CHIDZIDZO 29
Runako Rwenzwi
VANHU vanochinjwa zvikuru kwete nezvinotaurwa chete asi nemataurirwo azvinoitwa. Kana munhu ari kutaura newe ane inzwi rinonakidza, rinofadza, rine ushamwari rine mutsa, hachisi chokwadi here kuti uchada kuteerera nomufaro kupfuura kuti dai inzwi rake rakanga rakatonhora rine hasha?
Kuva nenzwi rakanaka rinoyemurika hakungoitwi nokutamba nenzwi. Zvingasanganisira unhu hwomunhu. Munhu zvaanofambira mberi muzivo uye mukushandisa chokwadi cheBhaibheri, kuchinja kunobva kwaonekwa mumatauriro aanoita. Unhu hwaMwari hwakadai sorudo, mufaro, uye mutsa zvinoratidzwa nenzwi rake. (VaG. 5:22, 23) Kana ane hanya zvechokwadi nevamwe, inzwi rake rinozviratidza. Kana kuonga kukatsiva kugara tichinyunyuta, mashoko anotaurwa uye inzwi racho rinozvibudisa. (Mariro 3:39-42; 1 Tim. 1:12; Jud. 16) Kunyange kana usinganzwi mutauro uri kutaurwa, kana mumwe munhu achivirima, asingashiviriri, achitsoropodza, ane hasha, uye mumwe ari munyoro, achishivirira, ane mutsa, uye ane rudo, hazvina kuoma kuti uzvizive.
Mune zvimwe zviitiko inzwi risina kunaka ringave richikonzerwa nokurwara kwakakanganisa dokoriro (panobva inzwi) kana kuti urema hwokuzvarwa nahwo. Zvinhu zvakadaro zvingava zvakakura kwazvo zvokuti hazvigadzirisiki zvachose munyika ino. Zvisinei, kazhinji kudzidzira kushandisa nhengo dzokutaura zvakanaka kunogona kuguma nokuvandudza.
Kutanga zvinokosha kunzwisisa kuti mabudiro enzwi anosiyana pamunhu nomunhu. Chinangwa chako hachifaniri kuva chokudzidzira kuva nenzwi rakafanana neromumwe munhu. Asi dzidzira zvinogona kuitwa nenzwi rako pachako norunako rwaro. Chii chingakubatsira kuita izvi? Pane zvinhu zviviri zvinonyanyokosha.
Fema Zvakanaka. Kuti inzwi rako rive rakanaka zvikuru, unofanira kuva nemhepo yakaringanira pamwe nokudzora kufema kwako zvakanaka. Kana usingaiti izvi, inzwi rako ringasava nesimba, uye kukurukura kwako kungava kwokudimbura-dimbura mashoko.
Chikamu chikuru chemapapu hachisi pamusoro pechipfuva, iyi nzvimbo inongoratidzika seyakakura pamusana pemapfupa emapendekete. Asi mapapu akakurira nechepamusoro peruzarira. Ruzarira rwakabatirira pambabvu dzepasi uye runoparadzanisa chipfuva nedumbu.
Kana ukazadza chikamu chemapapu chepamusoro chete paunopinza mhepo, uchakurumidza kupererwa nemhepo yokufema. Inzwi rako richashaya simba, uye uchakurumidza kuneta. Kuti ufeme zvakanaka, unofanira kugara kana kuti kumira wakatwasuka mapendekete ako akadzokera shure zvishoma. Itoita zvokuedza kusafutunudza chikamu chepamusoro chete chechipfuva chako paunopinza mhepo kuti utaure. Tanga wazadza chikamu chepasi chemapapu ako. Kana chikamu ichi chazara, nechezasi mbabvu dzako dzichafutunuka dzichienda kumativi. Panguva iyoyowo, ruzarira ruchadzikira, ruchidzvinyirira dumbu nematumbu zvishomanana, zvokuti unonzwa kuti pane simba riri kuwedzera nechepaunosunga bhandi kana kuti pane chimwe chipfeko chepadumbu rako. Asi mapapu haasi zasi mudumbu imomo; akatenderedzwa nembabvu. Kuti uzviedze, zvibate kumativi ose ari maviri nechezasi kwembabvu dzako. Zvino chifema zvikuru uchipinza mhepo. Kana uri kufema zvakanaka, unege usingakwevi dumbu rako uye usingakwidzi mapendekete ako. Asi uchanzwa mbabvu dzichikwira uye dzichifutunuka zvishomanana.
Zvadaro, dzidzira kubuda kwemhepo. Usatambise mhepo yawapinza nokungoirega ichibuda nokukurumidza. Ibudise zvishoma nezvishoma. Usaedze kuidzora nokudzvinya pahuro pako. Izvi zvingakurumidza kuguma nenzwi rinoita seriri kumanikidzwa kana kuti rakakwirira kwazvo. Simba rinobva patsandanyama dzepadumbu uye dzakavhara mbabvu (dziri pakati pembabvu) ndiro rinobudisa mhepo, asi ruzarira runodzora kubudiswa kwayo.
Sokudzidzira kunoita mumhanyi achigadzirira mujaho, mukurukuri anogonawo kudzidzira kufema zvakanaka. Mira kuti twi mapendekete ako ari nechokushure, fema kuti uzadze chikamu chepazasi chemapapu, uye wofemera kunze mhepo yacho zvishoma nezvishoma uye zvinyoro-nyoro uchiverenga kusvikira kunhamba yaunokwanisa pakufema kumwe chete. Zvadaro dzidzira kuverenga zvinonzwika paunenge uchifema saizvozvo.
Sunungura Tsandanyama Dzakasungika. Chimwe chinhu chinokosha kuti inzwi rinake ndeichi—sununguka! Zvinoshamisa chaizvo kuti unogona kuvandudzika chaizvo nokungodzidzira kuva akasununguka paunenge uchitaura. Pfungwa nomuviri zvose zvinofanira kuva zvakasununguka, nokuti kunetseka mupfungwa kunoita kuti tsandanyama dzisungike.
Kuti usanetseke mupfungwa, funga zvakanaka nezvevateereri vako. Kana ava vari vanhu vaunosangana navo muushumiri hwomumunda, ziva kuti kunyange kana wave uchidzidza Bhaibheri kwemwedzi mishomanana, unoziva zvinhu zvinokosha nezvezvinangwa zvaJehovha zvaunogona kukurukura navo. Uye uri kuvashanyira nokuti vanoda kubatsirwa, vangave vachizviziva kana kuti vasingazvizivi. Asi kana uchitaura muImba yoUmambo, vazhinji vevari kuteerera vanhu vaJehovha. Ishamwari dzako, uye vanoda kuti ubudirire. Hapana vamwe vakurukuri pasi pano vane vateereri vane ushamwari norudo zvakadaro sezvatinowanzoita.
Sunungura tsandanyama dzako dzepahuro nokuisa pfungwa dzako patsandanyama idzodzo wotoita zvokuronga kusunungura iwe pachako. Ziva kuti tsandanyama dzinobudisa inzwi dzepahuro dzinotamba-tamba kana mhepo ikapfuura nepadziri. Inzwi rinochinja kana panodhonzeka tsandanyama dzepahuro kana kuti padzinorembera, sokuchinja kunoita kurira kwetambo dzegitare kana chipendani padzinodhonzeswa kana kuti kudhambiswa. Paunoita kuti tsandanyama dzinobudisa inzwi dzisununguke, inzwi rinoderera. Kusunungura tsandanyama dzepahuro kunobatsirawo kuti mwena yemhino irambe yakavhurika, uye izvi zvichaita kuti inzwi rako rivandudzike.
Iva akasununguka muviri wako wose—mabvi, maoko, mapendekete, mutsipa. Izvi zvichabatsira mutinhimira unodiwa kuti inzwi rako risvike kure. Mutinhimira unobuda kana muviri wose uchishandira pamwe sedende regitare rinoita kuti inzwi rijeke, asi izvi zvinokanganiswa nokusasununguka kwomuviri. Mabudiro enzwi, ayo anobva mudokoriro haangoungiri mumwena yemhino chete asiwo pamapfupa omuchipfuva, mazino, nechokumusoro kwomukanwa, uye mumwena yomusoro. Zvose izvi zvinogona kubatsira pamutinhimira wenzwi. Kana ukaisa chinhu chinorema padende regitare, mutinhimira unodzvinyirirwa, dende rinofanira kusaremerwa kuti riungire kana richizotinhira zvakanaka. Ndizvo zvazvakaitawo nemapfupa omuviri wedu, akasungwa netsandanyama. Nomutinhimira wakanaka uchakwanisa kusiyanisa inzwi rako zvakanaka wobudisa manzwiro akasiyana-siyana. Uchakwanisa kunzwiwa nevateereri vakawanda usingatamburiri.