Rwiyo 62
Tiri Vaani?
Rakaprindwa
1. Ko uri waani?
Unoterera upi?
Waunogwadamira ndiShe;
Ndiye wako, mushumire.
Haungashumiri
Vanatenzi vaviri;
Haungavadi nomwoyo wose;
Havangafari vose.
2. Ko uri waani?
Uchate’rera upi?
Wechokwadi kana wenhema?
Sarudza wauri kuda.
Uchada Kesari
Wenyika ino here,
Kana iye Mwari wechokwadi
Woita kuda kwake?
3. Ko ndiri waani?
Ndote’rera Jehovha.
Ndichashumira Baba vangu;
Ndicharipa mhiko dzangu.
Akanditengawo;
Ndichazvipira kwa’ri.
Akandidzikinura naJesu;
Ndikudze zita rake.
(Onawo Josh. 24:15; Pis. 116:14, 18; 2 Tim. 2:19.)