RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 13 pp. 63-69
  • Kuvandudza Inzwi uye Kushandiswa Kwemamaikorofoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuvandudza Inzwi uye Kushandiswa Kwemamaikorofoni
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Akafanana
  • Runako Rwenzwi
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kushandisa Maikorofoni
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Ataurwa Zvakajeka
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Inzwi Rakakodzera
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 13 pp. 63-69

Fundo 13

Kuvandudza Inzwi uye Kushandiswa Kwemamaikorofoni

1-3. Zvinetsoi zvakati kuti zviri mukunaka kwenzwi, uye chii chinogona kubetsera mukunzvera chinetso chomunhu oga?

1 “Ndianiko wakaita muromo womunhu?” ndiwo mubvunzo wakabvunzwa Mosesi noMusiki, Jehovha Mwari. (Eks. 4:10, 11) Uye tingasanowedzera kuti, Ndiani akaita zvinoshandiswa zvose zvinoshamisa zvokuita kutaura kwomunhu? Mosesi akaziva pakupedzisira kuti, kunyange zvazvo aiva no“muromo usingagoni norurimi rusingagoni,” Mwari aigona uye akamuyamura kuvandudza inzwi rake rokutaura. Muporofita wacho akagoneswa kutaura nenzira inobudirira kurudzi rwaIsraeri.

2 Nhasi kune vazhinji vavabatiri vaMwari vanosanoziva zvinetso zvavo vamene zvokutaura. Vamwe vane inzwi rakaneta, vamwe inzwi dete, vamwezve inzwi rinoshoshoma kana kuti rinozhorozhota. Inzwi rakakwira, kutaura nomumhino, kana kuti inzwi gobvu hariteererwi nomufaro. Chimiro chenzwi chisingachinji, chisina upenyu hachinyanduri munhu. Kana inzwi rako richiratidzira chimwe chezvinetso izvozvi, shinga. Hapana kudikanwa kwokuti utere kumamiriro acho ezvinhu, sokunge kuti hapana ruramiso kana kuti kuvandudza kunobvira.

3 Chokwadika, kuti afambire mberi munhu wacho anofanira kuziva chinetso chakati chaanofanira kushandira kuvandudza. Pano ndipo apo Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, nezano racho rinobetsera rinopiwa nomutariri wechikoro choushumiri, zvinogona kukuyamura kunzvera chinetso chipi nechipi chenzwi. Uyewo, kunobetsera kuteerera inzwi rako umene rakarekodwa. Kana uchigere kuita ikoku, ungatoshamiswa. Nokuti apo unotaura unonzwa kutenheka kwamapfupa mumusoro mako umene uye kutenheka ikoku kunoda zvimiro zvenzwi zvakaderera, nepo tepirekodha ichizivisa kuti unonzwika sei kuvamwe. Kutanga kugadzirira kuvandudza inzwi kwakanaka kufunga kugadzirwa kwenzwi rako, iro unogaroshandisa usingafungi pamusoro pako.

4-6. Kutaura kunobudiswa sei?

4 Kubudiswa kwokutaura. Chisakiso chokutaura kwose imhepo yaunokwidza ichibva mumapapu, ayo anoshanda semvuto. Ichikwira nomugurokuro mhepo inopinda mudokoriro, rinowanzonzi bhokisi renzwi, iro riri pakati pehuro yako. Mukati mebhokisi rako renzwi mune tsinga mbiri duku dzakapetwa dzinonzi ngoyi dzokutaura. Idzodzi ndidzo zvinobudisa inzwi zvedu zvikuru. Ngoyi idzi kana kuti “zvakapetwa zvenzwi,” sezvazvinodanwawo kudaro, ndichimwe chinhu chakafanana namasherefu anogona kuchinjwa ari pamadziro omurutivi rwebhokisi rako renzwi. Donzo radzo guru nderokuvhura nokuvhara kuti mhepo ipinde nokubuda, pamwe chete nokuita kuti zvinhu zvisingadikanwi zvisapinde mumapapu. Mweya unobva mumapapu ako unotenhedza ngoyi idzodzi. Apo dzinotenheka kudaro sezvo mweya unomanikidzirwa kudzipfuura, idzo dzinorira. Kuenzanisira: Kana ukafuridza chibharumu, ukadzvinya mutsipa wacho uye ipapo wobudisa mweya napamutsipa pacho, rabha yacho inotenheka ichirira. Naizvozvo, apo unotaura, zvakapetwa kana kuti ngoyi dziri mudokoriro rako zvinobatana zvakasimba. Mukaha wakaita sa-V uri pakati padzo unopfigwa. Kana ngoyi idzodzi dzikakakata zvikuru, dzinotenheka nokukurumidza zvikuru uye zvimiro zvenzwi zvakakwira zvikuru zvokurira zvinobudiswa. Kune rumwe rutivi, kana dzakadhamba zvikuru, zvimiro zvenzwi zvinobudiswa zvakaderera zvikuru.

5 Pashure pokubva mudokoriro mweya unopinda murutivi rwapamusoro rwehuro yako, rwunonzi pharynx. Ipapo inopfuurira kupinda mumukanwa mako uye mumhino dzako. Muno zvimiro zvenzwi zvakakwirira zvinowedzerwa kuchimiro chenzwi chokutanga. Zvimiro zvenzwi zvakakwira izvozvi zvinonatsiridza, zvinokuvadza uye zvinosimbisa chimiro chenzwi. Kumusoro kwomukanwa, rurimi, mazino, matadza, rushaya uye miromo zvinobatana kukamura-kamura mweya unotenheka wenzwi wokurira ndokuumba kuva mavhawero namakonzonendi kuitira kuti inzwi racho ribude mukutaura kunonzwisisika.

6 Zvirokwazvo inzwi romunhu chishamiso, chisingaenzaniswi nechinoshandiswa chipi nechipi chakaitwa nomunhu kana toreva nezvokuchinjika. Rinokwanisa kuratidzira kunzwa uye mirangariro kubvira parudo rukuru, runyoro kusvikira kuruvengo rwehasha nerwamasimba masimba. Kunyange mukusakwana inzwi romunhu rinogona kufukidza maoctave matatu amachuni enzwi ndokubudisa, kwete bedzi mitinhimira yakaisvonaka yenziyo, asiwo mataurire anonyandura mwoyo apo rinokudziridzwa uye kurovedzwa nenzira yakafanira. Nokuda kwokuvandudza inzwi, sokuona kwatichaita, pane zvinokosha zvikuru zviviri.

7-10. Mweya womunhu unofanira kudzorwa sei, uye nei?

7 Kudzora mweya. Nokuda kwemigumisiro yakanakisisa mukurukuri anoda mweya wakanaka, wakatsiga pamwe chete nokudzorwa kwakafanira kwokufema. Vanhu vazhinji havazivi nzira yokufema nayo zvakanaka apo vanenge vachitaura. Somugumisiro vanongoshandisa rutivi rwapamusoro bedzi rwamapapu, zvokuti apo vanotaura vachikurumidza vanofanira kufemera pamusoro. Mukusiyana nomufungo wavazhinji, rutivi rukurusa rwamapapu harwusi pamusoro pechipfuva; nzvimbo iyi inongoratidzika zvayo kuva huru zvikuru nemhaka yamapfupa amapfudzi edu. Panzvimbo pezvo mapapu akafara zvikurusa nechapamusoro zvishoma poruzarira. Iyoyi itsinga yakasimba, yakakombama inoshanda sepombi, ichibetsera mapapu ako kupombera mukati mweya wakanaka uye kupombera kunze mweya washandiswa. Rwakabatanidzwa nembabvu dzapasi, ruzarira runoparadzanisa chipfuva nedumbu. Iyi tsinga yakaita sedenga rakatenderera ndiyo hurusa inoshandiswa mukufema. Apo denga rakatenderera roruzarira rinokwira kumusoro, rinosundira mweya kunze kwamapapu ako. Apo rinodzika pasi, mweya unopinda mumapapu ako.

8 Kudzidza kudzora mweya ndicho chinhu chokutanga kushandira pachiri kuti uvandudze inzwi rako. Ita nhamburiko yokungwarira kudzivisa kufutunura rutivi rwusina kudzama, rwapamusoro rwechipfuva chako apo unofema kuti utaure. Futunura mapapu ako apasi. Ipapo dzora kubuda kwemweya, uchiurega uchibuda zvishoma nezvishoma kupfurikidza nokudzvinyirira kunyoro kworuzarura kunotsigirwa netsinga dzomudumbu. Ikoku kuchadzivisa mweya kubuda uchikurumidza. Kana usingadzorwi, mukurukuri anokurumidza kupererwa nomweya uye chimiro chenzwi rake chinova chokufemeruka uye chakaderera.

9 Muitiro wavazhinji ndowokuedza kudzora mweya kupfurikidza nekukakatwa kwepahuro, asi ikoku kunongobudisa bedzi kuzhorozhota uye inzwi rakaneta. Kuti udzivise ikoko, edza kuita kuti tsinga dzako dzepahuro dzirambe dzakadhamba.

10 Sokurovedza kunoita mumhanyi nokuda kwenhangemutange, naizvozvo mukurukuri anofanira kukudziridza kudzorwa kworuzarira kupfurikidza nokurovedza. Iye anogona kumira akati twasu, kufema zvikuru, kutura befu zvishoma nezvishoma, kutaura zvishoma nezvishoma zvinyoro-nyoro mavara mazhinji earufabheti saanobvira kana kuti kuverenga zvakakwira sezvaanogona pakufema kumwe. Uyewo anogona kurovedza kupfurikidza nokurava nenzwi guru.

11-15. Kusungika kwetsinga kunowirirana sei nenzwi dete, kutaurira mumhino uye kutaura kwakaderera?

11 Kudhambisa tsinga dzakasungika. Chimwe chinokosha mukukurira zvinetso zvizhinjisa zvenzwi muitiro wakapfava—kusununguka! Zvishomanene zvikuru zvinogona kuitwa kubetsera ani naani kuvandudza inzwi rake kutoti iye akadzidza nzira yokusununguka nayo. Asi kunoshamisa chaizvoizvo kuti ivandudzikoi yaunogona kuita kupfurikidza nokudzidza kusununguka apo unenge uchitaura. Ndangariro inofanira kusununguka pamwe chete nomuviri, nokuti kusungika kwendangariro kunoparira kusungika kwetsinga. Dhambisa kusungika kwendangariro kupfurikidza nokuwana murangariro wakarurama wavateereri vako, avo, mune zviitiko zvizhinjisa, vachave vari vanhu vaJehovha. Shamwari dzako, nemhaka bedzi yokuti idzo dzigere mumitsara, kamwe kamwe dzinova vavengi vako here? Nyangwe. Pasi pano hapana vanhu vanotarisana navateereri vane ushamwari navane rudo vakadaro sezvatinogaroita.

12 Pakutanga ungada kusununguka uchiziva. Ungawana kuti, chinguvana usati wataura, kufema kunova kwapamusoro uye kwokukurumidza nemhaka yoruzazu. Ikoku kunogona kururamiswa kupfurikidza nokufema kwamaune, kwokunonokera, kunotsinhirana, nguva yose iyoyi uchiedza kusunungura tsinga dzako dzapahuro.

13 Sezvatadzidza, kuwedzera kusungika pangoyi dzenzwi kunokwidza chimiro chenzwi, naizvozvo kana ukadzikakata zvakasungika zvikuru manzwi aunobudisa anova akakwira zvikuru. Ikoku kunogona kuguma nenzwi dete, riya rinonzwika kuva rokuzhambatata uye iro rinoita kuti vanzwi vanzwe vasina kusununguka. Chii chinogona kuitwa kukurira ikoku? Eya, yeuka kuti ngoyi dzako dzenzwi dzinotenhedzwa nemweya unodzipfuura. Chimiro chokurira kwadzo chinochinja sezvo tsinga dzinodzikakata kana kuti dzinodzisunungura, kungofanana nokuchinja kunoita rungoyi rwevhayorini parwunokakatwa kana kuti kudhambiswa. Apo unodhambisa ngoyi dzenzwi, chimiro chenzwi chinoderera. Naizvozvo chinhu chokuita ndechokudhambisa tsinga dzepahuro. Kusungika kungaparirawo tsinga dzokumedza kuti dzigoshanda dzichirwisana nedziya dzinodzora ngoyi dzenzwi, kuchibudisa inzwi gobvu. Kuvandudzika kunovapo apo unosununguka uchiziva.

14 Pane dzimwe nguva mukusungika kwetsinga dzepahuro uye dzomuromo munhu anopfiga mhino zvokuti mweya haugoni kupfuura zvakasununguka. Ikoku kunoguma nenzwi rinobuda nomumhino. Kudzivisa ikoku, zvakare pane kudikanwa kwokusununguka. Mune zvimwe zviitiko, zvisinei, chinetso chingaparirwa nokuvharwa kwemhino.

15 Shaya inodawo kusunungurwa. Kana yakasungika, muromo hauvhuriki zvakafanira uye inzwi rinomanikidzirwa kubuda nomumazino. Ikoku kunoguma nokuzhorozhota uye kutaura kwakaderera, kusina kujeka. Kusunungurwa kweshaya, zvisinei, hakusati kuchireva kuva ane usimbe mumataurire. Kunoda kudzikamiswa nomuitiro wokuumba manzwi zvokuti panova nokududza kwakanaka.

16, 17. Chii chichabetsera kuvandudza maungira omunhu, uye nei kuchikosha kwazvo?

16 Kudhambisa kwokusungikawo zvako kwetsinga kunoita zvakawanda kuyamura maungira. Kana zvimiro zvenzwi zvakajeka zvichingobudiswa bedzi nepahuro pakasununguka, zvimiro zvenzwi rakakwirira zvokuungira zvinofanira kuzvisimbisa kupa kukwanisa kutakura inzwi. Maungira anoparirwa nokushandisa muviri wose sebhodhi rinorira, asi ikoku kunodziviswa nokusungika. Chimiro chenzwi, chinobudiswa nomudokoriro, chinoungira kwete bedzi mumhino, asiwo pachipfuva chizere namapfupa, mazino, kumusoro kwomukanwa nemukati memhino. Zvose izvozvi zvinogona kuparira kunaka kwamaungira. Kana munhu akaisa chinorema padende revhayorini, kurira kwacho kunoderedzwa; rinofanira kuva rakasununguka kutenheka. Ndizvo zvakaitawo zvimiro zvamapfupa zvomuviri wedu, izvo zvinosimbiswa netsinga. Namaungira uchakwanisa kusvika vateereri vakawanda nyore nyore, pasina nhamburiko huru, pasina kukwidza inzwi rako. Pasina maungira kwakaoma kuita kuti inzwi risvike kure, kurisiyanisa zvakafanira kana kuti kutaura manzwire akasiyana-siyana.

17 Maungira anogona kuvandudzwa kupfurikidza nokurovedza kuita mahon’era pamwe chete nokusunungurwa kwomuviri kwokungwarira. Miromo inofanira kubatana zvishomanene bedzi, isati ichibatanidzwa pamwe chete zvakasimba. Nomutoo iwoyo kutenheka kwechimiro chenzwi hakusati kuchizopinganidzwa netsinga dzakakakata kana kuti kumanikidzirwa kubuda nomumhino. Kudzokorora mashoko akati uye kurambira pakunzwika kunomirirwa nang’, m, n nar namaungira akarebeswa kuchawanikwa kuva kunobetsera. Kumwe kurovedza kunobetsera mukuvandudza kunaka kwenzwi ndokwokududzisa mavhawero, uchiarebesa nepahuro pakavhurika, shaya yakasunungurwa uye chimiro chenzwi chiduku.

18-22. Izanoi ratinofanira kurangarira pamusoro pokushandiswa kunobudirira kwemaikorofoni?

18 Kushandisa mamaikorofoni zvakafanira. Munzvimbo huru dzemisangano kunova kuri madikanwa kukudza inzwi romunhu namagetsi, nokuda kwezvose zviri zviviri kurerutsira mukurukuri mutoro uye kuita kuti kufadze vateereri. Nokudaro mukurukuri haasati achifanira kushandisa nhamburiko huru kuti chimiro chenzwi chikure, uye vanzwi havafaniri kurwadzisa nzeve dzavo kuti vabate zviri kutaurwa. Mamaikorofoni anoshandiswa muungano zhinji, pasati pachingova pachikuva bedzi, asiwo naavo vanotsinhira vari muvateereri, kuti tsinhiro dzose dzigone kunzwika zvakanaka. Kunyange kana mamaikorofoni asingashandiswi muHoro yoUmambo yomunzvimbomo, anowanzoshandiswa papurogiramu pamagungano. Naizvozvo tinofanira kuziva nzira yokuashandisa nayo.

19 Muromo wako unofanira kuva pedyo sei nemaikorofoni? Kazhinji kazhinji mainjisi mana kusvikira kumatanhatu. Chinetso chikurusa chinowanzovapo nokushandiswa kwemaikorofoni ndechokuti mukurukuri anova kure zvikurusa nayo. Naizvozvo ngwarira daro. Uyewo nangidzira inzwi rako kumaikorofoni nemainogona kubata. Kutoti ikoku kukaitwa, kunoomera mudzori wegudzanzwi kuita gadziridzo nokuda kwokunzwa kwakanaka, kwakajeka kwavateereri. Kukosora, kuhotsira kana kuti kukosora kwokugadziridza inzwi uri pedyo nemaikorofoni, chokwadika, zvinofanira kudziviswa.

20 Apo unenge uchishandisa maikorofoni, teerera kuti inzwi rako riri kunzwika sezvarinobuda mugudzanzwi. Ipapo unogona kuyera chimiro chenzwi ndokugadziridza nzvimbo yako, kana kuri madikanwa. Ruramiso inogona kuitwa kupfurikidza nokuswedera pedyo zvikuru nemaikorofoni kana kuti kusudurukira shure neinji imwe kana kuti maviri kubva pairi. Vamwe vakurukuri vanofanira kudzivisa kunyanyodaidzisa, sezvakuchangokanganisa inzwi ravo bedzi, uye kubvumikisa kuva rinonyaudza uye risingafadzi kuvateereri. Rangarirawo kuti kana uchida kuderedza inzwi rako nokuda kwokusimbisa pano napapo muhurukuro yose, vateereri vako vanogona kunzwa kunyange zevezeve, nemhaka yeichi chishamiso chazvino uno chegudzanzwi.

21 Pane dzimwe yambiro pakushandiswa kwemaikorofoni dzinodawo ngwariro. Wakambocherechedza here kuti “p” pane dzimwe nguva anonzwika kuti “pa”? Ikoku kunoitika apo munhu anotaurira zvakananga pamaikorofoni ari pedyo zvikuru. Kunzwika kwakasimba kwa“s” kunogona kuparirawo zvinetso. Kunofanira kuderedzwa, nemhaka yokuti kunowedzerwa nokukudzwa ndokubuda savana“ssss.” Apo unoziva nzira yokugonana nayo nechinetso chacho, hakuna kuoma kuita.

22 Kugadzirwa kwenzwi redu chipo chinoshamisa chinobva kuMusiki wedu. Magetsi nendangariro inofunga kugadzira zvinhu zvitsva zvipo zvakewo, uye zvakaita kuti kutaura nemaikorofoni kubvire. Panguva ipi neipi apo tinoshandisa inzwi redu, tiine gudzanzwi kana kuti tisina, ngatiitei kudaro nomutoo unokudza Muvambi wokutaura.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe