RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/96 p. 8
  • Gadzirira Mharidzo Yako Umene Yamagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gadzirira Mharidzo Yako Umene Yamagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Yokugadzirira Nayo Mharidzo Dzemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Govera Magazini Anopupura Chokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Nzira Dzokuvandudza Nadzo Kuparidza Kwedu Umambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 10/96 p. 8

Gadzirira Mharidzo Yako Umene Yamagazini

1 Tinoonga magazini eNharireyomurindi neMukai! nokuda kwenyaya dzawo dzakakodzera nguva uye dzinorayiridza, dzinofukidza zvose kubvira panhau dzinokosha dzomunyika kusvikira “kuzvakadzika zvaMwari.” (1 VaK. 2:10) Tose zvedu tinoyeuka zvinhu zvitsva zvizhinji nezvinovaka zvatakarava muaya magazini, izvo Jehovha ari kushandisa zvinofambira mberi kuzivisa chokwadi. (Zvir. 4:18) Tinoda kudisa kuaparadzira zvikuru sezvinobvira.

2 Ongorora Ndima Yako: Vanhu vorudzii vanogara munharaunda mako? Kana vari vekumhanya-mhanya, ungafanira kugadzirira mharidzo pfupi uye yakananga. Kana une ndima iyo umo mune kumhanya-mhanya kushomanene, ungakwanisa kutaura zvakawanda. Kana vanasaimba vazhinjisa vachishanda mukati mezuva, ungabudirira zviri nani uchishanyira kumisha yavo zuva ravekunovira kana kuti mukuvamba kwamanheru. Ungaonana nevamwe munguva yemasikati kupfurikidza nokupupura kwomumugwagwa kana kuti kushanda pachitoro nechitoro. Vamwe vaparidzi vanowana migumisiro yakanaka kupfurikidza nokusvika vanhu nenzira isina kurongwa munzvimbo dzinopakwa motokari kana kuti dzimwe nzvimbowo zvadzo.

3 Zvirovedzanise Umene Nemagazini Acho: Rava chinyorwa chimwe nechimwe nokukurumidza apo unochigamuchira. Sarudza nyaya dzaunorangarira kuti dzichafadza vanhu vari mundima yako. Inhaui dzinovanetsa? Tsvaka pfundo rakananga raunogona kunokora munyaya yaunoronga kusimbisa. Funga nezvemubvunzo waunogona kumutsa kuti unyandure fariro. Sarudza rugwaro rwakakodzera nguva rwokurava kuna saimba kana ukawana mukana wokuita kudaro. Funga pamusoro pezvaungataura apo unenge uchigovera kuzvinyoresa uye kuti ungagona sei kuvanzarika hwaro hweshanyo yedzokerero.

4 Gadzirira Mashoko Ako Okutanga: Sarudza nokungwarira mashoko aunoronga kushandisa kuzvisuma umene nokutanga kurukurirano. Vamwe vakawana budiriro neiyi tsinhiro yokutanga inoti: “Ndakarava nyaya inofadza mumagazini ino, uye ndinoda kuigoverana nevamwe.” Vazhinji vanovamba nemubvunzo unonangidzira ngwariro kupfundo rokutaura ravanoronga kushandisa. Somuenzaniso:

5 Kana uchisimbisa nyaya pamusoro pokupararira kwoutsotsi, ungagona kubvunza, kuti:

◼ “Kunodei nokuda kwedu kukwanisa kurara usiku pasina kutya kubirwa kana kuti kukuvadzwa?” Tsanangura kuti une mashoko pamusoro pechinopedza ichi chinetso. Chinopedza chacho chichakurumidza kubvisa rumwe rudzi rwuri rwose rwenyongano yenzangawo. Nongedzera kuchimwe chinhu chiri mumagazini chinogovera tariro yakadaro uye govera kuzvinyoresa nokuda kwemupiro wenguva dzose. Apo unoita shanyo yedzokerero, unogona kukwevera ngwariro yasaimba kuganhuro 1 yebhuku raZivo.

6 Pakuratidza nyaya iri pamusoro peupenyu hwemhuri, ungataura izvi:

◼ “Vabereki vazhinjisa vanokuwana kuri denho chaiyoiyo kurera mhuri mazuva ano. Mabhuku akawanda akanyorwa pamusoro penhau yacho, asi kunyange nyanzvi hadzibvumirani. Kune here munhu anogona kugovera nhungamiro inovimbika?” Goverana tsinhiro yakavimbika yomumagazini yacho inoratidza zano rokuchenjera rinowanika muBhaibheri uye govera kuzvinyoresa. Apo unoita shanyo yedzokerero, kurukura mifungo yapaMagwaro pamusoro pokurera vana inofukidzwa mubhuku raZivo, mapeji 145-8.

7 Mukusimbisa nyaya iri pamusoro pezvinetso zvomunzanga, ungagona kuti:

◼ “Vanhu vazhinji vanonzwa vachidzvinyirirwa nemhaka yenguva dzinodzvinyirira dzatiri kurarama madziri. Munofunga kuti Mwari aida kuti tirarame nenzira iyoyi here?” Nongedzera kunyaya inoratidza nzira yokugonana nayo nezvinetso zvanhasi kana kuti inopa zvikonzero zvokukarira nguva ichave ichisina funganyo uye govera kuzvinyoresa. Pashanyo yako inotevera, kurukura mufananidzo uye mashoko anotsanangura mufananidzo uri pamapeji 4-5 ebhuku raZivo, uye ipapo pinda zvakananga mufundo yeBhaibheri yapamusha.

8 Chinjika Kuna Saimba: Uchasangana navanhu vane fariro nemamiriro ezvinhu ekare akasiyana. Gadzirira sumo yakapfava yaunogona kugadziridza nokuda kwasaimba mumwe nomumwe. Iva akagadzirira kuchinja kwauchaita zvaunotaura kumurume, mukadzi, munhu akura, kana kuti pwere. Hapana mitemo isingachinjiki pamusoro pezvaunofanira kutaura. Shandisa chinhu chipi kana chipi chakakunakira uye wana migumisiro. Zvisinei, iva ane mbavarira, taura zvichibva pamwoyo, uye iva muteereri akanaka. Avo vaka“tarirwa upenyu husingaperi” vachanzwa uchokwadi hwako uye vachadavidza zvakanaka.—Mabasa 13:48.

9 Batsiranai: Kupfurikidza nokugoverana mifungo, tinodzidza nzira itsva dzokutaura. Kurovedza mharidzo dzedu pamwe chete kunotipa ruzivo rwokuzviwanira nechivimbo. (Zvir. 27:17) Kana ukadzokorora zvauchataura, uchanzwa wakasununguka zvikuru pasuo. Kunokosha kuti vabereki vave nenguva yokubetsera vana vavo kugadzirira, kuteerera sezvo vanorovedza mharidzo yavo, uye kupa zvikarakadzo zvevandudziko. Vatsva vanogona kubetserwa kupfurikidza nokushanda nevaparidzi vane ruzivo rwokuzviwanira zvikuru.

10 Kugadzirira mharidzo yako umene yamagazini hakufaniri kuva kwakaoma. Inongova bedzi nhau yokurangarira chimwe chinhu chakananga chokutaura uye ipapo kuchitaura nomutoo unofadza. Noushingi nokufanofunga, unogona kuumba mharidzo yakaisvonaka iyo ichava yedavidzo yakanaka.

11 Kugovera kuzvinyoresa ndiimwe yenzira huru dzatinoparadzira nadzo shoko roUmambo munyika yose. Kana uchigona kusvitsa Nharireyomurindi neMukai! mumaoko evanhu vepachokwadi, magazini anogona kuzvitaurira amene. Nguva dzose yeuka ukoshi hwawo uye nzira iyo shoko rawo rinogona kuponesa nayo upenyu. Urwu rudzi rwo‘kuita zvakanaka uye kugoverana zvinhu nevamwe’ ndirwo runofadza Jehovha zvikuru kwazvo.—VaH. 13:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe