Kubetsera Vamwe Kunzwisisa Ukoshi Hwezvinyorwa Zvedu
1 “Shoko raMwari ibenyu uye rinoshandisa simba.” (VaH. 4:12, NW) Sezvo zvinyorwa zvedu zvakavakirwa paBhaibheri zvichibetsera vanhu kubetserwa nesimba reShoko raMwari, tinozvishandisa kunyandura fariro muBhaibheri pakupupurira nenzira yamasanga kana kuti pakushanyira paimba neimba.
2 Bhuku rinogoverwa raJanuary ibhuku ripi neripi ramapeji 192 rakatsikirirwa papepa rinoita yero kana kuti rinobva ruvara kana kuti ripi neripi rakabudiswa pamberi pa 1980. Kana mabhuku akadaro achiwanika muungano yenyu, gadzirira mharidzo yako yeshoko roUmambo kuti ugotungamirira kupinda mupfundo rakananga riri mubhuku rauri kushandisa. Ikoku kunogona sei kuitwa?
3 Nzira Yokugadzirira Nayo: Kuvamba, sarudza kutaura kuri mubhuku rauri kushandisa uko sezvingabvira kuchafadza vanhu vane mwoyo wakatendeseka vari mundima yako. Tevere, funga nezvechinoitika chazvino kana kuti nhau yefariro yavose yaungakwanisa kukurukura nokupfupikisa nasaimba usati wadanira ngwariro yake kukutaura kwakatsikirirwa kwawakasarudza. Zvichida pane rugwaro rwakarongwa kana kuti rwakanokorwa mashoko rwaungagona kurava, zvichida muBhaibheri kana kuti zvakananga mubhuku racho, kuti utsigire kutaura kwako. Kana munhu wacho achiratidza fariro, ungagovera bhuku racho. Edza kumusiira mubvunzo kana kuti mufungo waunogona kushandisa sohwaro nokuda kweshanyo yedzokerero.
4 Ungano dzakawanda dzine makopi mashomanene aUpwere Hwako—kuWana zvakaNakisisa maHuri uye KuTeerera kunoMudzidzisi muKuru. Kana aya mabhuku achiwanika, kuregererei kugadzirira kurukurirano navanhu vaduku vaunosangana navo mundima? Vakurudzire kurava chimwe cheizvi zvinyorwa zvakaisvonaka. Kana uri kugovera Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, unogona kushandisa mutoo warongwa pamusoro apa ndokugadzirira kukurukura chiverengero chipi nechipi chedzidziso huru dzeBhaibheri dzinofukidzwa muiyi yamuro yefundo yeBhaibheri yakaisvonaka.
5 Govera Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka: Ungakwanisa kutanga kurukurirano kupfurikidza nokudanira ngwariro kunhau yakati iyo inosimbisa kubatanidzwa kworudzidziso muzvinoitika zvenyika kana kuti zvimwe neimwe nzira inoratidza pesvedzero yorudzidziso muupenyu hwavanhu.
Ipapo bvunza mubvunzo, wakadai souyu:
◼ “Munofunga kuti Mwari anorangarira sei masangano orudzidziso ari kupesvedzera zvinoitika zvenyika nhasi? [Bvumira mhinduro.] Kungakushamisai here kuziva kuti dzidziso huru dzaaya marudzidziso ose dzakafanana zvikuru uye kuti dzinopesana nedzidziso dzeBhaibheri?” Kana saimba achidisa kuteerera, muratidze ndaza yezviri mukati, uye tsanangura nokupfupikisa kuti kana munhu ari worudzidziso kana kuti kwete, upenyu hwake huri kutapurwa nepesvedzero dzorudzidziso dzine simba. Onesa kuti iye anogona kubetserwa kupfurikidza nebhuku raRugare Rwechokwadi Nokuchengeteka uye kuti rakabetsera sei vazhinji kuziva rudzidziso rwakarurama.
6 Padzimwe nguva kungava kwakafanira zvikuru kugovera magazini kana kuti turakiti. Tine chikonzero chiri chose chokuva vane mbavarira nevanoshingaira pamusoro pokukurudzira vamwe kurava izvi zvinyorwa kuti vagogona kushongedzerwa kuwana simba reShoko raMwari muupenyu hwavo kupfurikidza nokugamuchira nhungamiro yaro.