Zuva raMwari Ramatsive
SEZVATAONA munyaya yapfuura, kune zvikonzero zvinoverengeka nei kwakaipa kuti titsvake matsive. Kwakaipa nemhaka yokuti pakupedzisira, hakupedzi chinhu chipi nechipi. Hakuna kururama nemhaka yokuti kunosimbisa ruvengo panzvimbo pokuvaka zvisungo zvinobatanidza zvoushamwari. Uye kwakaipa nemhaka yokuti kwakaipira munhu anochengeta mifungo yokutsiva.
Chikonzero chinokosha zvikurusa, zvisinei, nei matsive avanhu akaipa chinooneka mumashoko aMosesi kuna Israeri, anoti: “Jehovha Mwari wako ndiMwari ane ngoni.” (Dheuteronomio 4:31, NW) Sezvo Mwari ane ngoni, tinofanira kuva vane ngoni kufanana naye. Jesu akaudza vateveri vake, kuti: “Pfuurirai kuva vane ngoni, kungofanana naBaba venyu vane ngoni.”—Ruka 6:36, NW.
Kunyanguvezvo, Bhaibheri rinorondedzerawo Jehovha sa“Mwari mutsivi.” (Pisarema 94:1) Muporofita Isaya anotaura pamusoro pe“gore rengoni dzaJehovha” uyewo “zuva rokutsiva raMwari wedu.” (Isaya 61:2) Mwari anogona sei kuva ari zvose zviri zviviri ane ngoni naanotsiva? Uye kana tichifanira kutevedzera ngoni dzaMwari, neiko tingasamutevedzera mukuita matsive?
Kupindura mubvunzo wokutanga, Mwari ane ngoni nemhaka yokuti iye anoda rudzi rwomunhu, uye anokanganwira zvikuru sezvaanogona kwenguva refu seyaanogona kuti ape vanhu banza rokururamisa nzira dzavo. Vakawanda, kufanana nomuapostora Pauro, vakashandisa ngoni idzodzi. Asi Mwari anotsivawo—mupfungwa yokuita ruramisiro—nemhaka yokuti ngoni dzakadaro dzinogona kupfuurira kwenguva refu yakadaro bedzi. Apo vamwe vanenge varatidzira kuti havasati vachizochinja nzira dzavo, Mwari achaita rutongeso mukati merinodanwa kunzi zuva rake ramatsive.
Mumhinduro kumubvunzo wechipiri, aiwa, hatiruramiswi mukuva vanotsiva nemhaka yokuti Mwari anoita matsive. Jehovha akakwana mururamisiro. Vanhu havana. Mwari anoona mativi ose enhau uye nguva dzose anoita chisarudzo chakarurama. Hatigoni kuvimbwa kuti tiite zvimwe chetezvo. Ndicho chikonzero nei Pauro akapa zano, kuti: “Musatsiva vadikanwa, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: ‘Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira—ndizvo zvinoreva [Jehovha, NW].’” (VaRoma 12:19) Nokuda kwedu timene, tinofanira kusiira matsive mumaoko aJehovha.
Nei Pane Zuva Ramatsive?
Kunyanguvezvo, Bhaibheri munzvimbo dzakawanda rinobvuma dikanwo yokuzvidavirira kwavaiti vezvakaipa vasingapfidzi. Somuenzaniso, muapostora Pauro akadeya kutaura kuti Mwari, kupfurikidza naJesu, aizounza “matsive paavo vasingazivi Mwari naavo vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.” (2 VaTesaronika 1:8, NW) Tine zvikonzero zvakanaka zvokurangarira mashoko iwayo zvakakomba. Neiko?
Kutanga, nemhaka yokuti voruzhinji nhasi vanopfuurira mukuzvidza uchangamire hwoMusiki, vanomhura mitemo yake yakarurama. Kana vachitaura kuti vanodavira Mwari kana kuti kwete, mufambiro wavo unoratidza nenzira yakajeka kuti havasati vachinzwa vachizvidavirira pamberi paMwari. Mashoko owezvamapisarema anoshanda kuna vose vakadaro, anoti: “Wakaipa unozvidzireiko Mwari, achiti mumwoyo wake: ‘Haangabvunzi.’” (Pisarema 10:13) Zvirokwazvo, Jehovha haasati achizozvibvumira amene nokusingaperi kushorwa nomutoo iwoyu. Kunyange zvazvo iye ari Mwari worudo, iyewo ndiMwari weruramisiro. Achateerera kudanidzira kwaavo zvirokwazvo vanoitira hanya ruramisiro: “Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; regai kukanganwa varombo.”—Pisarema 10:12.
Kupfuurirazve, vanhu vanozvidza mutemo vari kuparadza pasi rimene ratinorarama pariri. Vanosvibisa mhepo, nyika, uye mvura; vanozadza pasi nokusaruramisira noutsinye. Uye vanounganidza zvombo zvakakwana zvamakemikoro, zvenyukireya, uye zvimwe zvinouraya kuti vatyisidzire kupukunyuka kworudzi rwomunhu. Kupindira kwoumwari kuri madikanwa kuti kuvimbise nguva yemberi yakachengeteka nokuda kworudzi rwomunhu runoteerera. (Zvakazarurwa 11:18) Kupindira ikoku ndiko uko Isaya akanongedzera kwakuri sezuva ramatsive.
Zuva raMwari Ramatsive Richapedzei?
Mukuwirirana neVine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words, muMagwaro echiGiriki, shoko nokuda kwamatsive, apo rinoshandiswa pamusoro paMwari, chaizvoizvo rinoreva “‘icho chinobva mururamisiro,’ kwete, kazhinji kazhinji namatsive avanhu, anobva mupfungwa yokukuvadza kana kuti kubvawo hawo mukunzwa kwokutsamwa.” Nokudaro, matsive aMwari pavavengi vake haisati ichizova nguva yokudeuka kweropa kusingadzorwi, kufanana noutsinye hwomunhu oga. “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo, asi kuchengeta vanhu vasina kururama nokuda kwezuva rorutongeso kuti vaparadzwe,” Bhaibheri rinotiudza kudaro.—2 Petro 2:9, NW.
Vabatiri vaMwari vanotarira mberi kuzuva raMwari ramatsive senguva apo mufambiro wakarurama ucharevererwa uye vakarurama vanonunurwa mudzvinyiriro yowakaipa. Ikoku hakusati kuchireva kuti vakaipa kana kuti vanotsiva. “Unofara pamusoro penjodzi yavamwe, haangakoni kurohwa,” Bhaibheri rinonyevera kudaro. (Zvirevo 17:5) Mukupesana, vanosakurira ngoni netsitsi, vachisiira zvisarudzo zvipi nezvipi pamusoro pamatsive kuna Mwari.
Chokwadi, hakusi nyore kuti vanhu vakatsamwa vaite nenzira iyoyi. Asi kunobvira, uye vazhinji vakaita saizvozvo. Somuenzaniso, Pedro aiva nohuduku husingafadzi uye aiwanzorohwa nomukoma wake. Naizvozvo akakura ane masimba masimba, ari muchinetso nguva dzose namapurisa uye achiva asina tsitsi kumudzimai wake navana nemhaka yokutsamwa kwaainzwa kumukoma wake. Pakupedzisira, iye akateerera mumwe weZvapupu zvaJehovha uye gare gare akatanga kufunda Bhaibheri. “Nebetsero yaJehovha,” iye anorondedzera kudaro, “ndakachinja, uye zvino, panzvimbo pokurwisa vanhu, ndinovabetsera somukuru wechiKristu.” Nebetsero yeBhaibheri nomudzimu mutsvene, vamwe vasingaverengeki vakachinja nenzira yakafanana kubva mukuva vanovenga kana kuti vanotsiva kukuratidza rudo neshiviriro kuna vamwe.
Chii Chauchaita?
Kurangarira kuuya kwezuva raMwari ramatsive kuchatibetsera kushandisa shiviriro yaJehovha. Asi banza rokuita saizvozvo harisati riri risina kuganhurirwa. Nokukurumidza zuva iroro richasvika. Muapostora Petro akaratidza chikonzero nei risati ratosvika, achiti: [“Jehovha, NW] haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi ane mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.”—2 Petro 3:9.
Ndokwokukurumidzira, ipapoka, kugadzirira zvino nokuda kwezuva raMwari rokuzvidavirira kupfurikidza nokufunda Magwaro nokushandisa zano rawo. Ikoku kuchatibetsera kutevera mashoko owezvamapisarema, anoti: “Rega kutsamwa, urashe hasha; usava neshungu, zvinongotadzisa munhu. Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.”—Pisarema 37:8, 9.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Pashure pezuva raMwari ramatsive, ‘avo vanovimba naJehovha vachava varidzi vapasi’