RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 2/8 pp. 29-30
  • Mwari Anovenga Rudzii Rwokuchatanura?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anovenga Rudzii Rwokuchatanura?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Murege Kunyengera”
  • Muenzaniso waMwari Amene
  • Chisarudzo Chekurambana
    Mukai!—1999
  • Kudza “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Zvinotaura Bhaibheri Nezvokurambana Uye Kuparadzana
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Wanano Yako Inofadza Jehovha Here?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 2/8 pp. 29-30

Murangariro weBhaibheri

Mwari Anovenga Rudzii Rwokuchatanura?

“ZVINETSO zvakava pamwe chete nechatanuro yangu zvakanga zvakawanda,” akanyora kudaro mumwe mukadzi wechiKristu ane murume akanga ave ari asina kutendeka. “Nhambo yechinjo haisati iri nguva iri nyore. Ndaifanira kuchinja kwete bedzi mundangariro asi mune zvemari uye mumudzimuwo. Ndakashamisika kana Jehovha aizokomborera chisarudzo changu, ndichiziva kuti Magwaro anotaura kuti anovenga kuchatanura. Ichochi chakanga chiri chinetso chenguva dzose.”

Apo roorano inoguma, zvinetso zvacho hazvigumi. Zvinetso zvitsva chose chose zvinomuka kamwe kamwe. Mirangariro—kuora mwoyo, ukata, uye kuva nemhaka—izvo zvinongonyuka. Hondo dzokuchengetwa kwapamutemo kwomwana dzokurwisana nadzo. Mwanakomana kana kuti mwanasikana anochemera Amai kana kuti Baba. Zvinetso zvemari zvinodzvinyirira. Kuedza kugonana nechishuvo choushamwari uhwo roorano bedzi inobvumira.

Ipapo kune murangariro waMwari wokufunga pamusoro pawo. Bhaibheri rinotaura kuti Mwari ‘anovenga kuchatanura.’ (Maraki 2:16) Aya mashoko anoreva kuti Mwari anovenga kuchatanura kwose here? MuKristu, naizvozvo, anofanira kunzwa ane mhaka nokuda kwokutsvaka chatanuro apo mukwanyina anenge ave asina kutendeka here? Nokuda kwemhinduro dzacho, ngatitarirei migariro muzuva raMaraki iyo yakasunda Mwari kutaura kuti anovenga chatanuro.

“Murege Kunyengera”

Maraki akaporofita pashure pa 443 P.N.V., rinodokuva zana ramakore pashure pokunge nhapwa dzechiJudha dzadzoka kubva Bhabhironi. Migariro inokatyamadza yakanga yatanga muna Judha, zvikurukuru pakati pavaprista. (Maraki 2:7-9) Miitiro yakadai sokureva nhema, upombwe, kubhinya, uye dzvinyiriro zvakanga zvakatekeshera pakati pavaIsraeri vose zvavo. (Maraki 3:5) Iyi migariro yakanyandura panikiro huru kwazvo zvokuti vamwe vakagumisa, kuti: “Hazvina maturo kushumira Mwari.”—Maraki 3:14.

Ushati hworudzidziso nohwetsika muzuva raMaraki hwakaratidzirwawo mukuremekedzwa kunoderera kweroorano. Varume vakawanda vechiIsraeri vakanga vachichatanura vadzimai voupwere hwavo, zvichida kuti varoore vakadzi vaduku zvikuru vechihedheni. Atari yaJehovha yakafukidzwa nemisodzi yavadzimai vakarambwa avo vaiuya kunzvimbo tsvene kuti vacheme nokugomera pamberi paMwari.—Maraki 2:13-15.

Jehovha Mwari akanzwa sei pamusoro pokuchatanura kwakadaro? Kupfurikidza naMaraki iye akanyevera, kuti: “‘Chenjerai mweya yenyu, kurege kuva nomumwe unonyengera mukadzi woujaya hwake. Nokuti ndinovenga kurambana—ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsraeri . . . Saka chenjerai mweya yenyu, kuti murege kunyengera.’” (Maraki 2:15, 16) Mukuwirirana neTheological Wordbook of the Old Testament, shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti ‘nyengera’ rinoreva “kuchengedza, (kuita) nenzira yokusatendeka.” PaPisarema 59:5 (NW), chimiro chinopfuurira chechiito chinoshandurwa kuti “vanyengeri.”

Mumugariro wakadaro, tinogona kunzwisisa zviri nani mashoko ari pana Maraki 2:16, anoti: “Ndinovenga kurambana.” Jehovha anovenga rudzi rwokuchatanura runobatanidza kurambwa kwamadiro kwomukwanyina mumwe kuti awane mumwe. Somuenzaniso, murume anoita upombwe ipapo ndokuchatanura mukwanyina wake asina mhaka mukurwisana nezvishuvo zvake kana kuti anomudzvinyirira kuti amuchatanure kuti agogona kuroora mumwe munhuwo zvake zvamazvirokwazvo aizova ari kunyengera mudzimai wake. Uku kubatwa kwakadaro kwokunyengera, kwokusavimbika kwomukwanyina asina mhaka chivi chakaipa mumeso aMwari. Murume anoshandisa makore akanakisisa oupenyu hwomukadzi ipapo ndokumuramba, zvichida achida mukadzi muduku zvikuru, zvamazvirokwazvo munyengeri.a

Zvakadiniko, kunyanguvezvo, nomukwanyina asina mhaka uyo anosarudza kuchatanura mukwanyina akaita upombwe? Mwari anovengawo kuchatanura kwakadaro here?

Muenzaniso waMwari Amene

Mwari anogona kuziva chaizvoizvo here kuti kunonzwika sei kutarisana nechisarudzo chokuchatanura mukwanyina mhombwe kana kuti kusachatanura? Achitaura nenzira yokufananidzira, Jehovha aizvirangarira amene seakaroora rudzi rwakare rwaIsraeri kupfurikidza nesungano yake navo. (Isaya 54:1, 5, 6; 62:1-6; Jeremia 31:31, 32) Somurume, Jehovha akanga akatendeka nguva dzose, asingatongotendeudziri rudo rwake kumamwe marudzi. (Pisarema 147:19, 20; Amosi 3:1, 2) Asi zvakadiniko naIsraeri? Rudzi rwacho rwakabvumikisa kuva mudzimai worudzii?

Rudzi rwacho rwose zvarwo rwakabvumikisa rwabvumikisazve kuva rusina kutendeka kusungano, pakupedzisira ruchisvika pamugariro unorondedzerwa mumunyengetero wakanyorwa pana Dhanieri 9:5, 6: “Takatadza, takaita zvisakarurama nezvakashata, takakumukirai, tikatsauka pazvirevo zvenyu nezvamakaraira; hatina kuteererawo varanda venyu vaporofita, vakataura nezita renyu kuna madzimambo edu, namachinda edu, namadzibaba edu nokuvanhu vose venyika.” Mumeso aJehovha, kusatendeka kwakadaro kwakanga kwakafanana nokuita upombwe kwomudzimai.—Jeremia 3:1.

Pashure pamazana amakore eshiviriro nomwoyo murefu, Jehovha akaitei? Kupfurikidza nokuita chiito chakasimba chokutonga, achidzinga kutanga ndudzi dzokuchamhembe ipapo ndudzi dzokumaodzanyemba munyika dzadzo kuti dzipinde muutapwa, Jehovha, chaizvoizvo, akachatanura rudzi rwacho. (Jeremia 3:8; Dhanieri 9:11, 12) Naizvozvo nemhaka yomuenzaniso wake amene, Jehovha Mwari aigona sei kukuvenga apo mukwanyina asina mhaka anosarudza kuchatanura mukwanyina ave ari asina kutendeka kumhiko yeroorano?

Roorano igadziriro inoyera mumeso aMwari, uye avo vanopinda mairi havafaniri kurerutsa mhiko yavakaita. (VaHebheru 13:4) Asi kana mukwanyina womumwe akasatendeka kumhiko kupfurikidza nokuita “ufeve,” Mwari anopa asina mhaka maruramiro okusarudza kungave kukanganwira kana kuti kutsvaka chatanuro. (Mateo 19:9, NW) Ichocho chisarudzo chakaoma, chiya icho mukwanyina asina mhaka oga anofanira kuita. Asina mhaka akasarudza kugumisa roorano, iye haafaniri kunzwa ane mhaka yokutsvaka chatanuro. Yeuka kuti Jehovha anovenga, kwete kuchatanura kwose, asi rudzi rwokuchatanura runobatanidza kurambwa kusiri kwapamagwaro kwomukwanyina mumwe kuti awane mumwe.b

[Mashoko Omuzasi]

a MuMagwaro ose, Jehovha Mwari anotaura nezvake amene seanovenga zvimiro zvendangariro nezvimiro zvomufambiro zviri zvokutadza. (Dheutoronomio 16:22; Zvirevo 6:16-19; 8:13; Isaya 1:14; 61:8) Tichirangarira aya mashoko, kuchatanura kunonongedzerwa kwakuri pana Maraki 2:16 kunofanirawo kuva kworudzi rwuri rwokutadza mumeso ake.

b Kuchatanura mukwanyina ari mhombwe chisarudzo chomunhu oga. Nokuda kwekurukurirano yezvinhu zvakasiana-siana izvo mukwanyina asina mhaka anogona kuyera mukusarudza kana achifanira kuwana chatanuro yapaMagwaro, tapota ona zvinyorwa zveNharireyomurindi zvaAugust 15, 1993, peji 5, uye May 15, 1988, mapeji 4 kusvikira ku 7.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 29]

Historic Costume in Pictures/Dover Publications, Inc., New York

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe