunyanguvezvo, kupfurikidza nokushanda pamwe chete muushumiri hwapaimba neimba. Kurangarirana munzira dzakadaro kuchatibetsera kutanga kunzwirana ngoni kwechokwadi, kana kuti tsitsi.—VaFiripi 2:4; 1 Petro 3:8.
‘Nyanduriranai’
7. (a) Kudzidzisa kwaJesu kwakatapura sei vanhu? (b) Chii chakaita kuti kudzidzisa kwake kuve nesimba kwazvo?
7 Apo tinorangarirana, takagadzirira zviri nani kunyandurirana, kukurudzirana kuchiito. Vakuru vechiKristu zvikurukuru vanoita basa rinokosha muna ikoku. Nezvenguva apo Jesu akataura pachena, tinorava, kuti: “Vanhu vazhinji vakashamiswa nokudzidzisa kwake.” (Mateo 7:28) Pane imwe nhambo kunyange varwi vakatumwa kunomusunga vakadzoka vachiti: “Hakuna munhu wakatongotaura nokutaura kwomunhu uyo.” (Johane 7:46) Chii chakaita kuti kudzidzisa kwaJesu kuve kune simba kwazvo? Kuratidzirwa kwemirangariro here? Aiwa; Jesu akataura nechiremera. Bva, nguva dzose aivavarira kusvika mwoyo yavateereri vake. Nemhaka yokuti akarangarira vanhu, aiziva chaizvo nzira yokuvanyandura nayo. Akashandisa mienzaniso yakajeka, yakapfava iyo yakaratidzira uchokwadi hwoupenyu hwezuva riri rose. (Mateo 13:34) Nenzira yakafanana, avo vanoita migove pamisangano yedu vanofanira kutevedzera Jesu kupfurikidza nokupa hurukuro dzoushamwari, dzine mbavarira idzo dzinonyandura. SaJesu, tinogona kuzvishandisa timene kukuwana mienzaniso inokodzera vateereri vedu ndokusvika mwoyo yavo.
8. Jesu akanyandura sei nomuenzaniso, uye tingamutevedzera sei muna ikoku?
8 Mukubatira Mwari wedu, tose zvedu tinganyandurirana nomuenzaniso. Jesu zvirokwazvo akanyandura vateereri vake. Iye aida basa roushumiri hwechiKristu uye akakudza ushumiri. Iye akati hwakanga hwakafanana nezvokudya kwaari. (Johane 4:34; VaRoma 11:13) Mbavarira yakadaro inogona kutapukira. Unogona here nenzira yakafanana kurega mufaro wako muushumiri uchiva pachena? Nepo nokungwarira uchidzivisa kutaura kwokuganza, goverana zvakaitika zvako zvakanaka navamwe vari muungano. Apo unokoka vamwe kuti vashande newe, ona kana uchigona kuvabetsera kuwana mufaro wechokwadi mukutaura kuna vamwe pamusoro poMusiki wedu Mukuru, Jehovha.—Zvirevo 25:25.
9. (a) Ndeipi iri mimwe mitoo yokunyandura nayo vamwe iyo tingada kudzivisa, uye neiko? (b) Chii chinofanira kutisunda kuzvipa timene mubasa raJehovha?
9 Ngwarira, kunyange zvazvo, kusanyandurira vamwe munzira yakaipa. Somuenzaniso, nokusangwarira tingavaita kuti vanzwe vane mhaka pamusoro pokusaita zvakawanda. Nenzira isiri yamaune tingavanyadzisa kupfurikidza nokuvaenzanisa zvakaipa navamwe vanoshingaira zvinooneka zvikuru, kana kuti tingatogadza mipimo yorumano ndokuzvidza avo vasina mano akaenzana. Ipi neipi yeiyi mitoo ingasundira vamwe kuchiito chechinguvana, asi Pauro haana kunyora, kuti, ‘Nyanduriranai kukuva nemhaka namabasa akaisvonaka.’ Aiwa, tinofanira kunyandurira kuda, ipapo mabasa achatevera achibva muvavariro yakanaka. Hapana anofanira kusundwa zvikurukuru nokurangarirwa kweizvo vamwe vari muungano vachafunga pamusoro pake kana asinganyotsosvitsa zvinokarirwa.—Enzanisa na 2 VaKorinte 9:6, 7.
10. Neiko tichifanira kuyeuka kuti hatisi vatenzi pakutenda kwavamwe?
10 Kunyandurirana hakurevi kudzorana. Nokuda kwechiremera chake chose chakapiwa naMwari, Muapostora Pauro nokuzvininipisa akayeuchidza ungano yeKorinte, kuti: ‘Hatisi vatenzi pakutenda kwenyu.’ (2 VaKorinte 1:24) Kana saiye nokuzvininipisa tikaziva kuti harisi basa redu kusarudza kuti vamwe vanofanira kuita zvakawanda sei mubasa kuna Jehovha, kana kuti kudzora hana dzavo nokuda kwavo muzvimwe zvisarudzo zvomunhu oga, tichadzivisa kuva va“kaisvorurama,” vasina mufaro, vane rumano, vakaipa, kana kuti vanoda kutonga. (Muparidzi 7:16) Mavara akadaro haanyanduri; anodzvinyirira.
11. Chii chakasunda kupiwa kwemipiro mumazuva okuvakwa kwetabhernakeri yaIsraeri, uye ikoko kungava kwechokwadi sei muzuva redu?
11 Tinoda kuti nhamburiko dzose mubasa raJehovha dziitwe mumudzimu mumwe chetewo somuna Israeri wakare apo mipiro yaidikanwa nokuda kwokuvakwa kwetabhernakeri. Eksodho 35:21, NW inorava, kuti: “Ipapo vakauya, munhu ari wose ane mwoyo wakamusunda, uye ivo vakaunza, munhu ari wose ane mudzimu wakamunyandura, chipo chaJehovha nokuda kwebasa.” Ivo havana kusundwa kubva kunze asi vakasundwa kubva mukati, kubva mumwoyo. Kutaura idi, chiHebheru pano chinorava chaizvoizvo kuti “munhu ari wose ane mwoyo wakamusimudza” akaita zvipo zvakadaro. (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Kupfuurirazve, ngativavarirei kusimudzana mwoyo nguva ipi neipi tinenge tiri pamwe chete. Mudzimu waJehovha unogona kuita zvose zvasara.
‘Kurudziranai’
12. (a) Ndedzipi dziri dzimwe revo dzeshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kurudzira”? (b) Shamwari dzaJobho dzakakundikana sei kumukurudzira? (c) Neiko tichifanira kurega kutongana?
12 Apo Pauro akanyora kuti tinofanira ‘kukurudzirana,’ akashandisa chimiro cheshoko rechiGiriki rokuti pa·ra·ka·leʹo, iro rinogona kurevawo ‘kusimbisa, kunyaradza.’ Mushanduro yeSeptuagint yechiGiriki, shoko rimwe cheteri rakashandiswa pana Jobho 29:25, apo Jobho akarondedzerwa somunhu uyo anonyaradza vanochema. Nenzira yokutsvinya, apo Jobho amene akanga ari mumuedzo wakakomba, haana kuwana kurudziro yakadaro. “Vanyaradzi” vake vatatu vakanga vakabatikana kwazvo vachimutonga nokumutsiura zvokuti vakakundikana kumunzwisisa kana kuti kumunzwira tsitsi. Kutaura idi, mukutaura kwose kwavakaita, hapana kana kamwe kavakadana Jobho nezita. (Enzanisa naJobho 33:1, 31.) Sezviri pachena vaimurangarira zvikuru sechinetso kupfuura somunhu. Hakushamisi kuti Jobho akashevedzera kwavari mukuvhiringidzwa, kuti: “Kana mweya yenyu yaiva panzvimbo yomweya wangu”! (Jobho 16:4) Nenzira yakafanana nhasi, kana uchida kukurudzira mumwe munhu, nzwira tsitsi! Usatonga. Sezvinotaura VaRoma 14:4, “ndiwe aniko unopa muranda womumwe munhu mhosva? Iye unomira kana unowa pamberi paShe wake. Uchamiswa hake, nokuti Ishe une simba rokumumisa.”
13, 14. (a) Tinodikanirwa kupwisa hama dzedu nehanzvadzi nezvezvokwadii huru kuitira kuti tivanyaradze? (b) Dhanieri akasimbiswa sei nengirozi?
13 Chimiro chapa·ra·ka·leʹo nechisazitasingwi charo chinowirirana zvinoshandurwa kuti “kunyaradza” pana 2 VaTesaronika 2:16, 17, “Zvino, Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, Baba vedu, vakatida, vakatipa nenyasha dzavo [kunyaradza, NW] kusingaperi netariro yakanaka, ngava[nyaradze, NW] mwoyo yenyu, vakusimbisei pamabasa ose namashoko ose akanaka.” Cherekedza kuti Pauro anokochekedzanisa mufungo wokunyaradzwa kwemwoyo yedu nezvokwadi huru yokuti Jehovha anotida. Naizvozvo tingakurudzirana nokunyaradzana kupfurikidza nokusimbisa zvokwadi iyoyo inokosha.
14 Pane imwe nhambo muporofita Dhanieri akavhiringidzwa kwazvo pashure pokuona chiono chinotyisa zvokuti akati: “Ndikapererwa nesimba; nokuti kunaka kwechiso changu kwakashanduka kuipa mukati mangu, ndikasazova nesimba.” Jehovha akatuma ngirozi iyo yakayeuchidza Dhanieri kanoverengeka kuti akanga achi“dikanwa kwazvo” mumeso aMwari. Chii chakava mugumisiro wacho? Dhanieri akaudza ngirozi yacho, kuti: “Makandisimbisa.”—Dhanieri 10:8, 11, 19.
15. Vakuru navatariri vanofambira vanofanira kudzikamisa sei rumbidzo nokururamisa?
15 Pano, ipapo, pane imwe nzira yokukurudzira nayo vamwe. Varumbidze! Kuri nyore zvikuru kuva nomudzimu wokutsoropodza, wehasha. Sezvinobvumwa, pane nguva apo kururamisa kungava kuri madikanwa, zvikurukuru navakuru uye vatariri vanofambira. Asi kwaizova kwebetsero kana vakayeukwa nokuda kwekurudziro yavo youshamwari panzvimbo pokuda kwokuva nechimiro chendangariro chokuwanira mhaka.
16. (a) Pakukurudzira vakaora mwoyo, neiko kusingawanzova kwakakwana kungovakurudzira kuita zvakawanda mubasa raJehovha? (b) Jehovha akabetsera sei Eria apo aiva akaora mwoyo?
16 Zvikurukuru avo vakaora mwoyo vanoda kurudziro, uye Jehovha anotikarira savaKristu biyavo kuva manyuko ebetsero— zvikurukuru kana tiri vakuru. (Zvirevo 21:13) Chii chatinogona kuita? Mhinduro ingasava yakapfava kwazvo sokuvaudza kuita zvakawanda mubasa raJehovha. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti ikoko kungareva kuti kuora mwoyo kwavo kuri kuparirwa nokusaita kwavo zvakakwana. Ikoku hakusati kuchiwanzova mamiriro ezvinhu. Muporofita Eria akambova akaora mwoyo kwazvo zvokuti aida kufa; bva ikoko kwakauya panguva apo aiva akabatikana zvikurusa mubasa rake kuna Jehovha. Jehovha akabata sei naye? Akatuma ngirozi kuti igovere betsero inoshanda. Eria akataura mirangariro yake kuna Jehovha, achizivisa kuti ainzwa kuti akanga ari asina maturo semadzibaba ake akare akafa, kuti basa rake rose rakanga risina maturo, uye kuti akanga ari oga chose chose. Jehovha akateerera uye akamunyaradza nokuratidzirwa kwesimba Rake kunotyisa uye nevimbiso dzokuti akanga asitombori oga uye kuti basa raakanga avamba raizopedziswa. Jehovha akapikirawo kupa Eria shamwari yokuti arovedze iyo yaizomutsiva pakupedzisira.—1 Madzimambo 19:1-21.
17. Mukuru angakurudzira sei munhu uyo anonyanyozviomesera amene?
17 Kunokurudzira sei! Isu nenzira yakafanana ngatikurudzirei avo vari pakati pedu vanotambudzika mumurangariro. Tsvaka kuvanzwisisa kupfurikidza nokuteerera! (Jakobho 1:19) Govera nyaradzo yapaMagwaro yakakodzera zvinodikanwa zvavo somunhu mumwe nomumwe. (Zvirevo 25:11; 1 VaTesaronika 5:14) Kukurudzira avo vanonyanyozviomesera vamene, vakuru vangapa nomutsa ufakazi hwapaMagwaro hwokuti Jehovha anovada uye anovakoshesa.a Kukurukura rudzikinuro kunogona kuva mutoo une simba wokukurudzira avo vanonzwa vasina maturo. Munhu anotambudzika pamusoro pechivi chomunguva yakapfuura angada kuratidzirwa kuti rudzikinuro rwakamuchenesa kana akapfidza zvirokwazvo uye akasiya chose chose muitiro upi noupi wakadaro.—Isaya 1:18.
18. Dzidziso yorudzikinuro inofanira kushandiswa sei kukurudzira munhu akaitwa nyajambwa nomumwe, zvakadai sokubatwa chibharo?
18 Chokwadika, mukuru aizorangarira chiitiko chacho chaicho kuitira kuti ashandise kudzidzisa ikoko zvakafanira. Rangarira muenzaniso: Chibayiro chorudzikinuro chaKristu chakafanofananidzirwa nezvibayiro zvemhuka zvoMutemo waMosesi, izvo zvaidikanwa nokuda kwokuyananiswa kwezvivi zvose. (Revhitiko 4:27, 28) Pakanga pasina kurayirwa, kunyanguvezvo, kwokuti nyajambwa wokubatwa chibharo aifanira kuita chipiriso chechivi chakadaro. Mutemo wakataura kuti “haufaniri kumuita chinhu” kuti umurange. (Dheuteronomio 22:25-27) Naizvozvo nhasi, kana hanzvadzi yakarwiswa ndokubatwa chibharo uye ikoku kwakaiparira kunzwa yakasviba neisina maturo, kwaizova kwakakodzera kusimbisa kuda kwake rudzikinuro kuti rwumuchenese pachivi ichocho here? Zvirokwazvo kwete. Iye haana kutadza mukudenhwa. Mubati chibharo ndiye akatadza uye anoda kucheneswa. Zvisinei, rudo rwakaratidzirwa naJehovha naKristu mukugovera rudzikinuro rungashandiswa soufakazi hwokuti haana kushatiswa mumeso aMwari nechivi chomumwe munhuwo zvake asi kuti anokosha kuna Jehovha uye anorambira murudo rwake.—Enzanisa naMarko 7:18-23; 1 Johane 4:16.
19. Neiko tisingafaniri kukarira kuti songaniro yose nehama nehanzvadzi dzedu ichava inokurudzira, asi chii chinofanira kuva kutsunga kwedu?
19 Hungu, chipi kana chipi chingava mamiriro ezvinhu emunhu mumwe nomumwe muupenyu, hazvinei hazvo kuti mamiriroi ezvinhu anorwadza angadzimaidza nguva yake yakapfuura, anofanira kukwanisa kuwana kurudziro muungano yavanhu vaJehovha. Uye naizvozvo achadaro kana somunhu mumwe nomumwe tikavavarira kurangarirana, kunyandurirana, uye kukurudzirana panguva ipi kana ipi patinosongana pamwe chete. Zvatisina kukwana, kunyanguvezvo, tose zvedu tinokundikana kuita kudaro padzimwe nguva. Nenzira isingadzivisiki, tinokanganisirana uye kutorwadzisana panhambo nenhambo. Edza kusanangidzira ngwariro pakukundikana kwavamwe muna ikoku. Kana ukanangidzira ngwariro pazvikanganiso, unozviisa mungozi yokuva anonyanyotsoropodza ungano uye ungatowira mumusungo umene uyo Pauro aidisa kwazvo kutibetsera kudzivisa, ndiko kuti, kurega kuungana kwedu timene pamwe chete. Izvozvo ngazvirege kutongoitika! Tsika ino yakare sezvainova ine ngozi zvikuru nguva dzose neinodzvinyirira, ngative vakatsunga zvakasimba kuita zvatinogona kuita kuti songaniro yedu pamisangano ive inovaka—uye zvikuru kwazvo sezvatinoona zuva raJehovha richiswedera pedyo!
[Mashoko Omuzasi]
a Mukuru angasarudza kufunda nyaya dzinokurudzira dzeNharireyomurindi neMukai! nomunhu akadaro—somuenzaniso, “Uchabetserwa Nomutsa Usakafanirwa Here?” uye “Kukunda Hondo Yokurwisana Nokuora Mwoyo.”—Nharireyomurindi, February 15 naMarch 1, 1990.
Waizopindura Sei?
◻ Neiko kuchikosha kuti misangano nesonganiro zvedu zvive zvinokurudzira muano mazuva okupedzisira?
◻ Kurangarirana kunorevei?
◻ Kunyandurirana kunorevei?
◻ Chii chinobatanidzwa mukukurudzirana?
◻ Vakaora mwoyo navakapera mwoyo vangakurudzirwa sei?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Kugamuchira vaeni kunotibetsera kusvika pakuzivana zviri nani
[Mufananidzo uri papeji 18]
Apo Eria akanga akaora mwoyo, Jehovha nenzira yomutsa akamunyaradza