Rwiyo 41
Namatai Jehovha Muchiri Vaduku
Rakaprindwa
1. Vana munokosha kuna Mwari;
Anokudai imi vadiwa.
Anokutarisirai norudo
Nokuvabereki neshamwari.
2. Vana kudzai baba namai,
Musingakakavadzani navo.
Farirwai naMwari navanhu,
Mugofarisisa pauduku.
3. Yeukai Mwari pauduku;
Rambaiwo muchida chokwadi.
Pamuchazvitsaurira kwa’ri
Muchafadza mwoyo waJehovha.
(Onawo Pis. 71:17; Mari. 3:27; VaEf. 6:1-3.)