RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 29 p. 181-p. 185 ndim. 2
  • Runako Rwenzwi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Runako Rwenzwi
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvandudza Inzwi uye Kushandiswa Kwemamaikorofoni
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Ataurwa Zvakajeka
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Ngwarira “Inzwi Revaeni”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 29 p. 181-p. 185 ndim. 2

CHIDZIDZO 29

Runako Rwenzwi

Unofanira kuitei?

Natsiridza inzwi rako, usingatevedzeri mumwe munhu, asi nokufema zvakanaka uye nokusunungura tsandanyama dzakasungika.

Nei zvichikosha?

Runako rwenzwi runobatsira vamwe kusununguka ndokukuteerera nomufaro. Inzwi risina kunyatsonaka rinokanganisa kukurukura kwako, uye ringaodza mwoyo mukurukuri nevateereri.

VANHU vanochinjwa zvikuru kwete nezvinotaurwa chete asi nemataurirwo azvinoitwa. Kana munhu ari kutaura newe ane inzwi rinonakidza, rinofadza, rine ushamwari rine mutsa, hachisi chokwadi here kuti uchada kuteerera nomufaro kupfuura kuti dai inzwi rake rakanga rakatonhora rine hasha?

Kuva nenzwi rakanaka rinoyemurika hakungoitwi nokutamba nenzwi. Zvingasanganisira unhu hwomunhu. Munhu zvaanofambira mberi muzivo uye mukushandisa chokwadi cheBhaibheri, kuchinja kunobva kwaonekwa mumatauriro aanoita. Unhu hwaMwari hwakadai sorudo, mufaro, uye mutsa zvinoratidzwa nenzwi rake. (VaG. 5:22, 23) Kana ane hanya zvechokwadi nevamwe, inzwi rake rinozviratidza. Kana kuonga kukatsiva kugara tichinyunyuta, mashoko anotaurwa uye inzwi racho rinozvibudisa. (Mariro 3:39-42; 1 Tim. 1:12; Jud. 16) Kunyange kana usinganzwi mutauro uri kutaurwa, kana mumwe munhu achivirima, asingashiviriri, achitsoropodza, ane hasha, uye mumwe ari munyoro, achishivirira, ane mutsa, uye ane rudo, hazvina kuoma kuti uzvizive.

Mune zvimwe zviitiko inzwi risina kunaka ringave richikonzerwa nokurwara kwakakanganisa dokoriro (panobva inzwi) kana kuti urema hwokuzvarwa nahwo. Zvinhu zvakadaro zvingava zvakakura kwazvo zvokuti hazvigadzirisiki zvachose munyika ino. Zvisinei, kazhinji kudzidzira kushandisa nhengo dzokutaura zvakanaka kunogona kuguma nokuvandudza.

Kutanga zvinokosha kunzwisisa kuti mabudiro enzwi anosiyana pamunhu nomunhu. Chinangwa chako hachifaniri kuva chokudzidzira kuva nenzwi rakafanana neromumwe munhu. Asi dzidzira zvinogona kuitwa nenzwi rako pachako norunako rwaro. Chii chingakubatsira kuita izvi? Pane zvinhu zviviri zvinonyanyokosha.

Fema Zvakanaka. Kuti inzwi rako rive rakanaka zvikuru, unofanira kuva nemhepo yakaringanira pamwe nokudzora kufema kwako zvakanaka. Kana usingaiti izvi, inzwi rako ringasava nesimba, uye kukurukura kwako kungava kwokudimbura-dimbura mashoko.

Chikamu chikuru chemapapu hachisi pamusoro pechipfuva, iyi nzvimbo inongoratidzika seyakakura pamusana pemapfupa emapendekete. Asi mapapu akakurira nechepamusoro peruzarira. Ruzarira rwakabatirira pambabvu dzepasi uye runoparadzanisa chipfuva nedumbu.

Kana ukazadza chikamu chemapapu chepamusoro chete paunopinza mhepo, uchakurumidza kupererwa nemhepo yokufema. Inzwi rako richashaya simba, uye uchakurumidza kuneta. Kuti ufeme zvakanaka, unofanira kugara kana kuti kumira wakatwasuka mapendekete ako akadzokera shure zvishoma. Itoita zvokuedza kusafutunudza chikamu chepamusoro chete chechipfuva chako paunopinza mhepo kuti utaure. Tanga wazadza chikamu chepasi chemapapu ako. Kana chikamu ichi chazara, nechezasi mbabvu dzako dzichafutunuka dzichienda kumativi. Panguva iyoyowo, ruzarira ruchadzikira, ruchidzvinyirira dumbu nematumbu zvishomanana, zvokuti unonzwa kuti pane simba riri kuwedzera nechepaunosunga bhandi kana kuti pane chimwe chipfeko chepadumbu rako. Asi mapapu haasi zasi mudumbu imomo; akatenderedzwa nembabvu. Kuti uzviedze, zvibate kumativi ose ari maviri nechezasi kwembabvu dzako. Zvino chifema zvikuru uchipinza mhepo. Kana uri kufema zvakanaka, unege usingakwevi dumbu rako uye usingakwidzi mapendekete ako. Asi uchanzwa mbabvu dzichikwira uye dzichifutunuka zvishomanana.

Zvadaro, dzidzira kubuda kwemhepo. Usatambise mhepo yawapinza nokungoirega ichibuda nokukurumidza. Ibudise zvishoma nezvishoma. Usaedze kuidzora nokudzvinya pahuro pako. Izvi zvingakurumidza kuguma nenzwi rinoita seriri kumanikidzwa kana kuti rakakwirira kwazvo. Simba rinobva patsandanyama dzepadumbu uye dzakavhara mbabvu (dziri pakati pembabvu) ndiro rinobudisa mhepo, asi ruzarira runodzora kubudiswa kwayo.

Dhiagramu riri papeji 183

Sokudzidzira kunoita mumhanyi achigadzirira mujaho, mukurukuri anogonawo kudzidzira kufema zvakanaka. Mira kuti twi mapendekete ako ari nechokushure, fema kuti uzadze chikamu chepazasi chemapapu, uye wofemera kunze mhepo yacho zvishoma nezvishoma uye zvinyoro-nyoro uchiverenga kusvikira kunhamba yaunokwanisa pakufema kumwe chete. Zvadaro dzidzira kuverenga zvinonzwika paunenge uchifema saizvozvo.

Sunungura Tsandanyama Dzakasungika. Chimwe chinhu chinokosha kuti inzwi rinake ndeichi—sununguka! Zvinoshamisa chaizvo kuti unogona kuvandudzika chaizvo nokungodzidzira kuva akasununguka paunenge uchitaura. Pfungwa nomuviri zvose zvinofanira kuva zvakasununguka, nokuti kunetseka mupfungwa kunoita kuti tsandanyama dzisungike.

Kuti usanetseke mupfungwa, funga zvakanaka nezvevateereri vako. Kana ava vari vanhu vaunosangana navo muushumiri hwomumunda, ziva kuti kunyange kana wave uchidzidza Bhaibheri kwemwedzi mishomanana, unoziva zvinhu zvinokosha nezvezvinangwa zvaJehovha zvaunogona kukurukura navo. Uye uri kuvashanyira nokuti vanoda kubatsirwa, vangave vachizviziva kana kuti vasingazvizivi. Asi kana uchitaura muImba yoUmambo, vazhinji vevari kuteerera vanhu vaJehovha. Ishamwari dzako, uye vanoda kuti ubudirire. Hapana vamwe vakurukuri pasi pano vane vateereri vane ushamwari norudo zvakadaro sezvatinowanzoita.

Sunungura tsandanyama dzako dzepahuro nokuisa pfungwa dzako patsandanyama idzodzo wotoita zvokuronga kusunungura iwe pachako. Ziva kuti tsandanyama dzinobudisa inzwi dzepahuro dzinotamba-tamba kana mhepo ikapfuura nepadziri. Inzwi rinochinja kana panodhonzeka tsandanyama dzepahuro kana kuti padzinorembera, sokuchinja kunoita kurira kwetambo dzegitare kana chipendani padzinodhonzeswa kana kuti kudhambiswa. Paunoita kuti tsandanyama dzinobudisa inzwi dzisununguke, inzwi rinoderera. Kusunungura tsandanyama dzepahuro kunobatsirawo kuti mwena yemhino irambe yakavhurika, uye izvi zvichaita kuti inzwi rako rivandudzike.

Iva akasununguka muviri wako wose—mabvi, maoko, mapendekete, mutsipa. Izvi zvichabatsira mutinhimira unodiwa kuti inzwi rako risvike kure. Mutinhimira unobuda kana muviri wose uchishandira pamwe sedende regitare rinoita kuti inzwi rijeke, asi izvi zvinokanganiswa nokusasununguka kwomuviri. Mabudiro enzwi, ayo anobva mudokoriro haangoungiri mumwena yemhino chete asiwo pamapfupa omuchipfuva, mazino, nechokumusoro kwomukanwa, uye mumwena yomusoro. Zvose izvi zvinogona kubatsira pamutinhimira wenzwi. Kana ukaisa chinhu chinorema padende regitare, mutinhimira unodzvinyirirwa, dende rinofanira kusaremerwa kuti riungire kana richizotinhira zvakanaka. Ndizvo zvazvakaitawo nemapfupa omuviri wedu, akasungwa netsandanyama. Nomutinhimira wakanaka uchakwanisa kusiyanisa inzwi rako zvakanaka wobudisa manzwiro akasiyana-siyana. Uchakwanisa kunzwiwa nevateereri vakawanda usingatamburiri.

MABUDISIRWO ANOITWA INZWI

Inzwi rinonzwika rose imhepo inokwira ichibva mumapapu ako. Mapapu anoshanda semvuto inofuridza mhepo kuti ibude nomupombi yemhepo ichipinda mudokoriro, kana kuti munogadzirwa inzwi, panova pakati pehuro yako. Mudokoriro rako, kumativi akatarisana mune tsandanyama mbiri duku-duku dzinonzi tsandanyama dzinobudisa inzwi. Idzi ndidzo chinhu chikuru pakubudisa inzwi. Idzi tsandanyama dzakawanda-wanda dzinovhura nokuvhara munofamba nemhepo mudokoriro dzichiita kuti mhepo ipinde nokubuda uye kuita kuti zvinhu zvisingadiwe mumapapu zvisapinde. Pakufema kwenguva dzose hapana inzwi rinobudiswa mhepo zvainopfuura nepamusoro petsandanyama dzinobudisa inzwi. Asi kana munhu oda kutaura, dzimwe tsandanyama dzinodhonza dziya dzinobudisa inzwi, idzi dzobva dzaungira mhepo inobva mumapapu zvainenge ichimanikidzwa kupfuura nepadziri. Izvi zvinoguma zvabudisa inzwi.

Kana tsandanyama dzinobudisa inzwi dzakadhonzeka dzinokurumidzawo kuungira uye inzwi racho rinobuda rinenge rakakwirira. Asi kana dzakarembera zvadzo, inzwi racho rinodzikirawo. Kana inzwi rabuda mudokoriro rinoenda nechokumusoro kwehuro, kunobatana huro, gurokuro nemwena yemhino. Zvadaro ropinda mukanwa uye mumwena yemhino. Zvinhu zvinosiyanisa inzwi zvinobva zvawedzerwa, izvi zvinorichinja, zvorigadziridza, uye zvopa simba inzwi chairo ratanga kubuda. Nechokumusoro kwomukanwa uye rurimi, mazino, miromo, uye shaya zvose zvinoshandira pamwe kuumba mhepo ine inzwi, kuti ibude yava mashoko anonzwika.

Inzwi romunhu chishamiso, haringaenzaniswi pakuchinja-chinja kwaro chero nechigadzirwa chipi zvacho chevanhu. Rinogona kubudisa manzwiro omunhu uye zviri mumwoyo make kubva kuunyoro, rudo runoratidza unyoro kusvika kuruvengo rune hasha dzoutsinye, uye chisimba. Kana ukadzidzira zvakanaka naro, inzwi rinogona kubudisa mhando dzomutinhimira 24 uye rinogona kupa kwete chete mutinhimira wokuimba unonakidza asiwo nzira dzokutaura dzinobaya mwoyo.

KUKURIRA ZVINETSO ZVINONYATSOZIVIKANWA

Inzwi risina simba. Kana inzwi riri nyoro hazvirevi hazvo kuti harina simba. Kana rine unyoro hunofadza, vamwe vangariteerera nomufaro. Asi kuti ubudirire, inzwi racho rinofanira kuva noukuru hwakakodzera.

Kuti uwedzere kure kunosvika inzwi rako unofanira kuwedzera mutinhimira waro. Izvozvo zvinoda kudzidzira kuva akasununguka muviri wose zvawo, sezvatsanangurwa muchidzidzo chino. Kuedza kuva akasununguka uchiziva uye kudzidzira kuimba wakavhara muromo zvinogona kubatsira. Miromo inofanira kunge ichingogunzvana zvishomanana chete kwete kubatana zvikuru. Sezvaunoimba wakavhara muromo, inzwa kuungira mumusoro nepachipfuva chako.

Pamwe inzwi rinonzwika risina simba kana kuti richidhonzwa nokuti munhu wacho ari kurwara kana kuti haana kurara zvakakwana. Zviri pachena kuti kana akanaya inzwi racho richaitawo zviri nani.

Inzwi rakanyanyokwirira. Kuwedzera kusungika kwetsandanyama dzinobudisa inzwi kunokwidza inzwi. Inzwi rinonzwika rakasungika rinoita kuti vateereri vasasununguka. Nokuderedza kusungika kwetsandanyama dzepahuro kuti tsandanyama dzinobudisa inzwi dzidhambe unogona kuderedza kukwirira kwenzwi. Ita uchiziva, uchidzidzira izvozvo zuva nezuva. Kufema zvakadzama kunobatsirawo.

Inzwi rinoita seriri kubuda nomumhino. Pane dzimwe nguva chinetso ichi chinokonzerwa nokuvharika kwemwena yemhino, asi izvozvo hazviwanzovi zvakadaro. Pane dzimwe nguva nokuomesa tsandanyama dzepahuro nomuromo, munhu anovhara mwena yemhino zvokuti mhepo haipfuuri nyore nyore. Izvi zvinoguma nokuungira kwemwena yemhino. Kuti izvi zvisaitike, unofanira kuva wakasununguka.

Inzwi rakakasharara. Inzwi rakadaro hariiti kuti pave nokuchinjana kwepfungwa kwoushamwari. Rinoita kuti vamwe vade kuzvidzivirira.

Pane dzimwe nguva, chinhu chikuru, kudiwa kwokuramba uchichinja unhu hwako. (VaK. 3:8, 12) Kana izvi zvikaitwa, kutamba nenzwi kunogona kubatsira. Zvose huro neshaya ngazvive zvakasununguka. Izvi zvichaita kuti inzwi racho rifadze uye zvichaita kuti risakanganiswe nokusanyatsovhura muromo.

MAVANDUDZIRO AUNGAITA

  • Dzidzira kuva nounhu hwechiKristu.

  • Dzidzira kufema zvakanaka, uchizadza chikamu chepasi chemapapu ako.

  • Pakutaura, tsandanyama dzako ngadzive dzakasununguka—huro yako, mutsipa wako, uye, muviri wako wose.

BASA ROKUITA: (1) Kwemaminitsi mashomanana zuva nezuva kwevhiki yose, dzidzira kufema nenzira inoita kuti uzadze chikamu chepasi chemapapu ako. (2) Kanenge kamwe chete pazuva kwevhiki yose, ita kuti tsandanyama dzepahuro yako dzive dzakasununguka sezvaunenge uchitaura.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe