Rwiyo 70
‘Ivai Nechokwadi Chokuti Ndezvipi Zvinokosha Kupfuura Zvimwe’
Rakaprindwa
1. Tive vakangwara nhasi uno
Kuti tinyatsoziva
Zvinokosha kupfuura zvimwe.
Tizvizive tozvi’ta!
Tide zvakanaka chete.
Tifarire
Kufadza Mwari. Tinyengetere.
Ngatidzidze,
Tiite zvinhu zvinokosha.
2. Hapana chingakosha kupfu’ra
Kuparidza Umambo,
Kuratidza nzira kumakwai
Ose akarasika.
Ngaatinzwe, ngaazive.
Ngatidei
Vavakidzani, tivabatsire
Vazorodzwe.
Ibasa rinokosha kwazvo.
3. Tikaita zvinhu zvinokosha,
Kutenda kuchasimba.
Tichava norugare chaizvo,
Tichiva netariro.
Tichavawo neshamwari
Dzechokwadi.
Tikadzidza tinokomborerwa,
Tonzwisisa
Kuita zvinonyatsokosha.
(Onawo Pis. 97:10; Mat. 22:37; Joh. 21:15-17; Mab. 10:42.)