RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 22 p. 153-p. 156
  • Magwaro Ashandiswa Zvakarurama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Magwaro Ashandiswa Zvakarurama
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kuratidza Kushanda Kunoita Rugwaro
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kurava uye Kushandisa Magwaro
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Magwaro Anyatsosumwa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kutungamirira Ngwariro kuBhaibheri
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 22 p. 153-p. 156

CHIDZIDZO 22

Magwaro Ashandiswa Zvakarurama

Unofanira kuitei?

Iva nechokwadi chokuti kushandiswa kworugwaro rumwe norumwe kunoenderana nezviri pane mashoko acho uye neBhaibheri rose zvaro. Kushandiswa kweMagwaro kunofanirawo kupindirana nezvakabudiswa no“muranda akatendeka, akangwara.”

Nei zvichikosha?

Kudzidzisa vamwe Shoko raMwari chinhu chikuru kwazvo. Iye anoda kuti vanhu “vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Tim. 2:3, 4) Izvozvo zvinoisa patiri mutoro wokudzidzisa Shoko raMwari zvakarurama.

PAKUDZIDZISA vamwe, zvakawanda zvinodiwa kupfuura kungoverenga ndima dzeBhaibheri. Muapostora Pauro akanyorera shamwari yake Timoti kuti: “Ita nepaunogona napo kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.”—2 Tim. 2:15.

Kuti tiite izvi zvinoreva kuti kutsanangura kwatinoita magwaro kunofanira kupindirana nezvinodzidziswa nairo Bhaibheri pacharo. Izvi zvinoda kuti tifunge nezvezvaitaurwa, pane kungosarudza mashoko atinofarira nokuwedzera zvatinofunga pachedu. Achishandisa muprofita Jeremiya, Jehovha akayambira vaprofita vaya vaiti vaitaura zvichibva pamuromo waJehovha asi chaizvoizvo vachitaura “zvavakaona pamwoyo yavo.” (Jer. 23:16) Muapostora Pauro akayambirawo vaKristu kuti varege kusvibisa Shoko raMwari nouzivi hwevanhu paakanyora kuti: “Takaramba zvinhu zvakavanzika zvatinonyara nazvo, tisingafambi nemanomano, kana kushatisa shoko raMwari.” Mumazuva iwayo vatengesi vewaini vakanga vasina kuvimbika vaipota vachisanganisa waini nemvura kuti iwande zvovapa mari yakawanda. Hatishatisi Shoko raMwari nokurisanganisa nouzivi hwevanhu. “Hatisi vashambadzi veshoko raMwari sezvakaita vanhu vakawanda,” akadaro Pauro, “asi tiri kutaura nemwoyo wose, hungu, sevakatumwa kubva kuna Mwari, tichionekwa naMwari, pamwe naKristu.”—2 VaK. 2:17; 4:2.

Pane imwe nguva ungatora mashoko orugwaro kuti usimbise chimwe chokwadi chinokosha. Bhaibheri rizere nemashoko anopa nhungamiro yakanaka pakutarisana nezvinhu zvakasiyana-siyana. (2 Tim. 3:16, 17) Asi unofanira kuva nechokwadi chokuti kushandisa kwako kwakarurama uye kuti hausi kushandisa rugwaro zvisina kufanira, uchiita kuti ruite soruri kureva zvaunoda kuti rureve. (Pis. 91:11, 12; Mat. 4:5, 6) Kushanda kwacho kunofanira kuenderana nechinangwa chaJehovha, kuchipindirana neShoko raMwari rose zvaro.

“Kubata shoko rechokwadi zvakarurama” kunosanganisirawo kunzwisisa zvinotaura Bhaibheri. Harisi “tsvimbo” yokurovesa vamwe. Vadzidzisi vezvitendero vaipikisa Jesu Kristu vaitora mashoko avo muMagwaro, asi vaivhara maziso avo pazvinhu zvaikosha—zviya zvaida kururamisira, ngoni uye kutendeseka—zvinodiwa naMwari. (Mat. 22:23, 24; 23:23, 24) Paaidzidzisa Shoko raMwari, Jesu akaonesa unhu hwaBaba vake. Kushingairira chokwadi kwaJesu kwakanga kwakabatana nokuda kwake zvakadzama vanhu vaaidzidzisa. Tinofanira kuedza kutevedzera muenzaniso wake.—Mat. 11:28.

Tingava sei nechokwadi chokuti tiri kushandisa rugwaro zvakakodzera? Kuverenga Bhaibheri nguva dzose kuchabatsira. Tinofanirawo kuonga kupiwa kwatakaitwa naJehovha “muranda akatendeka, akangwara,” boka revaKristu vakazodzwa nomudzimu vaari kushandisa kupa imba yokutenda zvokudya zvomudzimu. (Mat. 24:45) Kudzidza tiri toga uyewo kugara tichipinda misangano yeungano tichivawo nezvatinoita kuchatibatsira kuyamurwa nomurayiridzo unouya nokuboka romuranda akatendeka, akangwara.

Kana bhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro riripo mumutauro wenyu uye ukadzidza kurishandisa zvakanaka, unenge une nhungamiro mumaoko ako, yaunoda kuti ushandise zvakarurama magwaro akawanda anowanzoshandiswa muushumiri hwedu. Kana uri kufunga nezvokushandisa rugwaro rwausina kujaira, kuzvininipisa kuchaita kuti utsvakurudze mashoko sezvinodiwa kuitira kuti paunotaura, unenge uchibata shoko rechokwadi zvakarurama.—Zvir. 11:2.

Jekesa Kushanda Kwacho. Pakudzidzisa vamwe, iva nechokwadi chokuti vanojekerwa nokubatana kwenhau yauri kukurukura nemagwaro auri kushandisa. Kana ukatungamirira kurugwaro rwacho uchishandisa mubvunzo, vateereri vako vanofanira kuona kuti rugwaro rwacho runopindura sei mubvunzo wacho. Kana uri kushandisa rugwaro kutsigira mashoko akati, iva nechokwadi chokuti mudzidzi anojekerwa kuti rugwaro rwacho runotsigira sei pfungwa yacho.

Kungoverenga rugwaro—kunyange uchisimbisa—kazhinji hakuna kukwana. Ziva kuti munhuwo zvake haana kujairana neBhaibheri, zvimwe haasi kuzonzwisisa zvauri kuedza kutaura nokungoverenga kamwe bedzi. Muite kuti aone chikamu chorugwaro chinoshanda zvakananga pane zvamuri kukurukura.

Izvi zvinowanzoda kuti uise mashoko anokosha pawo oga, aya ane chokuita zvakananga nepfungwa iri kukurukurwa. Nzira iri nyore zvikuru kudzokorora mashoko iwayo ane pfungwa iri kudiwa. Kana uchitaura nomunhu mumwe chete, ungabvunza mibvunzo ichamubatsira kuziva mashoko iwayo. Kana vachitaura neboka revanhu; vamwe vakurukuri vanosarudza kubudisa chinangwa chavo nokushandisa mamwe mashoko anoreva zvakafanana kana kuti nokudzokorora pfungwa yacho. Zvisinei kana ukasarudza kuita izvi, chenjerera kuti vateereri havazotadzi kuona kubatana kwakaita pfungwa iri kukurukurwa nemarongerwo akaita mashoko murugwaro.

Kana waisa mashoko anokosha pawo oga, wagadzira hwaro hwakanaka. Zvino chiashandisa. Wasuma rugwaro uchiratidza zvakajeka kuti nei uri kushandisa rugwaro rwacho here? Kana zvakadaro, ratidza kuti mashoko awasimudzira anobatana sei nezvawaita kuti vateereri vako vatarisire. Taura zvakajeka kubatana ikoko. Kunyange kana usina kusuma rugwaro rwacho zvakajeka kwazvo, panofanira kuva nokusimbisa.

VaFarisi vakabvunza Jesu mubvunzo wavaifunga kuti wakanga wakaoma, vachiti: “Zvinobvumirwa nomutemo here kuti murume arambe mukadzi wake pamusoro pechikonzero chorudzi rwose?” Jesu akavakira mhinduro yake pana Genesi 2:24. Ona kuti akangoisa pfungwa dzake pachikamu chimwe chete, akabva aratidza kushanda kwacho sezvaidiwa. Aratidza kuti murume nomukadzi vanova “nyama imwe,” Jesu akagumisa achiti: “Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe pajoko naMwari.”—Mat. 19:3-6.

Unofanira kutsanangura zvakawanda sei kuti kushanda kworugwaro kujeke? Izvi zvinofanira kusarudzwa nokufunga kuti ndivanaani vari kuteerera uye nokukosha kwezvauri kukurukura. Chinangwa ngachive chokutaura zvinhu zviri nyore kunzwisisa uye usingapotereri.

Taura Uchishandisa Magwaro. Ichitaura nezvoushumiri hwaPauro muTesaronika, Mabasa 17:2, 3 inotiudza kuti aka‘taura achishandisa Magwaro.’ Uhwu unyanzvi hunofanira kukudziridzwa nevashumiri vaJehovha vose. Somuenzaniso, Pauro akarondedzera zvinhu zvine chokuita noupenyu uye ushumiri hwaJesu; akaonesa kuti izvi zvakanga zvafanotaurwa muMagwaro echiHebheru, zvadaro akagumisa zvakasimba achiti: “Uyu ndiye Kristu, uyu Jesu wandiri kukuparidzirai.”

Pauro paainyorera vaHebheru, akaramba achitora mashoko muMagwaro echiHebheru. Kuti asimbise kana kuti kujekesa pfungwa, aiwanzotora shoko rimwe chete kana kuti chirevo chiduku obva aratidza kukosha kwacho. (VaH. 12:26, 27) Munyaya inowanikwa muchitsauko chechitatu cheVaHebheru; Pauro akatora mashoko pana Pisarema 95:7-11. Ona kuti akazowedzera pazvikamu zvaro zvitatu: (1) achitaura nezvomwoyo (VaH. 3:8-12), (2) kukosha kweshoko rokuti “Nhasi” (VaH. 3:7, 13-15; 4:6-11), uye (3) zvinorehwa nemashoko okuti: “Havazopindi muzororo rangu.” (VaH. 3:11, 18, 19; 4:1-11). Edza kutevedzera muenzaniso iwoyo sezvaunoratidza kushanda kworugwaro rumwe norumwe.

Ona kuti Jesu akataura achishandisa Magwaro zvinobudirira sei munhau iri pana Ruka 10:25-37. Munhu aiziva Mutemo kwazvo akabvunza kuti: “Mudzidzisi, ndichagara nhaka youpenyu husingaperi nokuitei?” Achipindura murume wacho, Jesu akamukumbira kutaura zvaaifunga panhau yacho; zvadaro Jesu akasimbisa kukosha kwokuita zvinotaurwa neShoko raMwari. Pazvakava pachena kuti murume wacho akanga asina kujekerwa, Jesu akangotsanangura zvizere shoko rimwe bedzi—“muvakidzani.” Pane kungotaura zvaraireva akashandisa mufananidzo kubatsira murume wacho kuti asvike pakunzwisisa kwakarurama.

Zviri pachena kuti, Jesu paaipindura mibvunzo, aisangotora mashoko emagwaro aipa mhinduro yakajeka iri pachena. Aitsanangura zvaaitaura oratidza kushanda kwacho pamubvunzo unenge wabvunzwa.

Tariro yorumuko payaipikiswa nevaSadhusi, Jesu akaisa pfungwa dzake pachikamu chimwe chete chaEksodho 3:6. Asi haana kungogumira pakutora mashoko orugwaro rwacho. Akarukurukura kujekesa kuti rumuko chimwe chezvinangwa zvaMwari.—Mako 12:24-27.

Kuva nemano okukurukura zvakarurama uye zvinobudirira uchishandisa Magwaro kuchava chinhu chinokosha pakuva kwako mudzidzisi ane unyanzvi.

MADZIDZIRWO EMANO ACHO

  • Gara uchiverenga Bhaibheri. Nyatsodzidza Nharireyomurindi, uye gadzirira zvakanaka misangano yeungano.

  • Iva nechokwadi chokuti unoziva zvinorehwa nemashoko ari mumagwaro ose auri kuda kuzoshandisa. Verenga ndima zvakanaka zvokuti unonzwisisa zvakarurama zvairi kutaura.

  • Ngaive tsika yako kutsvakurudza mashoko mumabhuku edu echiKristu.

BASA ROKUITA: Kurukura zvinorehwa na2 Petro 3:7. Inoratidza here kuti pasi pachaparadzwa nomoto? (Pakurondedzera zvinorehwa nokuti “pasi,” taurawo zvinorehwa nokuti “matenga.” Magwaro api anoratidza kuti shoko rokuti “pasi” rinogona kushandiswa mupfungwa yokufananidzira? Ndiani kana kuti chii chaizvoizvo chinoparadzwa, sezvinotaurwa pa ndima 7? Izvozvo zvinopindirana sei nezvakaitika muzuva raNoa, rinotaurwa nezvaro mu ndima 5 ne 6?)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe