RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 11/1 pp. 20-23
  • Unofanira Kudzidzira chiHebheru nechiGiriki Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unofanira Kudzidzira chiHebheru nechiGiriki Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokufunga Nezvazvo
  • Shoko Racho Rinorevei?
  • Zvakaipa Here Kushandisa Bhaibheri Rakashandurirwa Mune Mumwe Mutauro?
  • Jehovha ndiMwari Anotaura Nevashumiri Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Chinhu Chitsva Kuvanoda Shoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Fundo Nhamba 8—Betsero dze“New World Translation”
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Shanduro yeNyika Itsva
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 11/1 pp. 20-23

Unofanira Kudzidzira chiHebheru nechiGiriki Here?

CHIKAMU chikuru cheBhaibheri pakutanga chakanyorwa mumitauro miviri chete, chiHebheru nechiGiriki.a Vanyori vaishandisa mitauro iyoyo vakanyora vachitungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari. (2 Samueri 23:2) Saka, mashoko avakanyora anganzi “akafuridzirwa naMwari.”—2 Timoti 3:16, 17.

Zvisinei, ruzhinji rwevanhu vanoverenga Bhaibheri mazuva ano havanzwisisi chiHebheru kana kuti chiGiriki. Asi, vanofanira kushandisa shanduro yeBhaibheri yomutauro wavo. Zvimwe unofanira kuitawo izvozvo. Shanduro idzi zvadzisingati dzakafuridzirwa, ungave uchinetseka kuti, ‘Ndinganyatsonzwisisa mashoko eBhaibheri ini ndichishandisa Bhaibheri rakashandurirwa mune mumwe mutauro here, kana kuti ndinofanira here kuedza kudzidza chiHebheru nechiGiriki?’

Zvokufunga Nezvazvo

Tisati tapindura mubvunzo iwoyo, unofanira kufunga nezvezvinhu zvinoverengeka. Chokutanga, kungoziva chiHebheru chekare kana kuti chiGiriki hakuiti chishamiso chokuti munhu anyanye kunzwisisa mashoko ari muBhaibheri. Achitaura nezvevanhu vechiJudha vepanguva yake, Jesu akati: “Munoongorora Magwaro, nokuti munofunga kuti muchava noupenyu husingaperi nawo; uye iwaya ndiwo chaiwo anondipupurira. Asi hamudi kuuya kwandiri kuti muve noupenyu.” (Johani 5:39, 40) Dambudziko ravo raiva rei? Kwaiva kutadza kunzwisisa chiHebheru here? Kwete, vainyatsoziva mutauro wacho. Zvisinei, Jesu akaenderera mberi achiti: “Ndinonyatsoziva kuti kuda Mwari hakusi mamuri.”—Johani 5:42.

Saizvozvowo, muapostora Pauro akaudza vaKristu vaitaura chiGiriki vaiva muguta rekare reKorinde kuti: “VaJudha vanokumbira zviratidzo uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri; asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa, izvo zviri chikonzero chokugumbuka kuvaJudha asi upenzi kune mamwe marudzi.” (1 VaKorinde 1:22, 23) Saka zviri pachena kuti kutaura chete chiHebheru kana kuti chiGiriki handiko kwaiita kuti munhu agamuchire mashoko aiwanika muShoko raMwari.

Chinhu chechipiri ndechokuti kunyange zvazvo vamwe vanhu mazuva ano vachitaura chiHebheru kana kuti chiGiriki chemazuva ano, mitauro iyi yakasiyana chaizvo nechiHebheru uye chiGiriki chakashandiswa pakunyora Bhaibheri. Vanhu vakawanda vanotaura chiGiriki mazuva ano vanozviona zvakaoma kunzwisisa zvakarurama chiGiriki chakashandiswa pakunyora Bhaibheri. Izvi imhosva yokuti mashoko matsva akawedzerwa kumutauro wacho, achitsiva mashoko ekare, uye mashoko akawanda achiripo anoreva zvakasiyana. Somuenzaniso, shoko rinoshandurwa kuti “naka” pana Mabasa 7:20 uye pana VaHebheru 11:23 muchiGiriki chemazuva ano rinoreva kuti “kusetsa.” Uyewo, girama nemarongerwo emashoko omutauro wacho zvakachinja chaizvo.

Kunyange kudai waizodzidza chiHebheru kana kuti chiGiriki chemazuva ano, hazvaizoreva kuti waizonzwisisa Bhaibheri zvakanyanya kururama mumitauro yakashandiswa kurinyora pakutanga. Waizofanira kutsvaka mumaduramazwi nemabhuku egirama kuti akuratidze kushandiswa kwaiitwa mitauro iyi pakatanga kunyorwa mabhuku eBhaibheri.

Chinhu chechitatu ndechokuti kudzidza mutauro mutsva kunogona kuva basa rakaoma chaizvo. Kunyange zvazvo pakutanga zvingava zvakati pfavei kudzidza mashoko mashomanana omumwe mutauro, zvingatora makore okungoramba uchibishaira usati wava kugona kunzwisisa kusiyana kuduku kuripo pamashoko omutauro iwoyo. Panguva iyi, chirevo chekare chingava chechokwadi, icho chinoti Ruzivo rushomanana rune ngozi. Sei?

Shoko Racho Rinorevei?

Wakambobvunzwa here nemumwe munhu ari kudzidzira mutauro wako zvinorehwa nerimwe shoko? Kana zvakadaro, unoziva kuti kakawanda hazvisi nyore kupindura mubvunzo wacho. Nei? Nokuti shoko ringava nezvinoverengeka zvarinoreva. Ungave wakakumbira munhu wacho kuti akupe muenzaniso weshoko racho riri mumutsetse. Pasina kushandiswa ikoko kwarinenge raitwa zvingava zvakaoma kuona zviri kurehwa neshoko racho. Somuenzaniso, ungabvunzwa zvinorehwa neshoko rechiShona rokuti “guru.” Shoko iri rimwe chete ringava nezvarinoreva zvakasiyana-siyana maererano nokushandiswa uye madudzirwo arinenge raitwa. Ringareva mwena mukuru uri pachuru, chikamu chedumbu remhuka dzinodzeya, kana kuti barika. Pamwe pacho, rinoshanda sechipauro richiratidza ukuru hwezvinhu zviri mumupanda wechishanu, sokuti gumbo “guru.” Kudai waizobvunzwa kuti shoko rokuti “guru” rinorevei, waizoti ndezvipi zvakarurama?

Duramazwi ringakupa zvose zvingangove zvichirehwa neshoko. Mamwe maduramazwi anotoronga zvinorehwa neshoko achitanga nezvinonyanya kushandiswa. Asi mashandisirwo arinoitwa mumutsetse ndiwo achakubatsira kuona zvariri kureva. Somuenzaniso: Ngatitii une karuzivo kezvekurapa uye unoda kuziva zviri kukonzera kurwara kwauri kuita. Ungatarira muduramazwi rezvokurapa. Ringakuudza kuti kanokwana ka90 muzana, manzwiro auri kuita angareva chirwere chakati, asi ka10 muzana manzwiro ako angaratidza chirwere chakatosiyana zvachose. Waizoda ruzivo rwakawedzera usati wagumisa kuti uri kurwara nei. Saizvozvowo, kuti kanokwana ka90 muzana shoko ringava richireva chinhu chakati hakukubatsiri kana uri kuverenga mashoko anokosha umo shoko racho rakashandiswa richireva zvakasiyana. Unofanira kuziva zvakawanda nezvepariri kushandiswa usati wanzwisisa shoko racho.

Kana iri nyaya yokudzidza mashoko ari muBhaibheri, unofanira kuzivawo mashandisirwo aakaitwa pane zviri kutaurwa. Somuenzaniso, mashoko epakutanga anowanzoshandurwa kuti “mudzimu” angava nezvaanoreva zvakasiyana-siyana, zvichienderana nemaakashandiswa. Dzimwe nguva, angashandurwa zvakarurama kureva “mhepo.” (Eksodho 10:13; Johani 3:8) Pamwe angareva simba roupenyu riri muzvisikwa zvose zvipenyu, muvanhu nemhuka. (Genesisi 7:22; Pisarema 104:29; Jakobho 2:26) Zvisikwa zvisingaoneki zvokudenga zvinotsanangurwawo semidzimu. (1 Madzimambo 22:21, 22; Mateu 8:16) Simba raMwari raanoshandisa kuita basa rinonziwo mudzimu mutsvene. (Genesisi 1:2; Mateu 12:28) Shoko rimwe chete iroro rinoshandiswa kureva simba rinoita kuti munhu ave nemaitiro, mafungiro, kana kuti manzwiro akati uyewo ringareva mafungiro anoratidzwa neboka revanhu.—Joshua 2:11; VaGaratiya 6:18.

Kunyange zvazvo duramazwi rechiHebheru kana kuti rechiGiriki ringaronga zvinorehwa neshoko iri zvakasiyana-siyana, mashandisirwo arakaitwa ndiwo achakubatsira kuona zvariri kureva chaizvo.b Izvi ndezvechokwadi pasinei nokuti uri kuverenga Bhaibheri mumitauro yakashandiswa pakutangatanga kana kuti uri kushandisa shanduro yomutauro wako.

Zvakaipa Here Kushandisa Bhaibheri Rakashandurirwa Mune Mumwe Mutauro?

Vamwe vakashanda chaizvo kuti vadzidze chiHebheru chakashandiswa pakunyora Bhaibheri kana kuti chiGiriki kana mitauro yacho iri miviri. Kunyange zvazvo vachiziva kuti pane zvimwe zvavasingakwanisi kunzwisisa, vanofara chaizvo nokukwanisa kuverenga Bhaibheri mumitauro yaro yepakutanga uye vanofunga kuti vakafira zviripo. Zvisinei, kana usingakwanisi kuita izvozvo, unofanira kuora mwoyo worega kutsvaka chokwadi cheBhaibheri here? Kana! Pane zvikonzero zvinoverengeka nei usingafaniri kuora mwoyo.

Chokutanga, zvakakodzera kushandisa Bhaibheri rakashandurirwa mune mumwe mutauro. Chokwadi, vakanyora Magwaro echiKristu echiGiriki, kana kuti iya inonzi Testamende Itsva, kakawanda vaishandisa shanduro yechiGiriki pakunyora mashoko aitorwa kuMagwaro echiHebheru.c (Pisarema 40:6; VaHebheru 10:5, 6) Kunyange zvazvo vaitaura chiHebheru uye vangadai vakatora mashoko muMagwaro echiHebheru epakutanga chaiwo, zviri pachena kuti zvaiva nyore kwavari kushandisa shanduro yendima idzodzo yainyanya kuwanika kune vaya vavainyorera.—Genesisi 12:3; VaGaratiya 3:8.

Chechipiri, kunyange kana munhu achinzwisisa mitauro yakashandiswa pakunyora Bhaibheri, anogona kuverenga mashoko aJesu akaita zvokushandurwa chete. Zvakadaro nokuti vanyori veEvhangeri vakanyora nechiGiriki chaizvo zvakataurwa naJesu mumutauro wechiHebheru.d Chero ani zvake anofunga kuti kukwanisa kuverenga mashoko evashumiri vaJehovha vekare vakanga vakatendeka mumitauro chaiyo yavakanyora nayo kunoita kuti vave nouchenjeri chaihwo vanofanira kufunga zvinorehwa nezviri pamusoro apa. Chokwadi chokuti Jehovha akaita kuti mashoko oMushumiri wake mukuru kupfuura vose achengetwe aita zvokushandurirwa mumutauro wainyanya kunzwisiswa panguva iyoyo, kunoratidza kuti mutauro watinoshandisa pakuverenga Bhaibheri haukoshi. Chinokosha ndechokuti tiverenge mashoko akafuridzirwa mumutauro watinonzwisisa uye unotikurudzira kuita zviri kutaurwa.

Chechitatu, “mashoko akanaka” ari muBhaibheri aifanira kuwanikwa nevanhu vanozvininipisa ve“marudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu.” (Zvakazarurwa 14:6; Ruka 10:21; 1 VaKorinde 1:27-29) Maererano neizvi, ruzhinji rwevanhu iye zvino runogona kudzidza nezvechinangwa chaMwari muBhaibheri romutauro wavo vasingafaniri havo kudzidza mumwe mutauro. Mumitauro yakawanda mune shanduro dzakati kuti dzakasiyana-siyana, zvichiita kuti muverengi asarudze yaanoda.e

Saka ungava sei nechokwadi chokuti unonzwisisa chokwadi chiri muBhaibheri? Zvapupu zvaJehovha zvakaona kuti kudzidza Bhaibheri vanhu vachikurukura nyaya imwe chete panguva, vachitarisa mashandisirwo akaita mashoko acho, inzira inobatsira yokunzwisisa zviri muShoko raMwari. Somuenzaniso, vanosarudza musoro wakadai sokuti “Kuroorana,” votarisa ndima dzine chokuita nomusoro iwoyo. Saizvozvowo, vanoita kuti chikamu chimwe chete cheBhaibheri chitsanangure zvinorehwa nechimwe chikamu. Wadii kushandisa mukana unopiwa vose neZvapupu zvaJehovha wokuita kosi yokudzidza Bhaibheri uri pamba pako usingabhadhari? Zvisinei nokuti unotaura mutauro upi, Mwari anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Timoti 2:4; Zvakazarurwa 7:9.

[Mashoko Omuzasi]

a Zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvakanyorwa nechiAramaic, mutauro wakafanana chaizvo nechiHebheru chakashandiswa pakunyora Bhaibheri. Mienzaniso yezvikamu izvi inowanika pana Ezra 4:8 kusvika kuEzr 6:18 uye Ezr 7:12-26, Jeremiya 10:11; uye Dhanieri 2:4b kusvika kuDha 7:28.

b Tinofanira kuziva kuti mamwe maduramazwi nemamwe madhikishinari anotsanangura mashoko omuBhaibheri anongoronga mashandurirwo akaitwa shoko muBhaibheri rakati, zvakadai seKing James Version, pane kutsanangura zvinorehwa neshoko racho rakazvimirira.

c Pakazosvika nguva yaJesu Kristu nevaapostora vake, mabhuku ose eMagwaro echiHebheru aigona kuverengwa muchiGiriki. Shanduro iyi yakasvika pakunzi Septuagint uye yaishandiswa zvakanyanya nevaJudha vaitaura chiGiriki. Zvakawanda zvezvikamu zvemashoko zvine mazana zvakatorwa zvakananga muMagwaro echiHebheru zviri muMagwaro echiKristu echiGiriki zvinobva muSeptuagint.

d Zvinonzi Evhangeri yaMateu pakutanga yakanyorwa nomuapostora Mateu muchiHebheru. Zvisinei, kunyange izvozvo zvingava chokwadi, chave chakachengetedzwa kusvikira iye zvino ishanduro yechiGiriki yezvakanyorwa pakutanga, zvichida naiye Mateu pachake.

e Kuti uwane mashoko anokurukura nezveshanduro dzakasiyana-siyana uye kusarudza kwaungaita shanduro yakarurama, ona nyaya inoti “Ungasarudza sei Shanduro yeBhaibheri Yakanaka?” iri mumagazini yakafanana neino yaMay 1, 2008.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]

Septuagint

VaJudha vaitaura chiGiriki munguva yaJesu nevaapostora vake vakashandisa chaizvo Septuagint yechiGiriki. Aya Magwaro echiHebheru akashandurirwa muchiGiriki. Septuagint haikoshi chete pamusana pokuti ndiko kwaiva kuedza kwokutanga kushandurira Magwaro Matsvene mune mumwe mutauro asi inokangawo mate mukanwa pamusana poukuru hwebasa racho rokushandura. Boka revashanduri rakatanga kushandura Septuagint muzana remakore rechitatu B.C.E., uye basa racho rakazopedziswa nevamwe kwapera makore anopfuura zana.

VaKristu vepakutanga vakakurumidza kushandisa zvinobudirira Septuagint kuratidza kuti Jesu ndiye aiva Kristu, Mesiya akapikirwa. Vakabudirira chaizvo zvokuti Septuagint yakatanga kuonekwa nevamwe seshanduro ye“vaKristu.” Izvi zvakaita kuti isafarirwe nevaJudha uye zvakaita kuti pave nedzimwe shanduro dzinoverengeka dzechiGiriki. Imwe yacho yaiva yomurume akatendeukira kuchiJudha ainzi Aquila womuzana remakore rechipiri C.E. Imwe nyanzvi yeBhaibheri ichitsanangura shanduro iyi inotaura nezve“chimwe chinhu chaisatombotarisirwa kuti chingavamo.” Richimiririrwa nemabhii ekare echiHebheru, zita rokuti Jehovha rinowanika munzvimbo dzinoverengeka mushanduro yechiGiriki yaAquila.

[Kwazvakatorwa]

Israel Antiquities Authority

[Mifananidzo iri papeji 23]

Zvinokosha kuti tiverenge mashoko akafuridzirwa eBhaibheri mumutauro watinonzwisisa uye unotikurudzira kuita zviri kutaurwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe